chapter 17 Narrated Zacharia akakata phone asina kumbooneka Lulue " Ama tora lunch box iyo hombe uyise chikafu icho chiri mupoto " Zacharia akadaro achibaya baya foni yake achiisa phone munzeve " Ini handidi kuti mapurisa andiwane pano achandidzorera kumashure" Amanda akadaro " Mwanangu kana usingadi kuti mapurisa akuwane pano uchaita zvinhu zvandichakuudza pakura chikafu uise mu lunch box iyo upfeke juzi rangu iro hombe upfeke ne cap yangu iyo tsvuku " Zacharia akadaro achimhanya mhanya ,,,,, Amanda naiyewo akaita sekudaro aiva atoona kuti paipa akapukuta misodzi achiita zvaaiva audzwa na Zacharia uku achimhanya mhanya " Bhazi rinosimuka nguvai " Zacharia aibvunza pa phone " Rinosimuka kuma 1 urikubvunzirei asi urikuda kuenda kumusha " " Ehe huya unditore ndinoda kuti uendesere mwana wangu wandakawana kuno nguva yareba ndinoziva kuti chero kumusha havamuzivi " Zacharia akadaro " Wanga uchifanirwa kufona masikati ndiuye kuzoona mwana wako ahh ini ndaitoti pamwe hauzvari ini " " Eeeeee ndaiva ndisinganzwisisi kuti mwana wangu takatozoita zve ma DNA test ndiwo akazo prover kuti mwana wangu huya huya izvezvi ndakakumirira " Zacharia akadaro achikata phone " Ndinotenda kule " Amanda akadaro achihaga Zacharia uku achichema " Okay mwanangu " Zacharia akadaro misodzi yajenga mumaziso make achibva abvisa ma tiles maviri pa floor paiva ne gomba mukati akabva atora Mari yaiva yakawanda achipa Amanda After some minutes vakanzwa huta pa gate 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Bongani aiva akarara kumba kwake akamutswa ne foni ya Magwaza " Mukuru wangu " Bongani akadaro achidaira phone " Ndirikunzwa nhau pano hanzi pane musikana arasika anga achida kuuraiwa mukai manje mumutarise nzvimbo yose " Magwaza akadaro " Nguva dzino here " Bongani akabvunza " Asi hausi kundinzwa " Magwaza akadaro " Sorry mukuru handifungi kuti I problem hombe iyi pane shamwari yangu ambotaura kuti pane shamwari yake inenge ine mwana wayakachengeta mwana iyeye hanzi angaatengeswa kuti anourayiwa uye anga achitengeseswa muviri " Bongani akadaro achimuka achipfeka " Unonyeba iwe " Magwaza akabvunza achinyemwerera mufaro waiva wazara kumeso kwake Kana akangowana Amanda chete anomudzosera kuna Mukanya anoziva kuti achatowana Mari nazvo " Shuwa mukuru wangu regai ndibve ndatobuda manje ndiende kushamwari yangu " Bongani akadaro achikata phone achinopinda mumota achiimutsa achienda kwa Mhukahuru kuna Lulue akasvika achigogodza achipinda " Husiku huno chii manje " Lulue akabvunza " Inzwa ndiendese kunogara murume uya akachengeta mwana nyaya yacho yave kuziikanwa ne mukuru wepa station arikudiwa manje kuti adzivirirwe " Bongani akadaro " Yooooh dai akawanikwa shame mwana we vanhu zvino zvandisingazivi kuti Zacharia anogara kupi " Lulue akadaro " Haaaaa sei manje Lulue " Bongani akabvunza " Eeeee asindambomufonera asi foni yake yabva yakata rega ndimufonere futi " Lulue akadaro achisuduruka kuti Bongani apinde akatora foni achifonera Zacharia " Hello Zakes mwana uya nyaya yake yave kuziikanwa kumapurisa zvino zvave nyore tiraire kuti unogara kupi tiuye kuzokutorai tikuendesei ku police " Lulue akadaro " Herro ,,,,,,heroo eyi handisi kukunzwa ini ndichakufonera makuseni eish hero ,,,,hero " Zacharia akadaro achinyepedzera kusanzwa achikata phone " Misa mota bro zvinhu zvaoma uku " Zacharia akadaro " Saka ndave kufanirwa kudzokera here " driver akabvunza " Aiwa ini ndicha hiker mwana wangu sununguka baba ava vachanokusiya kumabhazi iyi imari yako ye ticket uchachingamidzwa na tete vako makuseni