Chapter 10 Lulue Lulue akaendesa tauro kuna Mhukahuru akavhara maziso "Nxaa zvino urikuvharirei nekuti watoona kare " "Handiti ndaona ne mistake here"Lulue akadaro achiseka achipa Mhukahuru tauro achibuda achinogadzira mubhedha achibva abuda akatora phone yake achisendera Bongani message achimuudza kuti Mhukahuru vanga vachinyeba nezve phone yavo apedza akatanga ku cleaner Mumba uku vana vaiva vakamirira iye achiri busy kudaro Mhukahuru vakabuda mu room mavo vaionekwa kuti kune kwavari kuda kuenda vakasvika Lulue atopedza ku toaster nyama aisa ne chilli "Urichidhakwa zveshuwa Lulue unoziva zvinhu zvinorapa munhu anenge anwa doro" Mhukahuru vakadaro vachiseka "Chidhakwa chitsiga chako icho chiri mu trouse"Lulue akadaro achienderera mberi nezvaaiita "Unochizivira kupi chitsiga chake"mai Tee vakabvunza vachidzika ma steps "Ndinochizivira mumusoro wako uyo wakaondoroka hameno kuti iwe unopinda papi"Lulue akadaro "Ndiko saka uchitonga kudai pamusha pano unoziva zvitsiga"mai Tee vakadaro "Ndichakurova ini mai Tee ukada kundijairira"Lulue akadaro'' achionekwa kuti rwizi rwaiva rwatozara "Rova Lulue ini handidzipindiri"Mhukahuru vakadaro vachibuda "Yaaaa ndakakuudza kuti ndichakurova chete huya pano tione "Lulue akadaro achiswedera pana mai Tee achivarova nemambama matatu "Urikundirova pamusha pe mwana wangu "mai Tee vakadaro vachitora Phone yavo vachifonera mapurisa "Wafonera mapurisa here? ngaauye ndisungwe ndisungirwe zvinhu zviripo"Lulue akadaro achitanga kurova mai Tee Mai Tee vaive vave kuchema uku vachikumbira ruregerero ZACHARIAH "Zacharia zvawakazvimba kudai so waitwa sei manje"Loyd akabvunza "Mukoma wako andirova handichakwanisi kuenda kunonyenga chipaupete chemushona"Zacharia akadaro "Ko iwe nei usingamurovi kana kuti umusungise"Loyd akabvunza "Ndichiri kumufungira asi handidi kumurova nekuti ndichamukuvadza ndinoda hangu kumusungusa "Zacharia akadaro achitarisa pasi "Better uite plan shaa nekuti ukangorega kudaro haufi wakawana zororo"Loyd akadaro achidaidzwa na Mai vake achidaira achienda kwavari akasvika Kuna mai vake achimhanya "Iwe Loyd chii chandanzwa kuti urikuchiita wave kukisana nevakomana mumigwagwa here"mai Loyd vakabvunza ne hasha "Nda,,,,,nda,,,,,,ma" Loyd aive ave kungokakama asingazivi kuti ati kudii nekuti mubvunzo uyu anga asina kuutarisira "Unokakama chii? unoda kuti vanhu vati kudii neni unoda kuti nyika yose izive kuti ndakazvara demon here unoda kuti nyika yose izive kuti ndakazvara mashura "mai Loyd vakadaro vachirova Loyd ne mbama "Iam sorry mama hakusi kuda kwangu asi ndaka",,,,,Loyd haana kuzopedza kutaura mai vake vakamupamha imwe mbama "Iwewe uri chinhu chisingabatsiri Loyd uri muedzo kwandiri dai hangu ndakabvisa nhumbu yako nekuti unondinyadzisa iwe "mai Loyd vakadaro nehasha "Mama shuwa mungabva madaro here" Loyd akadaro ave kuchema Zacharia paakanzwa Loyd achichema akaendako achimhanya "Ndinoziva mama kuti zvinhu izvi hazvijairiki hupenyu hurikuraramiwa na Loyd asi naiyevo munhu uye mwana wenyu pamwe mukazvipa nguva muchakwanisa kuzvigamuchira honai manje muri kutaura muchidanidzira vanhu vose varikukunzwai kuti muri kurwa ne mwana wenyu "Zacharia akadaro "Iwe!! iwe achimwene wekusviba buda