CHAPTER 14 LULUE Nurse akauya nemvura Lulue akatenda "Ndichava mwisa mhamha haa vachava right" Lulue akadaro achinyemwerera "Aaa une moyo wakanaka shuwa mwanangu" nurse vakadaro kuna Lulue vachienda Nurse pavakangotendeuka Lulue akatora mvura iya achidira mai Molly mumusoro ichiyerera mumuviri "Hawu mwanangu zvino ndichafamba ndanyorova here?" mai Molly vakabvunza Zvichakadaro doctor vakauya kwavari vachivapa mapaper vachibva vasaina. Molly akaendeswa kumortuary Lulue akabva asimuka "Ndinodzoka" Lulue akadaro achitora vana achinopinda mumota achiimutsa achidzokera kwaMhukahuru Mai Molly vakasara vakangoti vavava pachipatara. Lulue akasvika akawana ana mai Tee vakagara panze vasina kuenda "Tine nzara isu" Pinky akadaro sisi vaShorai Lulue akavhura door "Nxaaa makagarirei ipapo?" Lulue akabvunza achivhura door Zvichakadaro akaona mascones amai Tom akabva amatora achivapa "Idyai mascones iwayo mudye nelunchbox yacho sezvo muri seven muchaona kuti muchaita sei nawo" Lulue akadaro achivhara door "Ndeaya asvika namai vaya vakasimba. Oooh akanaka sei ndanzwa kumada ndakaatarisa" Pinky akadaro achitora mascones achimadya. Akazopa mamwe hama dzake "Ini handina kuwana" mai Tee vakadaro vachipisa tsitsi "Saka tiite sei isu?" Pinky akabvunza ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mai Tom pavakaona kuti Lulue avasiya vakazokwira kombi lucky mari yekombi vanga vanayo. Vakasvika kumba kwavo vachizvidya moyo nenyaya yemascones aya "Let's hope Lulue achamadya mascones acho chero akadya rimwe chete zviri nani. Aaah handingaruzi $100 yangu yandatenga nayo mushonga uendere mahara chero akadya rimwe chete ndinoziva richamuuraya chete" mai Tom vakadaro Zvichakadaro foni yavo yakarira vakaidaira "Inzwa mangwana izuva rangu rebail saka ndaramba lawyer rehurumende muite shuwa kuti munosvika nelawyer mangwana makuseni bail hearing ichatanga mangwana na10" Tom akadaro achikata foni "Haaa Tom ini handisati ndaiwana mari" mai Tom vaitaura asi Tom aiva atokata foni "Iyo inyaya yandichaita sei iyi" mai Tom vakadaro LULUE One hour later Pinky anova iye akatanga kudya mascones anga ave kukosora asingapedze kusvika ave kukosora ropa "Lulue vhura munhu ave kufa uyu" mai Tee vakadaro vachirova rova door Ipapo Pinky aizvongonyoka pasi vamwe vacho vakatanga kukosora vachi chema nemudumbu "Ndiani ari kufa manje nekuti iwe mai Tee ndiwe unofanhirwa kufa" Lulue akadaro achidanidzira achivhura door. Paakangovhura door "Yoooh Jesus" Lulue akadaro beer yaiva akabata ichidonhera pasi achidzokera mumba achimhanya achitora makey emota achivapinza mukati "Iwe musoro wakaondoroka utarise vana ndikangonzwa kuti wavaguma chete uchandiona" Lulue akadaro achipinda mumota achienda navo kuchipatara "Ko imi munofa sei pane kuti kufe mai Tee" Lulue aitaura ega mai Tee vaiva vasara nevana Vakatarisa imba yose vachibva vaseka zvavo "Ummmm kana Lulue akangobva munzira yangu imba yose iyo ndeyangu" mai Tee vakadaro vachinyemwerera vachitora foni vachifona "Kumapurisa here uko?" mai Tee vakabvunza "Ehe tinga kubatsira nei?" Mupurisa akabvunza "Pane munhu pano anga achizama kuuraya vanhu" mai Tee vakadaro "Mhamha tiri kuuya ipapo" Mupurisa akadaro "Yaah hanty Lulue anga achifunga kuti akangwara manje uri kusungwa chete" mai Tee vakadaro vachinyemwerera Apa vana vaiva vave kuchema mai Tee vaiva vasina basa navo ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mudhafu anga achida kundiuraya Lulue aitaura nechemumoyo achienda kuchipatara Paakasvika kuchipatara akadanidzira madoctor kuti vauye kuzotora vanhu. Pinky aingo kosora asinga chapfakanyike chero zvake achiri kufema. Ropa raiva rave kubuda rega munzeve Vakavatora vakavapinza mukati vakavatarisa. Lulue akadzokera mumota achitsvaga mai Molly akabva avawana "Iwe wandisirei?" mai Molly vakabvunza