Chapter 2 MHUKAHURU HOUSEHOLD Mhukahuru vaiva vakabata six pack yaLulue vakasvika vachimhorosa vachibva vatarisa Lulue "Lulue parcel yako hanzi ndikupe" Mhukahuru vakadaro "Ndinotenda bro Beto chirega ndinoitira muchembiza tea manje" Lulue akadaro smile ichisvika kugotsi akabata 6 pack yake achienda kukitchen "Haaa ko ndimwi zve munoto mutengera doro ndosaka achiita madiro pamusoro pangu" mai Tee vakadaro "Haa mhamha Lulue ndikare achishanda pano haanetsi munhu uyu chero akadhakwa sei. Asi uka mudenha anokuita zviripo" Mhukahuru vakadaro Zvichakadaro Lulue akapinda netea achisa patafura achibva atora six pack achiisa mufridge achienda kunotanga kuita basa rake "Arikupi Nomusa?" Mhukahuru akabvunza "Nxaaa uyo anop......mai Tee havana kuzopedza kutaura Lulue akadanidzira "Ari mukamuri rake mukoma akazvivharira mhamha vanga vachimuchemedza" Lulue akadaro achidanidzira Ari ku kitchen achi cleaner fridge uku achiimba dhomoroza yake "Asi mhamha chiiko nemwi?" Mhukahuru vakabvunza "Aaah saka vashandi vepano ndivo vaunoteerera kudarika ini here? Chero izvozvo zvandataura makuseni ndanga ndichitaura chokwadi unofanirwa kunoita matest enyu iwawo kuti tizive chokwadi" mai Tee vakadaro vachitaurira pasi Mhukahuru vakabva vasimuka vasina zvavataura vachienda muroom mavo. Mai Tee vakasara vachiseka Chokwadi chichabuda chete mwana wangu achaparadzana naye uyu agowana munhu ari nani mai Tee vakadaro vachiseka "Unodherera iwe" Lulue akadaro achibudikira kumashure kwamai Tee achiva brush (a) nefurther dust kumeso "Iwe benzi remwana chiiko newe" mai Tee vakadaro vachibisa further dust kumeso. Lulue akaramba achingo brusher "Kana wavinga kuzoparadzanisa madam na boss ziguma iri rinoita kunge njuzu inonzwa jeko ndicharipedza. Hapana achachemedza madam as long ndiri pano" Lulue akadaro achiridza tsamwa achitora tea achinoiteura achidzokera Kuna Mai Tee achivatarisa mumaziso "Chigara wakadaro nenzara yako uri hanzvadzi ya Satan chete iwe. Ukati hausiriwe here wakakonzera kuti Satan adzingwe kudenga" Lulue akadaro achitendeuka achienda. Zveshuwa zviito zva Mai Tee zvaiva zvamurwadza aionekwa kumeso huso hwake hwaiva husingachajairiki Mhukahuru "Vhura door iro mhamha ndauya" Mhukahuru vakadaro Nomusa akavhura Mhukahuru vachibva vapinda "Mai vako vanditi ndiri hure baba Nashe" Nomusa akadaro nezwi raida kuchema "Sorry babe ini, ndinofunga kuti zviri nani tiite DNA test tivaratidze kuti zvavari kufungira hazvisirizvo" Mhukahuru akadaro "Ahh Mhukahuru saka newewo uno believer zvinhu zvataurwa namhamha?" Nomusa akabvunza nekushamisika "Aiwa nda-- ndik-- ini ndiri kungoitira chete kuti mhamha vasiyane newe" Mhukahuru vakadaro vachikakama "Haayi ndanga ndisina kuzvitarisira izvi kuti zvinga buda mumuromo mako. Ndiwe wakatora humhandara hwangu Albert. muhupenyu hwangu murume wandinoziva ndiwe chete asi nhasi wave kundifungira kuti ndinga kuhurira Mhukahuru" Nomusa akadaro nezwi raiva pamusoro "Nomusa mira ko iwe sei uchiita hasha kana ndichitaura nyaya yeDNA test?" Mhukahuru vakabvunza vachiridza tsamwa vachienda kunogeza Nomusa akasara achichema. After some minutes Mhukahuru vakadzoka kunogeza vakawana Nomusa akazvipeta pamubhedha "Mhukahuru handisi kuchemedzwa nekuti handidi kuti kunoitwa maDNA test asi ndinochemedzwa nekuti iwe wabeliever zvinhu zvataurwa namhamha kuti vana ava havasi vako une shuwa nazvo here" Nomusa akadaro nezwi raipisa tsitsi "Nxaaa ini handichazive kuti chokwadi ndechipi manje" Mhukahuru vakadaro vachipfeka mbatya dzavo "Saka iwe Mhukahuru uchagara uchibvuma zvinhu zvinenge zvichitaurwa nevanhu pamusoro pangu?" Nomusa akabvunza achimuka pamubhedha "Izvi zvataurwa namai vangu Nomusa saka maDNA test tichaaita. What if vachitaura chokwadi?" Mhukahuru vakabvunza "What? Are sure Mhukahuru?" Nomusa akabvunza nekushamisika "Nxaaa wandinzwa iwe kana ndikangoziva kuti vana ava havasi vangu unenge wandirwadzisa Nomusa pamakore ese aya here Nomusa tiri tose" Mhukahuru vakadaro vachimutarisa mumaziso "Asi Mhukahuru nei uchindirwadzisa kudai? Mashoko ako anondirwadza ungabva wandifungira zvinhu zvakadaro here. Ndepapi pawakambondibata nemurume. Zvauri kuita unozviitiswa nekuti ndiri nherera handina wekuuudza..kuti wakanditora