Chapter 21 Narrated " Ndiani murume iyeye aikudaro dari ndinopedzerana naye " Zacharia akabvunza " Aindi raper siku ne sikati kubva ndichiri mudiki kusvika ndakura ndikabata nhumbu ya Amanda chero mushure maizvozvo ndakazobatsirwa nekuti ndaroodzwa ne murume iyeye asi murume iyeye naiyevo aiita madiro pandiri " Lulue aitaura misodzi ichiyerera " Ooooooh no Lulue iam sorry kuti wakasangana ne marwadzo akadaro " Zacharia akadaro naiyewo misodzi yave kuerera " Murume iyeye aiva baba va Amanda ndiye murume anova baba vangu ndairepwa na baba vangu vanondizvara pandaiudza Mai vangu vaizvivanza vachidzivirira imba yavo ndakaroodzwa pa munhu wandaiva ndisingadi mama vaingobvuma zvose mai vangu ndinovavenga ne moyo wangu wese " Lulue akadaro " Baba vako Lulue? or step father yooo " Zacharia akabvunza achisimuka achiisa maoko mumusoro " Yaaaa Zacharia ndibaba vangu chaivo vaindizvara vakandizvarisa sisi vangu ndipo pandakazouraya murume wandaiva ndaroodzwa naye nekuti zvazvanyanya ndikanogara kujeri asi vakazondiburitsa mujere vekumba kwedu pavaifanirwa kuzosayina ma paper kuti ndibude ndiuye kumba vakaramba ndakaedza kudana mu twin wangu Luyani asi paakasvika akandiramba akati haandizivi ndakachema Zakes ndichibvunza mapurisa kuti sezvo murikumuona kuti takafana saka angandiramba sei mapurisa akati iye kana achikuramba hapana zvavangaita ndakachema ndakuona kuti hupenyu hwangu hwave kuperera mujere ndakadzokera mujere family yangu yakanditarisa isingandidi Ndakagara mujere rimwe zuvandakarwara Zakes ndakarwarira kufa ndikaendeswa kuchipatara havana kana kubvira vazvinetsa nekuzondiona ndakazobatsirwa ne umwe doctor aiva ne moyo wakanaka wandaiva ndajairana naye muchipatara ndakazomuudza nyaya yangu nekuti chero ndikabuda handina kwekugara pandakapora ndakadzokera kujere asi ndakashamisika ndichiudzwa kuti nhasi ndiri kubuda handina kuzvi believer nekuti ndaizvibvunza kuti sezvo ndisina anondida chero kujere vanondiona semunhu anonetsa pandakabuda ndakashamisika ndichiona ari doctor ainge akandimirira achiti auya kuzonditora andigadzirire hupenyu hwangu that's why ndiripano pa Mhukahuru ndakabatsirwa na Nomsa akandiburitsa mu nhamo yandaiveri ndisingadiwi ne munhu asi iye akandida akandibata se family yake hupenyu hwangu hwainge husiri nyore Zakes " Lulue akadaro " Ooooooh shame sorry Lulue" Zacharia akadaro misodzi ichiyerera achisimuka achihaga Lulue achiedza kumunyaradza " Pamwe mwanawangu paari akashaya pamwe mupenyu handizivi asi paari ndinoziva kuti anondivenga uye haafi akandiregerera nekuti ndakava mutadzi pa mwana wangu " Lulue akadaro achichema Zacharia akamusiya achipedza shungu dzake " Nekufamba kwe nguva achakuregerera Lulue ingawani iwe wakatoregerera vanhu vakakurwadzisa zvakatodarika asi handiti newewo waiva ne ruvengo paari usingamudi now wavekumuda " Zacharia akadaro " Kana achiri mupenyu hameno achiri mupenyu here " Lulue akadaro " Uchamuwana Lulue Amanda nekuti mupenyu " Zacharia akadaro " Ooooooh Zakes I know uri kuedza kundinzwira tsitsi newewo hautozivi kuti mupenyu here kana kuti akafa " Lulue akadaro " Lulue uchiri kurangarira ndichikuudza kuti ndave naye mwana yes ndakamuwana zuva riya raaitiza zuva randakakuudza naro kuti ndanhonga mwana iwe ukaudza mapurisa paakandiudza