Chapter 4 MOLLY Tom akamurova kusvika aneta ndipo paakazomusiya azara mavanga pamsoro peaanga agara anawo. Muviri waiva wakaita green chaiwo nekuti mavanga mumuviri make aityisa. Mamwe ndeakapora mamwe Ari kupora mamwe achiri matsva. Molly aifamba hake asi mukati aiva akakuvara zvakanyanya. Tom achibva abuda akamusiya akadaro pasi Molly aichema achibowa nemarwadzo akabva amuka achitora foni yake achifonera mai vake "Mhamha ndinokumbira mundibvumire ndiuye kumusha" Molly akadaro achichema achirwadziwa "Haaa vanhu vachati kudii mwanangu mumaraini. Vachati ndakazvara mwana ave return soldier shingirira mwanangu shingirira zvichadarika" mai Molly vakadaro "Mhamha hazvidarike mhamha ndakazara mavanga muviri wese ndanzwa nemarwadzo mhamha Munoda ndifire pano here nekuda kwekuti imwi muri kuti vanhu vachati kudii" Molly akadaro achichema "Chero ini baba vako vaindirova mwanangu uri kuona zino rekumberi randisina iri. ndivo vakandirova vakandibvisa zino. Shingirira mwanangu ndizvo zvinoita imba" mai Molly vakadaro Molly akabva akata foni paakanzwa Tom achiuya zveshuwa akapinda akamuwana achichema akaswedera pedo naye achimumbundira "Sorry mukadzi wangu eish ruoko rwapunyuka handizivewo kuti ndanga ndapindwa nei" Tom akadaro achikumbira ruregerero Molly akaramba achichema Tom akasimuka achinodziisa mvura yekugeza "Huya ugeze babe" Tom akadaro achitora Molly achimuisa mubhavhu achienda kunobika Molly apedza kugeza Tom akapakura vachibva vadya. Zuva rakazovira vave kutaura zvakanaka kunge pasina zvamboitika asi marwadzo pana Molly aivapo MHUKAHURU HOUSEHOLD Manheru vana Nomusa vakauya, Nomusa akagadzira poto akabika kukadyiwa "Gara zviya iwe wavingei pano?" Nomusa akabvunza Shorai aingodya chikafu kunge akachiguma kare..sezvo masikati vasina kudya Lulue aswera akakiya macupboard. "Ndauya kuzoshanyira mhamha" Shorai akadaro "Haaa une chivindi shem, chinzwa sisi pano pamusha pangu mai vauri kutaura avo kuti wavashanyira vane musha wavo" Nomusa akadaro Shorai akabva atarisa mai Tee "Hezvo musha wemwana wangu uyu iwe Nomusa, Aribheti taura zve newevo ko wakanyararirei" mai Tee vakadaro "Mhamha Nomusa ari kutaura chokwadi musha uyu ndewangu naNomusa zita renyu haripo pamusha uyu Hamungakoke vanhu kuti vauye pamusha pedu isu tisingazive" Mhukahuru vakadaro vachisimuka vachienda muroom mavo "Wave kundijairira manje iwe muchembere, I think unofanirwa kudzokera kwawakabva nemunhu wako. Pano pamusha pangu mai Tee" Nomusa akadaro achisimuka achitora vana vake achisimuka achinovagezisa "Haaa wachangamuka madam wachangamuka imbomira mira zveshuwa ahh chembere iyi inozviitisa mhani inongoti kushata kunge washeni yemapitukoti" Lulue akadaro akagara achimwa black label yake 2 days later Molly akazouya kubasa nezuva rechitatu akapfeka mbatya dzaisvika kutsoka nescarf muhuro akapfeka nemagirazi kumeso "Makadii" Molly akadaro paakawana vanhu vose varimo mumba kunze kwaMhukahuru anga asipo Vanhu vose vakabvuma "Molly ndinoda kutaura newe" Nomusa akadaro achisimuka achienda kustudy Molly aitevera kumashure "Madam ndinokumbira mundiregerere nekusauya musandidzinga please" Molly akadaro agwadama pasi Nomusa asati ataura chinhu "Kumba kuri right here Molly?" Nomusa akabvunza nekuti aionekwa kuti pane zvaari kusvora "Ehe kuri right madam" Molly akadaro "Bvisa magirazi awo awakapfeka tione" Nomusa akadaro achimubisa scarf muhuro "Madam" Molly akadaro achiisa maoko muhuro Nomusa akaswedera paari achida kumubisa maoko asi Molly akarwisa "Bvisa magirazi