Chapter 27 Narrated "Lulue uri positive?" Mhukahuru akabvunza achishamisika nekuti hapana zvaanga achiziva kubva zvaakagara na Lulue haana kumbobvira afungira kuti Lulue angaita chirwere "Asi hazvizoonekwi kwauri " Mhukahuru vakadaro "Yaaah nekwauri hazvizoonekwi kana uchidya zvakanaka mangai" "Unoziva ndichiri kushamisika kuti kuchine munhu ari kuona chirwere che shuramatongo sechirwere chinouraya ini ndaiti wakangwara Mhukahuru izvo hapana zviripo tora mapiritsi uko beer rangu rave kutopera" Lulue akadaro achidududzira doro rake "Thank you sisi ndinokumbira umutarise atore mapiritsi ake ne nzira iri right" doctor vakadaro "Sir unokwanisa kuuya ku counselling kana kuti tizviite manje?" doctor akabvunza " No don't worry doctor ndichamupinza munzira handitambi naye handitambe nezvinhu zvisina basa ini" Lulue akadaro "Okay ndichauya rimwe zuva for counselling" Mhukahuru vakadaro Vakazopiwa mapiritsi avo vachibva vaenda Lulue akasiya bhodhoro ipapo "Sisi ndinokumbira utore bhodhoro rako" doctor akadaro achidanidzira "Ndikangodzokera futi kumashure ndichiuya ikoko level yeblack inodzika mumuviri mangu saka zvinoreva kuti ndinozoita nyota futi ndisati ndasvika kumba usare mushe doctor" Lulue akadaro achienda zveshuwa achisiya bhodhoro "Yooooh ko munhu uyu akambodii nhai" doctor akadaro achinonga bhodhoro achiriisa mubin Vana Lulue vakaenda kusvika vasvika kumba vakagara 4 yakachaya Munashe asati auya "Mmmmm ndiri kufa nenzara pamusha pano parikudyiwei?" Lulue akabvunza achigara pasi " Maswera sei, doctor ati kudii?" Tinashe akabvunza "Ngatitangei nekudya varikupi sisi vako zvaunenge iwewe urikubika?" Lulue akabvunza "Uyo mama handizivi ini chero kuchikoro haana kuuya anga asiko apa tanga tichinyora ma test" Tinashe akadaro " What? Anga asiko?" Lulue akabvunza achishamisika achitarisa phone yake achibva amufonera asi Munashe haana kudaira phone yake yakaenda ku voicemail " Mwana uyu asi abva akata foni chiiko ne mwana uyu" Lulue akadaro " Pamwe achauya dzorai moyo neniwo ndambomuzama foni yake haisikupinda" Tinashe akadaro "Pamwe pane zvaitika pamwana wangu ngatifonerei mapurisa" Mhukahuru vakadaro vachifonera mapurisa vachivaudza nyaya ye mwana aiva arasika Mapurisa akavaudza kuti vamirire 24 hrs ndiko kuti vakwanise kuzo reporter missing person Mhukahuru vakanzwa hasha nekuda kwezvavaiva vaudzwa nemapurisa "Haako kushamwari yake here kana kuti ane dzimwe shamwari dzake dzaunoziva dzatingakwanisa kunobvunza kwadziri" Mhukahuru vakadaro "Aiwa baba Munashe haasi munhu we shamwari handizivi kuti naiyewo apindwa nei munhu ari right" Tinashe akadaro " Better titore mota tinomutsvaka" Mhukahuru vakadaro vachitora ma key "Aaaaaa ndimirirei ndirikuuya Tinashe kurumidza mhani undipe piece yenyama undipe ne chilli ipapo" Lulue akadaro akatarisa poto dza Tinashe "Apa nhasi ndabika beans" Tinashe akadaro "Sarinhi tichibika chikafu chisina nyama haaa Tinashe" Lulue akadaro achibuda achimhanya Mhukahuru vaive vave kutoburitsa mota mu garage Tinashe akakiya mumba achibva amhanya kutevera vabereki vake " Urikuenda kupi?" Lulue akabvunza "Neniwo ndiri kuendawo" Tinashe