munyaya dze family yangu saka unotoziva nehupenyu hwa Loyd ndosaka muchiwirirana kudaro saka munotombo chovhana kumashure uku"mai Loyd vakabvunza ne hasha "Haaaaa mama ini ndinochovhana ne vasikana chete" Zacharia akadaro "Handichakudi pamusha pangu rongedza zvinhu zvako ubve pamusha pangu iwe Zacharia mwana wangu uyu hapana munhu achndiudza kuti ndiite sei naye"mai Loyd vakadaro "Usandisiya please" Loyd akadaro achichema "Shut up iwe muyedzo wemwana "mai Loyd vakadaro Zacharia akarwadziwa nezviito zva mai Loyd Loyd aive ave kungochema chete Zacharia akabuda achinorongedza twake twese izvi zvaitomubatsira kudzingwa na mai ava nekuti aiva adzingwa Tony asipo chero hazvo aiva worried na Loyd KWA MHUKAHURU Bongani akasvika kwa Mhukahuru akasviko gara pasi achimhorosa "Ooooooh tafonerwa kunzi tiuye pamusha pano "Bongani akadaro "Yaaaaa washa!! Nhasi unonyura chete "mai Tee vakadaro vachiseka uku kumeso vaiva vakazvimba Lulue akaseka nekuti mapurisa aya ndiye aiva avadana "Ndiye uyu anga achindirova vamupurisa apa anoona kuti ndazvichemberera handina simba mutorei munomuvharira abve kumberi kwe meso angu nxaaa" mai Tee vakadaro vachitarisa Lulue kubva mumusoro kusvika kutsoka "Aaaaaa gara pasi zvawauya kudai tinofanirwa kutaura ne zvemwana weuyu "Lulue akadaro achitendeka mai Tee ne musoro Bongani akaswedera achigara pasi . Mai Tee vaiva vangoti njoo "Vamupurisa atyora mutemo uyu musungei please"mai Tee vakadaro asi hapana aiteerera zvavaitaura nekuti Bongani aitaura na Lulue "Nyaya haiperere pa foni Bongani ndati pandapedza kudhonora chembere iyi ndanopinda mu room ma Mhukahuru ndipo pandawana weave pasi pemubhedha"Lulue akadaro "Haaa SEI nekuti vanhukadzi vanochengetedza zvinhu zvavo zvakanaka "Bongani akabvunza "Taura hako asi ndiyo yaunoziva here? Hoo nekuti unodanana ne ma slay queen " "Ooooh ngatisiye izvi ini nyaya iri kundinetsa zuva ravakanzi vaenda ndiyo weave yavaiva vakapfeka uye vaiva vasingadi nayo yaigara yakachengetedzwa panzvimbo iri right vaiva vaitengerwa naiye Mhukahuru nezuva rake rekuzvarwa"Lulue akadaro "Haaaaa Lulue apatakatarisana ne nyaya hombe ndinotenda ne information yawandiudza ndichaichengetedza kusvika tawana zvatirikuda "Bongani akadaro "Aaaaaa mwanawangu hapana zvaakamuita Nomsa iye ndiye akazviendera "mai Tee vakadaro "Nxaaa Bongani unoti ndingarega kurova munhu anohumana kudai"Lulue akadaro "Aaaa ini regai ndiende ini"Bongani akadaro achibuda achienda Mai Tee pavakangoona Bongani achibuda vakabva vatosimuka vachitiza vachinopinda mu room mavo Mai Tom Mai Tom vaiva kujeri vauya kuzoona mwana wavo "mazuva ekuti mhosva yangu itongwe aswedera mariwana lawyer here "Tom akabvunza "Ndichiri kusanganisa Mari "mai Tom vakadaro "Munofanirwa kukurumidza nekuti inini handichadi kuva panzvimbo ino ndinoshungurudzika zvakanyanya"Tom akadaro achichema uku akazvimba muviri wese "Tinofanirwa kubisa evidence iyi kuti mhosva iyi isagare pano nguva yakareba "Tom akadaro "Haaa wati tino unoreva kuti uri kupinza neni munyaya iyi" "Ehe zvinoitwa nemi kana musingazviiti tichasungwa tose pano" Tom akadaro achisimuka achienda Narrated Zacharia aiva atopedza kurongedza mutoro wake akatanga nekunotsva ka nzvimbo yekurenter