Chapter 28 NARRATING Rudo akaona kunge bro John vari kumunonokera akabva atomufonera "Bro John hameno kuti tichaita sei nekuti munhu uyu ndaedza kumuswededza pandiri abva atondisiya kutaura kudai ndiri ndega" Rudo akadaro "Usatya iwe hapana chinhu chicharema, yes zvichati remei asi iwe ita nzira yekumuisira drug mujuice" John akadaro "Sei nekuti munhu uyu auya neyake juice?" "Chandinoziva ndechekuti haanga rambe juice inobva kushamwari yake" "Bro John be serious ndinobudikira chete nejuice isina kuvharwa ndichimupa?" "Ndiani ati inenge yakavhurwa handiti inenge iri cain yakavharwa, am sure haamboshori chinhu" bro John akadaro achiseka "Wooow uchazviita sei zvose izvozvo?" Rudo akabvunza achishamisika "Money talks upfuure nekuno uchiitora then mangwana panguva dzebreak ndiri kumutora. Uuye haanga mbofungiri chinhu kumba kwavo ndichasvikako kana ndamutora ndinzwe kuti vari kuita sei" "Yaaah that's a good plan iyi yawava kutaura" Rudo akadaro achinyemwerera achidzokera muclass sezvo yaiva yarira "Ooooh chommie I'm sorry kana ndataura zvausingafariri mangwana ndichakutengera juice for lunch" Rudo akadaro achinyemwerera "Ooooh there is no need but thanks" Munashe akadaro Zvichakadaro Tinashe akapinda vachibva kubreak sezvo vachidzidza muclass imwe chete Tinashe akabva aenda kwavari "Munashe ndiyo shamwari yako iyi?" Tinashe akabvunza akatarisa Munashe "Tinashe please" Munashe akadaro "Kana ndiri shamwari yake iwe unopinda papi?" Rudo akabvunza "Ndinopinda she is my twin sister ndanzwa kuti wanga uchimumwisa doro iko handisi kukunzwisisa wamujaira sei Munashe nekuti hausati watombova nemasvondo matatu uri pachikoro haumuzivi kuti anobva kupi, iwe unobva kwaani uye wapinda sei pachikoro gore riri pakati?" Tinashe akabvunza achimutarisa kumeso "Bro money talks vabereki vangu imbinga" Rudo akadaro "Kuti vabereki vako imbinga handinei nazvo iwe pindura mubvunzo unobva kwaani?" Tinashe akabvunza "Handina nguva yekupindurana newe ini. Munashe siyana neni wanzwa" Rudo akadaro achinogara kune rimwe desk "Tinashe chiiko newe?" Munashe akabvunza "Iwe ndiudze kuti Rudo wako anobva kwaani anogara kupi?" Tinashe akabvunza Munashe akabva atarisa pasi nekuti naiyewo aiva asingazive kwaanobva "Nxaaa handiti unoona nemunhu wako uyu siyana naye iwe Munashe" Tinashe akadaro achinogara pasi LULUE Nigel aiva abuda nemota yake achinotarisa kumba kwavo Lulue aiva asara naMhukahuru "Unoziva Lulue ndokumbira utaure nemukomana uyu umuudze kuti ngaaite shuwa kuti ari kuroora mwana wevanhu nekuti anomuda akangoroora mwana wevanhu nekuti ane pamuviri zvichazomunetsa kumberi" Mhukahuru vakadaro "Ooooh Mwari wangu inga ati anomuda wani Mhukahuru" Lulue akadaro "Oooh okay zviri right kana achimuda, ko iye ave kunogara kuJapan haachadzoki here?" Mhukahuru vakabvunza "Ummmm Mhukahuru uri kungozvinetsa naNigel munhu mukuru uyu" Lulue akadaro achisimuka achinotora black yake kufridge "Asi unofanirwa kumuudza kuti atange atarisa kuti musikana uyu haana zvikwereti here mushure mekuti achate naye" Mhukahuru vakadaro vachitevera Lulue "Eeeh Mhukahuru kubva waita kunge muswe wangu kudaro chiiko, ko ini ndati handiuyi kusitting room here?" Lulue akabvunza achivhura fridge "Zvinhu zvandiri kutaura zvakakosha