Lulue haana kuvapindura akangovatarisa chete "Ko iwe haundipindure neiko?" mai Molly vakabvunza Lulue akabva achiregedza chibhakera kumeso kwavo "Ndiyo mhinduro yacho iyi" Lulue akadaro achinopinda mumota achiimutsa achienda kwaMhukahuru "Jesus ndatokanganwa kufonera mapurisa, rega ndinotora tsvimbo mapurisa ndichamafonera later ndinodhonora mukadzi uyu anozviitisa" Lulue akadaro Zvichakadaro foni yake yakarira vakamuudza kuti vanhu vaanga aunza vashaya vose vari vatanhatu "Vashaya?" Lulue akabvunza achishamisika achipinda mumba "Vana vevanhu vaita sei manje" Lulue akadaro achiisa maoko mumusoro "Unoziva sisi uchabhadhara iwe uri kusungirwa nemhosva yekuuraya vanhu vatanhatu" Mupurisa akadaro achisunga Lulue "Nhasi pakaipa nekuti chero Bongani shamwari yake haapo atumwa kunosunga vamwe vasungwa" Mupurisa akadaro "Aizve usada kundipengera ini handina zvandaita vadya mascones ane poison anga achifanhirwa kudyiwa neni. Mai Tee taura kaa kuti mascones asvika nani" Lulue akadaro atoiswa njema "Asvika nani kupi iwewe Lulue nekuti mascones aya ndiwe wamaita mumba muno izvi zvinhu zvekubaker zvirimo hapana azvigezesa wanga uchida kutiuraya chero neni here? Ko neiko?" mai Tee vakabvunza vachinyebera kuchema "Unonyepa mhani mai Tee taura chokwadi nekuti chokwadi unochiziva iwe" Lulue akadaro ave kudanidzira nekuti mapurisa aimusunda achinomupinza mumota "Nxaaa enda unonetsa mhani" mai Tee vakadaro vachiseka vachienda kukitchen vachirongedza flour yavanga vachiteura pasi vachiitira kuti mapurisa afunge kuti Lulue ndiye abika mascones aya Zvichakadaro mai Molly vakabva vagogodza "Tipindewo mumba eeeh mumba makanaka umu" mai Molly vakadaro vachitarisa imba yese "Ndiwe ani iwe uri kudei pano?" mai Tee vakabvunza "Ndaneta nekufamba ndauya kuzokumbira Lulue kuti anondisiya kumba kwangu ndini mai vaMolly. Molly aibatsira pano pamusha ashaya ko Lulue ari kupi?" Mai Molly vakabvunza "Asungwa uyo, sorry sisi nemwana wenyu, asungwa uyo asi nyaya yaLulue usazvinetsa nayo" mai Tee vakadaro kunze kwaiva kwatotanga kusviba "Ndinokumbira zvangu kurara pano sezvo kunze kwasviba kudai" mai Molly vakadaro "Sununguka hako uchaenda mangwana makuseni. Newewo umborarawo muimba yemudhadhadha" mai Tee vakadaro LULUE "Ari kupi Bongani?" Lulue aibvunza mapurisa "Unoda kumuitei?" Mapurisa akabvunza "Hey iwe ndidanire Bongani kana asipo pano ndichamumirira kusvika auya umuudze kuti ari kudiwa naLulue" Lulue akadaro asi achirakidza kusanyengerera "Nxaaa iwewe unodherera" Mupurisa akadaro achimupinza muchitokisi "Yaah yaah" Dudzai akadaro Shorai aiva asipo aiva ave mushandi anoendesa madrugs kune rimwe jeri "Pfutsek mhani iwe benzi yah kuti kudii" Lulue akadaro achinogara pasi "Nxaaa mupfanha ndinokuuraya ini" Dudzai akadaro achirova Lulue "Yoooh" Lulue akasimuka ari bara achimurova nezvibhakera achimuka aiva nehasha dzake dzekuti haana kuzorova mai Tom Zvichakadaro Shorai akapinda achibva kunoendesa madrugs "What, chii chiri kuitika pano?" Guard jail akabvunza Asi hapana akamupindura "Haaa iwe uri kudei pano?" Shorai akabvunza achiseka achifunga kuti achatyisa Lulue "Ndauya kwauri matsito ebhodho yekuhotera zvagara handina kuwana mukana wekukushandira musi uya" Lulue akadaro achimudhonza achitanga kumurova Achimuroverera pasi achimusimudza achimuroverera pamadziro. Ukuwo Dudzai aizvipukuta ropa mumuromo. Akamurova ziso iroro raiva rasara iroro "Nxaaa iwe one eye ndinokudhonora ini wakada kutamba neni" Lulue akadaro achibva paari BONGANI Bongani aibva kumba kwamai Loyd aiva afonherwa nevanhu kune vanhu vari kuuraya munhu kuno. Tonny aiva adana mwana ane 4 years achida kurara naye izvo vadzimu vake vaiva vamupandukira Vanhu pavaona izvi vatanga kumutema nematombo kusvika afa. Bongani aitora statement kuna mai vemwana "Taurai kuti chii