Chapter 15 LULUE "nyaya dzacho dzimbori nyaya dzei?" Lulue akabvunza achiswedera pana mai Tom achiitira kuti recording yake inzwike mushe "Please ndinokumbira usandiura usaudza munhu, Tom anoziva nezvekufa kwababa vake kuti ndini ndakavauraya ndikavaviga muimba iyo yeround" mai Tom vakadaro vachichema "Hayi hayi zvikazodii manje yowee" Lulue akadaro achiisa maoko mumusoro "Baba Tom vaida kunotora hur* kuHarare vagoriita mukadzi wechipiri ini pandakada kutaura vakati zvirinani kuti tiparadzane. Zvino takazonetsana pakaita mistake vakauraika" mai Tom vakadaro misodzi ichiyerera "Haaa saka isu tiri mapenzi ka tinosungwa tichinzi tauraya vanhu isu tisina mhondi dzakagara panze. Shuwa ungauraira munhu banana rake here?" Lulue akabvunza achishamisika achitarisa imba yose achibva aona tsvimbo yaiva pamadziro achibva aitora "Uri benzi remukadzi iwe ndichakurova muviri imomo uye hapana achaona kuti ndakurova uri mhondi ine hutsinye" Lulue akadaro atodzima recording yake achitanga kurova mai Tom mumuviri huso haana kumbo uguma "Ndiregerere mwanangu baba Tom vaizoenda nemari yose vagondisiya ndisina chinhu" mai Tom vakadaro Lulue akavarova kusvika apedza shungu achibva adzosera tsvimbo iya panzvimbo yayo achibva abuda achichema achitarisa imba iya achifunga kuti pane munhu akauraiwa zvehutsinye akavigwa imomo nekuda kwereason isinga nzwisisike "Chii manje Lulue uri kuchemei?" Bongani akabvunza "Akamuviga apo muimba yeround Bongani nekuda kwekuda mari stereki" Lulue akadaro "Ani manje akavigwa muimba iyoyo?" Munin'ina waTom akabvunza achibudikira kumashure kwake Naiyewo aiva amutswa nenoise yanga ichiitwa naLulue namai Tom "Baba vako vakavigwa muimba iyo namai vako" Lulue akadaro Bongani akatora foni achibva atofonera mamwe mapurisa kuti vauye kuzofukunura muviri uri muimba yeround. Achibva atora njema achiisa mai Tom vaingochema Zvichakadaro pakanzwika pfuti bara richinogara mumusoro mamai Tom yaiva hanzvadzi Tom yaipfura mai vake "Ifa imbwa" musikana uya akadaro achizvipfurawo "Hezvo" Bongani akadaro achishamisika Vanhu vose vaiva vangovhura maziso mumba. Zvichakadaro mapurisa akasvika nevezvitunha vakasvika kuzochera chitunha chaiva muimba yeround Kwaiva kwangosara hanzvadzi yaTom idiki sezvo Tom aia kujeri ava vaviri vaiva vafa I "Bongani ndokumbira undiendese kumba zvinhu zvose zviri pano zvinondiremera ini" Lulue akadaro akazvipeta Zveshuwa Bongani akaudza mumwe mupurisa kuti anodzoka vachibva vaenda. Nguva dzanga dzave kuma12 mai Tee vaiva vakafa nehope Lulue akasvika achigogodza "Ndiri kuuya ndiani ko iyeye husiku huno?" mai Tee vakabvunza vachivhura door "Lulue?" mai Tee vakabvunza nekushamisika wiwi yave kuyerera nekuti vaiziva zvaizoitika mberi Lulue akabva airegedza mbama asina zvaambotaura navo achivarova nembama nezvibhakera "Usavarova kumeso aah nekuti vachavaona kustation then iwe wozosungwawo" Bongani akadaro achisvuta hake fodya yake Mai Tee vaiva vakungichema "Aaaa kasi uri kuvasunga here?' Lulue akabvunza achiseka uku achingorova mai Tee "Ehe vanosungwa nekuda kwekuvanzira