Lulue ungazvitora hako sekuti ndiri kutamba?" Mhukahuru vakadaro vachitevera Lulue achidzokera kusitting room "Haayi Mhukahuru please ndokumbira kumwa doro rangu in peace undisiye nezvaNigel uyu anopengeswa nerudo. Achapedzisira achiti ndine godo eeh handimudi muroora" Lulue akadaro achiseka "In peace Lulue not in peace's" Mhukahuru vakadaro Zvichakadaro doctor wecounselling vakabva vagogodza Lulue akanovhura "Haa doctor small ndanga ndisingazivi kuti uri kuuya nhasi" Lulue akadaro "Ndanga ndiri around saka ndangoti rega ndidarike ndichikumhorosa" doctor akadaro achiseka Achipinda vachimhirosana naMhukahuru "Rega ndikuvigire zvekutonhodza huro" Lulue akadaro achinouya neblack "Yaaah ngatiuhurove zvedu" doctor akadaro achiseka Mhukahuru vakavhura maziso "Yaaah sezvo wadarika pano I think ndine basa for the iwe. Murume uyu anenge anoda kuva nemunhu waanofanirwa kutaura naye abise zvose zviri mumoyo make nezvinhu zvaakasangana nazvo kujeri" Lulue akadaro "Haaa Lulue handiti tataura nezvazvo here" Mhukahuru vakadaro vachiseka "Ooooh ndivo baba Mhukahuru ava ko havachataure nei kuti you're such a good looking charmer" doctor akadaro achinyemwerera "Akadaro ari single dear" Lulue akadaro achisekerera "Shuwa here" doctor akadaro achiseka "Aaah ndiripo wani ipapo, unoona Lulue anonyepa handisi single ini ndiri kudanana naye" Mhukahuru vakadaro "Already" Lulue akadaro "Hanzii mukadzi wangu siyana nekunditengesa" Mhukahuru akadaro achikwira masteps Lulue nadoctor vakasara vachiseka. Lulue akazoudza doctor kuti Mhukahuru vanonyepa "Ayyy apa basa ndinenge ndicharibata nemaoko maviri yooooh this guy is hot" doctor akadaro "Newewo unenge uri single ndiri kukuona" Lulue akadaro achiseka "Eyy rega ndiende ini tichange tichifonerana Mhukahuru ndichatanga kutaura naye pasvondo rinouya now ndiri busy" doctor akadaro achibuda achienda MUNASHE Munashe mangwana kuchikoro nguva yebreak yakachaya akabuda Rudo aiva asina kuuya kuchikoro. Zvichakadaro foni yaMunashe yakarira aiva Rudo "Ko chommie nei usina kuuya kuchikoro?" Munashe akabvunza "Huya ndiri pano panze mumota yepink" Rudo akadaro "Hee chommie uri kufamba nani ndiri kuiona mota iyi?" Munashe akabvunza achienda kwaiva nemota yaRudo "Ndiri kufamba ndega mota ndeyangu" Rudo akadaro achiseka achikata foni Munashe akaenda achinovhura door remota achipinda mukati achiyemura runako rwemota "Hmmmm Chommie une mota yakanaka kudaro?" Munashe akabvunza "Yes chommie ngatimbofamba famba ka" Rudo akadaro "Woow ndinotodawo kubuda chommie hande. Unoziva I'm sorry nezvinhu zvaitwa naTinashe nezuro anga asingafanirwi kutaura newe nenzira iya apa nhasi hauna kuuya kuchikoro nekuda kwake" Munashe akadaro "Shoo mukoma wako anondivenga shem ndinototya chero kusangana naye but anyway haisi mhosva yako" Rudo akadaro "Thanks chommie" Munashe akadaro "I can say ini ndini ndinofanirwa kukumbira ruregerero ndanga ndichiti ndichakutengera juice" Rudo akadaro "Yes ko hauna kutenga?" Munashe akabvunza "Ndadarika ndichiitenga pashop iyi tora neniwo rega ndimwe yangu" Rudo akadaro achivhura yake achiimwa Munashe naiyewo akavhura yake achiimwa sezvo kwaipisa naiyovo yaitonhora zvakanaka Vakamwa juice yavo vachifamba vachienda kwaizivikanwa naRudo chete "Yoooh Chommie