Chapter 22 *YEARS LATER It's been years now ma twins akura Nigel ave ku university Zacharia kubva zvaakaenda nazvino haasi kuonekwa Lulue akangomira pa black label yake nazvino akatanga achifunga kuti achanzwa Zacharia achimufonera asi akapedzisira arasa tariro Lulue aiva akagara mu sitting room foni yake yakabva yapinda message akavhura maziso Haaaa nhasi andirangarirawo Lulue akadaro achivhura maziso achitarisa message yaaiva asenderwa na Zacharia achimuudza kuti kana ave kuuya ku Malawi afambe sei Lulue akafara zvakanyanya zvichakadaro akavhiringidzwa ne knock yaiva pa door akamhanya achinovhura asi paiva pasina munhu asi paiva ne box akabva aritora achishamisika akatarisa nzvimbo yose achibuda panze asi haana waakaona " Hezvo ndiani manje uyu angandidai " Lulue akadaro achishamisika achitora box achirivhura mukati maiva ne bepa raiva rakavhurwa rakanyorwa kuti YOUR DAYS ARE NUMBERED " Haaaaa numbered yekudii? ndiani manje uyu? munhu uyu arikurwa neni which means ndave kufanirwa kugadzirira neniwo Lulue akadaro achidzokera mumba paakapinda mumba akanzwa knock futi akaenda kunovhura akabata banga akavhura maziso achiona ari Shorai " Ko haufanirwe kuva kujeri here iwe? " Lulue akadaro achivhura maziso " No sa mrs Mhukahuru ndauya kumba kwangu " Shorai akadaro achipinda mumba " Unopenga iwe ,,,, iwe Shorai buda muno mrs Mhukahuru vekuoenga enda unogara kumba kwako ino imba ya Nomsa ne vana vake " Lulue akadaro ne hasha " Unopenga iwe ini na Mhukahuru takachata tikati zvake ndezvangu zvangu nde zvake saka zvinoreva kuti mudhadha we imba iyi ndewangu chero chii chiri muno chero mari let's hope hauna kuipedza nekuti pangafiwa " Shorai akadaro achinogara pasofa " Iwe matsito ndati kudii kwauri " Lulue akadaro " Hapana kwandiri kuenda Lulue tinofanirwa kudana lawyer ra Mhukahuru ndiro richataura zvose richatokuudza kuti muchato wedu wakafamba sei lawyer richingopedza kutaura iwe unobuda pamusha pangu " Shorai akadaro " Heeeee ini handibudi pamusha pano kanganwa kana pachifanirwa kufa munhu pachafa munhu " Lulue akadaro " Eeeeee mmmm ko Lulue pamusha pano hapadyiwe here " Shorai akadaro achitaura ne kudheerera " Iwe matsito usada kundijairira asi wakanganwa kuti ndini ani " Lulue akadaro ne hasha achikwira upstairs ne bepa raiva ne number dzaiva dzasiiwa na Mhukahuru achitora mari akadzoka downstairs achibaya baya foni yake achiisa pa loudspeaker " Ndi mr Gondo ava ndingakubatsira nei " lawyer ra Mhukahuru rakadaro " You too speaking Luyanda ,,,,," Lulue haana kuzopedza kutaura " Ooooooh okay sisi asi ndokumbirawo utaure chishona " lawyer rakadaro richinzwika kuti raida kuseka Shorai naiyevo akapera nekuseka " Yaaaa taura hako ndinonzwa shona Luyanda " mr Gondo vakadaro "Ooooh okay murikutaura na Luyanda anoshandira Mhukahuru handizivi kana m uchikwanisa kusvika kwa Mhukahuru mangwana inyaya ye state yake mukoma " Lulue akadaro " Oooooh munoreva state yake ooooh okay no problem zvagara mangwana handisi busy saka ndichabudikira masikati kana manheru " lawyer rakadaro Lulue akabvuma vachibva vaonekana Zvichakadaro vana vakapinda vachibva kuchikoro " haaaa ko vana vakura kudai ko aya magora matatu ndeekupi " Shorai akabvunza zvinekakudheerera achitarisa Lulue akabva aona kuti mapatya a Mhukahuru anoziva Lulue