Chapter 12 Lulue "Nxaaaa haaa ibvapo apo ndochidii chimbudzi chako ini ndanga ndichibisa number yangu kuti usave ne number yangu "Lulue akadaro achinyebera kuseka achipa Shorai phone yake Shorai akatora phone yake achidzokera kumashure Lulue akavhura phone yake achitarisa video "what? Mhukahuru aka-- "Lulue akadaro misodzi yave kuyerera Yes aifungira kuti Mhukahuru ndiye akaita izvi asi aiva asiri sure nazvo akabva avhomora pfuti muchiuno cha Bongani achinanga straight kwavaiveri hama dza Shorai dzaifara kuti mwana wavo ari kuchata ne murume ane Mari "Ini ne murume wangu tafara nekuuya kwenyu kuzopemberera nesu pa muchato wedu" Mhukahuru na Shorai havana kuzopedza kutaura Lulue akapinda ari mhepo achibudikira neku kitchen "Muchato weropa!!"Lulue akabvunza kumeso asingajairiki achitendeka Mhukahuru ne pfuti "Lulue ndinokumbira undipe pfuti iyoyo uchandidzingisa basa"Bongani akadaro achiswedera pana Lulue "Mira mhani iwe Bongani!!! ndati mira Bongani!! Mhukahuru makamuviga kupi Nomsa?"Lulue akadaro misodzi ichiyerera "Nda.....nda.....nda "Mhukahuru vaive vave kukakama misodzi yakatanga kuyerera Shorai aive ave kubvunda misodzi yake yaivewo yave kuerera nekuti aiona kuti nhasi chero zvikadii anosungwa chete uye mberi kwevabereki vake "Hazvichatauriki okay it's fine ndichaita kuti utaure ini "Lulue akadaro achidhonza trigger achipfura Mhukahuru papfudzi "ndichakubvunza kekupedzisira ndati muviri wa Nomsa urikupi?"Lulue akadaro misodzi ichiyerera Mai Tee vaive vangovhura maziso MAI TOM Gara zviya Lulue wacho ndingamuuraya sei pasina anga fungira kuti zvakaitwa neni nekuti mwana uyu anodherera zvakanyanya aitaura neni kunge ndiri shamwari yake anofanirwa kuzvifira. Yes Lulue anofanirwa kufa mai Tom vaizvibvunza mubvunzo uyu "aaaaa or rega ndidai so ndingamutangira papi yoo ndingafa" "Ndakamuona mwana uya mumaziso zuva riya kuti haaa uyu ane dzungu ibhinya chairo "mai Tom vaitaura nechemumoyo "yaaaa ndaiwana plan ndichamubikira ma scones ndimuendesere ndichiita sendinoda kuita shamwari yake yaaa ipapo iam sure kuti hapana zvaanga fungira"mai Tom vakadaro "Yaaaa ndamuwana ndofanirwa kuisa maviri angu ndiataridze ku side kwangu kuitira kuti ndigoadya mberi kwake asafungira chinhu" mai Tom vakadaro vachibuda vachinokwereta mari ye lawyer pamuvakidzani wavo LOYD Loyd aiva kumapurisa aenda kunotaura nezvenyaya yake ye rape "Ndauya kuzovhura case ndarepewa "Loyd akadaro achipisa tsitsi "Eeeeeee guys huyai munzwe"umwe mupurisa akadaro achipera nekuseka achidana mamwe mapurisa "Taurazve mpfana wati kudii"mupurisa akabvunza achiseka Loyd akataura nyaya yake vakamusekazve haana kuzogara akabva atobuda misodzi ichingoyerera "Haaaa mpfana uyu anopenga uyu zvinhu zvinonaka kudai angati arepwa "umwe mupurisa akadaro vachiseka AMANDA Amanda aiva akagara muroom make achiverenga ma book ndiwo waiva wava mugariro wake aiva asingachakwanisi kubuda achinotamba ne vamwe vana kana kuri kuchikoro akaguma musi waakarepwa na Tony..... Luyani iye anogara achimuyambira kuti asambogara hake audza munhu nezvakaitika paari Zvichakadaro Amanda akanzwa Luyani achitaura mu sitting room akanzwa Paine izwi rechirume raimupindura akanyahwaira achinodongorera ne pa door "Ko mama vakandirasirei