ndinokuvimbisa haumborasiki ini ndichatevere mangwana " Zacharia akadaro achikisa Amanda pahuma achiburuka achidzokera kumashure Amanda akasara achichema nekuti aiva asingazivi kuti mberi arikunosangana neyi " Hande muzukuru ku Malawi kunonakidza ndinokuvimbisa uchaifarira nzvimbo iya " driver akadaro achimutsa mota vachienda Zacharia paakaburuka akadzokera kumashure foni yake yakabva yarira aiva Lulue " Hero ,,,, hero " Zacharia akadaro " Zakes tinoda kuuya kwauri tiraire kuti unogara kupi " Lulue akadaro " Network irikundinetsa mhani mira ndikuraire " Zacharia akadaro achifamba mumugwagwa " Nhai Zacharia zvaunenge urikufamba mumugwagwa ndirikunzwa mota ka dzirikudhuma " Lulue akadaro " Eeeee ndiri mumugwagwa zvagara apa network yacho ndichakuudza nyaya yose pamunosvika " Zacharia akadaro achikata phone achienda kumba kwake akasvika achidzorera ma tiles panzvimbo yawo achibuda panze achinomira vana Lulue sezvo aiva avaudza kwaanogara Zvichakadaro foni yake yakarira aiva Lulue na Bongani akavaraira kuti vafambe sei after some minutes vaiva vatosvika vana va Lulue vaiva vakarara mumota " Iwe arikupi mwana? " Bongani akabvunza " Atiza mwana uyu pandamuudza kuti better ndikuendese kumapurisa abva atochema achiti mukuru wepa station anozivana ne mhondi iyi " Zacharia akadaro " Haana kutaura here kutaura kuti mukuru wacho ndiani " Bongani akabvunza " Handicharangariri zvakanaka hanzi Magwazi ,,,, Mangwana magwenzi haa handicharangariri " Zacharia akadaro " Dammit!! newewo ukamusiya achitiza uchingotaura chishona chako chisinganzwisisiki " Bongani akadaro " Ndanga ndichamurega sei nhai veduwee andimirira kuti nditange ndabatwa ne hope pandapepuka ndaona door rakavhurwa panda batidza light munhu dololo shipaupete wangu pawanzwa noise ye mota ndiye wandanga ndichitsvaka mwana iyeye handichamuoni awuuu moyo wangu urikurwadza sei " Zacharia akadaro achinzwisa tsitsi " Eish I problem ka iyi zvino tichamuwana sei kupi dai ndanga ndichiziva tisina kumupinza munyaya dzemapurisa " Lulue akadaro achidakuhaga Zacharia aiona kuti anoda kuchema Zacharia aiva atovhura maoko paakaona kuti Lulue anoda kumuhaga Bongani akabva amubata " Iwe Zacharia handei tinotarisa Mumba kuti haamo zveshuwa here " Bongani akadaro " Haaa vamupurisa ndanga ndichambohaga shipaupete che mushona " Zacharia akadaro achiswedera pana Lulue apo Bongani aiva ave kupupuma ne hasha " Nxaaaaa hayi huyai kuno mhani imwi " Bongani akadaro vachiteverana vachinopinda mumba zveshuwa aiva asimo " Zakes une moyo wakanaka shame wanga uchirara pasi " Lulue akabvunza " Eeee ndanga ndicharara sei pamubhedha mushure mezvinhu zvaasanga nazvo mwana uyu " Zacharia akadaro achinyemwerera " Aiwa migwagwa yose ngaivharwe nekuti pamwe mwana uyu achamisa mota agopinda " Bongani akadaro Zacharia akavhunduka asi akabvumirana nazvo kuti vasazomufundire chinhu " Yaaaah I pran iyoyo mupurisa nesuwo tanyanya kufamba ayi ini ndaneta ini " Zacharia akadaro Bongani akafonera mapurisa achivaudza kuti avhare migwagwa yese pasina nguva mota dze mapurisa dzaiva dzatozara migwagwa yose nguva dziva dzave ku (12) vakaona mota ine mwana ane makore anga svika 12 to 13 vamise uye panodiwa evidence yekuti munhu waari kufamba naye ihama yake here " Handei tinomutsvaka kune imwe nzvimbo " Bongani akadaro achiisa phone yake muhomwe Zveshuwa vakanopinda mumota Zacharia maziso aingo mhanya nzvimbo yose " Unoziva Magwaza munhu akanaka sei pamwe mwana uyu angomufungira chete anomuzivira kupi Magwaza dai Magwaza achiziva nyaya iyi haaimboti mwana uyu atsvakwe