chapter 16 Narrated Pakati pe husiku murume we ma business anoziikanwa munharaunda ne vanhu vese makore angava ne (60) aiva akabata bag raiva rakazara mari achifamba na driver wake vakaburuka vari vaviri vachinogogodza mumba ma Luyani " Oooooh mave ready sir " Luyani akabvunza achivhura door " Ndiri murume we mashoko ake ini ndinokumbira ubate bag iri utipe musikana tinomuvharira mu truck mari kana uchida tinoiverenga " murume uyu ainzi va Shoko akadaro " Okay Mukanya " Luyani akadaro achinyemwerera achiyenda mu room maiva na Amanda achimudhonza zvairwadza Amanda akachema achiedza kurwisa asi Luyani akamudhonza achimuendesa kumurume uyu. murume uya akamupa driver achinomupinza mu truck yaiita kunge ndeyekutakura chingwa driver uya akavhara door achidzokera mu room maiva na va Shoko(businessman) na Luyani ,,,,, Luyani akatarisa mari achisekerera " Nyaya iyi inoperera pano haiudzwe munhu "va Shoko vakadaro " Musandityira Mukanya papi pacho pandingataura mandipa mari yose iyi " NIGEL Nigel mwana wa Luyani angaita makore manomwe ( 7) paakabuda panze achienda ku toilet akaona zvinhu zvose zvaiva zvaitwa Amanda chero pavakamuisa mumota akavaona hapana akaona kuti Nigel aripanze paakaona kuti vadzokera mumba akatora bucket achienda naro kumashure kwe truck achikwira pamusoro achivhurira Amanda achibva abuda vachibva vavhara door " Konei vakuvharira muno nhai Amanda" Nigel akabvunza aionekwa kuti zvinhu zvinhu zvaiitika pana Amanda zvaimurwadza chero hazvo aiva achiri mudiki " Tora bucket iri unohwanda vasakuona nekuti vachabva vatosvora kuti pane zvawaona iwe upinde mumba kana vaenda ndinotenda zvakanyanya my little brother nekuponesa hupenyu hwangu"Amanda akadaro misodzi ichiyerera chero kuna Nigel misodzi yakayerera vachihagana vapedza Amanda akabuda achimhanya " Mwari ave newe " Nigel akadaro misodzi ichiyerera achitora bucket achinoriisa kuseri kwe imba achibva agara ipapo After some minutes va Shoko vakabuda mumba vachiteverana " unoziva kuti unoita mari nazvo izvi kana ukakwanisa kundibatsira kubata mhuka idzi kunyanya vasikana ava vechidiki asi nyaya yacho inofanirwa kuita yangu newe " va Shoko vakadaro vachitaurira pasi " Kana pane yandabata mhuka ndichakuudzai Mukanya kuti muuye kuzoitora " Luyani akadaro achinyemwerera asi pfungwa dzake dzaiva dzatove kumashure kumari vakabva vaonekana va Shoko na driver wavo vachipinda mumota vachienda Luyani akasara achinyemwerera achidzokera mumba Mmmm munhu zvaachaita mbinga gore rino mari yose iyi here saka ndinofanirwa kuita basa panapa rekubata vana vadiki aaa shuwa ndichaita mbinga panzvimbo ino " Luyani akadaro achinyemwerera ega Zvichakadaro Nigel akabva apinda " Urikubvepi iwe husiku huno? " Luyani akadaro achivhunduka nekuti anga asingatarisiri kuti angaona umwe munhu " Ini " Nigel akadaro misodzi yakajenga kumeso " Hezvo asi pane umwe munhu waurikuona zvaunenge uri kuchema " Luyani akabvunza " Ndirikubva kuchimbuzi ndirikunzwa mudumbu " Nigel akadaro misodzi ichiyerera " Aaaa nyarara mwanangu mama vako vave ne mari vachakutengera mushonga ne ma sweets nhaika " Luyani akadaro " Ehe mama " Nigel akabvuma achienda kunorara AMANDA Amanda kubva zvaakabuda pamba apa akamhanya asingatarisi kumashure zvichakadaro akaona mwenje we mota kumashure kwake akamhanya achipinda pamusha waiva pedo nemugwagwa uyu uku achifemera mudenga kusvika