kuita sevakafa ivo vari vapenyu" Amanda aitaura nechemumoyo make misodzi ichiyerera "Ndinoziva zvawakaita kuna Amanda iwe Tony ndiko saka ndakudana"Luyani akadaro Tony akavhura maziso achivhunduka "Unofanirwa kunditsvakira $300 kuitira kuti nyaya iyi ive yedu tiri vatatu pasaita anoiziva "Luyani akadaro nekuti aiva ane chikwereti che $100 "Luya shuwa here okay usandisungisa ndichaibatanidza mari iyoyo ndichawedzera imwe $100 ndinokumbira usaudza hako chero munhu" Tony akadaro achinyengerera "Iti shuwa iwe uchaisa imwe 100 pamusoro"Luya akadaro achinyemwerera "Ndinokuvimbisa zvinhu zvawandiitira zvihombe"Tony akadaro "That's good as long uchizochengetedza chibvumirano chedu ndinokubvumira kuti uuye uchizorara naye uchindipa $50 kana une vamwe vakomana vaunovimba uvaudze vauye ne mari" Luyani akadaro achizevezera "Sununguka iwe zvinhu zvose zvavabho" "Ndinotenda zvakanyanya" Tony akadaro achinyemwerera achibuda Luya akasara achinyemwerera "business rangu richakura ka iri ndichakwanisa kuchengetedza vana vangu nekubhadhara zvese zvikwereti zvangu" zvose izvi zvaiitika Amanda akatarisa achinzwa zvose misodzi yakayerera achizvibvunza mibvunzo yakawanda nekuenda Kwa Mai vake "Saka inini rudo rwa mai vangu haruna here kundifita vakaenda ku Harare vakandisiya na mainini vangu wavo manje anondishungurudza vanonditengesa kuvarume"Amanda aitaura achifunga zano raangaita kuti atize asi paive pasingabudike nekuti aiva akavharirwa BABA VA BRIGHT Baba Bright vaiva vakagara ne mukadzi wavo vakamirira kuti mwana wavo avigwe "Baba tinofanirwa kupa pressure mapurisa kuti munhu akaita izvi awanikwe "mai va Bright vakadaro "Izvi zve mapurisa handina baba nazvo munhu aita izvi harina kumufita ndinoda kumuratidza hapwa dze nyoka ndichamuendera Kwa ndumba ndipo paachawana mubairo wake "baba Bright vakadaro "Yaaaa ndinoshuvira kuti dai tamuwana munhu wacho ndingamupisa ne mafuta ndigomudira acid"mai Bright vakadaro "Ndinoziva kuti ndanga ndisingafariri hupenyu hwairaramiwa na Bright asi handina kumbomushuvira kuti afe ne nzira yakadai hapana munhu achauraya mwana wangu nyaya yacho yongopera yakadaro ndinopika na mai vangu vakarara pachuru"baba Bright vakadaro Kwa Mhukahuru "Chirikupi chitunha cha Nomsa Mhukahuru "Lulue akabvunza misodzi ichiyerera "Chiri ku garden Lulue ndiregerere" Mhukahuru vakadaro vachichema "Putsek mhani hande unomuvhukunura" Lulue akadaro "Lulue ini handizivi chinhu"Shorai akadaro avekuda kuramba "Hey,,,,,hey usandipengera ini ndinokuuraya manje"Lulue akadaro ne hasha "Ndati out"Lulue akadaro Mhukahuru na Shorai vakaenda ku garden vachiteverwa ne vamwe vanhu vaida kuona kuti chii chirikuitika Pavakasvika ku garden Mhukahuru vaida kuenda ku garage " "rikuenda kupi iwe Albert "?Lulue akabvunza ne hasha misodzi ichingoyerera "Ndiri kunotora foshoro " "Wakadhakwa iwe foshoro yekudii muchamufukunura ne maoko pfugamai pasi"Lulue akadaro achitendeka Mhukahuru nepfuti Zveshuwa vakatanga kufukunura ne maoko sekutaura kwa Lulue chero pavaiva vave kuchema nekuneta Lulue haana kumbovapa mukana wekuzorora Zvichakadaro mapurisa akabudikira ne mota ye chitunha vakawana muviri wa Nomsa wave pachena sezvo vaiva vasina kuchera gomba rakadzika Bongani akavamisa Lulue