Chapter 8 MHUKAHURU HOUSEHOLD "Yooh achimwene wako akutengera sweet?" mai Tee vakabvunza vachiseka "Siyanai neni please" Lulue akadaro achidya sweet yake Zvichakadaro foni yamai Tee yakarira vakaidaira "Hello" mai Tee vakadaro "Tinokumbira mumhanyire kuchipatara pane zvaitika pamwana wenyu Albert Zhou" "Haaa ndiri kuuya manje" mai Tee vakadaro vachimhanya mhanya vachinotora bag ravo "Chii manje chaitika mhandara yangu?" Lulue akabvunza "Aribheti Aribheti ari kuchipatara" mai Tee vakadaro vachibuda panze "Haaa asamboedza kufa hake mwedzi wava pedo kuti ndihore uku namadam vakarasika black label yangu ndingaitenga nei haandingamuuraya kechi two" Lulue akadaro achiisa maoko mumusoro achitora foni yake achiibaya baya achiisa munzeve "Hello" Bongani akadaro "Bongani uchiri mupenyu? Arisei Molly Tom iye afa here" Lulue akadaro "Aaaa unopenga iwe, ari kuchitokisi manje haana kufa Molly iye ari pacoma ndamboenda kwaari nhasi ndichinotora statement" Bongani akadaro "Nhasi Ari pa comma unoziva chii Bongani. Tom kutaura kudai anga achifanirwa kuti dai ari kumortuary" Lulue akadaro "Haayi mhani nhai Lulue ko iwewe chiiko newe siya Ira vemutemo vaite basa ravo" Bongani akadaro "Vemutemo vakarega kuita basa ravo ndichavaitira ini. Ko madam havasati vauya ka nazvino mudhara uyu akamurova hanzi ari kuchipatara kana adzoka kuchipatara kwacho ndichakuisira call back uuye kuzoomuzvambura nemibvunzo umuudze zve kuti wadanwa neni usatya" Lulue akadaro "Okay Lulue no problem ndichamirira call back yako" Bongani akadaro "Undiudze kuti how far pana Molly please" Lulue akadaro vachionekana achidhonza black label yake. Vana vaitamba mberi kwake "Musamwa doro mababes rinodhoka asi iro rinonaka shem" Lulue akadaro achisimudza beer yake achiseka Tom Tom aiva muchitokisi nevamwe vasungwa vaiva vave nemakore vari mukati asi vasati vapihwa mutongo wavo "Iwe wakasungirwei pano?" Rakabvunza rimwe monya rakatarisa Tom "Ndakasungirwa kurova ndikarepa mukadzi wangu. Imagine mukadzi wangu wandakaroora" Tom akadaro achida kuzviita iye iye achiita kunge ari kutaura neshamwari dzake "Tiri kusiya masisters edu kunze uko iwe uri kuvarepa" zimonya riya rakadaro nehasha "Haaa mukadzi wangu uyu wandakaroora bro" Tom akadaro achizvipa chivindi "Wakamuroorera kumurepa nekumurova here" zimonya riya rakadaro "Kana ndichifanirwa kuzviita ndinozviita hanty ndinenge ndichimuisa panzvimbo pake" Tom akadaro "Muisei panzvimbo pake vapfanha anzwe kuti kuiswa panzvimbo kurisei" Zimonya riya rakadaro "Titangire papi gabhadhiya?" Mumwe musungwa akabvunza "Ngaaite mukadzi wedu uyu pari zvino ndini ndichatanga ndapedza ndichamuunza kwamuri then kana tapedza tozomurova anzwe kuti zvinhu zvaari kuita mukadzi wake zvirisei" Rakadaro Zimonya riya richimubata necollar "Munoda kuita ani mukadzi imi? Munondijairira ndiri murume ini handingoitirwe yose yose " Tom akadaro achiedza kurwa Vose vakatanga kumurova nezvibhakera humonya huchibva hwatopera ipapo achibva abuda ropa mumhino achi tanga kuchema "No magents sorry sorry ndakaita mistake" Tom akadaro Asi zvaingofanana nekuti aingotambisa nguva nekuti zigora riya rakazipinura trouse richimubata richimugwadamisa achitanga kumuita mukadzi. Tom aingochema asi vaiva