hona nguva dzaenda manje break yapera ndave kufanirwa kudzokera kumashure" "Aaah uchiri kuda kudzokera muclass saka mota yangu inokubhowa kaa" "Nxaaa hande kwacho chero ndisingazivi kuti tiri kuenda kupi handicha dzokeri kuchikoro pandinobuda pano ndichabva ndatoenda kumba. Asi Tinashe ndinoziva achandireverera kuti ndanga ndisiko kuchikoro" Zvichakadaro foni yake yakarira aiva Tinashe "Yoooh munhu haataurwe" Munashe akadaro achiisa foni pasilent "Eeh Chommie ndokumbira undiendese kumba handisi kunzwa mushe manje ndiri kunzwa sekunge ndine dzungu" Munashe akadaro achizvibata musoro Rudo haana kumupindura akamutarisa achinyemwerera achimhanyisa mota achitora foni yake achiisa munzeve "Rudo please ndokumbira usamhanyisa mota handisi kunzwa mushe" Munashe akadaro achitaurira pasi Rudo haana kumuteerera akamhanyisa mota zvichakadaro foni yaMunashe yakadonhera pasi pechituru. Rudo akabva afonera bro John "Hello bro John kurumidza mhani ndiri munzira ndiri kuuya naye munhu uyu" Rudo akadaro "Ndazviziva kuti iwe haungatadze chinhu ndasvika kare" bro John vakadaro "Wuuuu nhasi ndorara ndiri rich" Rudo akadaro achikata foni "Rudo chiiko?" Munashe akabvunza achitaurira pasi "Unoiziva here human trafficking chommie?" Rudo akabvunza achiseka "Ehe ndi-no-i-zi-zi.......... Munashe haana kuzopedza kutaura akabva anyarara kuti zii "Wapinda manje muhuman trafficking wapinda mukati wakawana nzvimbo" Rudo akadaro achiseka apo Munashe aiva atokotsira kare Rudo akafamba kusvika anosvika kuna bro John zveshuwa Munashe akabuditswa mumota achipinzwa mumota yabroJohn Rudo achibva adzokera kumashure sezvo aiva atobhadharwa MHUKAHURU HOUSEHOLD Foni yaLulue yakarira "Boy uchiri muclass nazvino?" Lulue akabvunza "Mhamha ndiri panze ndakumbira, Munashe haamo muclass aenda pabreak nazvino haasati adzoka vana vamuona ati apinda mumota yepink asi yanga yakavharwa vatadza kuona driver wacho" Tinashe akadaro "Haamo muclass? Number plate vaiona here, shamwari yake iripo here?" Lulue akabvunza achitora makey emota achidhonza Mhukahuru nerwoko achibuda mumba "Ndinongomuziva ndichimuona chete ndiRudo tinodzidza naye muclass nhasi haana kuuya kuchikoro" "Dammit!! ndiri kuuya ko manje" Lulue akadaro achikata foni "Ko chii chiri kuitika kubva wango ndibudisa mumba ndisina kupfeka neshangu?" Mhukahuru vakabvunza "Munashe hanzi atorwa nemota yepink haako kuchikoro" Lulue akadaro achimutsa mota vachienda kuchikoro Vakasvika kuchikoro vakamutsvaga nzvimbo yose asi aiva asipo vakaedza kubvunza vana vechikoro kuti vanzwisise asi hapana aivaudza zvinhu zvainzwisisika. Vakazobvunza kumba kwaRudo vamwe vana vakavaraira vakabva vatoenda ikoko vakasvika pagedhi vachiridza huta sezvo gedhi racho raivhurwa neremote vakavavhurira vachibva vapinda vakawana mai nababa vepamusha ipapo varipo vakamhorosana vakabvunzana hupenyu "Tarasikirwa nemwana wedu inova shamwari yepamusha pano anonzi Rudo" Mhukahuru vakadaro "Aaah ndinotanga kuzvinzwa izvi kuti Rudo anga ane shamwari iye anga achigara ari ega pamusha pano hatisati tambomuona nemunhu. Beside that Rudo haapo" mai vacho vakadaro "Saka zvinoreva kuti pavari vakadhakwa vose eish vana ava ndichavaura ini nhasi" Lulue akadaro "No no no handifungi kuti ndizvo izvozvo. Rudo