auye amudzivirire " Bongani akadaro " Eish nyaya yacho haisi kunzwisisika nekuti dai achida kumuuraya haaimboudza mapurisa kuti amutsvake nekuti kana asingaoneki vaizoziva kuti ndiye " Lulue akadaro " Iko tiri kumboendepiko nguva dzino nemiwo munhu mukuru uya " Zacharia akadaro achinyebera hasha " Aaaaaa " Bongani akadaro achimutarisa " Ini hangu handidi kuti mwana uyu apiwe Magwaza " Zacharia akadaro " Zvino waita munyama nekuti iwe hausi mupurisa saka hapana decision yauchatora kana tamuwana " Bongani akadaro "Haaa nhai Bongani ko iwe sei usingaiti tsvakurudzo pana Magwaza parizvino tikamuwana tione kuti tinomuviga kupi " Lulue akadaro " Ini ndino muziva Magwaza haangamboiti zvinhu zvakadaro tinogara tichitaura naye anongoonekwa kuti munhu ari right " Bongani akadaro " Nxaaaaa uri benzi here iwe ko unoda here kuti Magwaza wacho akuudze kuti ndiri mhondi " Lulue akadaro 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Pa roadblock mapurisa akamisa mota ye shamwari ya Zacharia " Haaaaa chiii manje chiri kuitika pano " murume uyu akadaro Mupurisa akabva amisa mota iya akanoipaka pa side " Ndiani wauri kufamba naye uyu " mupurisa akabvunza " Eish gara zviya zita rako unonzani " murume uyu akabvunza Munhu waaifamba naye akataura zita rake " Haumuzivi sei munhu waurikufamba naye " mupurisa akabvunza 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 " Ayi Bongani ndiendese kumba ini ndinorara " Lulue akadaro " Haaaaa uchirara sei manje " Bongani akabvunza nekushamisika " Eeeeee Bongani apa we are nothing finding " Lulue akadaro " Iniwo ndiendesei kumba ndinorara handisi mupurisa zve ini " Zacharia akadaro pfungwa dzake dzekuti anoonera shamwari yake anzwe kuti Amanda afamba sei " Haaaaa newewo futi ko handiti tichiri kutsvaka mwana here Saka munoda ndisare ndega " Bongani akabvunza " tangai neni kundiendesa kumba kwangu " Zacharia akadaro Bongani akamuendesa akamusiya pagate Zacharia paakangoburuka akabva atofonera shamwari yake " Iwe shamwari mapurisa asara padiki kundisunga murume uyu akadaro Zacharia akavhunduka paakanzwa nyaya yekusungwa " arikupi mwanawangu " Zacharia akabvunza " Haaaa hauna basa nekusungwa kwangu iwe urikuda mwana wako chete " driver akabvunza achiseka " Aaaaaa uyo akutonhuhwirwa ne Malawi nekuti tawana bhazi richidhuma rakutogadzira kuenda " " Haaaaa unonyepa iwe saka vanga vachida kukusungirei iwe " Zacharia akabvunza " Ko handiti ndatenga hure here pandanga ndakudzoka izvo patove ne roadblock pavandibvunza zita re musikana uyu andabva ndatoona rima nekuti ndanga ndisina kumubvunza ini " murume uyu akadaro achiseka " Dai vakusunga iwe Samuel une misikanzwa too much azvisi right zvekutenga mahure " Zacharia akadaro achiseka vachionekana " Mwari muhombe ,,,,,,Mwari muhombe Mwari munoshamisa Mwari muri midhafu ndinokutendai zvakanyanya " Zacharia akadaro achitora phone yake achifonera vanhu vekumba kwavo kuti vachingamidze Amanda Bongani akanosiya Lulue naiyevo achibva aenda kumba kwake paaive ave kurara Magwaza akabva afona " Nhai Bongani arikupi mwana handiti wati nyaya wanga watova nayo here " Magwaza akabvunza " Eish mukuru mwana haasi kuwanikwa kwatanga tichifungira kuti ariko hanzi atiza mushure mekunge anzwa kuti nyaya irikuendeswa ku police nhai mukuru imi manzwa nani kuti kune mwana arasika " Bongani akabvunza " Nxaaaa usandibvunza zvekupenga iwe tsvaka mwana uyu ini ndini ndinofanirwa kubvunza mibvunzo kwete kuti iwe wobvunza ini " Magwaza akadaro ne hasha achikata phone achimbeya imba yose achizvikwenya musoro ukuwo Mukanya