sa mai vavo Vana pavakapinda vakamhoresa Shorai pamwe chete " makadii aunt " " Imwi magora handisi aunt wenyu ini imimi ma twins ndiri mai venyu murikundinzwa " Shorai akadaro " Iwe Shorai vhara muromo wako uyu " Lulue akadaro ne hasha " Aaaaaa isu here ava Mai vedu " Munashe na Tinashe vakadaro vachitendeka Lulue " Heeeee ko haana kumbokuudzai kuti mai venyu vakafa uyu ndi house girl pamusha pano " Shorai akadaro achiseka vana vakashamisika vachitarisa Lulue " Vanangu endai munokurura mbatya muuye mudye musamuteerera matsito uyu " Lulue akadaro achinyebera kunyemwerera Vana vakaenda upstairs vachinochinja asi mashoko a Shorai aiva mupfungwa dzavo " Iwe nhasi ndoda kukurova kusviba kwese kusvika watsvuka handizivi kuti pfungwa dzako dzinofungei " Lulue akadaro achitanga kumurova ne zvibhakera " Uchakumbira ruregerero nhasi kusvika wanditi sisi urikundinzwa matsito " Lulue akadaro achitanga kumurova Shorai akaedza kurwisa asi Lulue aiuya ne power " Ndi ndi ndiregererewo " Shorai akadaro achichema " Ndiregerere ani " Lulue akabvunza achingomurova nezvibhakera " Sisi " Shorai akadaro "Good chibuda pamusha pano handidi kukuona " Lulue akadaro akatarisa Shorai Lulue akamurova kusvika Shorai izwi risingachabudi " Futsek!!! simuka unogeza ropa rako iri rakasviba kunge iwe " Lulue akadaro Shorai akasimuka achichema achinotora bucket ne mop achiuya achitanga ku mopper " Unopenga here iwe unoda kumopper ropa rako ne mop ratinoshandisa mumba usada kujairira enda unotsvaka mop diki uko " Lulue akadaro achimurova ne mbama Shorai akatendeuka achinotora chikorobho achiuya achigwadama pasi achikorobha ropa rake uku muviri wake waiva wazvimba paakapedza vana vakabudikira vachiteverana " Garai pasi ndinokupakurirai chikafu makonzo angu " Lulue akadaro achienda ku kitchen akasvika achiva pakurira chikafu apedza akaisa mvura mupoto achiuya achipa vana chikafu achigara pasi " Mama ko aunt mava pakurira here " Munashe akabvunza " Nxaaaaa uyu nana ati akaguta ,,,,handiti matsito wakaguta " Lulue akadaro achitarisa Shorai neziso rekuti ukangotaura " Aiwa ndine nzar,,,,,,," Shorai aida kutaura asi Lulue akamutarisa " Wati Matsito? wati unei " Lulue akabvunza akamutarisa Shorai akatya kurohwa akabva atonyarara " Mama mati ndi aunt ani ava " Munashe akabvunza " Ndi aunt matsito uyo " Lulue akadaro achitarisa Shorai Vana vakatadza kuzvibata vachibva vapera nekuseka " Idyai uko munyore basa rechikoto nekuti manheru kune kwatiri kuenda " Lulue akadaro vana vakaita zvaiva zvataurwa na Luyanda " Ndinokumbira kunomwa mvura Lulue " Shorai akadaro Lulue akabvuma ne musoro Shorai akasimuka achienda ku kitchen akasvika ku kitchen achikudubura ndiro achifunga kuti pamwe kwasara chikafu akavhura poto akawana poto yakadirwa mvura " Yooooo ko Lulue anoti ini ndichadyei ko akambodii mwana uyu shuwa kuchaedza lawyer risvike ndivadzinge pamusha pangu handinga gari se musungwa pamusha pangu ini pedzezvo ndonyimwa chikafu zvichakadaro Lulue akapinda " Urikutaurei wega iwe ndikupamhe futi izvezvi " Lulue akabvunza " Aiwa sisi ndine nzara veduwe handina chandadya kubva kuseni ndipe chero sadza haro risina muriwo " Shorai akadaro misodzi yajenga kumeso kwake " Nxaaaaa iwewe kana ndakakutarisa ndinoona sekuti ndiwe wakauraya Nomsa manje wave kuda