chaitika, mwana atorwa sei imi muripo?" Bongani aibvunza akabata pen "Ndanga ndichitomwa doro ini neshamwari dzangu mwana ndamusiya kumba pandanga ndave kudzokera kumba. Mukoma ava vandisingazive vanga vakabata mwana wangu" mai ava vaitaura vachichema "Chivindi chekutaura kuti wanga uchimwa uchisiya mwana wachiona kupi?" Bongani akabvunza "Ndamusiya achitamba asi kumba kuna mbuya nemwana wangu muhombe" mai vemwana vakadaro "Wakazvarira mbuya here? Iye mwana wako muhombe ane makore mangani?" Bongani akabvunza "Mbuya vane 91 mwana wangu muhombe ane makore manomwe" "Aaah une chivindi mwana sikana saka waona kuti umhanyise doro uchisiya mwana nemunhu mukuru asisakwanise chero kuzviitira iye, chero mwana wako wekutanga iye achiri mudiki" Bongani akadaro "Handichapamhi ndiregerereiwo" "Iwe unofanhirwa kusungwa chete. Inzwa pano vana ava ndichano vanyoresa kuti vatorwe nemasocial worker nekuti rimwe zuva pachaitika zvihombe kudarika izvi. Chirega kuchema nhema uko" Bongani akadaro achipupuma nehasha achivasiya achinotarisa vaitora chitunha chaTonny Pavakapedza nyaya yavo vakabva vaenda kustation. Paakasvika kustation akaudzwa kuti pane musungwa ari kuvapa problem ari kuti anoda kuona Bongani. Bongani akabva atoenda ikoko "Aaah Bongani tinotenda shaa wabatsira ukauya" Lulue akadaro Kunze kwaiva kwasviba aiva asingavimbe kuti Bongani achauya "Uri kudei manje iwe pano?" Bongani akabvunza "Ndivhurire titaure tichifamba" Lulue akadaro achiswedera padoor amirira kuti Bongani avhure "Haaa Lulue unonetsa manhi iwe chiiko?" Bongani akabvunza achimuvhurira Vana Dudzai naShorai vakasara vachishamisika nazvo. Bongani naLulue vakabva vaenda vachinobuda gedhi mapurisa akasara achitarisana vakanopinda mumota Mupurisa anga asunga Lulue akabudikira akauya kwavari achimhanya "Uri kumuendesa kupi uyo nekuti auraya vanhu vatanhatu?" Mupurisa uya akabvunza "Iwe wambomubvunza here mubvunzo mumwe chete kana kuti pawangonzwa nyaya wabva wamusunga?" Bongani akabvunza achirakidza kuti anga asina nguva naye "Ko hanty ndanzwa nemunhu mukuru he..........haana kuzopedza kutaura Lulue akabuda mumota achimurova nemambama achimukava kusikarudzi kwake achibva amutarisa "Unondijairira iwe handisi shamwari yako" Lulue akadaro Mupurisa uya akatarisa Bongani mumaziso, Bongani akatarisa paside kunge pasina zvaari kuona. Lulue akanopinda mumota vachibva vaenda vakananga kwamai Tom Lulue akafamba achimutsanangurira zvose zvaiva zvaitika "Mai ava vakangwarisa ndakamboita tsvagiridzo nenyaya yekushaikwa kwemurume wavo handina kumboiwana evidence kusvika nhasi. Murume wacho hapana anoziva kuti akaenda kupi" Bongani akadaro "Yoooh manje tichaita sei kuti tiwane evidence yekuti ndiye aunza mascones aya nekuti uyu wemusoro wakaondoroka hapana zvaanga taura zvine musoro" Lulue akadaro "Sununguka iwe uchamurecorder pafoni yangu paunopinda ubve watomubvunza nyaya yacho umuudze kuti akauraya vanhu vangani nemascones iwaya" Bongani akadaro achipa Lulue foni Nguva dzanga dzave kuma11 zveshuwa vakaenda vakasvika kwamai Tom vanhu vose varara akasvika achimisa mota Lulue akanogogodza zvekupenga. Mai Tom vakavhura door pavakaona ari Lulue "Lulue" mai Tom vakadaro vachivhunduka "Nei wanga uchida kundiuraya?" Lulue akabvunza akabata pfuti yaBongani Bongani aiva amuraira kuti asambo ishandisa chero zvadii "Ndiregererewo Lulue usandiuraya zvinhu zvandaita ndanga ndisingazive zvinhu zvandanga ndichiita. Tom ndiye ari kunditenderedza musoro" mai Tom vakadaro vave kuchema "Oooh kukutenderedza musoro sei?" Lulue akabvunza "Anoziva masecret angu ekuuraya vanhu please ndiregererewo Lulue" mai Tom vakadaro vachichema Munyori wedu MAKALULUE haasi kunzwa mushe please include her in your prayers. Maybe next chapter will be available Thursday sorry nekusaunza book in time End of chapter