Chapter 20 Narrated Nigel ne vanin'ina vake vaviri vaiva vakagara kumba kwavo muakidzani aiuya kuzovashanyira achivatarisa kuti varisei " Unoziva ndofunga kuti tinofanirwa kuwana maiguru venyu " muvakidzani akadaro " Maiguru? " Nigel akabvunza achishamisika nekuti haasati ambonzwa nezvavo anongoziva mai vake na kule vake vakashaya " Ahh ini handizvizivi izvo mai vangu vaiva nemu twin "Nigel akadaro " Ahh handichanzwisisi manje unoreva kuti hauzvizivi here kuti mai vako vaiva ne mu twin " muvakidzani akabvunza " Ahh hatina zvatinoziva isu " Nigel akadaro " Zvinondishamisa izvi aripo sezvo mai venyu vaiva Luyani iye ainzi Luyanda kubva zvaakabva kare kumusha kwenyu kwamaigara kare mukatamira kuno haana kudzoka zve asi vanhu vanoti arimo mumaraini imomuno " muvakidzani akadaro " Kana varimuno varipedo nei vasingauyi kuzotiona " Nigel akabvunza asinganzwisisi kuti maiguru vake vanogara muraini rimwe navo " Eyy neniwo handizivi kuti nei aiva asingauyi kuzoona mwana wake handiti ndivo mai va Amanda here " " Ahh mai va Amanda vari ku Harare " Nigel akadaro " Aaaaaa ini handichazivi mwanangu ndicherere mvura apo ndikuwachirei mbatya dzenyu " muvakidzani akadaro Nigel akanova cherera mvura vachibva vatanga kuwacha 2 WEEKS LATER...... It's been 2 weeks now Bongani zvaakapiwa ropa na Zacharia manje ave nani arikubuda muchipatara nhasi auya kuzotorwa na sisi vake vaiva mu ward vachimuvadzirira mbatya dzekubuda akapfeka uku vachirongedza dzimwe mbatya vachidziisa mu bag zvichakadaro Lulue na Zacharia vakapinda "Aaaaaa Bongani wapora zveshuwa yooh ndafara wena " Lulue akadaro asina kumbovamhoresa " Neniwo ndafara kukuona kuti uri mupenyu mupurisa " Zacharia akadaro " Neniwo ndafara kuti taonana zvekare ndanzwa kuti ndakaisirwa ropa chero ndisina kuudzwa kuti ndiani akaponesa hupenyu hwangu " Bongani akadaro achigomera achimuka pamubhedha " Whoo whoo chimbomira Bongani ava vanongopinda muno vasingamhoresi ndivanani " Belinda akabvunza " Ooooh sorry sisi mufaro wanga wanyanya " Zacharia akadaro achinyemwerera " Aiwawo nxaaaa vana achimwene here ? Ayi Bongani hauchazivi class Yako here "Belinda akadaro achitaura zvinekakudheerera " Zviri nani ndive achimwene pane kuti ndive mushona asina pfungwa nxaaaa hona zvimakumbo izvo zvakaondoroka kunge uchavhunika ayi Lulue ndave kuenda imi handingatarisanu ne munhu akashata kudai ndingazorara ndichirota zvinhu zvinotyisa husiku " Zacharia akadaro achibuda " Zacharia usabvuma kuti gora iri rikujairire " Lulue akadaro achidanidzira Zacharia aive atove panze " Sisi apa ini ndini ndave kukumbira manje usambotambire hako pamupengo uyu nekuti ndiwe ungatorara pano pachipatara " Bongani akadaro " Zvichakubatsira kuti uteerere mukoma wake nekuti ini ndichakorobha newe pasi apa " Lulue akadaro " Nyarara iwe ndisati ndakuita zvimwe " Belinda akadaro achiswedera pana Lulue " Lulue please pachipatara pano ndinokumbira usabvuma kuti Belinda akuedze " Bongani akadaro " Better ndiende hangu Bongani ndichakuona kana wave kukwanisa kufamba sisi vako vanodheerera " Lulue akadaro achivhaidzira Belinda ne mbama " Lulue unorevei kana uchidaro " Zacharia akabvunza Lulue akamukisa pa dama achibva aenda " Bongani uri chii ne musikana uyu " Belinda akabvunza " Siyana neni mhani iwe ndiendese kumba kwangu " Bongani akadaro Lulue akabuda akawana Zacharia akamumrira panze vakapinda mumota vachienda " Yoooo musikana anodherera