vasingamunzwe. Gabhadhiya apedza vamwe vasungwa vose vakauya paari vakamuchinjanisa "Itai madiro vapfanha ichiri mhandara iyi hamuone kuti iyellow born here" Gabhadhiya akadaro achiseka "Guys please im sorry musandidaro" Tom akadaro "Unoyema mhani iwe musi wauchapihwa mutongo wako kujeri wobuda muno uchava sei, nekuti kwauchaenda uko kunenge kuri worse vanenge vachikuti yellow bone vachikurwira" Gabhadhiya akadaro vachiseka nevamwe vasungwa Vakaita madiro naye Gabhadhiya nevamwe vake. Vapedza vakatanga kumurova MHUKAHURU Mhukahuru havana kuadmitwa kuchipatara nekuti vaiva vasina kukuvara vaiva vangovhunduka chete. Zvichakadaro mai Tee vakasvika Mhukahuru vave kugadzirira kuenda kuna doctor sezvo vaiva vavafonera "Mwanangu chii chaitika?" Mai Tee vakabvunza "Mhamha ndinokumbira kuti tiende ndinoda kudarika kuna doctor wedu asati avhara tichataura zvakawanda kumba" vaMhukahuru vakadaro vachisimuka vachibuda muchipatara "Ko mota iri kupi yamauya nayo mhamha?" vaMhukahuru vakabvunza nekuti vaiva vasingaione mota "Ndauya nekombi ini mwanangu" mai Tee vakadaro "Masiya mota nhatu mugarage kumba ndipei foni yenyu ndifone" Mhukahuru vakadaro vachitora foni yamai Tee vachiibaya baya vachiisa munzeve "Lulue huya neRange Rover uchatiwana kuna doctor wefamily" vaMhukahuru vakadaro "Ndaiona chembere yako inozviti mai vako ichipaparika. Ari kupi makey?" Lulue akabvunza "Ukavasiya vachipaparika iwewe so, makey ari muroom mangu mucloset yangu pane bhachi rangu reblue muhomwe macho" Mhukahuru vakadaro "Sure bossman" Lulue akadaro achienda upstairs achinotarisa makey Akasvika achipinza ruoko pabhachi akashamisika achiona zvinhu zvaaiva asingafungiri kuti angazviona "What? iring yaNomusa ka iyi? pane bepa mukati riri kuti shwaka shwaka rega ndione kuti rakanyorwa kuti rakamyorwei. Hezvo Mhukahuru haazvare saka kana asingazvare ava vana vani? Nxaa iniwo kungozvibvunza mubvunzo yakapusa Nomusa haaihurira Mhukahuru" Lulue akadaro achidhonza makey achinotora vana "Handei vanangu matsito asati asvika pano akakuwansi muri mega ano kuurayai" Lulue akadaro achinopinda mumota nevana achiimutsa achienda kwadoctor "Ndinoshuvira kuda kuziva kuti ring yaNomusa yakasara sei mumba. Rega ndifonere Bongani" Lulue akadaro achifonera Bongani achimuudza nezvering nemaresults, akamuudza zve kuti ari kunotora Mhukahuru Mhukahuru namai Tee vakapinda kwadoctor. Doctor aiva atobudisa envelope achiipa Mhukahuru. Mhukahuru vakabva vaivhura vachitarisa maresults vakafemera mudenga nezvavakaona misodzi ichitanga kuyerera "What?, how?" Mhukahuru vakabvunza vachisimuka pachair muromo uchibvunda "Ko kubva wavhunduka kudai chii manje?" Doctor vakabvunza vachidhonza envelope vachiiverenga "Uri kuvhundutswa negood news dzakadai here, yes ndevako vana" Doctor vakadaro "It cant be doctor ko nei maresults ekutanga akati ini handizvari?" Mhukahuru vakabvunza vachibvundisa muromo vakamira ipapo Mai Tee vaiva vangotarisa pasi vachinyara nekuti ndivo vaiziva kuti vakatanga nyaya idzi "Aaah Mushavi zvinowanikwa izvi isusu madoctor dzimwe nguva michina inokwanisa kutu hauzvare asi hatisi Mwari zve, Mwari vanokwanisa kuita zvishamiso zvavo zviri pachena kuti Mwari vakakupai vana ndiwo maresults aya" Doctor vakadaro "Mai Tee muri