kuti mapurisa arimowo munyaya iyi sezvo ndaiedza kuponesa mwana ndakamirira ndikamuendesa ku Malawi zuva riya ramakasvika na Bongani kuzomutarisa kumba kwangu " Zacharia akadaro Lulue akabva pachifuva Cha Zacharia achimutarisa " Zacharia ndiudze kuti urikutamba kuti ........." Lulue haana kuzopedza kutaura " Ndizvozvo chipaupete changu Amanda mupenyu ipapa pandakaenda kumba ndanga ndaenda kunoona iye " " Thank you so much Zakes thank you nezvinhu zvawandiitira ndinotenda zvakanyanya please ndinokumbira undisanganise naye pamwe akanzwa side rangu re nyaya achandiregerera ne rimwe remazuva " Lulue akadaro " Inini sekuona kwangu ndinokumbira umupe nguva nekuti haufanirwe kutaura naye pafoni unofanirwa kukwira straight uende ku Malawi unomuona utaure naye pachako makatarisana " " Ndinotenda Zacharia mwari akukomborere " " Aaaaaa Lulue mwari akandikomborera handiti akandipa munhu akafanana newe zvinhu zvose zvawakadarika mazviri ndinoda kuti uzive kuti inini ndichakupodza mavanga ose " Zacharia akadaro " Shame Zacharia hakusisina varume vakafanana newe panyika " Lulue akadaro " Amanda naiyewo haasi right paari " Zacharia akadaro awuna " Chiii manje Zacharia ndiudze " Lulue akabvunza " Mu twin wako amutengesesa muviri saka ane pamuviri manje haazive kuti mwana ndewani " Zacharia akadaro " Noooo nooooo mwari wangu nei makabvumira zvakadaro " Lulue akadaro achitangazve kuchema achigwadama pasi akabatirira pasofa " Shame Lulue mwari achaita plan hakuna mweya wakauya panyika ne mistake " Zacharia akadaro " Ooooooh Luyani ikoko kwawakafa ndichakumutsa kumakuva ndinopika kudai " Lulue akadaro achichema aionekwa kuti zveshuwa airwadziwa nazvo " Lulue usaite zvinhu zvichazorwadzisa mwana wako ndinoziva kuti vana vake varipano usazoita revenge pa vana vake " " Luyani ane hutsinye Zacharia " Lulue akadaro " Ndinokumbira ufonere Bongani umuudze kuti ndave kuziva kuti mwana aripi nekuti ndanga ndamukumbira kuti andibatsire kunomutsvaka " Lulue akadaro " Okay no problem Lulue wangu " Zacharia akadaro Lulue akatora phone achifonera Bongani achiisa phone pa nzeve " Lulue urisei " Bongani akabvunza " Ndiri right Bongani unoziva ndamuwana Amanda ndinotenda Zacharia shuwa " " Aaaa rinhi sei kupi inzwa Lulue ndirikuuya ikoko undiudze ndave ikoko " Bongani akadaro achikata phone achitora ma key e mota achibuda akananga kwa Mhukahuru akawana Lulue na Zacharia vakagara pasi pasina aitaura ne umwe " Makadii Zakes wauya ndanzwa kuti wanga wakaenda ku Malawi " Bongani akadaro " Ndauya handiti ndange ndava kufunga mukadzi wangu Lulue " Zacharia akadaro " Mukadzi wako " ? Bongani akabvunza achitarisa Zacharia " Ahh ko ndakatodiwa zve ini asi hauzivi " Zacharia akadaro achiseka " HaaaĆ  imi siyanai ne nyaya yenyu yekungoparana " Bongani ngatitange tataura zvawafambira pano " Lulue akadaro achiudza Bongani ne zva Amanda Bongani naiyewo akashamisika " Aaaaaa zvinondishamisa izvi ndinotenda hunhu hwako Zacharia ndanga ndisingazvitarisiri izvi " Bongani akadaro " Hupenyu ndizvo zvahuri ini ndinotofara kuti ndakabatsira babe wangu akanaka kudai " Zacharia akadaro " Nxaaa iwe Lulue ko chii chirikuitika pakati pako na Zacharia " Bongani akabvunza " Ahh ndisiyeyi ini ndirove 1 black label hayi musoro wangu urikutema ndachema zvakanyanya " Lulue akadaro achi avoider mubvunzo wa Bongani " Ahh mukadzi wangu uyu ayi mukadzi wangu siyana nema black label mupindure agoziva kuti iwewe wave chipaupete changu " Zacharia akadaro achitarisa Bongani " Yaaaaa taura Lulue nekuti unoziva kuti ini ndinokuda ndikare ndichikuda chero ndanga ndisingatauri asi wanga uchiziva Lulue ndinokumbira undiudze kuti achimweni uyu anonyepa " Bongani akadaro ari serious achiratidza kuti anga asingachatambi " Ahh iwe usada kundipengera ini Bongani mukadzi wangu uyu Lulue anondida " Zacharia akadaro " Kana tiri vatatu kudai tiri team imwe kozvingadii ndikadanana nemi muri vaviri nekuti rudo rwa ndinarwo rwakakurisa handikwanisi kurupa munhu umwe chete ndinokudai mese muri vaviri ndinokumbira kuti tipushe life guys vakadzi vave kubvumirwa kutora barika " Lulue akadaro Zacharia akabva asimuka " nxaaaa handingateereri zvekupenga izvi ini " Zacharia akadaro " Lulue usada kundinzwa wanzwa unoita varume vaviri kuti waitasei zvaune imwe chete umwe achadya ipi iko ndiani achange achidyidzana na achimweni unonyatso ziva kuti vakatakura zitsvimbo not chi tsvimbo " Bongani akadaro ne hasha " Lulue ndaifunga kuti unondida izvo ndaizvinyepera " Zacharia akabuda " Ahh Zacharia ndinokumbira usaende please I love you " Lulue akadaro achimutevera kumashure Zacharia akabva aenda haana kumbotarisa kumashure " Eish sorry Zacharia " Lulue akadaro achidzokera kumashure " Aaaa ko ini hauite kuti sorry here Lulue handidi kukunyepera ndinokuda ini uye pindura mubvunzo wangu " Bongani akadaro " Bongani ingawani imi munotora barika asi mune chigwishu chimwe chete mira ndimbofunga nezve nyaya iyi " Lulue akadaro " Hazvi fanani Lulue changu chinoremberera chako hachirembereri u know what unofanirwa kumuka iwe nekuti wakaita kurara chaiko " Bongani akadaro " Bongani please ndisiye " Lulue akadaro Bongani akaridza tsamwa achibuda " Zacharia please dzoka kwandiri " Lulue akadaro achichema Bongani aenda Zacharia akasvika kumba kwake achirara misodzi ichiyerera zvichakadaro Lulue akabva agogodza " Uri kudei pano " Zacharia akabvunza " Iam sorry Zacharia I love you so much uye ndaneta ne noise yenyu everyday munongogara muchirwa " " Handiti unoona Lulue manje wakufanirwa kushara kuti unoda ani kana usingandidi undiudze " Zacharia akadaro " Haaaaaa Zacharia ndinokuda ini ndinokumbira hangu tikanganwe nezva Bongani ,,,,, Bongani achaita shamwari yangu " Lulue akadaro " Ava kuzviziva here izvozvo Bongani " Zacharia akabvunza "Ndanga ndisati ndamuudza asi ndichamuudza " Lulue akadaro " Ndinokumbira uende Lulue buda mumba mangu " Zacharia akadaro achimusundira panze " Zakes please nditeerere kani okay saka Amanda handichafi ndakamuona " Lulue akadaro achishamisika " Iko wanga uchida ini here kana kuti wanga uchingoda kuti ndikusanganise ne mwana wako " Zacharia akadaro " Hawu bbe wangu ungandibvunza sei mubvunzo wakadaro iwe uchiziva kuti ndinokuda " Lulue akadaro achiedza kuswedera pana Zacharia asi Zacharia akamusunda " Inini handifanani newe ndinogona kufungira umwe munhu Amanda uchamuona kana ave kuda " Zacharia akadaro achivhara door Lulue akagogodza kusvika aneta " Eish ndinongoshuva kuti dai rimwe zuva mukadzi wa Mnangagwa angomuka achiti awanira Mnangagwa umwe murume kuti vaite