haana kuvaitisa nharo ; "Zveshuwa Nomsa akaenda asi Albert konei une hutsinye hwakadai" akadaro achiona muviri wa Nomsa misodzi ichitanga kuyerera "Mutorei mumuise sekumuisa kwamakaita Lulue akadaro Zveshuwa Mhukahuru na Shorai vakamutora Mhukahuru vakatanga kuchema Lulue ,,,,Nomsa ndiregerere Iwe mai Tee Wakandirwadzisa zveshuwa " mai Tee vakanga vongobwaira bwaira vasingazivi kuti vati kudii "Ini ndinoona sekuti zvirinani mutevere Nomsa "Lulue akadaro achiswedera pavari ne pfuti vanhu vachitanga kuridza mhere Bongani akaedza kumunyengerera asi Lulue haana kumbomuteerera "Makamuviga se mbwa imwi jere aringakupii punishment yandinoda akakutadzirei Nomsa nekuti aiva munhu Ari right "Lulue akadaro achichema "Lulue "Bongani akadaro achidanidzira nekuti aimuona ave kudhonza trigger zvichakadaro Molly akabudikira mberi kwavo achimhanya akasvika achimira mberi kwana Mhukahuru "Usavauraya vana vachatariswa nani kana iwe wave kujeri Lulue usavauraya vana ava vakatarisira kwauri. Lulue tarisa vana vangu ndiwe watova Mai vavo "Molly akadaro achiswedera paari achibata Lulue achitora pfuti "Ndizvo zvataurwa na Nomsa Lulue ini angu mashoko anoti tichasangana zve kudenga" Molly akadaro achidonhera pasi achibva ndiye zii. Vavakadzina vakamutora vachimupinza mune imwe mota vachimuendesa kuchipatara. Mhukahuru na Shorai dzakavachemera masikati machena. Mai Tee pavaichema Lulue akavarova musoro "Uri kuchemei iwe kushata kunge dhongi riri kutemwa nemusoro zvose izvi zviri kuitika pano mabasa ako nxaa maziziso kunge mabhora e slug" Lulue akadaro achitsika Mai Tee gumbo achivarova nemambama mberi kwe mapurisa "Dai zvaibvira dai naivowo Mai Tee vachifa" Mhukahuru vakadaro vachidhonzewa nemapurisa ne trouser vachipinzwa mumota. Vakabva vadongorera vachidana Lulue "Pin yema card iri pachi safer Lulue ndakunyorera zvose zvauchada uye pane tsamba yandakunyorera ndokumbira kuti uiverenge" Mhukahuru vakadaro vachidanidzira. "Albert ndokuvenga!!" Lulue akadaro achichema Narrated Vana Mhukahuru vakatorwa vakaendwa navo kumashure kwaiva nemupurisa umwe chete. Shorai akatarisa Mhukahuru akasunga chiso "Wanga uchimupirei Lulue ma pin. Ko kana tabuda kujeri tikawana apedza Mari yedu yose tichaita sei?" Shorai akabvunza. "Iwe one eye nyarara chipfuva chakakura kunge gaba rekuisira ishwa better Mari yangu idyiwe na Lulue pane kuti idyiwe neumwe munhu akafanana newe " Mhukahuru vakadaro vachiridza tsamwa. Shorai akabva atonyarara kunge asipo Lulue nehama dza Shorai vakasara vapererwa vose. Lulue akapinda mumba akagumbatira vana achitanga kuchema. Zvichakadaro vana Mai Tee vakapinda mumba vachiteverana "Muri kudei pano?" Lulue akabvunza "Lulue tose tikurwadziwa nezvaitika . Ndanga ndisingazivi ini kuti Aribheti angaita zvinhu zvakadaro" Mai Tee vakadaro "Shut up Dorothy!!! tora mufudze wese uyu wekwana Matsito mubude mumba muno" Lulue akadaro "Tichaenda kupi nguva dzino nekuti mabhazi ekumusha anosimuka makuseni" sisi VA shorai vakadaro "Unoda ndikuudze kwekuenda? Unondimamira iwe. Munhu wamanga mavinga pano haasisipo asungwa Saka onai kuti muchaita sei munomutevera here or munoita sei. Ini nemwi hatizivani uye handitombodi kukuzivai" Lulue akadaro "Musha we mwana wangu uyu Lulue