kuzotonga pamusha pake zvinoreva kuti hauzvishore pedzezvo wave kungotaura chero chii pavana vake uchiti mai venyu vakafa zvino wavekuda kudya chikafu chake pamusha pake unoshamisa iwe " Lulue akadaro achikudubura ndiro tora sadza iro ne muto ndakusiira Lulue akadaro achimupa sadza raiva rasiiwa ne vana Shorai akatora sadza akadya semupengo Manheru Lulue akatora vana achienda navo mu town akavasiya mune imwe hotel achibva adzoka kuna Shorai akawana Shorai ari busy achitopisa nyama akapinda Shorai asingamunzwi paakamuona akavhunduka " Ndi ndi ndiregerere sisi " Shorai akadaro achikakama achishamisika kuti Lulue akasika kudzoka nei nekuti ati ati arikuendesa vana mu town Lulue haana zvaakapindura akananga pa cupboard akatora ndiro akaisa salad akabisa steak mu poto achiisa mundiro yake apedza akadira mvura achidzima stove akatora black label rake mu fridge achibva amutarisa " Steak iyi inenge yaibvisa iyi hande tinoona tv kana kuti unoda kutanga wagadzira chikafu chako " Lulue akabvunza Shorai akabvumira mudenga " Oooooh ok it's fine icho chingwa ne dovu ita hako tea asi usaisa mukaka " Lulue akadaro Shorai akavuna achitarisa pasi akaita zvaaiva audzwa na Lulue nekuti chaaida kuti awane simba Lulue aiva akamumirira ipapo apedza vakabva vaenda ku sitting room vachinoona tv vakadya vakapedza Lulue akasimuka achienda ku kitchen ne nyama yaiva asiya achibva aisa mu fridge achibva abuda achienda Shorai akadongorera ne pa window akamuona achienda " Lulue anondijairira kwete zvekutamba ndinoda kukudzidzisa chidzidzo handizivi zvakanaka ndichamubisa kungwara kwese ikoko mangwana chaiye anenge achindinyengerera kuti ndisamudzinga apo ndoda kumurova ne tsvimbo haandizive mushe uyu " Shorai aitaura ega achiona Lulue achibuda ne mota akabva asimuka achimhanya achienda ku fridge paakati avhure akawana fridge yakakiiwa " Shit apo nyama ndakaiguma rinhi kuidya kusvika ndaguta dammit Luyanda " Shorai akadaro achiridza tsamwa HOURS LATER Hours later Lulue akasvika ne vana vakabata chikafu chavaiva vasiya vakasvika vachiisa chikafu chavo pasi chimwe vachipa Shorai " Aunt matsito takuvigiraivo nemwi " Tinashe akadaro Kuna Shorai " Thanks nana " Shorai akadaro achishamisika asi aiva ne mufaro Lulue zvinhu izvi zvakamubhowa asi akanyarara nekuti aiva asingadi kuti vana vamubvunze mubvunzo yakawanda pamusoro pa Shorai Shorai akadya semupengo chikafu chaaiva apiwa ne vana vakagara gara vachibva vazoenda kunorara Makuseni Lulue akamuka achigadzirira vana ma lunch box ekuenda kuchikoro akavaitira vese vari 4 apedza akafonera Nigel anogara ku university "No maan mhamha makuseni ano here amana" "Nxaa tsek Nigel ndokurova wazwa. Ndakupihwa limit yekufonera mwana wangu. Let's hope hauvarairwi nemujolo ikoko uri kudzidza haumhanyisi ma skirt " "Ndoamhanyisa zvishoma mhamha" Nigel akadaro achiseka "Ndokurova wanzwa. inzwa Nigel unoziva musha uyu I think muridzi auya so I think togona kudzingwa anytime" lulue akadaro "Haa mhamha ko Mhukahuru makore avakapihwa kujeri akwana here?" Nigel akabvunza achishamisika " Haasi Mhukahuru ndi Shorai" "Mhamha endai munogara kumba vasati vakudzingai. " "Ahh uko handiendeko uko better ndiite mugunduru nevana vangu" "Haa sisi mhamha think about vana vako muchagundurudza navo here. Vanhu vaikushunguridzai