akadaro "Mira mupfanha wangu nyama haingazvibike yega uyiyise muoven wanzwa kamwana wa mama" Lulue akadaro " Ehoi mama" Tinashe akabvuma achidzokera kumashure "Tinofanirwa kuwana mushandi manje" Mhukahuru vakadaro "Mushandi nekuda kweizve nhai Mhukahuru vanhu ava vakura next year vanofanirwa kuenda ku university vanofanirwa k udzidza basa re mumba" " Handina kuti havagoni" "Asi mushandi aiwa handibvumirani nazvo ini vangu vana vanoshanda handina basa kuti mukoma" Lulue akadaro "Ayii Lulue newewo ayiii" Mhukahuru vakadaro vachienda vachitsvaka Munashe nzvimbo yose asi vakamushaya vakamutsvaka kusvika vadzokera kumba " Kunze kwasviba manje mwanawangu arikupi Mhukahuru vakadaro vachipinda mumba vakabvunza Tinashe kuti haasati auya here Tinashe akati aiwa zvichakadaro pakamira mota pagedhi yeRange Rover kunze kwaiva kwasviba pakabuda murume aifamba na Munashe "Aaaa mwana uyu wamutora kupi?" Mhukahuru vakabvunza vachidhonza mwana wavo pamurume uyu "Ndamuona mumugwagwa akarara pasi ndabvunza vanhu vanga vachiedza kumumutsa vachibva vandiraira kuti mwana wepano" murume uyu akadaro "Okay tinotenda zvakanyanya mukoma munogona kushanda ne vanhu mune moyo wakanaka shuwa ari umwe angadai atomurepa" Lulue akadaro asinganzwisisi murume uyu " Neniwo ndiri mubereki ndaita zvandanga ndichadawo zviitwe pamwana wangu regai ndiende ini" murume uyu akadaro akatarisa kumota yake " Tinotenda haukwanisi here kusvika mangwana uuye kuzodya nesu dinner tichitenda zvawatiitira" Mhukahuru vakadaro Lulue naiyewo akaratidza kubvumirana nazvo Murume uyu akabvuma achibva ayenda Mmmmm ndabatsira nekumuunza pano kuitira kana arasika ndichazviswededza paari ndendichiziva ma movements avo vose "Manje havana kumbokufungira here?" Rudo akabvunza "Kana vatondi inviter kuti ndiuye kuzodya navo dinner" "Haa unonyeba iwe" "Ndonzi brah Jonh ka ini vachapepuka mwana wavo ava kuNigeria" "Saka uchaenda?" "Ndofanirwa kuenda kuitira kana Munashe aenda ndoziva ma movements avo neniwo ndigare ndakachenjera" bra jonh akadaro achipera nekuseka kwa Mhukahuru "Nashe uri kubvepi nhanha?" Lulue akabvunza "Hapana zvekuti nhanha apa munhu uyu ava chidhakwa ava kuda tsvimbo chete" "Ndiri kubva kumafaro hololo" Munashe akadaro achitambisa maoko "Yowee enda unorara tichataura mangwana" Lulue akadaro "Zvagara ndakunorara hapana zvandingataura newe ini hausi mai vangu ka" "Munashe watii? Handina kunzwa pane mhepo pano" "Wandinzwa Lulue mai vangu hanti vakauraiwa neuyu ane musoro muhombe" Munashe akadaro achitendeka Mhukahuru Mhukahuru vakamupa gwati rembama achidonhera pasi "Handingadhererwi newe ini Munashe Lulue uyu ndimai vako vakakuchengeta kubva uchiri mudiki. Ukada kudherera ndinokugwatidza nembama ini" Mhukahuru vakadaro "Musiye Mhukahuru tichataura naye mangwana" Lulue akadaro atova down "Muri kundidonhedza neniwo makuda kundiuraya" Munashe akadaro achitatarika achida kusimuka. Tinashe akamubata achida kumubatsira "Musiye Tinashe asimuke ega kana akatadza acharara pa floor ipapo chando chichamungwadza" Mhukahuru vakadaro Lulue nzara yose yakabva yatopera. Anga asingafungiri kuti Munashe angazobuditsa mashoko