Chapter 24 NARRATED Lulue na Amanda vakanogara pasi mberi kwaiva nevamwe vaionekwa kuti idzi imbinga chaidzo " Zakes arikuchata nani Amanda " Lulue akabvunza " Ndati muchato wavo wekupedzisira zvinoreva kuti baba vakashaya i funeral yavo iyi "Amanda akadaro " Haaaaa!!! hai hai no no Amanda usandiudza izvozvo " Lulue akadaro achitanga kuchema asingazvi believe Zvichakadaro coffin rake rakabuditswa vanhu vose vakasimuka vakatanga kuimba vamwe vachichema Lulue naiyevo akarwadziwa zvakanyanya paakanzwa kuti Zakes haana kumborwara angomuka akangoti zii chete " Ndanga ndichishuvira kuti ndimutarise mumaziso ndimutende ne tsitsi dzaakandiitira pa mwanawangu shame Zakes anga ari munhu ari right dai mwari vaka gamuchira mweya wake ZORORA MURUGARE ZAKES ndichagara ndichikuda uchagara uri mumoyo mangu" Lulue akadaro akapfugama mberi kwe coffin achiridza mhere achisimuka achibuda panze " Black label ndingaiwana kupi pano" Lulue akadaro achibvunza security " I don't understand madam " security rakadaro " Ndati munonwa type ipi ye beer hamuna black here " Lulue akabvunza nechishona guard uya akasimudza maoko kuratidza kuti hapana zvaainzwa " The thirsty do do gone how " Lulue akabvunza " Mmmmm you are thirsty madam please bring a bottle of water for her " guard akadaro kune umwe mushandi " Did water just said " Lulue akabvunza nekuti aiva anzwa water aiziva kuti zvinoreva kuti mvura achiri kubvunza kudaro musikana akauya ne mvura " Ooooh my god mvura ndinoidii ini " Lulue akadaro achidzokera kumashure achinogara pasi Funeral yakaenderera mberi Zakes vakamuradzika muimba yake yekupedzisira " Ooooooh shame ndarwadziwa shame Amanda " Lulue akadaro " Naivowo baba vaigara vachitaura nezvenyu vakati chakaita kuti vakusiyei vaityira hupenyu hwavo pa murume ainzi Bongani " Amanda akadaro " Ipapo Bongani wacho akabvawo azviuraya same day eyiiii hauzivi kuti hupenyu hwangu hwakambondiomera sei " Lulue akadaro achitarisa Amanda kwe nguva yakareba " Eish apa ndine nyota sei " Lulue akadaro " Nazvino muchiri kuida beer baba vakandiudza nezve beer okay don't worry vachanokutengerai " Amanda akadaro achitarisa Mai vake " Problem iripano mama ndeyekuti vanoda kuti nditore humambo ndiite mambokadzi ini handisi we ropa ra baba munhu wese hapana anoziva baba vakazvivanza " " Yooooh " Lulue akadaro achishamisika " Nyaya yacho inorema iyi yekutora humambo nekuti haisi family yako iyi " Lulue akadaro " Asi baba ndivo vaida kuti zvidaro uye neniwo ndinodawo kufamba mutsoka dzavo " Amanda akadaro " Chero zvakadaro mwanangu humambo ndechimwe chinhu kana zvave kutevererwa chivanhu iwewe wave kutora humambo wopiwa tsvimbo haibvumi kugara pauri " Lulue akadaro " Ndiri kukunzwai mama asi ......" Amanda haana kuzopedza kutaura " Hai hakuna zvakadaro Amanda igodo chete iri rekuda zvisiri zvako humambo uhu hapana zvahuchakubatsira nazvo uye humambo uhu hwanga husiri hwa Zakes ega naiyewo akahuwana huripo saka zvichakubatsira kuti uvaudze chokwadi uvaudze mutupo wako zvichabva kwavari kuti vanoda kuti uite sei kwete zvauri kuda kuita izvo midzimu ichakuitira zvimwe worse mudzimu we nyasarandi aaaa kana wasvika unotiza wega " Lulue akadaro " Mmmmm okay mama ndichakumbira rubatsiro rwenyu pandichavaudza " Amanda akadaro " Sununguka iwe as long iwe uchandivigira beer