hanti havasisipo here. Ahh ndanga ndatokanganwa. Udzai vana chokwadi nezve vabereki vavo. Sisterz muvamhorose ndakurara ini hey mhamha no game mamutsana please achiri makuseni Aya" "Ohk Nigel ndichaona kuti ndichaita sei nenyaya iyi. Iwe unondiita sisi vako zveshuwa" lulue akadaro achiseka achikata foni *Yah Nigel akutaura chokwadi rega ndinzwe laywer richati kudii ndobva ndatangira ipapo" Lulue akatarisa vana vaiva vatova ready zvichakadaro munashe akaswedera Pana lulue "Mhamha Matsito anga achirevei paari Mai vedu vakashaya?" Lulue misodzi yakajenga kumeso "Tichataura pamunodzoka kuchikoro" lulue akadaro.pachokwadi aiva asingazivi kuti anotangira papi kuvaudza chokwadi "Enda unodya ndinokuvimbisa pamunouya ndokuudzai chokwadi chose" lulue akadaro achipukuta misodzi yaiva yakubuda "Mhamha muri kuchema?" "Munashe enda unodya ahh ndatosvorwa ne onion ini ko hanti ndanga ndichikuitirai breakfast Ina jesu mukati" lulue akadaro achinyebera kuseka "Mhamha hapana onion pano?" "Nashe gara pasi udye mwanangu" lulue akadaro Munashe akagara pasi vachidya vapedza vakaenda kuchikoro. Madam Shorai vaiva vachakarara zvavo Ndofanirwa kuendesa vana ava ku councilling mushure mekunge ndaivaudza chokwadi nekuti ndikasadaro vangazokanganisika vana ava lulue akadaro achigara pasi achitarisa nguva. 7 aiva achangochaya. Akatora foni achifonera Zachariah ne number yaaiva amutumira nayo message Ichibva yapinda "Ohh thank God yapinda. Hello Zakes ndaifunga kuti haufi wakandifonera zve.ari sei Amanda wangu. Unoziva Zakes kuno ndogara nevana vasiri vangu asi ndikutadza kugara newangu. I wish naiyevo dai aripo ndichimupa rudo rwandinopa vamwe" lulue aiva akuchema asina kumbopa munhu aiva adaira foni mukana "Sunungukai ndiri right ini" Amanda akadaro. "Ohh Amanda im sorry mwanangu pazvinhu zvose zvakaitika pauri" Lulue akadaro achichema "Chiregai kuchema baba vakandiunza nyaya yose neniwo zviri kuitika pandiri ndakamuzvara mwana wekurepiwa it's been years now ndichiedza kumufarira manje ndakumufarira I think now ndakuegererai" Amanda akadaro "Ohh ndinotenda mwanangu zvakanyanya. I wait can't to see you. Kuri sei kuchikoro ?" "Kunonakidza ahh ko hanti ndiri mwana wa Mambo ini ndiri kudzidza ku America now igore rangu rechishanu ndichidzidzira hu doctor kuno ndakauya nekuda kwema reasons" "Ohh Zakes mwari vamukomborere shuwa" "Neniwo ndozvandaigara ndichitaura apa hapana anotoziva kuti handisi mwana wepano. Vakanyeba mu family kuti ndiri mwana wavo vaka believer" "Ohh Zakes . Iye ari kupi ndimbonzwa voice rakendimutende nezvaakandiitira shuwa" Lulue paakadaro pakamboita runyararo. Amanda akatura befu achidhonza chikosoro akanzwikwa nekukweva madzihwa kuti ari kuchema "I need to go now mhamha kana zvichibvira ndokumbira kuti musvike pano Sunday makuseni bye" Amanda akadaro achikata foni "Haa Amanda ko Zakes handichanzwi voice rake" lulue aizvibvunza akatarisa foni yaiva yanyarara munzeve dzake Lulue akanyemwerera paakanzwa mwana wake achiti amuregerera chero hazvo asina kuzotaura na Zachariah asi achamuona paanoenda ku Malawi *Shuu ndoenda chete kumalawi ne Sunday Rega ndifonere Nigel auya tiende tose" lulue aitaura achinyemwerera achisimuka achinovhura radio achiisa song yake yekuti dhomoroza achitora black yake End of chapter