mota iya yadarika paakaitarisa akaona iri truck iya akarohwa ne hana akasara padiki kuzviitira tsvina akaramba akamira panzvimbo imwe chete nekuti zvaiva zvamuvhundutsa izvi " Zvino ndichaenda kupi nhai mwari wangu " Amanda aizvibvunza akamira panzvimbo imwe chete'' zvichakadaro pakabudikira varume vaviri vaifamba vachiita noise vainzwika kuti vaiva vakadhakwa Amanda akatarisa pamuti achibva ati kwati ne muti uyu " Urikuhwandei takuona " akadaro umwe murume achitoseka akadhakwa zvake " Budikira mhani iwe takuona " umwe wacho akadaro Amanda akabudikira " mmmmm iwe mwana iwe husiku huno wavekuita zvevakomana urikufamba uchihwanda ne miti hayi futsek mhani enda kumba kwenyu " murume uya akadaro Amanda akatanga kuchema " Mmmmm Zakes hande tinorara isu siya uyu arikumhanyira vakomana achiri mudiki " murume uya akadaro " Haaaa iwe urikuchemei asi murume wako haasviki " Zacharia akadaro akabata bhodhoro rake Amanda akatanga kuchema " Asi warasika nhai mwanasikana huya tiende ini hapana zvandichakuita " Zacharia aifamba na landlord wake " Haaaa mmmm mutore iwe ini handingafambi ndichitorana ne vana husiku vandisingazivi " landlord akadaro Amanda akaswedera pana Zacharia achitya asi nekuda kwekuti aiva asingazivi kuti acharara kupi akabvuma kuti aende na Zacharia asi akanhonga dombo kuti kana Zacharia ane zvaari kuedza kumuita achamutema ne dombo Vakaenda kumba Kwa Zacharia Zacharia akavhura mumba " pinda mwanangu " Zacharia akadaro zveshuwa Amanda akapinda chero hake aitya Zacharia akapakura chikafu achibva amupa achiwaridza pasi " kana kana wapedza kudya urare pamubhedha udzime light kana uchida tichataura makuseni ini ndinoda kurara ndakadhakwa" Zacharia akadaro achirara pasi asina kudya 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Nhasi izuva rekutongwa kwamai Tee,,,,mai Tee vaiva vaonda muviri vangosara musoro chete mhosva yavo vaiva vaibvuma vakanzi vachagara mujere kwemakore matatu kuti vadzidze chidzidzo ZACHARIA Makuseni Amanda akamuka achigara pamusoro pemubhedha akatarisa pasi achichema " Ko nhai mwanangu chii chirikuitika taura neni " Zacharia akabvunza ave kumunzwira tsitsi achigara pamubhedha Amanda hana kumupindura akaramba achingochema " Okay hande ndikudzosere kumba kwenyu " Zacharia akadaro naiyewo aiva apererwa kuti aite sei " no no no ndinokumbira musaita izvozvo uye musaudza munhu kuti ndiripano" Amanda akadaro " Hezvo ko kumba kunei okay it's fine kune shamwari yangu yandinoziva ndichakuendesa kwaari ugare naye ane moyo wakanaka" Zacharia akadaro achireva Lulue " Please please ndinokumbira usandiendesa kwaari handisi safe pano ndinofanirwa kubva panzvimbo Ino mainini vangu vanonditengesesa muviri vachitora mari kutaura kudai vanditengesa kuti ndinourawa " Amanda akadaro " Haaaaa iwe shuwa here " Zacharia akadaro avhunduka asingazivi kuti aite sei naiyewo misodzi yakatanga kuyerera " Okay ndichaenda kumapurisa mwanangu aiwa munhu uyu na mainini vako vanofanirwa kusungwa mai vako varikupi " Zacharia akabvunza " Hayiiii ndinokumbira kuti usandiendesa kumapurisa murume uyu paakatanga kusvika aifamba ne mukuru wemapurisa anonzi Magwaza saka kuenda kumapurisa zvinoita worse mai vangu handizivi kuti varikupi hanzi vakandisiya ndine makore maviri " Amanda akadaro " Haaaaa arikushanda nemapurisa? haaa I problem ka iyi " ndichaona kuti ndichaita sei " gara