Chapter 25 Makuseni Brenda akamuka achigadzira chikafu zvichakadaro pakaita knock akaenda kunotarisa aiva mapurisa " Mwanangu chii chaitika tafonerwa nezuro kuchinzi tiuye pano zvino tanga tiri busy " mupurisa akadaro " HaaaĆ  tanga tichida kukuudzai kuti mama vapfurwa " Brenda akadaro achishamisika ne mupurisa aidheerera " Apfurwa nani " mupurisa akabvunza achiburitsa book rekunyora zvichakadaro Shorai akabva agogodza pa door " Apfurwa na matsito " Brenda akadaro mupurisa akapera nekuseka " Ndiani manje matsito " mupurisa akabvunza achiseka " Urikudei pano matsito ndiye uyu apfura mama " Brenda akadaro " Heyiii ndini ndadii " Shorai akabvunza achinyepera kushamisika " Matsito hanzi wapfura mai ve vana ava saka tirikuenda newe ku station tinokubvunza mibvunzo " mupurisa akadaro " Aaaaaa vamupurisa hakuna zvakadaro mai vepano pamusha vakashaya kare ini ndiri kubva kujere kunopikira iye nekuti ndakabatsira munhu aiva amuuraya kumuviga pamwe mwana pane zvaari kufunga kana kuti haasati andiregerera " Shorai akadaro " Aaaaaa hakuna zvakadaro anoziva matsito uyu kuti apfura mama ndirikureva mama Luyanda ini " Brenda akadaro achishamiswa ne nhema dza Shorai " Aiwa mwanangu uri confused Lulue waurikutaura ne zvake ishamwari yangu chidhakwa chiya uye pamusha pano mushandi kutaura kudai pamwe atori ku tarven ndiye wandanga ndauya kuzoona uye ndauya kuzotarisa nemi kuti maenda kuchikoro here " Shorai akadaro achitarisa mupurisa achipuruzira Brenda musoro " Ooooh mai vepano pamusha vakashaya uye ndakapikira mhosva dzavo ndofunga zvichiri mumusoro make I think vana ava vanoda counseling tikasadaro vana ava vangazokanganisika vamupurisa " Shorai akadaro " Nxaaaa tiri busy isu ne nyaya dziri serious regai tiende isu " mupurisa akadaro vachibuda vachienda " You won't get away with it ndinonzi Brenda ini handityiswe " Brenda akadaro nehasha achidana Tinashe " HaaaĆ  urikundityisa iwe mwana mudiki akaita sewe uchandiitei iko umbori chii pamusha pano " Shorai akabvunza achiswedera paari " Teererai manje imi vana kuchikoro hamuchafi makaenda kune kwandiri kuenda ndinodzoka " Shorai akadaro achitora ma key e mota ya Lulue achibuda achimhanyira kunomupisa sezvo nyaya yapindirwa ne mapurisa " Kuchikoro tirikuenda isu handei " Brenda akadaro vachibuda vachienda kuchikoro " Eyi chimwana ichi chinodheerera ndoda kumbochivhetemesa ne mbama imwe chete " Shorai akadaro achivatarisa vachienda kuchikoro vachiseka naiyewo akaenda musango raaiva asiya Lulue paakasvika akashamisika achiwana pasina munhu " Haaaaa ndamusiya wani pano aenda kupi iam sure kuti ndamusiya pano mhani " Shorai akadaro achitarisa nzvimbo yose achifamba famba " chii manje chiri kuitika pano mwari wangu " Shorai aizvibvunza achiona ropa akaedza kuritevera asi rakaperera munzira " Nxaaaaa ndiri kuzvinetsa ne zvinhu zvisipo adyiwa ne mhuka dzemusango uyu idzo mhuka dzacho dzichibva kupi aaaa Lulue ndamuuraya haaikwanisa kurarama four ose mabara here agorarama inhema idzo " Shorai akadaro achiridza tsamwa achinopinda mumota achidzokera kumba akasvika achigudubudza imba yose achitsvaka chi safer asi akachishaya nxaaaa ngavauye vana ava vandiratidze chi safer kana vakasandiratidza ndichavarova kusvika vataura " Shorai akadaro achitsvaka