kunherera ndizvo zvingaitw kuti undidaro. Upenyu ivhiri Albert mangwana uchandifunga" Nomusa akadaro achitanga kuchema "Haaa saka chii chino chemedza ipapa?" Mhukahuru vakabvunza "Okay fine mangwana tichaenda kunoita maDNA test evana mandituka namai vako zvakwana kana zviri izvo zvichakufadzai its fine. Saka newewo wanga wagara une ma doubts asi haungandifungire izvozvo Mhukahuru" Nomusa akadaro achichema "Tichasangana kuma DNA test Nomusa" Mhukahuru vakadaro vachiita kunge mashoko aiva ataurwa naNomusa haavarwadzwe asi aiva avarwadzwa Nomusa akamuka achinogeza huso achidzika down stairs achinogadzirira murume wake chikafu apedza akaisa chikafu patafura akanodana murume wake. "Mhukahuru chikafu chave right hande unodya" Nomusa akadaro "Ndiri kuuya" Mhukahuru vakadaro achiita sekunge haavadi kunodya Nomusa akadzika downstairs achinogadzira kubika kwemanheru. Nomusa chero ane vashandi vaviri asi haaite mistake yekuti vashandi vabike Iye ndiye anobika asi vanomubaysira nezvimwe zvinenge zvichidiwa Vakadzika downstairs naMhukahuru Nomusa akaenda kukitchen Mhukahuru vakanogara ku sitting room vachitanga kudya. Mai vake vakabva vaswedera paari "Unenge usiri right mwanangu kwakanaka?" mai Tee vakabvunza vachitaurira pasi "Ndiri right mhamha" Mhukahuru vakadaro vachinyepera kuseka "Ini ndinoziva zvinhu zvichakufadza, uchiri kumurangarira Shorai uya wepanext door?" mai Tee vakabvunza Mhukahuru vakatarisa mai vavo nekushamisika "Shorai haasati aroorwa nazvino mwanangu uye ndanga ndatomufonera kuti auye kuzondishanyira kuno" mai Tee vakadaro vachitaurira pasi "Saka kana asina kuroorwa ini ndinopinda papi iko makumbira ani kuti auye pamusha pano?" Mhukahuru vakabvunza "Hezvo ko ini handisi mai vako here ndave kufanirwa kukumbira pamusha pemwana wangu?" Mai Tee vakadaro "Mhamha musha uyu ndewa Nomusa musaita madiro musina kupihwa mvumo na Nomusa manzwa!?" Mhukahuru vakadaro vachisimuka vasina kudya vachinozvivharira mumota mavo "Uri kupisa kunge earthquake yeku Kenya wakaura iwe musoro wakaondoroka " Lulue akadaro achiswedera pana Mai Tee "Wanguri wandidherera iwe mwana ndava kuzokurova manje" Mai Tee vakadaro vachisimuka vachida kurova Lulue asi Lulue akavabata ruoko "Gara pasi muchembere ndinokugamuchidza nembama bp ikasimuka hausi vamwene vangu ka iwe kuti ndingakunyara" Lulue akadaro "Ndichakubata chete iwe Joyinti" Mai Tee vakadaro vachigara pasi Zvichakadaro pakaita knock pa door. Luyanda akaenda kunovhura. Aiva shorai akapinda achidhonza bag "Ndiani manje uyu? Ndingakubara neyi?" Nomusa akabvunza achibudikira ku kitchen "Ohh ndini ndamudana muroora" Mai Tee vakadaro vachinyemwerera "What? Rega ndidane Mhukahuru " Nomusa akadaro achibuda panze achienda Kuna Mhukahuru. Akasvika Kuna Mhukahuru akamuudza zvaiitika Mhukahuru vakati naivowo hapana zvavangaita nekuti Mai vavo vane musoro wakaoma "Aewa Mhukahuru ndakujairirwa manje apa" Nomusa akadaro ava kuchema achienda ku bedroom kwake "Unoziva chii iwe wakasviba kunge poto dzeku hotera pano unofanirwa kufutseka nekuti ukasadaro uchabva pano waakuchema" Lulue akadaro achitendeka Shorai "Hezvo nhai mhamha ko haasi mushandi here uyu?" Shorai akabvunza Mai Tee akatarisa Lulue neziso reruvengo achimutarisa kubva kutsoka kusvika kumusoro "Mazitama kunge nguruve ine kwashi rega ndikutaridze kuti mushandi wechimanje manje anomhanya nedzipi. Majaira kutora varume vevanhu muchinyararirwa pano wasvika pa boundary yechihure. Pano pamusha pa madam Nomusa chete hapana achatora chinzvimbo chake" Lulue akadaro achichiregedzera chibhakera Kuna Shorai "Ndiye mushandi uyu wawanga uchibvunza kwete ini"Lulue akadaro achinodhonza black yake achiikungurudza achidzoka zve paari achimupa rimwe gwati rembama kumeso "Iyi mbama Ina jesu mukati hairwadzi" Lulue akadaro achimurova nechibhakera achidonhera pasi "Ichi chibhakera china Satan mukati enjoy" Lulue akadaro achitendeuka achienda Zvichakadaro Mhukahuru vakapinda vakawana Shorai achibuda ropa mumhino nemumuromo "Wabatsira mwanangu ukauya hona Lulue wentu aitei Shorai achangosvika" Mai Tee vakadaro "Nxaa iye anga achienda kupi kudzimba dzevanhu asina kudamwa?" Mhukahuru vakadaro vachidarika vachienda ku bedroom kwavo #comments End of chapter