chete ndichavenganisa chirungu neniwo ndichivatenda nekukuchengeta kwavakaita " Lulue akadaro " Saka humambo hwacho hanzi ugadzwa rinhi " Lulue akabvunza " Hanzi ndinofanirwa kugadzikwa nhasi husiku saka hatina chekumirira ngatibvei tatoenda ikoko " " Haaaaa mambo achangovigwa nhasi iwe wakutogadzwa humambo " Lulue akabvunza nekushamisika " Hai hai mama ndanga ndichitofanirwa kugadzikwa baba vasati vavigwa " Amanda akadaro achisimuka " Aaaaaa ndisati ndawana beer here haaaa " Lulue akadaro Amanda aka ignower Lulue achibuda achidhonza mai vake vachibuda vachienda kwaiva ne vanhu akaita introduction achivaudza kuti ndivo mai vake then akazotsunya mai vake kuti vataure " Me very very much thank you for the raising my daughter God bless you my favorite nyasarandi family " akadaro achinyemwerera " Haaa mama zvehunyasarandi zvabva nepi manje " Amanda akadaro achivatsunya vanhu havana kuita problem nazvo vakatenda naivowo kuberekerwa Amanda " Now the princess issue like she never princess by born she is she is mhandara yangu " Lulue akadaro " Ayi ayi Lulue ini ne chirungu hai taura iwe ndatadza kubatanidza rurimi rwenyu urwu kana chirungu kana chii ndingafa zve rurimi apa ndine nyota ndosaka chirungu charamba kwandiri I nyota iyi " Lulue akadaro Amanda akaseka akazoudza vanhu mumba nyaya yose yaivapo naivowo vakanzwisisa TOMORROW Nhasi Lulue arikudzokera ku Zimbabwe nyaya ya Amanda yakataurwa chero hazvo vanga vachishamisika nekuti zvinhu zvose Zacharia akazvisiya mu zita ra Amanda sezvo afa asina mukadzi asina mwana chero hazvo vasina kubvuma kuti aite mambokadzi asi pazvinhu zvakasiwa na Zakes vakati azvitore uye Amanda achagara ari family yavo " uuyezve kuzotishanyira Amanda uone na Nigel ne vanin'ina vake vana Brenda " Lulue akadaro "Kana muchitaura nezva Nigel ndinonzwa kurwadziwa mama Nigel akandibatsira zvakanyanya dai asiri iye ndingadai ndisiri mupenyu "Amanda akadaro " Unonyepa iwe haana kumbobvira andiudza uyo " Lulue akadaro " Ndiye akandivhurira truck vatondivharira pavakadzokera mumba akandivhurira truck ichibva yaenda isina chinhu ini ndipo panda katiza husiku ihwohwo ndikasangana na Zakes " Amanda akadaro achinyemwerera uku misodzi ichiyerera " Shame mwari vamukomborere Zakes ikoko " Lulue akadaro achihaga Amanda achimupukuta misodzi " Huya kuna mbuya ngoni " Lulue akadaro achihaga mwana wa Amanda achimukisa sezvo anga achida kuenda naye asi hama dza Zakes dzaramba vati ngamire sezvo pari pakati pegore angazokanganisika pazvidzidzo zvake " Baba vakandibatsira mama ini ndaivandisingamudi mwana uyu asi honai nhasi ndinomuda sei chero zita akapiwa na Zakes ini ndaiva ndati ndi silly mistake " Amanda akadaro achiseka " Silly mistake ndochii ichocho shame Zakes anga ari munhu ari right nazvino moyo wangu uri kurwadza nekuenda kwake uye pandichasvika kumba ndicha chema shame worse ndave ne yangu black label yandazvitengera ndega haaaa pachafiwa nekuchema " Lulue akadaro " Hai hai handei mama ndinokusiyai kuma bus " Amanda akadaro achiseka achitora bag ra mai vake achienda kunovakwidza bus Lulue akakwira achidzokera kwa Mhukahuru akasvika Nigel akagara pasi vakamhoresana vakafarirana vakabvunzana mufaro " asi Nigel wakadii kundiudza nyaya yose iyi kuti iwe ndiwe wakatamba tsoro hombe pakuponesa mwana wangu " Lulue