Chapter 23 Narrated vana vakadzoka kuchikoro Lulue akavambundira vose nekuti yaiva yasvika nguva ye chokwadi akagara navo pasi achivatarisa " Zvinhu zvandichakuudzai ndicho chokwadi pamusoro pa mai venyu ndinokumbira kuti mundivumbise kuti muchabvuma kunoona doctor we counselling kana kuti auye pano " Lulue akadaro " Okay we promise mummy asi ndiye achauya pano " Tinashe akadaro achibvuma ne musoro then Munashe naiyewo akabvumirana na sisi vake " Zvinhu izvi ndaishuvira kuti dai mapedza henyu university then ndozokuudzai mapedza chikoro asi manje makura 15 years ndinokumbira kuti zvinhu zvandichakuudzai musazvitorera pamusoro then manheru pachasvika lawyer ndoda kuti muvepo " Lulue akadaro achitanga kutsanangura nyaya yose sezvairi akazosara kupedza vana vave kuchema " Mama munoda kuti udza kuti munhu uyu akagara pamusha pa mama ane ruoko pakufa kwa mama here " Tinashe akabvunza misodzi ichiyerera " Shhhhh vanangu ndinokumbira titange tamirira lawyer " Lulue akadaro naiyewo achichema achivambundira Zvichakadaro Munashe akabva pana Lulue ne hasha achinobuda pa door " Munashe mwanangu huya " Lulue aidaidzira asi Munashe akananga straight kuna Shorai akamuwana achibika tea akasvika achimira mberi kwake achitora cup ye tea achidira Shorai kumeso achiridza tsamwa " Zvino ndaitei manje oooooh mwari wangu " Shorai akadaro achishamisika achimhanya achinogeza huso ne mvura inotonhora sezvo tea yaipisa Zvichakadaro Lulue akabudikira achimhanya " Urikuona zvinhu zvawaita iwe ne muromo wako uyo usinga vhariki " Lulue akadaro achimurova ne mbama achimhanyira kuna Munashe aiva atomhanya Munashe akamhanya Lulue akaedza kumutevera asi akatadza " Mwari wangu mwana wa madam ndichati kudii " Lulue akachema achifamba mumugwagwa asi Munashe akanga asi ngachamuoni akadzokera kumba achiridza tsamwa achinanga staright kuna Shorai akamurova ne mbama achidarika achienda kuna Tinashe akamuwana achichema " Arasika handimuoni Munashe pamwe aenda kushamwari dzake unodziziva here ndinomutarisa ikoko " Lulue akabvunza " Okay mama achauya chete ihasha manje" Tinashe akadaro achichema Lulue akabva abuda nekuti naiyewo akanga ave kuchema kuti abude anotsvaka Munashe zvaiva zvisingaite nekuti lawyer raiva rati richasvika zvichakadaro pakapinda mota yaionekwa kuti yakatengwa ne mari yekuwanda " Ooooooh mwari wangu another stress again " Lulue akadaro achizvibata chipfuva chake " Ooooh zvazoitika manje vamwe varikurongedza twavo varikuenda " Shorai akadaro achiseka VaGondo vakapinda vachimhoresa vachibva vagara pasi " ndingakubatsirai nei hama dzangu ndinofunga kuti ndinazvo zvose zvinhu zva Mhukahuru " va Gondo vakadaro " Yaaaa taurai mubve maudza sisi ava kuti ini Shorai ndakachata na Albert ku community of property zvinoreva kuti zvose izvi ndezvangu " Shorai akadaro achitendeka imba VaGondo vakatora briefcase yavo vachivhura Lulue aiva akanyarara kuti zii kunge asipo " oooooh yaaaa zveshuwa mapepa arikutaura ndichiri kurangarira muchienda ku court vachiti munochata sei iye akachata na Nomsa asi ndakazomira mira kuti muchate chero hazvo maisafanirwa kuchata " Nxaaaa taura mhani Gondo kuti muridzi we zvinhu izvi ndiani" Shorai akadaro " Nxaaa " Lulue akadaro " Yaaaa zveshuwa mapepa arikutaura kuti makachata zvinhu zviri muzita ra Mhukahuru ndezvako Shorai " VaGondo vakadaro " Urikuona manje Lulue ndati kudii kwauri maita basa va Gondo shuwa mandisunungura yoooo ndange ndakutoitwa musungwa pamusha pangu