chamboko mumba zveshuwa akachiwana akabva atora black ya Lulue akatanga kunwa akagara pamubhedha kusvika vana vechikoro vauya " Shorai yave mbinga yave ne imba ine upstairs yoooo washanda Shorai " Shorai akadaro achizvirova chipfuva Masikati vana vakauya pavakangopinda chete " imi vana safer irikupi " Shorai akabvunza achitambisa chamboko chake zvichakadaro pakaita knock pa door aiva doctor wa Tinashe " Ndingakubatsira nei " Shorai akabvunza achivhura door asina kana kumbomhoresa " Ooooh ndauya kuzoona murwere wangu Tinashe sisi handikuzivi ndiwe ani manje " doctor akabvunza " Ooooh iam sorry Tinashe ari busy ne basa rechikoro sezvo vachiita debate mangwana so usazvinetse hako nekuuya ndichakufonera kana asisiri busy musikana anga achishanda pano aenda kumba kwavo ati basa haacharidi " Shorai akadaro " Oooooh okay ndinotenda doctor akadaro achinopinda mumota yake achienda achitora phone yake achiibaya baya achiisa munzeve " Haatambisi nguva uyu atosvika ndaperera pa door andidzinga saka tiite sei " doctor akadaro achitaura pa phone achimutsa mota yake achibuda achienda Shorai akasara ne vana achitanga kuvarova ne chamboko " chi safer chiri chiri " Tinashe akadaro achichema asi haana kuzotaura Brenda akamugama " takaguma chiri ku kitchen mama vachiti vachachichinja nekuti taiba mari yavo " Brenda akadaro Shorai akabva atanga kumurova ne chamboko iwe ndiwe wakangwara unonyeberei " Shorai akabvunza " Ndiri kutaura chokwadi aunt matsito " Brenda akadaro achichema Apo Nomsa aiva akamira achiedza kurwisa kuti Shorai asarova vana vake asi aitadza nekuti airova mhepo chete " ooooooh Shorai please siya vana vangu " Nomsa akadaro achiedza kumurova asi aitadza Shorai akaramba achirova Brenda ...... Brenda aingo chema asi haana kutaura zve chisafer " Nhasi uchataura chokwadi " " Chiri ku bathroom ya baba " Tinashe akadaro achidanidzira achinzwira tsitsi Brenda " Aaaaaa Tinashe unopenga here " Brenda akabvunza achishamisika " Pin inoti kudii mwanangu taura iwe " Shorai akabvunza achiseka akatarisa Brenda aiva akamutarisa ne ziso rakaipa " Pin handiizivi asi ndinomboona mama vachipinda vachiuya ne mari " Tinashe akadaro achikakama " Iwewe nharo dzese dzauinadzo dzichapera ne shamhu " Shorai akadaro akatarisa Brenda Brenda akapfira mate pasi achitarisa Shorai ne ziso rakazara ruvengo Shorai akamusiya achikwira upstairs " Ndati ngatiendei kumba iwe ukati tigare pano pamusha nekuti pamusha pedu tichaparwira pedzezvo ndiwe wave gwara futi Tinashe usada kundipa hasha ini mangwana munhu uyu achasvika ne bepa rekuti rifa nderake uchamhanya ku signer nekuti hausi serious " Brenda akadaro ne hasha achimusiya ipapo achienda upstairs achitevera Shorai Nomsa aiva akagara pasofa aiva aedza pese paangagona kurwira vana vake asi akatadza aiva asingaonekwi ne munhu aiedza kubata chamboko asi aibata mhepo aiva akagara pasofa achiyeredza misodzi Brenda akatevera Shorai akamuwana akagara pamubhedha achitaura pa foni " Aiwa chomi aaaa n'anga iyi ndinoibvuma usamboisiya inoshanda eyiii hona manje ndakazvigarira mumba hapana kana problem kana chipoko apa ndanga ndichitya ndisingauvimbi mushonga uyu eyiii chipoko chacho chainetsa ndakaona murume wacho achimhanya imba yose " Shorai akadaro " Awuuu ko wakapedzisira