amuka makuseni achitora mbatya dzake dzose akaoneka kuti ave kunogara kune imwe nzvimbo pano haachadi" mai vacho vakadaro "Haaa achienda kupi imi vabereki vake mamurega achienda kunogara kwamusingazivi" Lulue akadaro achisimuka achivatarisa "Aewa sisi rudo anga ari mushandi pamusha pano isu hatina kupihwa mwana" baba vacho vakadaro "Haaa anga ari mushandi anobva kupi?" Lulue akabvunza achimbeya imba yose aionekwa kuti aiva ane stress manje "Hatisi shuwa kuti anobva kupi asi patakambo mubvunza aiti anobva kwaMutare" mai vacho vakadaro "Ummm pakaipa okay, ndokumbira kubvunza kuti anga ane mota here chero ari mudiki handifunge kuti anga nemota kungobvunza hangu nekuti hanzi mwana wedu atorwa nemota zvino tanga tichifungira kuti iye angava nezvishoma zvaanoziva. Zvino munhu mumwe chete waanga enda naye shamwari yake" Mhukahuru vakadaro "Eeh nesuwo takashamisika mota aiva anayo mwana uya ine ruvara rwepink iyo yakanaka zvayo" baba vacho vakadaro "Damm!! zvinoreva kuti ndiye amutora akaitora kupi mari yekutanga mota inodhura kudaro. Hamuna number plate yake here?" Lulue akabvunza "Shuu number plate yacho hatiizivi asi aimboibisa oidzorera hameno kuti chii chaiitika" mai vacho vakadaro "Oooh Munashe uri kupiko" Tinashe akadaro misodzi yatojenga kumeso "Munashe ? yaaah ndamunza makuseni achitaura pafoni achiti kana ndava kumuunza Munashe ndinoda kukuwana wakandimirira handidi kukumirira kwenguva yakareba" baba vacho vakadaro "Haa?" mai vacho vakabvunza vachishamisika "I person trafficking" Lulue akadaro "Ooooh mwana wangu" Lulue akadaro achibuda achichema Mhukahuru vachitevera kumashure "Iwe sekuona kwako ingava human trafficking zveshuwa here?" Mhukahuru vakabvunza vachipinda mumota vaiva vasisazive kuti vatangire papi kumutsavaga "Asi zveshuwa tichatangira papi kana zvinhu zvadai?" Lulue akabvunza "Ini ndinoti ngatifonerei mapurisa pamwe vachatibatsira" Tinashe akadaro "Nxaaa avo vachatiudza kuti 24hours unovaziva tadii kuenda kwaMutare kwacho kwaanonzi anogara" Lulue akadaro "Haayi Lulue ko kana munhu wacho akanyepa ndiani anoziva" Mhukahuru vakadaro vachitarisa Lulue "Handiti Nigel anoshanda nezve kutracker here tadii kudzokera kumba tanzwa kuti haakwanise kutracker foni yaMunashe" Mhukahuru vakadaro Vakazobvumirana izvozvo vachibva vaenda kwaMhukahuru. Vakaburuka mumota vachimhanya Lulue aiita zvekudaidzira "Nigel!! Nigel!! mwanangu" "Chii mhamha kubva mafemuruka kudaro?" Nigel akabvunza "Munashe atorwa neshamwari yake zvino shamwari yacho haizivikanwi kuti iri kupi chero kwaanga achigara tamushaya zvino kwaanobva chaiko chaiko hatikuzivi zvino tiri kufungira kuti iperson traffick saka ndokumbira uti uti--- eyi taura mhani Mhukahuru kunonzi kuita sei" Lulue akadaro achinotora black label mufridge "Ndokumbira uzame kutracker foni yaMunashe nekuti iwe unozviziva zvinhu izvi" Mhukahuru vakadaro "Shuuu number yake iri kupi ngaiuye" Nigel akadaro achienda muroom make achiuya nelaptop achiivhura nekukurumidza Vakamuudza number yaMunashe achibva aitarisa "Dammit!! its moving kutaura kudai iri kuti vakutosvika ku airport yeku Bulawayo" Nigel akadaro "Haaaa zvinhu zvatichaita sei zvinhu izvi nekuti manje nguva dzaenda kaa" Lulue akadaro "Ngatimhanyirei kumapurisa Lulue kuti