kuona kaa kuti mandirwadzisa sei, aiwa mhamha makandirwadzisa" Mhukahuru vakadaro vachiridza mhere kunge munhu afirwa vachigwadama pasi vachitanga kufunga kuti vakauraya Nomusa asina zvaaita "Ummm lets hope misodzi yemufaro unoziva ndanga ndave worried kusei une madoubt nemukadzi uya iye akazvinyararira uye rudo rwenyu ruri kuendeka" doctor akadaro Zvichakadaro Lulue akapinda nevana, Mhukahuru pavakaona vana vakatanga kuchema "Oooh vana vangu ndevangu vana ava" Mhukahuru vakadaro vachichema "Eeh zvino bro zvawave kuchema kudai kwakanaka here?" Lulue akabvunza "Neniwo handizive maybe misodzi yemufaro hanty ave kuziva kuti vana ndevake here" doctor akadaro "Yes I knew it Nomusa haangaite chihure haisi misodzi yemufaro iyi doctor ndeye kunyara namai vake vanga vachimu shungurudza Nomusa. Kutaura kudai haatombozivikanwe kutu ari kupi apa havambozvinetse nekufonera mapurisa" Lulue akadaro "Haazivikanwe? ko nei kwandiri ati ari kubasa?" doctor akabvunza achishamisika "Wavharwa doctor.ko hauna black label here apo nditonhodze chipfuva ko hanty ndakuudza good news here" Lulue akadaro Mhukahuru vakavhura maziso vakatarisa doctor, pavaitarisa doctor vaizvionera Nomusa WAKANDIRWADZISA Nomusa akadaro misodzi ichiyerera huro yakazvimba "Ndiregerere Nomusa yaiva mistake ndiregerere nekusakuvimba. Ndiregerere nekukuuraya Nomusa" Mhukahuru vakadaro Vanhu vose vakashamisika "Kukuuraya" vanhu vose vakadaro pamwe chete namai Tee Mhukahuru pfungwa dzakadzoka vakaona doctor ava iye 'Ndaive ndisingade kukuuraya Nomusa please" vaMhukahuru vakadaro vachitaurira pasi "Haaa" vanhu vose vakadaro nguva imwe chete "Simuka iwe tiende usanyebera kuchema nhema, unogona kuuraya here iwe" Lulue akadaro akatarisa Mhukahuru "Doctor Unobhowa maan nekuti hauna black label dai ndave kutogara ipapa tichiudzana ngano" Lulue akadaro achibata vana vachibuda vachinopinda mumota. Vakapinda mumota vachienda pasina anotaura neumwe . Vakasvika kumba vachigara pasi ingori zii "Ndiani manje afa ahh imwi regai ndinotora black yangu munobhowa kana manyarara kudai" Lulue akadaro achisimuka "Neniwo ndivigire" vaMhukahuru vakadaro nezwi raiva pasi pasi "Hwashaaa nhasi ndiri kumwa nemaboss pamamonya ipapo" Lulue akadaro achiseka achinotora mabhodhoro maviri achiuya achipa rimwe Mhukahuru achibva agara pasi "Bhodhoro iro rinoita $30 wanzwa here Albert" Lulue akadaro "Ndini ndinogara ndichitenga doro iri asi enda hako unotora $50 mumba umu uvhure chisafer pin ndiyo iya yaunoziva" Mhukahuru vakadaro "Haaa Lulue anoziva mapin rmasafer?" mai Tee vakabvunza vachishamisika "Nyarara iwe mukadzi iwe asina hunhu nxaa" Mhukahuru akadaro achitarisa mai vake nekuvasema "Aaaaa Arubheti Arubheti ndiri mai vako ini ungataura neni uchidaro" mai Tee vakadaro vasimuka "Ndinokuvenga mai Tee wakandirwadzisa actually ndino kusema" Mhukahuru vakadaro vachigara pasi vachitora bhodhoro vachiri dududzira kunge vari kumwa mvura "Ndaiva ndisingazive mwanangu" mai Tee vakadaro vachipisa tsitsi "Chii chamunoziva imi kunze kwekuputsa dzimba dzevanhu. Handiti ndizvo zvamakaita pamurume wenyu iyeye. Makadanana nemurume wemunhu mukazvara ini saka mave kufunga kuti munhu wese ihure semwi" Mhukahuru vakadaro nehasha "Arubheti uri kundituka kana