mapurisa nezvaiitika zvekufa kwevanhu ava. Nekunyeba kwavaita vachiti ndiwe wauraya vanhu ava" Bongani akadaro "Hayi hayi ndiregerereiwo hamunga ndisunge ndakura kudai hazvisirizvo zvandanga ndichida kuita" mai Tee vakadaro vavhundutswa nenyaya yejeri uku Lulue aingovarova "Vachakupomba mvura iyi yakazara mumusoro mako" Lulue akadaro achivarova negwati rembama "Ndinokumbira musandisunga" mai Tee vakadaro vachichema vachitiza kudzokera mumba Bongani akabata door achipinda mumba akabata njema "Ndinokumbira ndichinje mbatya dzekurara chete" mai Tee vakadaro misodzi ichingoyerera Ivo vanga vasingazive kuti kunyepa kwavaita kuchavapinza mujeri "Aaah aah iwe muchembere unondinonotsa uchafamba nezvidya zvako izvozvo zvakabuda pachena" Bongani akadaro achiisa mai Tee njema achinovaisa mudefender achinovavharira nenight yavo yairakidza zvinhu zvose "Ndinotenda zvakanyanya Bongani you through came eish you through came eish umm handicha nyatsoziva zvakanaka asi izvozvo Bongani through through" Lulue akadaro "Nxaaa unobhowa iwe Lulue nechirungu chako unombozviitisa uchinyebera kusaziva chirungu you came through for me pfutsek mhani iwe" Bongani akadaro achinopinda mumota achiimutsa achienda kwana Tom. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Akaenda akawana baba Tom vatofukunurwa vatoiswa mumota yezvitunha saka zvaiva zvisingaite kuti zvitunha zviiswe pamwe chete mumota imwe chete. Saka vaifanirwa kunotora mota ichauya kuzotora chitunha chamai Tom "Zvakuchaedza munhu akamira pano handiti pane mabag ezvitunha here vaisei mubag iro movaisa mudefender kumashure uko" Bongani akadaro achiti chitunha chiiswe kuside kwanga kwagara mai Tee Vakabvumirana vachibva vaita saizvozvo "Hayi hayi pandiri here apa husiku ko akazopfuka mumota imomu" mai Tee vakadaro ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Lulue akasara achipinda mumba vana vaichema Lulue akamhanya achienda kwavari. Vaionekwa kuti vane nzara vaiva vasina kumboitirwa chikafu uku vaiva vakasviba. Lulue misodzi yakayerera akatarisa vana akaenda kunovagadzirira chikafu achivatora achigara navo achiona tv achivadyisa. Uku vaidya zvokuti vairatidza kuti vanga vanzwa nenzara. vakadya kusvika vapedza achibva anovagezesa husiku ihwohwo achibva abereka umwe chete umwe mumaoko achivasvusvudzira kusvika varara achibva avararisa iye achiendawo kunogeza. Apedza akatora black yake achiisa patafura achikwira masteps achienda kusafe yemari achinotora tsamba yaiva yanyorwa naMhukahuru. Kubva Mhukahuru zvaakasungwa haana kumboitira tsamba iyoyo akaitora achidzokera kunoona TV nebhodhoro rake Lulue ndinoziva zvose zvichaitika pandiri I deserve it kana kurarama chaiko handifanire kurarama. I know you're disappointed in me uye unondivenga handifunge uchandiregerera asi ndinokumbira kuti uzive neniwo ndinozvishora uye handidade nezviito zvangu. Ndinokumbira unditarisirewo vana vangu uvachengete sevana vako uite mumvuri wavo pazuva iri repanyika Udonhe uchimuka navo chero usingade kuitira ini but itira vana naNomsa hameno ndichanzi life