aingomubvunza nezve mwana sezvo aiva amuvimbisa Zvichakadaro mukadzi wake akabudikira auya kuzonwa mvura " baba nguva dzino kuno muri kutsvakei " mukadzi akabvunza " Eish inyaya dze basa mukadzi wangu handingadzi......... Phone ya Magwaza yakabva yarira akaidaira akaisa pa loudspeaker ne mistake " Iwe Magwaza arikupi mwana ndinoda kuita sacrifice ini zvakuri kuedza wani " Mukanya vakadaro Magwaza akaedza kubvisa pa loudspeaker but it was too late nekuti mukadzi aiva atonzwa nyaya yose " What ? Magwaza urikutengesa vana ve vanhu here " mukadzi wake akabvunza " Haaa ko wanzwei nekuti ini ndanzwa achibvunza kuti ari kupi munhu aba mwana anga achida kunoromba naye " Magwaza akadaro " Ndinoziva zvinhu zvandanzwa ini rega ndifonere mapurisa ndinzwe kuti chero kwavari uchavaita mapenzi here " mukadzi wake akadaro maziso azara misodzi " Ukangoedza chete ndati ukangoedza chete iwe mukadzi uchandiziva mushe " Magwaza akadaro ne hasha achimubata ne collar achimuroverera pamadziro " Uri mhondi iwe Magwaza arikupi fanny ava makore mangani akarasika wakamuitei mwanawangu" mukadzi waMagwaza akabvunza achichema " Ndiregerere mukadzi wangu ndakaromba naye " Magwaza akadaro naiyewo ava kuchema " Ungabva wauraya mwanawangu anga ari iye ega here " mukadzi akadaro " Ndakaita zvaifanirwa kuitwa iwe unofunga kuti mari yose iyi yekutenga mahotera yakabvepi unofunga kuti ndaingozviita ne mari yehuporisa here kuita mukuru unoti ndakazviita sei aaa iwe imbofunga ne zve nyaya iyi kana wapedza wouya mu room mangu uchandiwana ikoko " Magwaza akadaro achiridza tsamwa achienda mu room mavo akasvika achindeya imba yose " handinga bvumi kurasikirwa ne zvinhu zvose zvandinazvo ini nekuda kwe mukadzi uyu ndinofanirwa kumuuraya nekuti atove problem " Magwaza akadaro achienda pa chisefa chake achiburitsa pfuti zvichakadaro phone yake yakabva yarira aiva Mukanya " Ndiri kutaura newe uri kukata phone problem yako chii " Mukanya akabvunza " Eish ndanga ndine mukadzi wangu zvinhu hazvina kumira mushe nekuti ave kuziva kuti ndakaromba ne mwana wake handichazivi kuti ndiite sei "Magwaza akadaro " Newewo wanga wave kumuudza kuti zviite sei iwe uraya mukadzi uyo pasina izvozvo ndichauraya iwe ini handingasungwi nekuda kwako " Mukanya akadaro " Zvagara ndirikumuuraya " Magwaza akadaro achitora pfuti achienda kwaaiva asiya mukadzi wake asi akamushaya akamutsvaka imba yose imba yacho yaiva yakakura zvichakadaro akamunzwa achichema mu room me vana " Shuwa mwanawangu " raiva izwi remukadzi wake raitaura richipamha kakawanda " Paanongobuda chete ndinobva ndatomuoedzera musoro uyoyo " Magwaza akadaro 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Makuseni Luyani paakamuka akamuka achinomira pa gate akanzwa ave kumhoreswa ne muvakidzani " Uri right here nhai muvakidzani wangu " " Murisei mama " Luyani akadaro " Mwanangu ndiri kutadza kuzvibatandiudze kuti mari yose iyi uri kuitora kupi zuro ndakakuona uchipinza furniture inodhura chaiyo " " Ndakahwina lotto mama saka kutaura kudai ndinoda kuvhura netball team yangu " Luyani akadaro " Unonyeba iwe " muvakidzani akadaro " Zveshuwa mama nemiwo muise vana venyu " Luyani akadaro " Eyi makorokoto mwanangu aiwa ndichavaisa utsvake vana vakawanda vanoda kutamba mutambo uyu " muvakidzani akadaro vachionekana " Yes ndichaidya mari ye vana venyu " Luyani aidaro achibva atofonera Mukanya achimuudza kuti plan yake irikubudirira End of chapter last chapter ndounza manheru then ndomirira ma votes enyu ku Facebook kana zvaramba totanga rimwe 500 votes or torisa richiremberera