uchidaro" mai Tee vakadaro "Imwi hamuna kumutuka here mukadzi wangu?" Mhukahuru vakabvunza vachiswedera pana mai vavo vachivabata necollar "Hamuna kugumira ipapo zvinhu zvamaiita zvakashata zvakanyanya makanganisa zvinhu zvakawanda mandiuraira hupenyu mhamha" Mhukahuru vakadaro vachisundira mai vavo vachidonhera pasi Zvichakadaro Lulue akabudikira nemari "Ko boss mave kutomusiya asati apihwa mbama? Imbomupai imwe zve" Lulue akabvunza achiseka achitora foni yake achiita please call Mai Tee vaiva vave kuchema nekuti zvinhu zvaiitwa naMhukahuru vaitanga "Ko matsito aendepi asingauye?" Lulue akabvunza "Ati ari kuenda kutown uyu" mai Tee vakapindura vachingopfikura "Haaa musati yemera zve isu mave kuzondibhowa manje" Lulue akadaro achitarisa mai Tee "Matsito ari kuchipatara" vaMhukahuru vakadaro "Hezvo munozviziva sei boss imi manga musipo?" Lulue akabvunza "Ndanga ndaenda naye, in fact njodzi iyi yaitika pandiri tanga tiri tose" Mhukahuru vakadaro "Manga muri mose muchifamba muri mose njodzi ikaitika muri mose zvese mose. Albert hapasati patombopera kana svondo Nomusa asingaonekwe asi imwi mava kumofuzana mumota" Lulue akadaro achiswedera pana Mhukahuru achivatarisa nemaziso aiva akazara hasha "Nxaaa unza doro rangu ahh wandibhowa iwe Arubheti" Lulue akadaro achitora Black label yake Apo Mhukahuru vaiva vave kutomwa "Haaa Luyanda" Mhukahuru vakadaro "Bwa bwa kudii kwacho ndati manga muchikamburana na matsito mumota" Lulue akadaro achitarisa Mhukahuru neziso "Aewa kune kwandanga ndichienda then ndikasangana naye munzira akandikumbira lift" vaMhukahuru vakadaro "Uchikumbirwa Lift nan matsito kuti zvadii, munomuziva matsito kuti anoda kurova madam nechidhina pamuri" Lulue akadaro achiridza tsamwa "Aewa Lulue hazvisirizvo ini ndanga ndichingomupa Lift chete" vaMhukahuru vakadaro "Unoziva here iwe Albert unondifinha nekuti haufunge. Wave kuda kudanana naye ka ndokudhonora nebhodhoro iri ini ndikangonzwa chete kuti wave kudanana namatsito" Lulue akadaro achisimudza bhodhoro redoro "Ko chindiimwisavo zve Lulue ko chiiko" Mhukahuru vakadaro "Nxaaa wandibhowa hapana doro rauchawana musoro wakaondoroka kunge wamai vako" Lulue akadaro achitendeka mai Tee "Usandifananidza nasatan mupengo uyo ini" vaMhukahuru vakadaro vachitarisa mai vavo neziso rakashata "Rega ndinotenga Jamerson yangu iwewe sara neblack label yako" Mhukahuru vakadaro "Haaa boss gara pasi ndinokutengera ini ichakudhaka uchiri kutanga kumwa doro haunga mbotange neJamerson better upe ini iwe utore aya ekusviba sa matsito" Lulue akadaro "Unondipengera manje hanty wandinyima rako chienda unotora mari inokwana kutenga doro" vaMhukahuru vakadaro "Wandibhowa asi iyo Jamerson ndichaimwa shem" Lulue akadaro achienda kunotora mari. Minutes later akadzoka "Ndatira $200 imwe yacho ndeye kundituma kudoro ndakura kudai" Lulue akadaro achibuda gedhi "Nxaaa newewo hameno kuti uri murudzii" vaMhukahuru vakadaro Pavakatarisa mai vavo vakawana mai vavo vakavatarisa "Muri kunditarisireiko nemwiwo" vaMhukahuru vakadaro "Mhukahuru ndichiri mai vako" mai Tee vakadaro "Mai vangu handina Mai ini. Mai vangu vanoda kundiparadzanisa nemukadzi wangu" Mhukahuru vakadaro Minutes later Lulue akauya achiteverana naBongani Enda of chapter