akadai nekuti akakura ari munhu ari right shame uye akavaendesa ku counselling kuti zvisazovakanganisa asi ehh nhasi amuitira mashura "Im sorry Lulue nemashoko aMunashe ceyi" Mhukahuru akadaro "Mhamha Munashe haasi munhu akadaro muregererei pamwe zvakonzerwa nedoro. "Zvino doro kana richidaro bva neni ndicharira. Munashe anofanirwa kurairwa nekuti akunditambira firimu yandisingazivi apa haana kumbondipa chero warning angobudikira se remix" --------------- Makuseni Munashe akamuka achinzwa musoro. Lulue na Mhukahuru vakabva vapinda. "Wanga waenda kupi iwe nezuro?" Mhukahuru vakabvunza "Shhh daddy musoro wangu uri kurwadza" "Hayi Mhukahuru usaita hasha pamwana" Lulue akadaro "Hayi handiyemisi mwana achidherera Lulue anga aenda kupi nezuro zvaauya akadhakwa. Taura iwe ndisati ndakudzemura negwati rembama" "Shamwari yangu nezuro yanditora ikaenda neni kune rimwe bhawa. Ini ndangomwa zvishoma handizivi kut chii chazoitika zve. Ndiri kutoshamisika ndichizviona pano sorry daddy nemwi nhamha kanga kari kekutanga nekupedzisira handichapamhi zve" "Zvino zvinhu zvawaudza mai vako wazviwana kupi? Huhh!! Wakura here iwe pamusha pano?" Mhukahuru vakabvunza nehasha. Munashe akavhura maziso "Ndati kudii baba? Handizivi zvandataura asi ndokumbira ruregerero. Neniwo handizivi ndapindwa nei?" Munashe akadaro achichema "I stage sisi asi ini ndichakuudza chinhu chimwe chete. Usateerera shamwari dzinokurasisa nekuti hauzivi zvaanoita. Shamwari dzichakufurira ugosara wakati vavava iye aenda iwe wangosara pano wakavhura maziso. Kutaura kudai hauzivi kuti ari kuitei. Pamwe ari kutoverenga ma book iwe wakarara pano wakadhakwa. Gore richipera anenge akapasa iwe wakafoira. Tarisana nechikoro mwanangu ndicho chakakosha. Ndicho chaungadada nacho chikoro ndicho murume wako. Haumbochemi mangwana kuti andihurira or aita sei. Dzidza mwanangu usiyane nemafaro enyika" Lulue akadaro achitura befu "Ndingarwadziwa mangwana mwanangu ndichikuona usina chawakabata asi ini ndakakudzidzisa zvakanaka zvega. Handina kuti usaita shamwari asi shamwari hadzisi dzose dzinokuda. Shamwari inokurwisanisa nevabereki vako haisi right. Yes ndinoziva kuti wakura. Asi chero wakura sei mubereki akakosha mupe respect iye achakupa ruzivo" "Im sorry handizivi chii chaitika pandiri. Ini ndanga ndichiti ndichamwa zvishoma zvekuti chero imwi hamumbozvioni. I'm sorry pane zvose zvandataura" "Ohk mwanangu chienda unogeza uende kuchikoro" "Musoro wangu uri kurwadza mhamha" "Ohk zama kunogeza uchanzwa wava nani ini ndochakugadzirira chikafu chine mhiripiri zvichapera" Lulue akadaro Munashe akabva aenda "Lulue shuwa une moyo wakanaka ini dai ndiri ini dai atoibva uyu nechamboko" Mhukahuru vakadaro "Mhukahuru tsvimbo haisiriyo yega inogadzirisa zvinhu. Mwana unogara naye wotaura naye zvakanaka womuonesa zvakanaka nezvakaipa kwete kungomhanyira kugwinha gwinha mwana" "Une moyo wakanaka Lulue" "Hayi Mhukahuru handisi shamwari yako ini" "Haiwavo tibvigwe uko" Mhukahuru vakadaro vachisimuka vachibuda vachienda ku kitchen Lulue naiyevo akatevera. vakawana Tinashe atopfeka uniform achigadzira breakfast. Lulue akatora nyama achitanga