Chapter 5 MHUKAHURU Mhukahuru vaiva vakagara muoffice mavo vari busy nema files foni yavo yakabva yarira aiva doctor wavo wavakaita matest ekuda kuziva kuti vanozvara here kana kuti haavazvare "Mhukahuru ndinokumbira kuti uuye kusurgery yangu maresults ako ekuzvara abuda" doctor akadaro "Oooh okay im on my way doctor" Mhukahuru vakadaro vachisiya zvose zvavaiita muoffice vachibuda vari mhepo vachinopinda mumota mavo vachienda kwadoctor. Vakasvika kwadoctor, doctor atovamirira vakakwazisana doctor achibva avapa envelope "Neniwo handisati ndaiona saka zviri kwauri mushari kuti unoivhura pano here kana kuti unoenda nayo unoivhura kumba" doctor akadaro "No doctor rega ndinoivhura kumba" Mhukahuru vakadaro vachinyebera kunyemwerera asi hana yairova mukati " Ooh okay no problem kana une mubvunzo wakasununguka kundibvunza" doctor vakadaro "Ayewa ndinotenda doctor chirega ndiende ini" Mhukahuru vakadaro vachisimuka vachinopinda mumota mavo vakabata envelope muruoko Ruoko rwaiita kubvunda pavaifunga zvekuivhura, misodzi yakatanga kujenga kumeso kwavo pavakapindwa nepfungwa yekuti what if maresults achiti havazvare meaning zvinhu zvose zvinenge zvachinja pakati pavo naNomusa apa havatowirirane already "Aewa ndichaedza kunoita basa rangu ndichaivhura kana ndabuda kuchikoro" Mhukahuru vakadaro vachimutsa mota vachidzokera kubasa Narrated "Shorai mangwana uri kuenda kumusha kwenyu pamusha pangu handikude kana pane ane problem ngaamutevere" Nomusa akadaro akatarisa mai Tee "Izvo zvichataurwa naMhukahuru kwete iwewe" mai Tee vakadaro "Unodherera iwe musoro wakaondoroka Zvitama kunge ma fat cook ezviyo" Lulue akadaro achirova mai Tee mumusoro nemop "Haaa wandidherera zvakakwana ndaneta newe mhani" mai Tee vakadaro nehasha vachitora cup patafura yavanga vachimwa nayo tea vachiedza kutema Lulue. Lulue akagama cup iya achiikanda kunamai Tea ichivarova mumusoro ichiputsikira mumusoro mavo "Aaah Lulue chii manje?" Nomusa akabvunza nekushamisika akachiswedera pana mai Tee achida kuona kuti vakuvara zvakadii "Sorry mhamha eish Lulue ano..........Nomusa haana kuzopedza kutaura "Ndisiye mhani iwe muroyi uri doctor kuchipatara uko kwete pandiri" mai Tee vakadaro vachisimuka "Ndinouya ndichiudza Mhukahuru uchaona iwe Lulue" mai Tee vakadaro vachikwira masteps "Nxaa uri kunditarisira chii iwe kusviba kunge wakarohwa nemheni" Nomusa akadaro achipotsa Shorai nembama "Aaah madam muchiri kupotsa rovai munhu" Lulue akadaro Hours later Vana mai Tee vaiva vakagara vakamirira kuti Mhukahuru auye vagoudza Mhukahuru nezvaiva zvaitwa naLulue. Apa nguva dzaiva dzaenda dzava kuma9 vakapedzisira vaenda kunorara kukasara Lulue naNomusa Nomusa aingoedza kufonera Mhukahuru asi foni yavo yaiva isingadairwe "Ini handichazive Mhukahuru kuti why asisachauye kasi kune problem chii chaitika nhai?" Nomusa aibvunza achionekwa kuti aiva ave worried "Don't worry madam mukoma boss vanouya ava" Lulue akadaro Zvichakadaro vakanzwa noise yekuvhurika kwedoor Nomusa ndiye akatanga kuenda kudoor "Murume wangu ndanga ndiri worried newe ko