uyu I wonder nyaya yekuroorwa ikabudirira tichagarisana sei " Lulue akadaro Zacharia akavhura maziso " kuroorwa ndiani angaroora munhu akashata kudaro " Zacharia akadaro asinganzwisisi zvaitaurwa na Lulue Lulue haana kuzoenderera akabva atochinja topic vachibva vatanga kutaura dzimwe nyaya " Ndinoshuvira kuti undide semurume wako ndichakuchengetedza babe haufe wakafa ne nzara ndiripo ndichakugutsa nzvimbo yose " Zacharia akadaro " Zacharia I think neniwo ndinokuda asi pane zvinhu zvandinoda kutanga ndakuudza uchaona kuti uchazvitora sei " Lulue akadaro " Heeeee ndave kunzwa kuda kuburuka mumota ndimhanye nzvimbo yose mashoko ako aya anondifadza ndakuita sendichaburuka mumota ndikapedzisa kwandikuenda netsoka thank you chipaupete " Zacharia akadaro " Yaaaa yaaaaa ndinonzwisisa Zacharia asi patinosvika kumba ndoda kuti titaure pamusoro pe zvinhu zvandinoda kukuudza Zacharia " Lulue akadaro vachibva vaenda Vakasvika pagedhe vakawana pane vana vatatu vaiva vakavamirira " Hezvo ndevekupi manje vana ava Zacharia " Lulue akabvunza achishamisika " Ndinombovaona mhiri kwemugwagwa pedo nekwandinogara asi aka kadiki kanofanana newe " Zacharia akadaro achiseka " Nxaaaa unondipengera iwe Zakes " Lulue akadaro achipinza mota mukati achiburuka achibva avadana Vana Nigel muvakidzani aiva tarisa aiva ashaya haana kumboita nguva yakareba achirwara " Makadii tingakubatsirai nei vanangu " Lulu akabvunza " Tirikufamba tichitsvaka maiguru vedu vanova mu twin wa mama vedu Luyani ,,,, Nigel akadaro achinyemwerera nekuti aiva atoona kuti ava ndivo maiguru vavo nekuti Lulue aifanana na Luyani " What ? Ndiani mai venyu " Lulue akabvunza achifunga kuti nzeve dzake hadzina kunzwa zvakanaka " Luyani mai vedu " Nigel akadaro achiseka Lulue akadikitira same time achivhura maziso " Pindai mumba vanangu " Zacharia akadaro Lulue aiva angomira panzvimbo imwe chete adikitira achiita searikuona chipoko Zacharia akatora ma key kuna Lulue achivhurira vana door vachipinda iye achibva adzokera kuna Lulue " Heroo darly wangu ko chii chirikuitika manje " Zacharia akabvunza nekuti Lulue aiva ave kuchema " Ngatipinde mumba Lulue akadaro achizvipukuta misodzi vachinogara pasi vachitarisa Nigel " Arikupi Amanda ?" Lulue akabvunza " Handizivi kuti chii chakaitika paari asi akapotsa mutsaona vaida kumuuraya uye handizivi kana tichazomuwanazve " Nigel akadaro " Aiwa ndiudze kuti inhema mwanangu uri kutamba neni " Lulue akadaro " Haibo mabhebheza ndiani manje Amanda " Zacharia akabvunza " Mwanawangu uya wandaikuudza nezvake kuti handidi kutaura nezvenyaya yake chero hangu ndakatadza kumupa rudo asi kufa hakuna kumufita hauna ruzivo here kuti ndiani aiedza kumuuraya " Lulue akabvunza misodzi yave kupisa kumeso akazara hasha " Nda nda nda " Nigel aive ave kukakama zvichakadaro phone ya Zacharia yakabva yarira Lulue aiva akangomira akatarisa Nigel akamirira mhinduro " Hello sisi mwanawangu arisei " Zacharia akabvunza achinyemwerera " Mmmmm inyaya yake mukoma yandafonera zvinhu zvakaoma kuno hazvina kumira mushe " sisi va Zacharia vakadaro " Ayiiiii wave kundivhundutsa taura chii manje " Zacharia akabvunza "Tamubata achida kuzviuraya mwana wako " " Haaaaaa avekuda mweya wangu manje aaaa anokunetsai here ikoko " Zacharia akabvunza ne hasha " Aiwa kwete mukoma hazvisirizvo chete anga achida kuzvi.........sis va Zacharia vakadaro vachida kutsanangura asi Zacharia akamugama " Chirega kutsanangura husiku nhasi ndiri kukwira bhazi ndirikuzoona mwana wangu ndichasvika mangwana makuseni umutarise zvakanaka " Zacharia akadaro achikata phone ZACHARIA " Lulue ndinokumbirawo kuenda kunoona mwana wangu ku Malawi hanzi mwana wangu anga achida kuzviuraya ndinofanirwa kunotaura naye " Zacharia akadaro achikisa Lulue padama achibva abuda achienda aiva asisiri right Lulue akasara achivhura maziso kuti nei Zacharia asina kumbomupa mukana wekuti apindure Lulue akasara ne vana " Wanga uchiri kunditaurira kuti ndiani aiedza kuuraya Amanda mwanangu" Lulue akadaro akatarisa Nigel " Ndi mama Luyani " " Haaaaa Luyani achandiona mushe uyo ndichamuuraya ndichamupa bara rimwe chete mumusoro make imomo " Lulue akadaro achisimuka achimbeya mumba panzvimbo imwe chete " arikupi Luyani " " Akauraiwa nevanhu paaiva aba mwana kukaruzevha " Nigel akadaro " One day is one day. Ndichamumutsa kuvakafa andiudze kuti akazviitirei" Lulue akadaro " Ndinoziva mama vakatadza asi tinokumbira kuti musativenga maiguru nekuti nesuwo tichiri vadiki tichiri kuda rudo tichiri kuda kuchengetwa " Nigel akadaro misodzi ichiyerera " Aiwa handikurasei vanangu muri vana vangu hamuna mhosva " Lulue akadaro Vakazotaura nyaya dzakasiyana siyana achibvunza nezva Amanda akazofonera Bongani achibvunza kuti arisei " Ndizvozvo lulue " Bongani akadaro Dai ukapora nekukurumidza shame Bongani ndinokumbira undibatsire kutsvaka mwana wangu hanzi akapoya achida kuurayiwa " Lulue akadaro " Aaaaaa une mwana iwe zvinoshamisa izvi nekuti handisati ndambokunzwa uchitaura ne zvake chero zuva rimwe chete " Bongani akadaro " It's a story long Bongani uchandibatsira here " Lulue akadaro " Ndichaedza kuti haasiriye here uya akawanikwa na Zacharia akatiza " Bongani akadaro " Aaaaaa unoziva wandifungidza imwe nyaya iwe haana kuwanikwa ka paya kana kuti vakatomuuraya mwana wangu " Lulue akadaro achitanga kuchema " Eish yaaaa tinofanirwa kuedza tichaona kuti tichasvikepi pamwe tichamuwana" Bongani akadaro Zacharia akasvika ku Malawi kwave kutonoedza 🦇🦇🦇🦇🦇🦇 " Hello mwanangu " Zacharia akadaro " Ini baba ndaneta manje nekurarama ndave kuda kufa " Amanda akadaro achichema " Chiii chirikuitika mwanangu taura neni asi vanokunetsa " Zacharia akabvunza achionekwa kuti airwadziwa " Ndine pamuviri baba ipapa handizivi baba ve mwana wangu sezvo ndairepwa ne vanhu vakawanda " Amanda akadaro achichema " Une pamuviri ooooh mwari wangu it's fine mwanangu ndichamuchengeta muzukuru wangu " " Handimudi mwana uyu ndinomuvenga zvakanyanya " " Yaaa unofanirwa kumuvenga mwanangu asi mwana haana mhosva uye akakosha panyika ingomuzvara mwanangu ndichamutora hangu ini kana kuti ndichamutora ndonomuchengeta kure " " Hazvisi nyore baba ndiri kutadza chero kumuchengeta mudumbu mangu " Amanda akadaro achichema " Huya tinamate ugowana Simba rekuenderera mberi ne rwendo urwu " Zacharia akadaro achinyemwerera asi maziso ake aipisa misodzi nekuti Amanda aichema zvairwadza " Mwari makati hamutisiyi tiripakutambudzika Makati muchatipa ndirikukumbirira mwanawangu kuti mumupe Simba rekuti aende mberi ne rwendo rwaakatarisana narwo Zacharia akadaro achiratiza kurwadziwa "Im sorry nana nekukudzosera kumashure Zita ra mainini vako rainzi ani?" "Nxaa uyavo, ainzi Luyani" "Ohk nana iwe Zita rako ndiani ini ndogara ndichikuti mwanangu Zita handirizivi" "Ndonzi Amanda baba" Zachariah akavhunduka "Haa Amanda!!!" "Chii