in jail here asi kana zvirizvo zvinondifita ndinokumbira usapa vana ava mai Tee please no. Musha wangu uyu usausiya namai Tee naShorai please ndokumbira zve ruregerero nezvandakaita ndinovimba kuti rimwe zuva uchandiregerera Lulue akapedza kuverenga tsamba misodzi yave kuyerera. Kwaiva kwangosara mazuva maviri kuti Mhukahuru naShorai vapihwe mutongo wavo. Kujeri Mai Tee vakasvika vachiiswa muchitokisi chaiva naShorai. Mai Tee zvavakaona Shorai vakafara nazvo vakaziva kuti havambonetswe sezvo vaona munhu wavanoziva "Eeh kochembere iyi zvidya zvakasiwa panze iwo musoro kuzochena hanzi kudiiko?" Dudzai akabvunza akatarisa mai Tee Shorai akabva atarisa paside hake "Ko muchembiza hanzii asi wabatwa huroyi here?" Umwe musungwa akabvunza achiseka "Asi nesuwo weduwe kubva tamutswa nezvidzva zvakasvava kudai aaa" Dudzai akadaro achiseka Bongani aiva akateerera zvose izvi aipera nekuseka "Ummmm asi izvo zvidzva zvacho zvakasva zvisingaite" Bongani akadaro achipera nekuseka achinopinda muoffice make "Saka muchembiza wativigirei?" Dudzai akabvunza achiswedera pana mai Tee vaiva vavhura maziso vakatarisa Shorai "Eeh kubva wamutarisa kudaro one eye uyo asi muno zivana?" Dudzai akabvunza "Ehe mwanangu tinozivana" mai Tee vakadaro vachinyemwerera "Ehh asi wakarasikirwa nevana here iwe musoro muhombe kubva wandidana uchiti mwanangu? Iwe one eye gamuchira hama yako iyi umuudze kuti pano panoti inini panoitwa mutemo wangu one mistake unorohwa. Mukwirire tione" Dudzai akadaro Mai Tee pavakanzwa zvekurohwa vakadedera vachidzokera kumashure. Shorai akasimuka nekuti aiziva kuti Dudzai anorova kwete zvekutamba akaswedera pana mai Tee achitanga kuvarova nezvibhakera. Mai Tee vakaedza kudanidzira asi vasungwa vakatanga kuimba vachiitira kuti vanzwikwe kuti pane munhu ari kuchema Shorai akaramba achingovarova TOM Aiva ave worried nekuti zuva rake rebail raiva rasvika. Paakasvika mupurisa achiuya kuzomuudza kuti mai vake nehanzvadzi yake inomutevera vaive vashaya Oooh saka ini ndava wepano pajeri kaa I wonder Molly arisei ikoko ndoshuvira kuti dai asvika pano ndimunyengerere kuti anditsvagire lawyer riri nani Tom aitaura nechemumoyo make Uku aichemera mai vake nehanzvadzi yake apa chinhu chaive chonyanya kumurwadza aive aramba lawyer rehurumende saka aiva ave kufanhirwa kunyengerera zve kuti rimu mirire pacourt ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Bongani akabuda achienda kuchitokisi chaive chakavharirwa mai Loyd achinovaudza nezvekufa kwaTonny. Akavawana vachizvikwenya muviri wese uku vachichema vasungwa vaiva vaneta navo "Ndakamuuraya Bright nekuti ndaiedza kupedza hungochani pamwana wangu ndikamutengera munhu kuti amuuraye ndibatsirei kani hanty ndataura ndiri kutsva" mai Loyd vaichema zvaikonzereswa nen'anga yababa Bright "Ndakazvitaura ini at least waita basa rangu kuti rive easy now ndave kungomirira zuva rako rekutongwa kwako" Bongani akadaro achivhara foni yake. Sezvo paanzwa mai Loyd vachitaura zvekuuraya abva ava recorda "Ndanga ndauya kuzokuudzai kuti vana venyu vakashaya vaviri