wanga uri kupi usingadaire foni. Handiti dai watifonera wakatiudza kuti nhasi uchanonoka kuuya here" Nomusa akadaro achida kutora briefcase kumurume wake "Ibva munzira yangu mhani iwe hure" Mhukahuru vakadaro vachisunda Nomusa zvairwadza "Aaaa Mhukahuru ko uri kunditukirei asi wamwa doro?" Nomusa akabvunza ave kuchema "Ndati siyana neni" Mhukahuru vakadaro nehasha vachirova Nomusa nembama Nomusa akabva ascreamer Lulue akaenda kuna Mhukahuru ari bara "Mhukahuru warova mukadzi?" Lulue akabvunza "Kana ndamurova uchaitei iwe chidhakwa?" Mhukahuru vakabvunza "Heee ini usandijairira ndino kudhonora manje so kuva boss ndinokusolver manje manje usandidherera iwe Albert" Lulue akadaro atochinja kumeso achidana Mhukahuru nezita "Wati kudii iwe? Ndino kurova newevo" Mhukahuru vakadaro vachisaiza Lulue nembama Lulue akabva airegedza mbama pana Mhukahuru "Unodherera iwe namai vako unofunga kuti muchaita madiro pana Lulue nekuti akakurira kunherera nekuti haana kana ani" Lulue akadaro achipupuma furo atova ready kuti Mhukahuru kana vakamudzosera vanotorwa chete Nomusa aingochema nekuti Mhukahuru yaiva first time yavo kumurova "Mangwana makuseni tora mbatya dzako dzese ubve pamusha pangu unofunga kuti pamba pekwenyu here pano watonga zvakwana" Mhukahuru vakadaro vachitendeka Lulue Lulue akaseka. "Hapana kwandiri kuenda ini Albert kana uchida uchandirova asi usambofunga ndingakusungisa iwe ndinokupedzera. 2 minutes ndinenge ndatopedza newe" Lulue akadaro achiswedera pana Albert achimutarisa mutsanga dzemaziso Mhukahuru vakaridza tsamwa vachikwira masteps vachienda mukamuri mavo. Nomusa akabva amutevera "Nomusa undidane kana ave kuda kukumamira ndinosvika ko" Lulue akadaro Nomusa akabvuma nemusoro achienda. Mhukahuru vakapinda muroom mavo vachipupuma nehasha ukuwo Lulue aiva avarova hasha dzacho dzaiva dzawandisa Nomusa akabva apinda "Mhukahuru ko chiiko?" Nomusa akabvunza achichema Mhukahuru vakatora envelope iya vachitema nayo Nomusa kumeso. Nomusa akatora envelope iya achiivhura akavhura maziso achivhunduka "Hayi hayi hakuna zvakadaro inhema dzose dzakanyorwa pano Mhukahuru unozvara avo vana vako wani" Nomusa akadaro "Usandiita benzi iwe Nomusa mhamha vaitaura chokwadi kuti uri hure" Mhukahuru vakadaro "Ndevako vana ava Mhukahuru ndinokumbira timirire maDNA ndiwo achataura chokwadi" Nomusa akadaro "Havasi vana vangu ava ndivana mubva ndiripo" Mhukahuru vakadaro vachirova Nomusa nezvibhakera achibva adonhera pasi Vakakwira pamusoro pake vachimudzipa pahuro vachimuroverera pasi "Mhukahuru unondikuvadza, Lulue!! Lulue" Nomusa akadaro achidanidzira asi izwi harina kure kwarakaenda nekuti aiva akadzipwa "Taura chokwadi kuti vana ava ndevani?" Mhukahuru vakabvunza vachidzipa Nomusa "Nde nde...... Nomusa aiva asisachakwanise kutaura aiva ave kushandura maziso achiedza kuzvirwira asi Mhukahuru vaiva nehasha dzakanyanya Vakaramba vachimudzipa kusvika mweya wabuda pana Nomusa Mhukahuru vakazovhunduka Nomusa ati zii asisa pfakanyike "Nomusa" Mhukahuru vakadaro vachimuregedza vachiona munhu avhura maziso