Chapter 3 Mhukahuru household Nguva dzekunorara dzakachaya Mhukahuru naNomusa vaiva vasingataudzane Saka vakakurumidza kunorara vaiva vakazvivharira muroom mavo pasina aitaura neumwe. Lulue aiva asingachaendi kumba kwake airara kubasa "Mhamha regai ndinorara ini" Shorai akadaro achisimuka achienda muroom yaaiva apihwa Paakasvika achiti akwire pamubhedha, waiva wakanyorova mubhedha wese Lulue aiva azadza mabucket emvura. Paakaona pasingararike akabuda achidzokera kuna mai Tee "Mhamha mubhedha wangu wose wakanyorova" Shorai akadaro achisvimha misodzi "Waitei iwe Jointi? chii chawaita?" mai Tee vakabvunza Lulue akapera nekuseka "Iwe madamwene hakusi kumba kwako pano haungandiudze zvekuita. Iwe matsito wauya nemubhedha here pano zvaunoda kurara pamubhedha?" Lulue akabvunza "Nxaaa unodherera iwe, hande ucharara muroom mangu neni" mai Tee vakadaro Shorai aiva akanyarara kuti zii. "Aaaa muchadaro izvo nekwenyu ndadiridzira ndikadzvara madomasi. Moawana akatsvukira pamubhedha uye hapana zvamuchandiita" Lulue akadaro achidhonza beer yake achimwa hake Zvichakadaro Molly akapinda achibva kunorarisa vana, mai Tee vakabva vaenda naShorai "Aaah ko nhasi tiripo tose" Molly akadaro "Iwe mazuva ano uri kuhwanda handisi kukuona mushe uri right?" Lulue akabvunza "Ndiripo hangu. Ndinoona sekuti maboss edu haasi right nhasi ndicharara pano ndakatarisa vana kusvika madam vave right" Molly akadaro "Haaa taura hako chembere iyi inozviitisa too much ndiyo inokonzeresa msnje ndichaigadzirisa panzvimbo yayo imagine akatounza matsito ebhodho aya kuti auye azoroorwa naMhukahuru" Lulue akadaro "Unonyepa iwe" Molly akadaro achishamisika "Sezva ndiri kukuudza, ko iwevo ma scover nema mask kumeso kwese chii chiri kuitika kwauri. Chero masikati ndakuona wakazviisa covid yaveko usingandiudzi ndiisevo mask" Lulue akabvunza "Aewa I think ndiri kuda kupindwa nechando saka ndanga ndichivhara mhino" Molly akadaro Zvichakadaro foni yaMolly yakarira "Tom" Molly akadaro achidaira foni "Uri kupi iwe hure?" Tom akabvunza nehasha "Ndakuudza wani kuti nhasi handisi kuuya ndicharara kubasa ndakatarisa vana, madam havasi kunzwa mushe" Molly akadaro "Kangani ndichikuudza kuti siya basa iri Molly? Hausi kubasa iwe uri kuvarume uchandiona mushe paunouya" Tom akadaro "Ayyy Tom ndiri kubas--"Molly haana kuzopedza kutaura Tom aiva atokata foni Molly akabva atoziva kuti paanosvika kumba anouraiwa chete "Chii manje Molly zvaunenge usisiri right manje?" Lulue akabvunza "Aewa ndiri right" Molly akadaro achinyepera kuseka vachiparadzana vachienda kunorara. Makuseni Nomusa naMhukahuru vakamuka vachigadzira vana vachienda kunoita maDNA test. Nomusa akaudza Molly kuti kana achida kuenda aenda sezvo aenda nevana. Molly akabva atogeza achigadzira kuenda kumba kwake sezvo Tom arara achimufonera husiku hwese. Apedza akatora bag rake achibuda achienda muroom maaiva arara "Hezvo ko nhasi uri kuenda makuseni ano watanga rinhi izvozvo?" Lulue akabvunza ari busy nekucleaner mumba "Aaah iwee Lulue unopenga pane zvandinoda kunogadzira kumba " Molly akadaro "Okay chisikana tinoonana mangwana" Lulue akadaro achitarisa Molly aiva akazvimonera nescaf kumeso pamuromo akapfeka mask. Molly akaoneka achibva aenda. Zvichakadaro mai Tee naShorai vakabudikira vachiteverana "Mushandi wepano tigadzirire chikafu" mai Tee vaitotaura nekudherera zvavo "Nxaa unondipengera iwe mukadzi, ko nei usingaudze matsito kuti akuitire" Lulue akadaro achitarisa Shorai achibva aenderera mberi nezvaaiita "Musiye uyu Shori soon panenge pave pamusha pako apa. Enda kukitchen unogadzira hako chikafu" mai Tee vakadaro vakatarisa Lulue Lulue akapera nekuseka "Izvo zvichaitika kana ndafa. Muri kutambira pamusoro paNomusa