Molly" Nomusa akadaro achimubisa magirazi "Ko wakaita sei ziso rakaita kuzvimba rimwe rakaita kusviba kuti ndoo huro iyo uri kuivanzirei nhai Molly?" Nomusa akabvunza apererwa Ziso raiva rakazvimba rimwe rakasviba kuti ndoo "Ndakunguruka madam hapana chaitika" Molly akadaro "Haaa huro iyo wakanguruka zve, nhai Molly uri kuvanzireiko kuti Tom anokurova? Unoziva here kuti vangani vakadzi vanofa pazuva nekuda kwekunyarara vasingataure kuti vari kushungurudzwa mudzimba ko nei usinga musungise Tom wako unofunga kuti zvichaperera ipapa here" Nomusa akadaro achibuditsa musodzi "Imistake madam akumbira ruregerero uye andivimbisa kuti haachapamhi zve" Molly akadaro "Kangani Tom achikumbira ruregerero nhai Molly asi asinga chinje ndinogara ndichikuona ini kuti uri kurohwa saka ndinotoziva kuti hakasi kekutanga" Nomusa akadaro akatarisa Molly mumaziso "Kana ndikamusungisa ndichatangira papi nekuti kana akazobuda mujeri anondiuraya uye chero ndikafunga kuenda kumba mhamha havabvume vanenge vachingoti shingirira. Nyaya yangu yekurohwa havaitore serious" Molly akadaro "Uyo haangabudi nebail ndichakutsvagira lwayer Ini, huya ugare nesu pano Molly hapana achakudzinga" Nomusa akadaro "Ndakagarira mwana wangu ari kucollege" Molly akadaro "Wakagarira mwana kuti zvidii? vangani vana vanokura vasina vabereki vavo vari pamwe chete wako uyo atokura wesi ari kucollege manje. Vamwe vana vanonhongwa muma dust bin iwe woti wakagarira mwana akura uchingorohwa" Nomusa akadaro achitarisa Molly aiva akatarisa pasi "Sungisa munhu uyu Molly nekuti ukaramba uchinyarara kudai anokuuraya mwedzi uno hauperi" Nomusa akadaro "Hazvisi nyore madam ndibaba vemwana wangu ava. Mwana wangu ndichatangira pai kumuudza" Molly akadaro "Ayyy handichazive ini" Nomusa akadaro achionekwa kuti aiva apererwa zveshuwa Zvichakadaro Lulue akabva apinda nekuti anga akateerera nguva yose iyi akamira pamusuwo "Munoziva chii madam uyu anoda ndimbomupa chibhakera ziso rakasviba iroro rivharike nairovi" Lulue akadaro akabata further dust achitendeka Molly "Aaah Lulue usatura uchidaro iko uri kudei pano?" Nomusa akabvunza "Haaa madam siyana nazvo izvi zvekuti ndiri kudei pano vanhu vakafanana nana Molly ava ndivo vanoita kuti varume vatijairire vachitirova pasina zvatatadza. Vanhu vanofanana naye havakwanise kuchengetedza hupenyu hwavo. Makambozviona kupi kuti munhu anorohwa kudai oramba achingoshingirira. Unoshingirira chii nhaiwe?" Lulue akabvunza achimutendeka ne further dust "Ndibaba vemwana wangu Tom murume wangu" Molly akadaro Lulue akapera nekuseka "Ndibaba vemwana wangu pedzezvo wochema futi. Iye ane basa here kuti uri mai vemwana wake zvaanokudhonora kudai ane basa here nekuti uri mukadzi wake?" Lulue akabvunza achinja kumeso "Iye anoratidza kuzvishora uye anondi....... Molly haana kuzopedza kutaura "Inini ndini ndinomwa doro iwe uchidhakwa rega ndiende ini ndisati ndakudhonora nembama neniwo" Lulue akadaro "Aaah Lulue" Nomusa akadaro "Aay madam varume vakawanda panze apo vamwe vacho vachiri kuzvarwa anokwanisa kuzviwanira kaben 10 kake kachamubata zvakanaka nekuti uyu, hona rimwe ziso ratova pedo kubuda asi yaTom ine goridhe zvausingadi kuisiya.ayy ini handichaziva. Chero kuchinzi ane huchi mu trouser ngaagare nehuchi hwake ahh" Lulue akadaro achitendeuka "Put your first self ayy maan put self your first ahh zviise kumberi maan iwe Molly. Murume wako uyu anoda kurohwa anongomisa turasta kunge chikorobho chekumochari nxaa maan" Lulue akadaro achibuda achivasiya End of chapter