pano uzvikiire mumba chikafu chirimo mu fridge umo uchaona newewo " Zacharia akadaro achitora zvinhu zvake achizviisa panze achitora zvinhu zvake zvekugeza achinogeza achidzoka achiuya achienda aifamba pfungwa dzake achifunga " Heeeee mapudzi anowira vasina hari ndirinhi tichida vana shuwa asi dololo hatisi kuvawana asi vanavo vana vanovarasa " Zacharia aitaura ega shoko Makuseni va Shoko na driver wavo vakamuka sezvo husiku vakangosvika nekuisa truck panzvimbo yaro havana kumbo tarisa mukati " Mhuka iyi ndiipakurire chikafu here sir " driver akabvunza " No no no usamboedza hako anopedzisira atiza pano pakakanganisika zvinhu zvakawanda ko handi zvagara achauraiwa here Saka chikafu ndechei ngatimire kuti kusvibe tinopedza naye " vashoko vakadaro " Asi naiyewo kubva anyarara kudai kwakanaka here " driver akabvunza " Pamwe achema kusvika aneta " vashoko vakadaro Zvichakadaro phone yavo yakarira vaiva va Mhodzu n'anga yavo " iwe Chuma haasi right pano hauna kumumwisa ropa rake nezuro " Moses akadaro " Mukuru wangu nhasi chaiye ndinomumwisa chero zvadii " va Shoko vakadaro " Uite sekudaro zvinhu zvisati zvakuomera " Moses akadaro " Dammit " va Shoko vakadaro vachipinda mumba 🦅🦅🦅🦅🦅 Makuseni Luyani akamuka achimutsa vana vake " mukai mukai tirikuenda ku town " Luyani akadaro " Ko Amanda hatisi kuenda naye here "Nigel akabvunza " Haaaa iwe siyana naye uyo haasi pamba pano" Luyani akadaro " Arikupi " Nigel akabvunza " Akatiza ne zuro hameno kuti arikupi ndakanganwa kukuudzai " Luyani akadaro " Ko imi mari yakawanda kudai maiwa kupi? " Nigel akabvunza " Aaaa iwe ndichakurova ne mbama nemibvunzo yako isingaperi ndakuudza wani kuti nda winner lotto " Luyani akadaro achida kurova mwana wake endai munogeza uko " Luyani akadaro Vana Nigel vakaenda kunogeza Luyani akasara achinyemwerera ari ega Yaaaah ndave ne plan yekuwanira va Shoko vana vanoda sezvo ndave ne mari kudai ndinofanirwa kugadzira team yangu ye netball Luyani akadaro achiseka ega Zacharia akaenda kusvika anosvika kumba kwa Lulue akasvika achigogodza pa gate Lulue akabva abudikira " aaaa makuseni ano here " Lulue akabvunza " Eish chipaupete yangu urisei " Zacharia akabvunza " Unenge usiri right chiiko " Lulue akabvunza " Vamwe vabereki yoooo vanozvara vana vachivasiya vachitambura " Zacharia akadaro " Aaaaaa chii manje ndiani akasiiwa achitambura " Lulue akabvunza " Umwe mwana mudiki so mudiki mwana uya vanomutengesesa muviri kutaura kudai atengeswa kuti anourayiwa na mainini vake" Zacharia akadaro akatarisa pasi " Haaaaa ndiani mainini vacho vanopenga haudi kuti ndinovapedzera here " Lulue akadaro achiseka zvichakadaro Bongani akabudikira ne mota yake akaburuka achienda kwavari achivamhoresa achihaga Lulue achibva amira pedo naye achitarisa Zacharia achimutsonya " Nhasi ndichafa kuhagiwa newe here " Lulue akadaro achiseka Zacharia hazvina kumufadza zviito zva Bongani nekuti iye ave kuzviudza kuti Lulue musikana wake " Ayiii regai ini ndiende ndichauya ndichikuona darly wangu " Zacharia akadaro achiswedera pana Lulue achimukisa dama Bongani aiva akamira kumashure kwa Lulue achifunda chibhakera akatarisa Zacharia " Aaaaaa heeee nhasi zvakandiomera ufambe mushe Zacharia " Lulue akadaro achiseka " Wave kukiswa nana achimweni pamatama iwe " Bongani akabvunza " Neniwo ndatoshamisikawo kubva muzvinhu zvandakasangana nazvo muhupenyu