barika ticheme takawanda panyika ino hona manje ndave kuzorasikirwa ne zviripo nekuda zvisipo neniwo nechandakateererera mutemo uyu Bongani ndofanirwa kumuudza kuti aewa handimudi ini ndoda Zacharia " Lulue aidaro achitaura ega achienda kwa Mhukahuru Days later It's been a days now Zachariah asingaendi kwa Mhukahuru asingadairi ma calls a lulue asi nhasi afunga kunoona chipaupete chake *Ndichachema kusvika rinhi? Handingabvumi Bongani achitora musikana wangu never" Zachariah akadaro achibuda achinokwira kombi achitanga nekuenda ku town Apedza zvaaiva avinga ku town akananga kwa Mhukahuru akashamisika achiona mota ya Bongani ichisvika *Nxaa mundeyere uyu akudei manje pamukadzi wangu? Manje haafi akamuwana. Rega ndipinde ndiratidze lulue kuti ndichamubata zvakanaka ini" Zachariah akadaro achipinda mumba paakapinda mumba Lulue akamumhanyira achimuhaga " Ndanga ndichiti pamwe hauchandidi babe apa ne ma calls angu wanga usingachadairi " Lulue akadaro " Handifi ndakakusiya iwe babe ndinokuda zvakanyanya shuwa wandikisa mabhebheza wangu " Zacharia akadaro achiseka kuti aiva akiswa na Lulue ainyeba aida kungorwadzisa Bongani nekuti aiziva kuti aripa door " Uchiri kufadzwa ne kiss here hauzivi kuti nezuro ainge aineni husiku hwese " Bongani akadaro achitonyepa zvake " Bongani ko nei uchinyeba kudaro? chiiko newe? " Lulue akabvunza achitarisa Zacharia " bbe ndinokumbira usamuteerera anonyepa uyu arikuda kukubhowa chete " Lulue akadaro "Ahh Zacharia zvagara unoti angabvuma here unofunga kuti angabvuma here izvozvo " Bongani akadaro " Okay okay enough now Bongani mira nyaya yako iripapi " Lulue akabvunza " Ndinokumbira ubvume Lulue kuenda neni mhiri kwemekungwa hona ndaronga kuti tiende ku Dubai chaiko kwemazuva " Bongani akadaro akagwadama pasi achimutaridza ma ticket e ndege ekuenda ku Dubai " Wow wow Dubai Bongani handisati ndambo........ " Lulue haana kuzopedza kutaura Zacharia akamugama " Babe ndine zvandinoronga newe handina mari yekukufambisa mhiri kwemakungwa asi ndinokumbira nhasi chipaupete changu tive pamwe chete tisaparadzaniswa ne umwe munhu tidanane zvakanyanya ndinokumbira ubvume kuita mukadzi wangu " Zacharia akadaro akagwadama pasi achiburitsa ring " Usabvuma iwe Lulue unoiona ring iyi kuti yabiwa angaitora kupi mari yekutenga ring inodhura kudai soon ndinenge ndave kukubisa ring iyoyo ndoidzosera kumuridzi wayo kwaanenge aba " Bongani akadaro Zacharia akaburitsa slip achimuratidza " $800 " Bongani akadaro achishamisika Lulue akaswededza ruoko pana Zacharia " ndokuda Zacharia saka ndinobvuma kuva mukadzi wako uve murume wangu iwe neni chete ndakaita mistake pandakati ndoda barika " Lulue akadaro achinyemwerera " Izvo zvichaitika ndafa izvo " Bongani akadaro achiburitsa pfuti achiisa mumusoro ma Zacharia aiva akagwadama " Dammit!!! dammit Bongani don't do it Bongani!!! Ndichaenda hangu ini vanhu vangu vakandimirira uko vanondida zvakanyanya ndinokumbira usandiuraya " Zacharia akadaro achirasira ring pasi achizama kunyengerera Bongani aiva akamubatira pfuti "Handinganzwi nemwi ini. Kana ndisina kuwana zvandoda hapana achazviwana. Lulue Zachariah unomu truster zvakadii? Hanti wamunzwa achitaura nezvevanhu vake iwe uri kutambisirwa nguva ndivanani vanhu vacho?" "Bongani vanhu vangu vandoreva