waiwana here Mari yekuenda kwaari " musikana uya akadaro yaiva shamwari ya Shorai yaiva awana mujere " Aaaaaa ndakabhaizisa muchembere ndikati pfuti inoita 500 us dollar aaaa ndikabva ndatobisa ipapo ndikaenda ku n'anga yawakandiraira yoooo ndinoushandisa zuva ne zuva kana wakupera ndinofanirwa kudzokera kutaura kudai ndiri kutsvaka chi safer ndikangochiwana haaa ndinokukandira imwe ubude mujere tiuye kuzodya mari " Shorai akadaro achiseka " Mmmmm kana mushonga uyu uchishanda zviri right " musikana uya akadaro achiseka " Ooooooh saka Shorai arikudhandisa mushonga ndichautsvaka kusvika ndamuwana " Brenda akadaro achiridza tsamwa yakanzwika na Shorai ,,,,Shorai akabva atokata phone nekukurumidza achimutarisa " Urikudei pano iwe mwana unodheerera wauya kuzoteerera nyaya dzangu " Shorai akadaro " Aiwa aunt matsito ndiregererei ndauya kuzokumbira ruregerero ne mapinduriro andanga ndichikuitai " Brenda akadaro " Unofunga kuti wakangwara here ungapusisa ini " Shorai akabvunza " Aiwa aunt matsito ndinoziva manje kuti mama havasisipo musha uyu wava wenyu kana ndikabva pano ndichaenda kupi " Brenda akadaro achinyebera kuchema " Ooooooh yaaaah atleast wave kuona chokwadi mwanasikana it's fine chirongedza zvinhu mumba u clean ukurumidze ukanonoka chamboko chinorira kwauri " Shorai akadaro " Hamudi nsikubatsirei here kutsvaka chi safer " Brenda akadaro " Huya huya varikupi vamwe " Shorai akadaro achinyemwerera Brenda akavadana vachibva vauya vachitsvaka chi safer asi havana kuchiwana Shorai akabuda achinotora chamboko " Asi Shorai hauneti here nekundirwadzisa " Nomsa aichema akatarisa Shorai airova vana " Iwe Tinashe unoziva kuti safer irikupi uchataura chete nhasi " Shorai akadaro achitanga kurova Tinashe " Tinashe akaedza kuzvishingisa asi akatadza it's fine it's fine ndichataura " Tinashe akadaro achichema " Lulue huya kuvana vangu please " Nomsa akadaro agwadama pasi akabata musoro achichema asi hapana aimunzwa " Heeee wati kudii iwe Tinashe " Shorai akabvunza achingomurova " Ndinoziva kuti chirikupi ndichakuudzai aunt matsito " Tinashe akadaro achikambaira achivhura tile raiva ne chi safer " Yaaaa ne pin unoiziva isa ipapo uvhure " Shorai akadaro " Handiizivi ini " Tinashe akadaro achichema Brenda iva anyarara kuti zii " Ooooooh okay " Shorai akadaro achitangazve kumurova Tinashe akaisa pin nekukurumidza safer ichibva yavhurika " Woooow wow wow iam rich now " Shorai akadaro achishamiswa ne mari yaiva yakazara chi safer paiva ne bepa raiva rakanyorwa ma pin ema card eku bank " Chibvai pano imi " Shorai akadaro achitambisa mari " Mama ndokumbirawo mari ndinotenga pain block musoro wangu urikurwadza " Brenda akadaro " Aaaaaa iwe mwana iwe uchandinetsa iwe unoreva kuti imba yose iyi nemakuriro ayo aya hamuna pain block " Shorai akadaro " Hapana mama Lulue vanga vasingatengi mapiritsi " Brenda akadaro " Tora ubve mberi kwangu " Shorai akadaro achimupa 10 us dollar " Yaaa unonya chete ndichakuratidza kuti ndinonzi Brenda ini " Brenda aitaura nechemumoyo achimhanya achidzika ma steps. Brenda akabuda achienda kuma shops akatenga zvaaitenga haana kutora nguva yakareba akadzoka . Akasvika achibikira vanin'ina vake vachigara pasi. Matsito iye aipengeswa nemari upstairs. "Brenda im