akadaro achimuhaga achimukisa " Hai mama ndokunzwai zvamurikutaura asi pakundikisa ayi ayi ayi ko Lulue urisei iwe " Nigel akadaro achizvipukuta paiva akiswa na Lulue " ooooooh garazviya wave kuona ona asi ndirikutaura chokwadi mwanangu ndinotenda zvakanyanya Mwari akukomborere pazvinhu zvose zvaunoshuvira muhupenyu hwako " Lulue akadaro achimuhaga misodzi ichiyerera " Chiregai kuchema zve mama makashata nemiwo kana muchichema ndakabatsira pandaigona nemiwo makandibatsira mushure mekunge mama vangu vakakutadzirai pamwana wenyu " Nigel akadaro " Shame Nigel uri mwana ari right " Lulue akadaro " Ndakatodza imi mama chibvai pandiri zvamurikungondiyemera kudaro " Nigel akadaro vachiseka na Lulue achipukuta misodzi Munashe aiva ave nani nekuti aiva ave kukwanisa kutaura Mangwana Lulue akamuka achigadzirira kunoona Munashe kuchipatara ma doctor akamuudza kuti achagara pachipatara kwe mwedzi miviri achabudiswa paanenge ave nani sezvo gumbo rakaiswa simbi kuti akwanise kufamba Lulue akatarisa Munashe achinyemwerera " wave sei mwanangu " Lulue akabvunza " Ndave nani mama achiriko here matsito kumba uko "Munashe akabvunza " Aiwa mwanangu haasisipo uyu uye usazvinetse nezvake iwewe ita focus pakupora hapana chinhu chinomusanganisa ne imba iya imba iya ndeye vabereki venyu lawyer rakazvitaura " " Okay mama chero Tinashe akandinzwisa record lawyer richitaura ndiregerereiwo nekusatéerera pamakati ndisaenda honai manje ndirikupi ndave kuzoita mutoro wenyu Munashe akadaro achichema " Chirega kuchema mwanangu haufi wakaita mutoro wangu iwe let's hope wadzidza kana wakatsamwa usafamba mumugwagwa kana pasina nzira yekudzora hasha dzako better uzvivharire mu room mako uputse zvinhu zvose kana zvirizvo zvichakubatsira kuti udzikame " " Ayiiiii imbomirai kuchema imi ngatidyei ndine nzara ini " Nigel akadaro achidhonza chikafu chaiva atenga vanhu vakaseka vachidya vachitaura nyaya dzakasiyana siyana Nigel akaoneka Munashe aimuka mangwana achienda ku chikoro Mangwana Nigel akamuka achienda Lulue akamuka achivhura ma curtain paakavhura door akaona box akabva aritora achirivhura paiva ne bepa raiva rakanyorwa kunzi REST IN PEACE LULUE aaaaa ko ndiani iyeye Lulue akabvunza achivhunduka zvakanyanya achizvibvunza kuti ndiyani iyeye angasenda zvinhu zvakadai " Shuwa vana vangu vangava chii ini ndikafa " Lulue akadaro Chete vave munzira kuuya dai ndatoenda kunochera pfuti yangu panze uko hameno kuti kupusa kwangu Sei ikoko nekuti ndaifanirwa kuisa muchisafer anyway ndichaichera mangwana makuseni " Lulue akadaro achinopisa box riya aiva asingadi kuti vana varione achiri kupisa kudaro vana vakauya vachibva kuchikoro " Mirikupisei mama " Brenda akabvunza " Aaaaaa iwe ndiri kupisa marara ini ngatioindei mumba muchinje mbatya mudye " Lulue akadaro achisimuka vachipinda mumba achivapakurira chikafu nyaya ye box yaimudya mumoyo make " Tinashe huya pano " Lulue akadaro achimudhonza achienda naye mu room ma Mhukahuru achimuratidza chi safer " usaudza munhu ne zvinhu izvi number yekuvhura safer iyi nde iyi mukati mune mari uye usangovhura chero papi usaratidze munhu " Lulue akadaro " Ndirikukunzwai mama " Tinashe akadaro " Chienda unochinja mudye " Lulue akadaro Tinashe akaenda kunochinja achibva aenda kunodya " Nxaaaaa ndinongozvipengesa neniwo ndi Shorai wese