haungandiudziri zvekuita ticharara pano tomuka tichienda mangwana ndapedza" Mai Tee vakadaro "Dorothy usada kundinzwa wanzwa. Chirega ndikunyeurire nhasi uchanorara kuguva raiva rakaiswa Nomsa wawakaurayisa " Lulue akadaro achikwira upstairs achidzoka ne bag ra Mai Tee rembatya achibuda naro achirikandira panze "Une problem here Dorothy? Ndiudze kana unayo ndikwanise kui solver imwi tsek budai muno chekutanga makashata kunge zizi rine bp" Lulue akadaro achivasundira panze vose achivhara door. Vana vaitamba zvavo vasingatombozivi kuti kunze kunei. Lulue akatora black yake achigara pasi achitanga kumwa uku misodzi ichingoyerera Hospital Mota yaiva na Molly yakasvika kuchipatara na nurse akamhanya mhanya achitora Molly achimupinza mu ward doctor pavakaona Ari Molly vakatanga kupopota "Ko nei mamubvumira kuti abude nekuti munoziva kuti haasi right" doctor akabvunza "Aewa abuda ega nesuwo hatizivi kuti abuda sei" nurse akadaro Molly akaiswa michina akaiswa zvose zvaaifanirwa kuitwa "Yah Ari kuuya zvakanaka" doctor akadaro akatarisa Molly achinyora something mubhuku rake paaiva akubuda akanzwa "Nti!!! Nti!!! Nti,!!!" "Nurse!!!" Doctor akadanidzira achiti vauye nema ayini avanoisa pachifuva (hamenho ndizvo here kuti ayini😁) Doctor akaverenga katatu achibva amuisa ma ayini pachifuva asi Molly haana kumuka "I,2,3 come on Molly!!" Doctor akadaro achimupamha zve ma iron asi zvakava pachena kuti Molly aiva atisiya. Vakabva vatomufukidza sheet vachibva vafonera Lulue nekuti ndiye aiva anyoreswa as next kin Lulue Mai Tom vakasvika vachigogodza pa door kumba kwa Mhukahuru. Akashamisika achiwana vana Mai Tee vakagara pasi. Akavamhorosa achibvunza Lulue kuti aripo here nekuti aigogodza pasina aidaira. Lulue akazovhura after some minutes "Hezvo nhasi ndiri kushurirwa ini..uri kudei manje iwe pano?" "Mwanangu ndauya kuzokumbira ruregerero nezvandakaita pana Molly paaikumbira rubatsiro rwangu. Ndakuvigira ma scones ndichiratidza kuti ndinozvishora sei" Mai Tom vaitaura vachipisa tsitsi "Iwe muchembere siyana neni wanzwa? Nhasi handisi mu mood" Lulue akadaro "Aww mwanangu zveshuwa ndiri kuzvishora ndauya pano kuti tionesane kuti Molly tingamubatsira sei. Ndatova ready kuita witness ku court zveshuwa Tom anofanirwa kuvharirwa kujeri vakandira ma key mumugodhi wakazara shumba. Zvakashata zvinhu zvaakaita Molly anoda justice " Mai Tom vakadaro "Shuwa mudhafu unokwanisa kuzviita?" Lulue akabvunza achishamisika Kashoma kuti mubereki apandukire mwana wake achiti Ari kuita Justice "Ndinozviita mwanangu, ndinozvishora zvakanyanya ndinoona sekuti imhosva yangu yose iyi" Mai Tom vakadaro "If say you so pinda" Lulue akadaro nechirungu chake cheku ngirandi vachipinda mumba vachiteverana "Haa ini ndomwa doro zvema tea nema scone hazvisi kukwikwidza pandiri asi ndichakuitirai tea kuti nemiwo muwane chekumwa Lulue akadaro "Haa usatya ndokuziva zve iwe uri wedoro ndosaka ndaisa sugar shoma pama scones ayo. Tora chero rimwe zvaro ini ndichadya aya maviri kuti ugoona hapana chandaisa" Mai Tom vakadaro vachiisa ma scones patafura "If so you say regai ndinoita tea " Lulue akadaro achinogadzira tea ku kitchen apa akabata black yake "Washa zviri kuendeka" Mai Tom vaitaurira pasi End of chapter