nekuti haagone kuzvirwira Shorai haafe akaita madam pamusha pano Nomusa achiri mupenyu pangafiwa zve" Lulue akadaro achiswedera pana mai Tee achivatarisa. Akamirira kuti vakangopindura chete anovarova Mai Tee vakabva vaona kuti apa zvinhu hazvina kumira mushe vakabva vanyarara kuti zii. Zvichakadaro Shorai akabva abudikira achibva kukitchen "Mhamha hapana chikafu macupboard ose akakiyiwa" Shorai akadaro "What? Iwe Jointi vhura macupboard ayo nekuti ndinoziva kuti ndiwe wakiya" mai Tee vakadaro Lulue akaseka. "Zvagara ndini chiripo chingwa apo, handiti kumusha makajaira kudya chingwa chisina chinhu, mvura munoboilisa apa shuga ndaisa mateaspoon maviri pane imwe cup muchaisa ipapo. Masamba haapo muchamwa yakadaro kana muchida zvimwe muchandiudza kuti makazvitenga rinhi" Lulue akadaro achiridza muridzo achi cleaner mumba "Nxaaa rega ndifonere Mhukahuru mwana anozviitisa uyu" mai Tee vakadaro vachibaya baya foni yavo "Mhanya fona fona achandiitei Mhukahuru wacho ndiye here akandiunza pabasa" Lulue akadaro achisiya zvaaiita achiuya achigara pedo ne paiva pakamira mai Tee Mai Tee vakabva vafonera Mhukahuru "Mhamha" Mhukahuru vakadaro achidaira foni "Mwanangu Lulue akiira chikafu chose muma cupboard Shorai haana kudya" mai Tee vakadaro vachinyepera kupisa tsitsi "Okay mhamha" Mhukahuru vakadaro vachikata foni "Haaa hello mwanangu" mai Tee vakadaro vachishamisika "Muchagumira pakutamba pana Nomusa kwete ini. Chero vangu vamwene vanga vasingatambiri pandiri iwe uri kuonekwa kuti wave pedo nekurohwa soon beware" Lulue akadaro achitendeka mai Tee MOLLY Molly akasvika kumba kwake akawana Tom ane musikana vachitamba mutambo wevakuru "Tom" Molly akadaro achichema "Ndiani manje uyu?" Musikana aiva naTom akabvunza "Ndimirire panze iwe hausi kuona kuti ndiri busy pano" Tom akadaro ari busy nemusikana uyu Molly akangokwanisa kuchema chete achibuda achivhara door akatarisa Tom. Akabuda achinanga kumba kwavamwene vake "Molly mwanangu uri kuchemei iko?" "Mhamha Tom haachagumiru pakundirova chete manje ave kuunza vakadzi mumba" Molly akadaro achichema "Eyy mwanangu ndizvo zvinoita imba izvozvo. Imba dzose dzauri kuona idzi ndizvo zvadziri iwe shingirira chete asi ndichataura naye" mai Tom vakadaro "Ndaneta ini ndirinhi achindishungurudza" Molly akadaro achichema achisimuka achidzokera kumba kwake asina kumbooneka Paakasvika akawana musikana asisipo "Iwe ndati mira panze wanga waenda kupi manje?" Tom akabvunza nehasha "Ndanga ndaenda kunoona mai vako ndaneta nehupenyu hwauno ndiraramisa Tom" Molly akadaro achichema "Huya pano iwe ndinzwe kuti hauna kumborara nemunhu here" Tom akadaro achidhonza Molly achimusundira pamubhedha "Hayy Tom wanga wakarara nehure pano wave kuda kurara neni what if musikana wacho ane chirwere" Molly akadaro achichema achiedza kumurwisa asi Tom akamurova nechibhakera "Tave kupindurana manje pano iwe kana usingarare pamba unenge uchiti ndicharara nani nekuti unoziva kuti ndiri murume" Tom akadaro achimubvarurira mbatya "Tom ndisiye mhani!!!" Molly akadaro achichema "Ndakakuroora Molly saka haunga ndinyime kodzero dzangu dzemuchato" Tom akadaro achimurova Molly nembama achidonhera pasi Achikwira pamusoro pake achitanga kuita madiro. Molly aingochema chete kusvika Tom apedza zvaaiita "Ndakati kudii nebasa rako iwe?" Tom akabvunza "Kana ndikasiya basa tichadyei nhai Tom?" Molly akabvunza akazvimonera nesheet pamubhedha achichema "Oooh nekuti ini handishandi saka uchiita madiro pamusha pangu. Usakanganwe kuti pamusha pangu pano" Tom akadaro achitanga kurova Molly achimukava achimuwisira pasi "Ndiregererewo Tom!!!" Molly aidaro achichema aiva azara ropa muviri wese. Tom aingomurova asina basa nekuchema kwake End of chapter