hwangu ndiye wekutanga arikuzama lucky munyaya dze rudo asi neniwo chero asina chaanacho hake ndinenge ndiri kumunzwira shuga wena " Lulue akadaro " Oooh asi wakanzwa kuti isu hatisi kukunzwira shuga zvawave kuda vana achimweni " Bongani akadaro " Aaaaaa iye anondida romance relationshipment asi ndichamupa relationshipment yacho " Lulue akadaro achiseka " Nxaaa unopenga iwe inonzi romantic relationship siyana ne chirungu ichi hachisi pauri " Bongani akadaro " Izvozvo asi wanzwa ka " Lulue akadaro " Izvozvi watondikanganisa unoziva pawasvika Zacharia anga achindiudza nezve musikana arikunetswa na mainini vake hanzi ari kutengeseswa muviri ende chinhu chinorwadza ndechekuti atengeswa kuti anourayiwa saka azoita lucky yekutiza " Lulue akadaro " Hezvo mashura ndekupi ikoko tipe tatoenda ikoko nyaya dzekushungurudzwa kwe vana dzawanda uye vari kuuraiswa " Bongani akadaro " Haana kumbotaura handiti ndiwe wandikanganisa ndichamufonera ndinyatso kunzwa kuti nyaya yacho irikufamba sei handiti uchandibatsira " Lulue akadaro " Yaaa neniwo ndichaudza mukuru we station ne mhosva iyi iiiii vasikana vakawanda varikuurayiwa zvakanyanya pamwe ndiye achatotipa information yakawanda mmmmm iwewo Lulue ne manumber ana achimweni " Bongani akabvunza " Hezvo ko zvine basa rei handiti achimweni munhuwo sewe here " Lulue akadaro achiseka " Nxaaaa ndinoda kunodya out haudi kuenda neni here " Bongani akadaro " Neni " Lulue akabvunza nekushamisika " Ehe asi haudi " Bongani akabvunza " No no no ndinoda Bongani ndimbodya ne fork and knife yooooo " Lulue akadaro achinyemwerera achiratidza kuti zvinhu zvaiva zvataurwa na Bongani zvamufadza Bongani naiyewo akanyemwerera akatarisa Lulue vakazoonekana Lulue achibva aenda kunotarisa vana vake 🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅🦅 Husiku va Shoko ne varume vatatu vaiva mu truck vachienda musango raityisa ravanouraira vanhu vakasvika vachiburitsa bag raiva nemapanga ne ndiro yekugamuchira ropa then varume ava vakaenda kumashure kwe truck vachivhura truck vachibatidza torch " haaaaa hamuna munhu umu" muchairi akadaro avhura maziso " What " va Shoko vakadaro vachiswedera vachida kuzvionera " atiza sei mwana uyu " taura ndisati ndauraya iwe Mukanya vakadaro " Ndiregerereiwo sir neniwo handizivi asi ndamupinza mukati " murume uyu akadaro " Na nhasizve hapana sacrifice ndati zvinhu zvangu zvikangooma uchandiona chete " va Shoko vakadaro vachitora foni yavo vachifonera mukuru wemapurisa " Yaaa " mupurisa akadaro " Eish pane problem pano pane mhuka yatiza kana pane zvawanzwa undiudze " va Shoko vakadaro vachipupuma furo ne hasha vakatarisa driver wavo Zechariah Zechariah aiva akarara, foni yake yakarira akashamisika nekuti yaiva new number mufoni make akabva adaira "Zakes ndeipi paya tazokanganiswa na Bongani hatina kuzopedza kutaura" Lulue akadaro "Shipaupete wangu ndinotenda nekundifonera ndave nema number ako" Zechariah akadaro achirova smile "Ndakufonera kuti ndikuudze kuti ndataura na bongani shamwari uyu atikanganisa makuseni mupurisa saka ati achatibatsira uye achataura na Magwaza mukuru wepa station mainini vacho vanofanirwa kusungwa" Lulue akadaro "Mapurisa?" Zechariah akabvunza achishamisika Amanda akavhuduka paakanzwa nyaya yemapurisa akaziva kuti ndiye ari kutaurwa misodzi yakatanga kuyerera aiva asingadi kuenda kumpurisa End of chapter