ndevemudunhu rangu. Ndiri Mambo ini ku Malawi. Kana ukandisiya Bongani ndichadzokera kunyika yangu handifi ndakadzoka pano. Ndokumbira usaedza hako kuita zvaunoda kuita nekuti ndinotungamirwa nevadzimu ini vangazokuita zvimwe" Zakes akadaro. "Uri Mambo anotengesa mabhavhu Zakes? How?" Lulue akabvunza achishamisika "Ndakauya kuzotsvaga mukadzi kuno ku South Africa achandida nezvandiri kwete achandida nekuda kwekuti ndiri Mambo. Bongani please ndokumbira undibvumire ndiende" Zakes akadaro "Bongani siya zvauri kuita. Uri kufamba panyika kudai ndiye aka donater ropa rake paari. Akakupa umwe mukana wekurarama" Lulue akadaro. Bongani akashamisika "Haa makanyarara mukasandiudza?then kana zvakadaro Lulue ndiwe uri kufa" Bongani akadaro achitendeka Lulue ne pfuti "Yah ifa Lulue nekuti haungati unoda kuita barika revarume hanti ndochihure ichocho" Bongani akadaro achiswedera pana lulue "Noooo!!! Bongani ushadaro shamari hanti ndati ndichakusiyai moenderera mberi na Lulue handichakukanganisiyi" Zachariah akadaro. Bongani akatanga kuchema "Handisi mhondi ini asi rudo rwandinarwo pauri Lulue handikwanisi kurutsanangura zviri nani tife tiri vatatu. Bamkuru Zachariah ndiwe uchatanga kotevera Lulue ini ndichapedzisira" Bongani akadaro achidzosera pfuti Kuna Zachariah. Bongani akakoka pfuti paaiva akuda kupfura pakabudira mutumba wenyoka waiva wakasviba kuti zviri uchimira mberi kwa Bongani "Haa!!!" Bongani akavhunduka achipfura Zachariah asi pfuti yakabuda hutsi "Bongani pinda mumota uende, by the time yauchadzoka nayo ndinenge ndisisipo pamwe ndinenge ndatova munzira kudzokera kwedu.usaeza hako kurwisa nyoka iyi ichakuuraya" Bongani akadzokera kumashure reverse misodzi ichiyerera achikumbira ruregerero nezvaanga achida kuita. lulue aichema akawanda kumashure kwesofa. Bongani paakabuda nyoka yakabva yanyangarika " Oooooh kondanga ndichiiteiko nenivo Zakes please usaita izvozvo nyaya iyi tinokwanisa kuigadzirisa " Lulue akadaro agwadama pasi achiedza kunyengerera Zachariah achimubata asi Zachariah akamubisa paari " Okay don't worry chipaupete uchagara uri mumoyo mangu enda hako ku Dubai pane kuti ndife. It's fine ndichanoroora mukadzi iyeye wandakapihwa ku Malawi wandaiva ndisingadi " Zacharia akadaro " Ndanga ndichingotaura ini Zacharia kuti handisati ndamboenda ku Dubai yes ndinoda kuenda ku Dubai asi handina kuti ndichaenda na Bongani handaibvuma kuti undipfekedze ring ndisingakudi Zacharia ,,, Bongani handimudi handina kubvira ndakamuda pandakakuudza kuti Bongani handimudi ndaitaura chokwadi " " Bongani tofanirwa kuva shamwari ini newe " Lulue akadaro achigwadama ne mabvi " Luyanda ndinokumbira uzvibate mushe ndichakutumira ma directions ekuuya kumba uuye kuzoona mwana wako Bongani ane hasha haakwanisi kuzvidzora saka inini hangu ndofanirwa kudzokera ku Malawi better hangu ndinoroora iyeye wandakasharirwa usare mushe chipaupete changu " Zacharia akadaro achimukisa achibva abuda door misodzi yakajenga kumeso " Zacharia babe please " Lulue akadaro achidanidzira achimutevera kumashure Zacharia akatendeuka paakaona Lulue achitevera kumashure akabva amhanya " Asi Zacharia " Lulue akadaro achichema achigara pasi achiona Zacharia achimhanya " Shuwa ndarasikirwa ne zviripo nekuda zvisipo " Lulue akadaro