kui toaster "Haa mhamha neniwo ndoidawo" munashe akadaro achidzosera mazai mu fridge "Hayi musashandisa Lulue imwi" Mhukahuru vakadaro "Vabvunzei mhamha kuti vakaguma rinhi kundigadzirira chikafu" Tinashe akadaro achiyema pedo naLulue "Ndiro munhamo ini ok ndichakuitira newevo" Lulue akadaro "Thank you mom you're the best mother musabvuma baba vachikufururai" Tinashe akadaro "Ndichakurova iwe kushata kwako" Mhukahuru vakadaro. Zvichakadaro pakaita knock pa door. "Haa makuseni ano here? Mhukahuru une appointment here?" Lulue akabvunza. Mhukahuru vakasimudza maoko. Lulue akaenda kunovhura aiva Nigel "My girlfriend" "Shatress wangu wauya? Makuseni ano asi wadzingwa kwawanga uri" Lulue akadaro achimukisa pahuma "Yes because ndoda kuudza munhu wangu a good news" Nigel akadaro vachienda kune vamwe "Makadii" Nigel akadaro "Yah" Mhukahuru vakadaro. Kumeso vaipupuma nehasha ivo vaizviudza kuti ndi ben 10 wa Lulue "Mukoma Nigel muri sei?" Tinashe akadaro achihaga Nigel "Newevo unomuziva ben 10 wa Lulue?" Mhukahuru vakabvunza "Aewa baba haasi ben 10 wa mhamha uyu mwana wavo. Like mwana wa sisi va mhamha mu twim wavo" Tinashe akadaro achipera nekuseka aiona kuti mudhara vakufa negodo "Ohh mwana wa Luyani" Mhukahuru vakabvunza. Vaiziva kuti Lulue mu twin asi Luyani havamuzivi havo "Ehe baba" Nigel akadaro ne respect "Yah Nigel ndi baba vana Munashe ava anoda kundiitira dzungu he think he is standing a chance kwandiri manje haasi type yangu uyu" Lulue akadaro "Lulue Lulue chiiko?" Mhukahuru vakadaro. Munhu wese akapera nekuseka Vana Tinashe vakadya vapedza vakaenda kuchikoro "Nigel huya nadzo dzawati dziri good" Lulue akadaro "Ndawana basa ku japan" Nigel akadaro "Unonyeba iwe" Lulue akadaro "Mira ndipedze ka. Mudhara uyu anotamba bhora akazogohwesa penalt" "Haa Nigel ndakuzoita mbuya manje" Lulue akadaro "Makorokoto mwanangu murume ndeanoita zvawaita izvi. Haatizi ma responsabilitises ake" Mhukahuru vakadaro "Eish manje ndoda kuti pandinoenda ku Japan ndatomuroora tachata. Tichangonosayina ku court" "Uri kuenda rinhi ku Japan?" Mhukahuru vakabvunza "Mwedzi unouya" "Uri kumuroora nekuti unomuda here or uri kumuroora nekuti ane pamuviri?" Mhukahuru vakabvunza "Zvose baba" "Ohk ayy mwanangu unofanirwa kuroora munhu uchimuda" "Ndomuda zvakanyanya baba" "Hayi Nigel ndinofara newe asi yemuchato wadii wambomira" "Nemwi futi mhamha?" MUNASHE Munashe aiva akagara achidya chikafu chake sezvo yaiva nguva ye break. Rudo akaswedera paari "Hey chommie mhamha havana kukurova here nezuro?" "Yoo varwadziwa shame nezvandaiti handipamhi zve kuita zvandaita nezuro" "Haa chomie ivo vakafara wani vachiri vadiki saka nei iwe vachida kukuvharira mufaro wako?" "Mhamha vangu vati ndisapamha zve saka ndofanirwa kuteerera bye Rudorwashe" Munashe akasimuka achienda "Haa" Rudo akadaro achivhura maziso. Achitora foni yake achisendera Brah Jonh message wakufanirwa kuita zvinhu nekukurumidza munhu uyu abva angochinja from nowhere haachadi kutamba neni. Bhadhara mari yangu utore munhu wako nekuti ukasadaro uchamuruza brah jonh haana kutora nguva akapindura mangwana chaiwo anoenda end of chapter