saka sezvo imi muri pano zviri pachena kuti vachavigwa imi muri muno" Bongani akadaro "Chii chakaitika pamwana wangu Tonny?" mai Loyd vakabvunza vachizvikwenya muviri wose "Anga achida kutanha muriwo wemwana vachibva vamutema nematombo musoro ukatsakatika achibva asiya nyemba" Bongani akadaro achitendeuka achisiya mai Loyd vakadaro TOM Tom akazokumbira kutaura nelawyer rehurumende "Ndinokumbira mundizamire bail haizi life yandiri kurarama pano" Tom akadaro "Aaah wakurumidza kuchema kwangosara mazuva mashoma kuti upihwe mutongo wako iwe nyaya yemabail kwauri haisi kuexista" mupurisa akadaro "Hawu mukoma vanondirepa muchitokisi umu vanondidyira chikafu changu ndinorara zvinorwadza vanonditorera magumbezi ndiri kushungurudzika umu" Tom akadaro achichema "Saka unoda kuti ndikunzwire tsitsi ndikubatsire kuti ubude pano nezvinhu zvawakaita here. Iwewe musi wekutongwa kwako bvuma mhosva yako kuti mutongo wako uite mushoma" Lawyer rakadaro "Ndinokumbira undidanire Molly ndikumbire ruregerero" Tom akadaro "Molly upi?" Lawyer rakabvunza richishamisika "Mai vevana vangu wandakasungwa nekuda kwake pamwe ndikakumbira ruregerero achanditerera" Tom akadaro "Molly haafe akakuregerera nekuti zvishuviro zvako zvakaitika Molly akashaya. Iwe une mhosva yekuuraya nekurepa" Lawyer rakadaro "Aaah mwana wevanhu ndakamuuraya ndiregerere Molly ndaiva ndisinga tarisire kuti ndinga kuuraya ndichati kudii pamwana wangu shuwa" Tom akadaro achichema "Nxaaa kunyebera kuchema uko" Lawyer rakadaro LULUE 2 days later Lulue aichema achibva kucourt sezvo nhasi ranga riri zuva raMhukahuru rekupihwa mutongo wake. Mhosva yavo payatanga Mhukahuru ndivo vatanga kukumbirira kuti vatongwe nekuti zvinhu zvose zvakaitika kuti vave pano vanozviziva saka there is no need yekuti vanetse nekutsvaga malawyer Judge razovapa makore 40 vari mujeri nemhosva yekuuraya nekuviga Nomsa. Lulue aibva kucourt akauna Shorai akapihwa makore 8 ekuviga evidence akapihwa makore mamwe mashanu ekutengesa madrugs nekuti aiva abatwa achimatengesa. Saka achagara mujeri kwemakore 13 "Mwari ndimwi munoziva" Lulue akadaro achitora black yake achigara pasi ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mai Loyd vaiva vatotanga kuora muviri uku vachibuda honye mutsoka vaiva vasingakwanise kufamba. Mapurisa nekuda kwekuona situation yamai Loyd vakaona zviri nani kuti vava buritse vavaendese kuchipatara vakasvika kuchipatara. vakapihwa mapiritsi nemainjection nekuda kwekuti zvaiva zviri zvekuroiwa zvakabva zvatoita worse. Apa vaiva vasisina simba chero rekuchema chairo. "Ndinokumbira mundidanire baba Bright ndikumbire ruregerero" mai Loyd vaitaura vachichema Bongani aiva akamira pedo navo "Sununguka muchembere ndichakudanira" Bongani akadaro achibuda achienda TOM Tom zvinhu zvaiva zvamuipira aiva apihwa life in jail nekuda kwekuuraya Molly nekutuma mai Tom kuti vauraye Lulue nekuviga evidence yekufa kwababa vake Tom akachema achiedza kukumbira ruregerero asi hazvina zvazvakabatsira Lawyer rehurumende harina kumbozvinetsa nekuuya kuzomumiririra 