Lulue enda unorongedza zvinhu zvako ubve pamusha pangu ne magora ako ayo maviri vanhu vachasara pano vana va Mhukahuru " Shorai akadaro atomira mberi kwa Lulue mufaro waisvika kugotsi " Not so fast Mrs Mhukahuru handisati ndapedza " VaGondo vakadaro " Hezvo chii manje chasara zvimwe zvese hazvisisina kukosha zvauchataura uyu nemagora ake ngavabude pano newewo lawyer chienda I think watopedza kutaura " Shorai akadaro " Aaaa iwe unenge unedzungu iwe zva Mhukahuru ndo zvako zvinoreva kuti uchawana zvinhu zviri muzita ra Mhukahuru va Gondo vakadaro " Zvagara nekuti zva Nomsa zvaiva zva Mhukahuru saka zva Mhukahuru nde zvangu " Shorai akadaro " Gara pasi iwe musikana uchafenda ipapo wakamira ukarovera ne gotsi ukatifira pano " VaGondo vakadaro vachitaridza kudhererahavo " Ko ndiro zvadzinenge dzakuda kuchinja " Lulue akadaro achiseka akatarisa Shorai Shorai akagara pasi aizvibvunza kuti lawyer yave kuda kuti kudii manje " Okay ndinotenda pano pakanyorwa kuti imba ne mari inosvika 700k us dollar ndezve vana mari ichagovewa ne pakati ipiwe vana then mota Lexus ichaita ya Tinashe then jaguar ndeya Munashe then Range Rover ne mini Cooper zvichava zva Luyanda ne Site iri ku town ichava ya Luyanda then 200k us dollar ndeyekuti avake site iyoyo atange hupenyu hwake kana vana vakura vozotora dzimba idzi lawyer" rakadaro richinzwika kutura befu " ooooooh pane mari futi yekudzidza ku university iri ku bank yose iyi iri muzita ra Luyanda Albert Mhukahuru ndiye akaisa izvi hanzi vana vachatora mari kana vapedza chikoro then toouya kwauri Shorai zvinhu zviri muzita ra Mhukahuru imari iri mu bank inokwana iyo kuita $ 5 chete zvimwe zvese akazvipfuudza kuna Luyanda akati achazvipa vana kana vakura chero video iripo yaakaita Mhukahuru inotaura zvose zvandataura ndinokumbira muitarise " vaGondo vakadaro vachidhonza laptop yavo vachiisa pa table Shorai aiva angovhura maziso aiva asingazvi believe " Hakuna zvakadaro inhema idzo " Shorai akadaro " Vose ndizvo zvavanoita sisi lawyer" rakadaro richi player video ra Mhukahuru vachitaura zvinhu zvaiva zvaverengwa ne lawyer " Ayii ndatenda ini regai ndiende ini " VaGondo vakadaro " Haudi here black timborova upedze nyota " Lulue akadaro achinyemwerera " Aiwa tinotenda ini ndiri mutendi handibate doro va Gondo vakadaro vachibuda vachienda VaGondo pavakabuda Lulue akadhonza Tinashe achimuhaga achimutarisa " zvinhu zvataurwa na va Gondo usazvibisa mupfungwa dzako uudze sisi vako kana vauya" Lulue akadaro " Don't worry mama ndatoita ne record mu phone yangu " Tinashe akadaro " Wakangwara mhani iwe munoita kuti baba venyu vadade nemwi asi aiva murume aribho zvake hameno kuti akapindwa nei " Lulue akadaro achikisa Tinashe pahuma Shorai aiva akangotarisa pasi " Iwe gora iwe ndinokumbirawo ubude pano ndoda kunotsvaka mwana wa Nomsa handiti waunzwa ka muchato we community of property kuti unofamba sei " Lulue akabvunza " Haaaà ndichaenda kupi zve ini ndanga ndauya kuzorwisa rifa ini aiwa " Shorai aiva akungokakama " Aiwa enda matsito ndoda kunotarisa mwana ini dzokera kwawakatorwa na mai Tee " Lulue akadaro " Ndinokumbira hangu kugara kwe mazuva kumba vakati ndisadzokazve uku pinky akashaya varikushora ini nezvakaitika " Shorai akadaro " Aiwa handingasununguki iwe ndikakusiya pano kana uchitadza kubuda wega ndichakuburitsa ini " Lulue akadaro achimurova ne mbama achidonhera pasi achimudhonza ne gumbo achimuburitsa panze " Ndikangokuona chete pano Shorai