achichema achidzokera mumba achizvidhonza Paakapinda mumba foni yake yakarira aiva Bongani akabva aidaira " urikudei Bongani kwandiri nekuti zvawaita zvakwana " Lulue akadaro achichema " Zacharia aripo ipapo here " Bongani akabvunza naiyewo achichema " Aenda handichafi ndakamuona nekuda kwako usingadi kurambwa ndinoziva kuti wakandibatsira ne zvinhu zvakawanda muhupenyu hwangu asi zvanga zvisingakupi simba rekuti udanane neni tanga tiri right tiri shamwari uye hauna kumbobvira wakandiudza zve rudo hona manje zvawaita Bongani " Lulue akadaro achichema " Ndinoziva kuti ndakanganisa Lulue asi ndinokuda ndanga ndisingazivi kuti ndingakuudza sei ndaifunga kuti uchaona ne zviito zvangu ndinokumbira umubate mushe Zacharia anokuda iam very sorry kukanganisa rudo rwenyu but I love you Luyanda chero ndafa ndichange ndichikuda usare mushe " Bongani akadaro Zvichakadaro Lulue akanzwa kurira kwe pfuti " no!!! Bongani no!!!!" Lulue aidaidzira pa phone asi hapana munhu akadaira zvichakadaro Nigel akabudikira achidzika ma steps " Mama chii chaitika " Nigel akabvunza paakanzwa Lulue achidanidzira " Hapana mwanangu ndinokumbira kuti ukiye door mama kunekwavanoda kuenda " Lulue akadaro misodzi ichiyerera achibuda arimhepo achipinda mumota achiinangisa kumba kwa Bongani akasvika kwazara vanhu sezvo Bongani aiva atanga kuvafonera asati azviuraya akafonerazve ne mapurisa Bongani aiva azviurayira panze " Asi Bongani ungabva wazviuraya shuwa ungabva wazviuraya nekuda kwe rudo here kutora hupenyu hwako nekuda kwangu Lulue akadaro achichema paaiona Bongani bara riri mumusoro " Usazvipa mhosva mwanangu ndozvaanga ari munhu wacho haakwanisi kushingirira kana arambiwa hakasi kekutanga akambomukira kuchipatara. Nemwiwo Varume kana muchida munhu taurai musafira mukati honai manje pave nechitunha " sis va Bongani vakadaro vatokanganwa kuti vakamborwa na Lulue " Asi Bongani " Lulue akadaro achingochema zvichakadaro pakapinda mota yezvitunha yainge yauya kuzotakura Bongani " Ashaya zveshuwa " Lulue akadaro akatarisa chitunha cha Bongani Vakatorachitunha Cha Bongani vachinochipinza mumota Lulue akabva arangarira kuti na Zacharia naiyevo arikuenda Lulue akamhanya achienda kumota achimutsa akananga kumba kwa Zacharia Akaburuka arimhepo achimhanya achipinda mukati " Zacharia!!!! Zakes!!Zakes!! aidaidzira achigogodza pa door Zakes vhura please Lulue akadaro achingochema Zvichakadaro landlord akabudikira "Ahh achimweni uyo aenda ati iye hatichafi takamuona zve hauzive kuti angaachirwadziwa sei haaa munhu uyu anga ari right shame aigara achindiudza kuti anoda mukadzi ari right dai mwari vakamuwanira mukadzi ari right " landlord vakadaro vachipisa tsitsi zveshuwa Zacharia vanga vachimuda ndiye wavanga vachienda naye kunonwa doro " Zacharia usandisiya please haa kubva mandisiya mese here " Lulue akadaro achigara pasi achitora phone yake zvichakadaro akaona message yaiva yasendwa na Zacharia usachinja number yako Lulue kana Amanda akuregerera ndichakufonera ndichasvika ndichimuudza nyaya yako yawakandiudza kana achida kutaura newe achakufonera take care chipaupete changu che mushona " Zacharia please rega ndikufonere " Lulue akadaro achifonera number ya Zacharia asi yakaenda ku voicemail Lulue akatanga kuchema akagara pasi End of chapter