ivo vakwanise kutaura nevanhu vekuairport" Mhukahuru vakadaro vachisimuka Lulue akatevera kumashure akabata six pack yeblack label. Lulue paakangopinda mumota Mhukahuru vakamutsa mota vachiimhanyisa munzira mota yaita kubhururuka chaiko pavakasvika kupolice station mota payakamira vakamhanya vachinopinda mukati "Izvo hazvipinde muno" Mupurisa akadaro achitendeka doro raLulue "Saka wabvunzwa nani? ndauya kuzotsvaga iwe here? siyana neni mhani zibenzi remunhu" Lulue akadaro achimhanya achipinda mukati "Ndokumbira kureporta nyaya yehuman traffick please please urgent" Mhukahuru vakadaro achiswedera padesk vachidarika vanhu vaiva muline "Eeeh mukoma vanhu vese vamuri kuona vauya kuzomhan'ara uye zviri urgent ndokumbira unobata line sevamwe vanhu" Mupurisa akadaro "Inzwa iwe kushata kunge chibereko chezizi usada kuti jairira isu fonera vanhu vekuairport uvaudze kuti ngavabate munhu anofamba nemota ye pink ye ferrari nekuti pane vanhu vaita zvemaperson trafficking" Lulue akadaro achiswedera padesk "Uri special nei iwe nekuti waka........... Mupurisa haana kuzopedza kutaura "Handina kukubvunza zvinhu zvakawanda saka newewo usandibvunza zvinhu zvisina basa apa ndiri kukuudza handikunyengereri fona apa hausi kushandisa foni yekumba kwenyu ka" Lulue akadaro atopfumba chibhakera "Number dzacho dzinoti kudii?" Lulue akabvunza achitora foni yepolice Mupurisa akanyarara haana kupindura vamwe vashandi vaiva vangomira vatarisana nemupurisa uyu "Iwe handina nguva yekutamba ini" Lulue akadaro achirova desk nechibhakera Mupurisa akavhunduka "011--" "Nxaaa tsek mhani unovhaira nei ukaramba uchidai ndichakupa chibhakera chimwe ini. Chirega Ndakufonera shamwari yangu takuita basa renyu mazipenzi e vanhu. Imwi vanhu munoshota shamhu nekusurirwa chete ndakumutsvaga ndega ndikamuwana handidi noise uye ndichauya pa station kuzokuchekai mazibhora amakarembedza mu trouser" Lulue akadaro achifonera shamwari yake inogara pedo neku airport yaakambosungwa nayo "Lulue Lulue handichakuzivi" "Danki Mwari wangu kurumidza shaa unditarisire mota yepink iri kufamba nemusikana mudiki undibatire vanhu ivavo uite shuwa kuti havana kwavanoenda. Zita remusikana wacho anonzi Rudo. Mhanya ku airport now" Lulue akadaro "Shooo shooo usatya nekuti ndiko kwatiri kuenda manje" musikana uya akadaro achibuda achienda kuairport Paakasvika kuairport akaiona mota yaaiva audzwa naLulue mukati maiva musina munhu mota yaiva iri yega. Lulue apedza kutaura pafoni akatora doro raaimwa achiridududzira mumusoro memupurisa vachibvq vanopinda mumota voenda ku bulawayo Zvichakadaro foni ya Lulue yakarira yaiva Shamwari yake "Lydia unomuwana here?" "Shaar mota ndaiwana asi hamuna munhu apa handizivi kuti ndomuwana sei nekuti handina pic yake" "Idai so chomie money talk ndouya ndichikupa pinda mukati uvape mari vadanidzire kuti mota ye ferrari haisi panzvimbo yayo muridzi wemota ngaaise mota panzvimbo iri right nesuwo tosvika manje" Lulue akadaro. Lydia akabvuma vachibva vaonekana. Munashe Munashe akapepuka ari mu container akavhunduka zvakanyanya misodzi ichiyerera paakaona kuti shamwari yake yamutengesa. Iye angomwa juice asingazivi kuti ine zvayaiswa mukati akaedza ku screamer achida rubatsiro asi hapana akamunzwa end of chapter