asisa pfakanyike "No!! no!! Nomusa muka kani" Mhukahuru vakadaro vachichema vachimudzungudza Asi vakaona zveshuwa kuti Nomusa aiva asisa feme vakabva vagara pamubhedha vasisazive kuti vaite sei vaiva vangogara Na00:30 Shorai akamuka achienda kukitchen achitsvaga zvaangaba sezvo Nomusa aiva amudzinga. Painyahwaira akaona Mhukahuru vachidzika masteps vachichema vakatakura Nomusa pamafudzi "Hezvo rega nditevere ndione" Shorai akadaro achitevera vaMhukahuru vachinobuda door Mhukahuru vakabuda vachienda kugardern naNomusa Shorai aingotevera kumashure achinyahwaira uku aiva nefoni achitora video. Mhukahuru vakasvika vachiradzika Nomusa pasi vachinotora foshoro "Chii chiri kuitika pano?" Shorai akabvunza achiswedera pana Mhukahuru Mhukahuru vakavhunduka "Ndaita mistake ndokumbira usaudza munhu ndichaita chero chii chaunoda" Mhukahuru vakadaro mabvi achidedera "Haaa Mhukahuru ungabva wamufushira mugardern here?" Shorai akabvunza achishamisika "Shhh chii chausina ndichakuitira please please kuti uchengete secret iyi" Mhukahuru vakadaro misodzi ichiyerera "Aewa aewa enda kumapurisa Mhukahuru usungwe kana waita mistake" Shorai akadaro "Ndicharasikirwa nezvese zvandinazvo ndichakutengera chero mota Shorai please" Mhukahuru vakadaro "Uchandiroora here zvako zvigova zvangu nemota iyoyo ndinoida zve nemari inokwana kuita 10 000usd" Shorai akadaro achienda kunotora yake foshoro "Ndikuroore sei ini ndisinga kude?" Mhukahuru vakabvunza "Ndizvozvo kundiroora kana ku jeri" Shorai akadaro achitanga kuchera Mhukahuru vakagwadama pasi vachitanga kuchema. "Ndiregerere Nono mukadzi wangu ndaita nemistake handizive kuti ndapindwa nei hasha dzandikurira" Mhukahuru vakadaro vachichema "Iwe simuka ipapo tinofanirwa kupedza tigonopisa mota iyi. Uye tinofanirwa kunotenga huswa hwekuisa pano" Shorai akadaro kuna Mhukahuru vaichema Mhukahuru vakasimuka vachitanga kuchera vachibva vafushira Nomusa vachibva vanotora makey emota yaNomusa vachinopinda mumota. Shorai akapinda mune yaMhukahuru kuitira kana vave kudzoka Vakabuda vachienda musango vakasvika vachidira mota yaNomusa peturu vachibva vaipisa yose kusvika yave dota. Vakadzoka vave kurara Kuma5 Lulue akamuka achibva aenda kunogeza achiuya achicleaner mumba. 7 dzakachaya asingaone madam vake 8 yakachaya atopedza zvose. Zvichakadaro Mhukahuru vakadzika mastairs "Ko Nomusa aripi nhai iwe Lulue?" Mhukahuru vakabvunza vasina kumbo mhorosana sezvo vaiva varwa nezuro "Ko ari kurara neni here kana kuti nemwi boss" Lulue akadaro "Amuka husiku uyu until manje haasati auya" Mhukahuru vakadaro "Madam vanga enda kupi nekuti havana munhu wavanoziva havana hama, havana shamwari" Lulue akadaro "Handizivi ndichaona naye kana auya. Ndigadzirire chikafu ndiende pandinobva kubasa ndikuwane usisipo pano nhasi izuva rako rekupedzisira kushanda pano" Mhukahuru vakadaro "Unondipengera iwe Albert hapana kwandinoenda unoda kusara uchishungurudza Nomusa" Lulue akadaro achinogadzira chikafu Eyi musoro wake wakaoma uyu ndichamudzinga sei nhai Mhukahuru vaitaura nechemumoyo End of chapter