ndinokuuraya this time " Lulue akadaro " Tinashe hande tinotarisa Munashe " Lulue akadaro achidhonza black label mu fridge 🦇🦇🦇🦇🦇 Munashe aimhanya mumugwagwa asi ngambotatisi nekuti arikuenda kupi uku aiva akaisa ma earphones achiridza music uku misodzi ichiyerera akafamba mumugwagwa paida kuyambuka road pakabudikira mota ikayedza kuridza hooter asi aiva asingainzwa vanhu vakaedza kudaidzira asi hapana chaakanzwa iye hapana zvaainzwa nekuti aiva akaisa ma earphones apa ne pfungwa dzaifunga zvakanyanya Driver paakaedza kubata ma break akatadza achibva anobondera Munashe achinowira kwakadaro mota haina kumbomira yakabva ya mhanya ichienda zvichakadaro ropa raiva razara vanhu vaiva vatozara ipapo Munashe aibuda ropa mumuromo zvichakadaro pakaita munhu akanhonga phone ya Munashe achitarisa number yaiva yakanyorwa kuti mama achibva atoifonera lucky airtime yaivamo akafonera Lulue akabva adaira " Munashe thanks urikupiko " Lulue akabvunza " Arohwa ne mota akarara pano" mukomana aiva anhonga phone akadaro " Haaa kupi " Lulue akadaro misodzi yave kuerera Mukomana uyu akamuraira paitove pedo nepaiva na Lulue akabva amhanyisa mota achidzokera kumashure kunosiya vana aida kuti vasaona zvaiva zvaitika pana Munashe " Mukiye door ndinodzoka manje " Lulue akadaro kune mwana wa Luyani nekuti ndiye aiva ati kure Apedza akapinda mumba achitora parce yake achibuda achienda ku mota achiimhanyisa achimhanya achienda akasvika patozara vanhu uye ambulance yaiva isati yasvika asi Vaiva vaifonera Lulue akamhanya straight kuna Munashe achimusimudza ukumisodzi yaingoyerera apa Munashe aiva akanyarara kuti zii asingapfakanyiki Lulue akamuradzika mumota achiimutsa achiimhanyisa " Nomsa ndiregerere ndanga ndichida kumudzivirira asi handizivi kuti chii chaitika " Lulue akadaro achichema apo Nomsa aiva pedo ne mwana wake naiyevo achichema " Haisi mhosva yako Lulue usazvipa mhosva " Nomsa akadaro achimubata pamafudzi asi aiva arimhepo Lulue hapana zvaakanzwa Lulue akamhanyisa mota akasvika kuchipatara achipinda naye muchipatara " Huya huya ndikubatsire Lulue unoshanda basa shame pavana vangu" Nomsa akadaro naiyeo achimhanya achiedza kubata Munashe asi aitadza vakapinda mukati vakasvika vakamutora vakamupinza mu ward aiva achiri kufema asi aifemera kure Shorai Shorai akasvika kumba kwavo baba vake vakamutandanisa netsvimbo akatiza achienda kwa Mai tee akasvika achivaudza nyaya yose zvese nezvakaitika kwa Mhukahuru "Unonyeba iwe!! Unoreva kuti ini handina kupihwa chero chii pawiri?" Mai tee vakabvunza "Hamupo, zvinhu zvose ndezve vana vake na Lulue. Apa ini ndakatora Mari yose yandaiva ndasarirwa nayo ndikapa murume weku court kuti ndichate na Mhukahuru iye asati aita divorce na Nomusa. Ndakazopedzisira ndakujeri. Now ndabuda ndotambura zve hazviiti" "Uhhm saka mushandi uya anozviti lulue tichamurega achiita madiro pa zvinhu zvemwana wangu?" "Aewa. Ndanga ndichifunga kuendesa nyaya iyi ku court asi ndaona kuti ichatora nguva uye zve Mari yekudhiza hapana" "Saka tomuita sei muroyi uyu" "Anofanirwa kuuraiwa ndisare ndichi. Mhukahuru achinobuda kujeri anowana ndazvimbirwa nemari yake if achizobuda kujeri kwacho" "Hayi kuuraya hazviiti" Mai tee vakadaro "Munayo here imwe plan" "Aewa chete kuti nd--" "Hapana ma aewa pane. Lulue anofanirwa kufa finish. Kana usingadi muchafa mess. Handingasungirwi mahara pedzezvo handichawani kana cent zvayo haa Days later It's been days now Nigel kubva zvaakauya sezvo Lulue