uyu ndozviziva ndofanirwa kuchera pfuti iya mangwana chaiye akangosvika pano ndinomuputsa zisoro iroro rinofunga zvekupenga handingagari ndichitya ini nekuda kwake " Lulue akadaro achiridza tsamwa aionekwa kuti aipupuma ne hasha Zvichakadaro akadzika ma steps akawana vana vachisuka ndiro zvichakadaro doctor we counselling akapinda Lulue akaenda kunovhura sezvo achigara achisvika kuzotarisa Tinashe " Hope you are be doing great doctor " Lulue akadaro achinyemwerera " Yes iam doing great I hope you are also doing great " doctor akadaro " Ndinokumbira ugare pasi timbonwa zvishoma " Lulue akadaro achitora juice achiuya ne glass achibva atora beer yake "Hayi neniwo ndokumbirawo zviri mubhodhoro" "Ahh doctor smolu newevo unorova izvi? Zvino izvi zvinoda Mari ka?" "Don't worry tichatenga usatya" "Ngatihurove doctor smolu" lulue akadaro achitora rimwe bhodhoro achimupa "Hayi handina kuuya kuzohurova ini ndauya pabasa" "Rega ndokudanira munhu wako" Lulue akadaro achiseka achinodana Tinashe Lulue akauya naye doctor akataura naye kwe hour achingomubvunza mibvunzo kusvika apedza. Vachibva vanotenga doro na Lulue vachimwa zvavo.vapedza doctor akapa lulue Mari "Mangwana pandinodzoka ndoda kuwana fridge isingafemi nedoro" "Don't worry doctor smolu" Lulue akadaro achiseka [3/31, 6:54 PM] Lulue: . Lulue akatarisa nguva akaona dzichiti half past 8 husiku. Lulue akabva adzinga vana kuti vaende kunorara "Mhamha tokumbirawo kuona uzalo" Tinashe akadaro "Inopamha ne Sunday muchaiona ne Sunday mangwana muri kuenda kuchikoro " Lulue akadaro "Please mhamha " Brenda akadaro "Kana muchifunga kuti ndichabvuma munonya endai munorara " "Mhamha ka uzalo ikapera toenda kunorara please " Tinashe akadaro "Mandikanganwa hanti ndotora shamhu izvezvi ndikakukwachurai ini" Vana vakabva vatosimuka vachitiza vachienda kunorara Lulue akasara achiseka ega "Ndazviziva kuti achatiza magwara aya " lulue akadaro achiseka achitora black yake achigara pasi achifonera Nigel "Iwe mukoma wa matsito haundiudzi kuti wafamba sei" "Ahh sorry mhamha ndanga ndichiti ndichakufonerai ndafamba mushe imwi masara sei?* "Ndiri bhoo chete nyaya ye box ndiyo ikundinetsa ndawana zve rimwe box" "Haa mhamha nyaya ye box ko iri serious?" "Ndi Matsito wese uyu hapana umwe" "Yoo mhamha saka ndofanirwa kukutsvagirai security icha guarder ipapo" "Don't worry kana ari matsito ndichamugadzirisa ini" lulue akadaro.vakazotaura nyaya dzakasiyana vachiseka zvichakadaro pakaita knock pa door "Ndiani?!!" Lulue akabvunza achidanidzira "Ndini muvakidzani wako ndivhurirevo kana mwana wangu ari kufa" Lulue akabva atosimuka achimhanya. Paakavhura door akavhura maziso "Demet!!! Ndiwe!!" Lulue akadaro achidzokera kumashure achipinda mumba Shorai aiva akamutendeka nepfuti "Yah wanga uchitaura chokwadi ndini ndaikutumira ma box" "Shorai uchazvishora nezvauri kuita" "Ukangoswedera pandiri or ukangoedza kurwisa ndokuuraya same time.ndipe pin yechisefa wobva wandiudza kuti chiri kupi? Wobva wanamata kuti vadzimu vako vakugamuchire" "Mupfungwa dzako makangozara chisefa kanganwa hapana zvandichakuudza" "Haa ndichachitsvaga kusvika ndachiwana kana ndichifanirwa kukwajambura ndichazviita iwe chienda unofudza madhadha emadzitateguru ako" "Nooooo shor---" Lulue haana kuzopedza kutaura aiva asisina simba End of chapter