baba? Asi rakashata?" "Aewa nana I think Mai vako ndinovaziva.pane vana vatatu vasvika vachimutsvaga. Ndipo paazobvunza mwana wakeAmanda vamuudza kuti akatoza paaida kuuraiwa" "What? Father you mean Mai vangu vari around ndichitambura kudai? Ini ndakanzwa kuti vari Harare wani?" Amanda zvakamushamisa uye aiva asingazvi believe "Eish tisati taenda kure Mai vako vainzi ani Zita ravo?" "Luyanda" "Eyy Amanda mwanda ndivo Mai vako asi ndichazama kutaura navo ndinzwe nyaya yavo" "Chero vari ivo baba handidi kuvaona. Mumoyo mangu ndakavafushira kare ini. Handidi chero kuvaona I hate her" "Hayi pamwe ane ma reason eakazviitira ndokumbira tidzokere kumashure unomubvunza mibvunzo yose yaunoda kubvunza "Hayii vagondiuraya zve, handiendiko ini" "Hayi nana havasisipp avo vose vaida kukuuraya vakafa vose munhu wandisingazivi kuti mupenyu ndi mainini handizivi mwanangu" "Chero vakafa vose handidzokeri ku Zimbabwe ini Luyanda ndinomuyenga nemoyo wangu wese dai akafa semu twin wake " "Hayi nana usataura uchidaro uyu wandiri kureva kana ari iye haafanirwi kufa munhu ane Moyo wakanaka akabatsira zvakanyanya pakuti mhondi idzi dzife" "Mama vakandiunza panyika kuti ndiuye kuzotambura. Ndinovavenga nemoyo wangu wese" Amanda aitaura achichema Lulue Lulue aiva akagara nevana vemu twin wake mupfungwa dzake aiva achiri kutsvaga nzira yekuwa a Amanda it's been a days now na Zachariah akadzoka ku Zimbabwe akamusiya Amanda ku Malawi sezvo akaramba kuuya . Lulue akagara kudaro Zachariah akabva apinda "Haufari here kundiona babe? Unenge uri down chii?" "Ndiri kufara babe problem im worried nemwana uyu wandisingazivi kuti ari kupi. Nyaya yakundinetsa manje ndakunzwa ndakumuda manje. Ndaiva ndisingazivi kuti ndichazomuda kudai" lulue akadaro "Ohh haudi here kundiudza kuti chii chakaita kuti usiye mwana wako anova iye ega?" Zachariah akabvunza "Long story zakes" "Ndakuudza kuti ndokuda nemoyo wangu wese saka ndiudze chero chii unofanirwa kundivimva. Nguva ndinayo zvangu usandityira" Zachariah akadaro achiswedera pana lulue achimubata ruoko nekuti aiva akuchema "I tried zakes!! I tried to love her asi ndakatadza. pandaimuona zvinhu zvose zvakaitika pandiri zvaibva zvauya zvose. Paaindiyemwa ndainzwa shungu dzekuti dai ndamuuraya ndikanomukandira mu dhamj" lulue akadaro achichema "Haa luyanda chiiko chakaitika pauri ? Ndivhurire chipfuva chako you can cry my love ndiripo kukupukuta misodzi* Zachariah akadaro "Mhamha ndaivaudza Zachariah asi vaingoti ndishingirire hakuna kwatingaenda . Vaindibvunza kuti kana baba vacho vakasungwa tichasara tichidyei. Vakaramba vachingondirepa kusvika ndaita mwana. Ndakatiza zakes nekuti ndaiona kuti ndakakuvara mukati. Ruvengo rwandaiva narwo pamwana uyu ndakaona kuti ndingapedzisira ndauraya munhu.ndakatiza ndikamusiya Amanda ndichizviudza kuti achasara achirarama hupenyu huri nani kana asipo pedo neni. * Lulue akadaro achitora black yake achiidududzira semvura achibva asimuka "Hazvina kundibatsira kutiza kwangu nekuti vakanditsvaga kusvika vandiwana vakandiroodza nezidhara raindisiya nemakore akawandisa. Chinhu chaindirwadza mhamha vaingobvuma zvose zvaitaurwa nemurume aiva akavaroora kuti aite madiro pandiri. Ini ndaifunga kuti samai vakanditakura 9 months vakandirera vachasimuka vagondiraira asi zvakaenda nepamwe zakes" Lulue mbatya dzaiva dzanyorova nekuchema .chero Zachariah naiyevo akapedzisira akuchema End of chapter