aiva amudana kuti vaende vose ku Malawi asi hazvina kuzoita sekudaro Munashe ari kuchipatara "Ndokumbira usare uchitarisa usakanganwa kuenda kuchipatara kunotarisa Munashe" "So sisi muchauya rinhi?" "Nxaa tsek Nigel ndava sisi vako manje? Uhhm handizivi asi ndichakurumidza kudzoka" Lulue akadaro achimwa black yake. Nhasi manheru ari kusimuka achienda ku Malawi "Mukurumidze kudzoka mhamha ini ndofanirwa kudzokera kuchikoro " "Inguva yekuvhevhe iyi iyi ndoziva mukushandisa ma laptop hamuendi mazuva ose kuchikoro chero ndikatora masvondo mavori ndiri ku Malawi bhoo futi" "Saka kuvhevhe yacho inoreva kuti handifanirwi kuona musikana wangu here nhasi sisi?" "Haa iwe Nigel ndokurova watova nemusikana or iyi donor?" "Sisi hanti unoziva kuti haidyi sadza. Neni handina kumbozama kuidyisa sadza ayy mhamha 4 inochaya rinhi muende" Nigel akadaro achiseka achienda ku kitchen" "Imbozama kuidyisa porridge rinopisa uuye nema results" lulue akadaro achiseka 🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦉🦉🦉 "Saka simbi iyi uchandi charger marii?" Shorai aitaura pafoni "Kana ukandipa 500 USD unenge wapedza ma sports" "Ohk ohk Rega ndione kuti ndichaita sei. Ndichakufonera mangwana" Shorai akadaro achikata foni zvichakadaro Mai Tee vakabva vapinda "Ukutaura nani?" "Nemunhu achandipa simbi yekuuraya Lulue ati anoda usd500 manje ini handina Mari yacho" "Haa Mari yose iyi?" Mai tee vakadaro vachishamisika "Imari Shoma iyi enda munokwereta Mai vepa nextdoor vanoita zve loan" "Haa why ini? Handiendiko ini. Neyi iwe usingaendi wega. Ndozoibhadhara neyi Mari yacho ini ndichishaya yekutenga hupfu" "Hayi muchaenda manje muchida musingadi. Ndoida Mari iyi. Nhasi uno handina pekugara nekuda kwenyu Mai tee munenge munokurumidza kukanganwa" Shorai akadaro achitarisa Mai tee neziso raityisa Mai tee vakatura befu vachigara pasi vachibata shaya 🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇 Makuseni Lulue akasvika ku Lulue. Akafamba sekurairwa kwaaiva aitwa . Akawana pakazara vanhu vachingopesana umwe neumwe achienda kwake. Azingazivi aingoti pamwe kune mutambo uri kuitirwa munhu akakosha panzvimbo iyi. Lulue akasvika pagedhi akadana umwe musikana "Hello asking the where Princess" lulue akadaro "Please follow me madam mushandi wepamuzinda akadaro achiseka achienda na Lulue Kuna Amanda. Lulue akashamisika achiona makuriro aiva aita Amanda "Awu mwanangu" lulue akadaro achihaga Amanda uku achichema. Amanda akahaga lulue vachichema vari vaviri "Haa ndafara kukuona mwanangu" "Neniwo mhamha ndafara kukuonai" "Haa wakura Amanda shuwa ari kuphi Zakes?" "Zach--- Amanda haana kuzotaura mushandi akabva asvika pavari "The ceremony is about to start princes" Amanda akabva abuda achifamba na Mai vake vachienda kwaaiva adamwa. "Zvino kuzopfeka mbatya nhema dzega how come you nekuti panoratidza kuti pane muchato pano ndiani ari kuchata?" "Muchato wababa wekupedzisira mhamha" "Muchato wa Zachariah wekupedzisira unorevei manje? Ko akachata kangani?" Amanda akatarisa pasi achizvipukuta kumeso 🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇🦇 Mai Tee vakapedzisira vaenda kunokwerera Mari ye loan nekuti Shorai akavavhundutsira nekuti achatanga nekuuraya ivo asati auraya Lulue "Iyi inozvara 50% muchembere every month kana musingabhadhari" Mai tee vakabvuma vachitora Mari vachienda vakawana Shorai atovamirira. Shorai akatora Mari achiiverenga akanyemwerera paakaona iri iyo Mari yaari kuda End of chapter