sorry nekuudza matsito pin chete ndang--" "Nashe don't worry tichazvigadzirisa" Brenda akadaro achitora ndiro sezvo vaiva vapedza kudya achinodzisuka vachibva vaenda kunorara. Makuseni Brenda akamuka achivagadzirira chikafu nema lunchbox iye haana kuzviitira nekuti aiva asingaendi kuchikoro semunhu aiva atoronga tsoro dzake. Matsito aiva akarara sa madam. Vana Tinashe pavakaenda Brenda akamhanya achinohwanda mu room make. Matsito akamuka achidanidzira "Im a millionaire!!!! Whooo yaahh!!!!!" Matsito akadaro achinogeza achitora ma key achienda kunotenga mbatya itsva izvo ari kupa Brenda mukana wekutamba tsoro yake Paakangobuda Brenda akadongorera pa window akamuona achibuda nemota ya Lulue. Akamhanya achienda mu room ya Mhukahuru ko hanti Lulue ndiko kwaakurara. "Mwanangu une chivindi ndinotenda zvakanyanya.tarisa mu drawer ndino maakauviga" Nomusa akadaro achichema asi Brenda aiva asingamunzwi. Akaramba achitsvaga nzvimbo yose "Yesss!!!" Brenda aka scream (a) achitora mushonga mu drawer "Tawuwana mwanangu" Nomusa akadaro achida kuhaga Brenda asi akahaga mhepo "Rega ndinoupisa haa Matsito anotijairira arggg mani" Brenda akadaro achida kuenda asi paaiva akubuda akanzwa matsito achiuya mu room maaiveri "Eish!!!" Brenda akadaro achitsvaga kwaangahwanda. Akamhanya achinopinda mu bathroom "Mnxm ko ndaikakanganwa sei Mari ayy neniwo Mari ya Mhukahuru yakundiuraya pfungwa " Matsito aitaura achivhura door "Ohh ndaisiya pamubhedha " Matsito akadaro achitora mari "Rega ndiite wiwi nekuti ku town ndichambeya wee chero nguva yekurasa mvura handizoiwani"Shorai akadaro achienda ku toilet kwaiva kwakahwanda Brenda. Asati asvika kure foni yake yakarira akadzokera kumashure achidaira. "Munhu anofanirwa kuunza mbanje kujeri ati ari mu town ko iwe uri kupi?" Shamwari ya Shorai iri kujeri yakadaro "Ohh ndakusvika" Shorai akadaro achitora bag rake achibuda achimhanya achinopinda mumota achienda "Ndichamutengera nhasi chete munhu uyu mbanje after that ndichachinja sim card" Shorai akadaro achiridza tsamwa achienderera mberi nerwendo rwake ------------------- "Shuu ndasara padiki kubatwa" Brenda akadaro achifemera mudenga achinopisa mushonga achiuya achitanga kubika Hours later Shorai akadzoka ku thawundi akasvika. Akawana mumba makavhurwa aiita kuremerwa nembatya itsva "Haa iwe benzi remwana waregerei kuenda kuchikoro?" "Musoro anti Matsito urikurwadza ndadzoka kuchikoro" "Unoona nyaya yekuti mundidane muchiti Matsito makufanirwa kuisiya manje imondisembura shame" "With pleasure Aunt " "Ndipe juice mu fridge ureke kundivhurira maziso " "Ehoyi" Brenda akadaro achinyemwerera achinodira juice achipa Shorai. Shorai akadududzira kunge mvura achienda upstairs nembatya dzake "Usandisembira neluuya mu room mangu" Brenda akaseka. Shorai akaenda upstairs paakangovhura door akasara padiki kuzviitira tsvina.nomusa aiva akagara pamubhedha achichema "Uri kudei kwandiri Shorai? Hauneti here nezvinhu zvamakaita na Mai Tee " Nomusa akadaro achisimuka "Nd-- nd--" Shorai akakama achivhura drawer achitsvaga mushonga "Hapana mushonga apo wanyangaira yakaoma nhasi. Buda pamusha pevana vangu" Nomusa akadaro achiswedera pana Shorai "Ndiregererevo sisi Nom--" Shorai haana kuzopedza kutaura akanzwa kunge ari kubuda ropa