akaita lucky akaiwana Mai Loyd vaiva vakamira pa door "enda unotenga cabbage iwe "Mai Loyd vakadaro kuna Loyd aingochema vachiburitsa mari vachimupa Loyd akazvipukuta misodzi achibuda achienda Loyd paakangobuda Mai Loyd vakasara vachitora phone yavo "Yaaah " akadaro munhu aidaira phone "Inzwa iwe pane munhu arikuda kundivhiringa pano ndinoda kuti umuofuudze panyika ino"mai Loyd vakadaro nehasha "Ndiani manje "mudzimai uyu akabvunza "Ndichakutumira photo yake pa watsapp urove wakanyarara handidi kuti nyaya iyi izouya kwandiri "mai Loyd vakadaro vachionekana vachitumira picture ye mukomana wa Loyd 😍😍😍😍😍😍😍 "Eeeeee nhasi wanonoka kuuya kwakanaka"Lulue akadaro kunaMhukahuru "Eeeee ndangandiri busy wena"Mhukahuru vakadaro vachigara pasi "Huya ugare pasi Lulue "Mhukahuru vakadaro "Haaaa iwe nazvino uchiri kuda nyama yaka toastwa here "Lulue akadaro achiseka achigara pasi "Lulue ndinokumbira kuti unditarisire vana vangu chero zvaita sei usamboedza hako kuvagarisa na mai Tee vaiva mama vangu"Mhukahuru vakadaro "Haaaaaa zvaitasei manje wave kutaura uchidaro "Lulue akabvunza achishamisika nekuti aitanga kunzwa Mhukahuru vachitaura mashoko aya "Tauraka Mhukahuru asi urikuda kuzviuraya tibve hedu tatorova ka society party izvezvi "Lulue akadaro achiseka asi paakatarisa Mhukahuru akaona vachiraridza kuti vaiva serious naiyewo achibva anyarara "Lulue ndiregerere zvakanyanya ndinoziva kuti zvinhu zvandakaita hapana angandiregerera chero ini handifi ndakazviregerera siku ne sikati ndinomuona handifi ndakazviregerera izvozvi ndinokumbira hangu ruregerero chero ndisingazoregererwi "Mhukahuru vakadaro misodzi ichiyerera "Mhukahuru chiiko kubva wachema kudaro chii chaurikukumbira ruregerero "Lulue akabvunza ashamisika "Nomsa ,,,,, Nomsa ndakamu........ Mhukahuru havana kuzopedza kutaura nekuti vaive vave kuchema Loyd Loyd akamuka husiku achinyahwaira achienda kumukomana wake. Akawana Bright akamumirira pagedhi vachibva vaenda kumba kwa na Bright. Zvose izvi zvaiva mumaziso a Mai Loyd nekuti vanga vachiziva kuti achabuda chete Saka paabuda vanga vakahwandira. Pavakazoona Loyd akufamba nemukomana wake vakatora foni vachifona "The game is on" Mai Loyd vaitaura pafoni "Ohk sure" izwi remukadzi rakadaro achikata foni "Bright mhamha vakuziva kuti I'm a gay imagine matukito avandiita. Vanditi ndiri demon pacharo apa vachidanidzira" Loyd akadaro "Ndi Mai vako babe vape nguva vachanzwisisa nekufamba kwenguv--" Bright haana kuzopedza kutaura zvichakadaro pakabudikira munhu mberi kwake aiva akazvivhara kumeso achiaridza mabara matatu achienda pahuma pa Bright achibva adonhera pasi ndiye sarai..munhu uya achibva atiza "No no no babe usandisiya please.. please ndokumbira usavhara maziso!!" Loyd akadaro achiridza mhere Zvichakadaro baba Bright vakabudikira vachimhanya nekuti noise yepfuti vaiva vainzwa uye na Loyd vaiva vamunzwa achidanidzira "Lo-- lo-- I love yo--" Bright haana kuzopedza kutaura ropa raiva rakubuda mumuromo achibva arasa muviri "Mwana wangu" baba Bright vakadaro vachiyeredza misodzi . Mai Bright naivowo vakasvika. Pavakaona mwana pasisina vakaibongmora mhere. Loyd naiyevo aichema akabata Bright aiva akarara pamsoro peropa End of chapter