🌻🌻🌻🌻🌻🌻 Makuseni Lulue akamuka achigadzira mumba achienda kumashops akasangana naZacharia "Eeh shipaupete wangu ndafara kukuona chero usingandifonere hako" Zachariah akadaro "Ndichakufonera Zachariah imbomira mhani" Lulue akadaro "Please shipaupete changu ndinokuda zve vana vako vakanaka vanofanana newe" Zachariah akadaro mufaro uchisvika kuseri kwenzeve nekuda kwekutu Lulue ati ndichamufonera "Havasi vangu ava asi ndinotenda" Lulue akadaro "Ko iwe hauna vana here?" Zachariah akabvunza "Handina ndina..... aaah its a long story handidi kutaura nezvenyaya iyi ngatiisiye" Lulue akadaro "Sununguka tichaita nyaya ive diki kana wandida. Oooh tora mari utenge Jolly juice uchadiluta igoita 2 litres change uchaona kuti uchatenga chii nayo" Zachariah akadaro achipa Lulue $1 Lulue akatora mari iya achipera nekuseka Kuchipatara Bongani akapinda kuchipatara achiteverwa nababa Bright. Mai Loyd vaiva vakadikitira muviri wose vachingochema uku marwadzo aiva pese apa nehonye dzaiva dzakazara baba Bright vakamutarisa vakanzwa ropa richimhanya mumuviri wose vakapererwa nesituation yamai Loyd "Baba Bright ndiregerereiwo ndini ndakauraya Bright" mai Loyd vakadaro vachichema Pavakapedza kudaro muchina yakabva yatanga kurira manurse akamhanya achiuya kwavari vachibudisa baba Bright panze "Ndakuregerera" baba Bright vakadaro vachitendeuka vachienda Zvichakadaro vakapesana nemukadzi akauraya Bright naiyevo achibuda honye baba Bright vakangomutarisa vachingudzudza musoro vachibva vaenda kumba kwavo AMANDA Amanda aive ave kugara muroom make akavharirwa naLuyana zvinhu zvose zvaivamo. Kana ave kuda kurasa tsvina aiitira mubucket obva anorasa achiteverwa naLuyana. Varume vaiuya vachimutenga kana vachimutenga aiendeswa kune imwe room aiva akagara padoor akaterera Luyana achitaura neumwe murume aiva auya kuzomutenga "Ndichakupa 10k ndipe hoyo munhu uyu mhuka yangu yandakaromba nayo inoda ropa remunhu" murume uya akadaro "Hayi aah handingauraise mwana wemutwin wangu" Luyana akadaro avhura maziso "Asi haumudi ka mwana wacho why uchimuitisa zvinhu zvose izvi achiri mwana mudiki? Hauna basa naye ayy its fine handinga kumanikidze ndichatsvaga umwe achafarira mari yose iyi" murume uya akadaro achivhura bag raiva rakazara ma100usd achiri vhara zve achisimuka paakasvika padoor Luyana akadaidzira "Yoooh mari yose iyi sir" Luyana akadaro achitevera murume uya kumashure Murume uya akaramba achifamba "Its fine mutore" Luyana akadaro. Murume akanyemwerera "Sununguka husiku hwanasi chete ndichadzoka nemari" murume uya akadaro Amanda ainzwa zvose misodzi ichiyerera apa paiva pasina pekuti anga buda achienda kupi nekuti mumba maiva nemabuglar pamawindow paiva padingabudike door raiva rakakiwa. Akabva agara pasi asingazive kuti achaita sei akabva atogara pasi achibva atogamuchira kuti ndiko kwatova kufa kwake im back guys im fine now thank you nema prayers enyu team Zechariah yaida kupedza neni asi midzimu yekwa Mhukahuru yakazviramba. Book redu ticharidimbura only 10 chapters dzandichanyora then totanaga new book End of chapter