mumhino "Ndokumbira usandiuraya Nomusa please" Shorai akadaro achibuda mumba achituza paakadzika ma steps akadonha achikumguruka nedumbu. Paakasvika pasi akaedza kusimudza akatadza nemarwadzo. Nomusa akabva anyangarika. Shorai akaedza kusimuka asi akanzwa achibatwa nedzungu muviri wose ichipisa "Help!!! Brenda help me nhanha please!!" "Uchiri kurangarira ndichikuudza kuti ndichakubata chete?" Brenda akadaro amira mberi kwake achitambisa chamboko uku achirova smile "Wandiisira poison Brenda? Please nhanha ndiregerere" "Ndave nhanha manje ini?" Brenda akadaro achitanga kumurova nechamboko. Shorai aiedza kusimuka asi aiva asina simba. Shorai akaridza mhere achichema. Aiva asingachakwanisi chero kunzvenga chamboko. Brenda aingomurova asingambomupi nguva yekuzorodza nyama. Zvichakadaro mota ya doctor yakapinda. Lulue akaburuka mumota asi aionekwa kuti aiva asina simba aiita zvekumanikidza. Akavhura door akawana Brenda achishandira Shorai. Paakaona Lulue akamumhanyira achichema "Mhamha muri mupenyu?" "Ndiri mupenyu newevo usanyanya kuti name name neni unondidzimbira" lulue akadaro achitarisa Matsito "Brenda what done did you?" Lulue akabvunza "Anga achitinetsa mhamha?" Brenda akadaro achichema "Enda kumota ya doctor " lulue akadaro Brenda akabuda achinopinda mumota. Paakapinda mota yakabva yaenda "Yah Matsito ndamuka kuvafi" Lulue akadaro achiswedera pana Shorai "Handidi kukuita zvakaipa pamusha pevanhu asi ndoona kuti Brenda anga atopedza newe" lulue akadaro achimudhonza zve rough akazomusiya paakanzwa munhuhwi waibva neku kitchen. Paakasvika ku kitchen akawana poto yakazara mafutha pa stove. Akadzima stove achipera nekuseka nekuti akaona kuti Brenda anga achida kumupisa nemafutha. Akadzokera Kuna Shorai aigomera nemarwadzo Mai Tee Mai Tee vaiva vakagara mumba mavo vachifunga nhamo dzavo. Vakanzwa munhu aigogodza. Pavakavhura door vakavhunduka vachiona vari baba vepa nextdoor vavakakwereta Mari yavo "Ndichatanga kuita maricho mthunzi ndichakubhadhara Mari yako pari zvino zvinhu zvakandiomera kutaura kudai mumba hamuna kana chii" Mai Tee vakadaro baba ava vasati vambobudisa kana shoko rimwe zvaro "No problema mhamha ndichakumirirai" baba vakadaro vachibuda vachidzoka nevarume vachisimudza room divider yavakatengerwa na Mhukahuru ne USD450 vachisimudza zve mubhedha we USD 500 "Hayi mwanangu zvinhu zvakadhura izvi Mari yako uchaiwana " Mai Tee vakadaro vamira netsoka vakabata musoro "Mukangopfuudza mazuva maviri musina kuunza Mari ndiri kuzotora wardrobe " baba vakadaro vachibuda vachienda -------------------------- "Lulue ndokumbira undiregerere ndokuvimbisa handifi ndakaswedera zve pauri?" Shorai akadaro achichema "Neniwo ndakakumbira ruregerero uchiri kurangarira?" Lulue akadaro achiisa gumbo rake pahuro ya Shorai Akaedza kumudhonza achinomuisa mumota achikiya mota achiuya kuzopukuta ropa raiva rakazara pasi sezvo vana vechikoro vave pedo nekusvika. Apedza akanopinda mumota achiimutsa akananga kumusha kwa Mai Tee. Akasvika pagedhi achiridza huta. Mai Tee vakamhanya vachinovhura door nekuti vaifungira kuti ndi Shorai pamwe azochinja pfungwa. Lulue akapinza mota mukati . Mai Tee hapana zvavaiona ivo vaiva nemufaro wekuti Shorai akuzovapa Mari yekubhadhara chikwereti End of chapter