Chapter 29 . Lydia Lydia akaita sekuudzwa kwake na Lulue. Rudo paakanzwa izvi akaziva imota yake akabva anopinda mumota make achida kuibisa paaiva anzi sibise. Paakapinda mukati Lydia aiva atopinda kare nxaa vanhu vanondiitira noise Ini. Mota iyi yakamira zvakanaka wani "Zvagara yakamira zvakanaka wanga uchidiwa neni" Lydia akadaro achimutendeka nepfuti. Rudo akavhunduka. "Please ndokumbira usandikuvadza ndichakupa chero chii chaunoda. Unodei ndikupe?" Rudo akadaro akutya "Mira unzwe zvandinoda " Lydia akadaro achitora foni achifonera Lulue "Yah chomie plan yakp yashanda ndamubata" "Wow thanks Lee ndinosvikako manje" Lulue akadaro achiudza Mhukahuru kuti atsike magoya . Mhukahuru naiyevo akawedzera speed "Iae budisa mota iyi pano. Tinotaura tega. Ukangoedza kuda kundipengera ndinokuuraya ne two seconds ini handisi shamwari yako ka" Lydia akadaro. Rudo akwmutsa mota akabvunda "Rega ndifonere murume wangu auye kuzotora mota nekuti nhasi ndiri kushandisa iyi" Lydia akadaro achibaya baya foni yake paakaisa foni munzeve Rudo aiva atomutendeka nepfuti. Lydia akatarisa paper spray yake yaiva muhomwe ye jacket akanyemwerera "Yah wanga nga ungandiitei iwe?ndiwe ani ? Uri kudei kwandiri?" rudo akabvunza achimisa motamota Lydia akatora pfuti achipfura Rudo pfuti ichidonhera pasi. Rudo akavhunduka achisimudza maoko "Kurura juzi rawakapfeka uzvisubge ruoko" Lydia akadaro achifonera murume . apedza akatarisa Rudo "Mutsa mota iyi" Lydia akadaro. Rudo akaita sekudaro. Lydia akafonera Lulue "," lee" "Chiiko nemwana uyu unoziva anga atonditendeka nepfuti?" ",what? Atiza here?" "Relax ndamupfura ruoko handitambi nevana ini" ",ohh thank god ndanga ndoti pamwe atiza. Nesuwo tosvika manje ramba u naye" "Ohk rega nditsvage nzvimbo yakanyarara ndichakusendera location pa whatsapp" Lydia akadaro vachioneka. Rudo aidraivha lydia aimuudza kuti vafambe sei kusvika vasvika mune kamwe kasango achibva amuudza kuti amise mota. Lydia akasendera Lulue location "Ndokumbira kunorasa mvura" "Tsek zviwetere" Lydia akadaro achibudisa fodya yake achisvuta ---------------- Munashe aiva aneta nekuchema. Aiva angogara pasi asingachapfakanyiki "Ohh mwanangu handina simba rekukurwira asi ndichaedza kumisa container iyi kusvika vana Lulue vasvika" Nomsa akadaro achihaga munashe asi Munashe aiva asingamuoni zvichakadaro brah John akavhura container aiva auya kuzomuisa tracker nekuti murungu waatdngesera Munashe aiva ati anoda kuona every move yake "Iwe na Rudo mungabva mandidaro here?" Munashe akadaro. "Kubva wataura kunge pane zvauchaita" broe John akadaro achiseka achivhura munashe hembe achida kumuisa track "Uri mbwa iwe!!!" Nomusa akadaro achikava broe jonh achidonhera pasi. Nomusa akashamisika nazvo nekuti iye anga achingokava anga asingafungiri kuti zvingashanda munashe akasimuka achida kutiza asi broe John akamutendeka nepfuti "Uri kuda kuenda kupi iwe?" broe jonh akadaro akatendeka Munashe nepfuti asi Nomusa akaikava ichinodonhera kwakadaro "Haa!! Chii chiri kuitika? Asi nzvimbo ino yava nezvipoko?" broe John akazvibvubza "Enda kwawakauraiwa handisina ndakakuuraya!!" Brah Jonh akadaro achimuka achitora pfuti asi Nomusa akamuka hurume asati atombosvika kwaiva nepfuti achidonhera pasi. Nomusa akamudzipa. brah Jonh akachema achikumbira ruregerero pamunhu waaiva asingaoni. Nomusa akaramba achimudzipa kusvika Jonh aona kuti akaita zvekutamba pano anouraiwa. Akabva anyebera kufa. Nomusa akamukava Jonh akaramba akati zii asingapfakanyiki. Nomusa akamurova nempama brah Jonh akashingirira chero airwadziwa. Ukuvo Munashe aichema achiedza kuzvisunungura maoko aiva akasungwa nekuti aiona kuti brah Jonh ane munhu waari kurwa naye chero hake asingamuoni. Akakava container achiedza kuvhura sezvo brah Jonh paadonhera pasi container yavharika "Boss ndiwe here ?" guard akabvunza paaiva anzwa noise ye container. Munashe akapererwa nekuti akaona kuti chero akabuda anonanga kupi nekuti nzvimbo yose inoratidza kuti yakazara ma guards "Shhh nyarara mwanangu ndichaita plan kuti ubude pano. Rega ndinotarisa ma guards kuti akawanda sei" Nomusa akadaro achienda. Ma guards aiva akazara nzvimbo yose. *apa haangakwanisi kubuda better ndiuraye 1 guard then ndopa Munashe mbatya aite kunge naiyevo ndi guard obva awana mukana wekupunyuka nomusa akaita sekudaro achibva auraya 1 guard achitora mbatya dzake. Paakadzokera kumashure pagedhi paiva pasisina ma guards. Nomusa akafara nekuti Munashe aizokwanisa kubuda zvakanaka. Nomusa paakasvika paiva ne container akavhura maziso achi screamer nezwi raiva nemaungira Narrared Lydia paaisvuta fodya Rudo akabva awana mukana wekubuda achituza. Lydia akamutarisa achimhanya. Akaseka ega achibva atora pfuti achimupfura chivakashure. "Vana Lulue vachawana ndakuuraya iwe" Lydia akadaro achiseka ega. zvichakadaro mota yana Lulue yakabudikira iri mhepo. Vakasvika paiva na Lydia Rudo aiumburuka pasi achichema nemarwadzo. Mhukahuru vakamusimudza vachiuya naye kwaiva nana Lydia "Ari kupi Munashe iwe?" Lulue akabvubza "Handimuzivi Munashe ini?" Rudo akadaro achichema "Usandiitq benzi iwe vana vechikoro vakuona uchibuda naye nemota yako" "Ehe ndabuda naye asi ndamudzosera kuchikoro pamwe aenda neshamwari yake Felly kunomwa doro " iwe unoda chibhakera chemurume" Mhukahuru vakadaro vachitanga kurova Rudo asi Rudo aingochema achiti haazivi kwaari "Pamwe ari kutaura chokwadi anogara kupi Felly wacho?" Lulue akabvunza "Handizivi ini uye Handina number yake" "Iwe wasiirei chikoro?" Mhukahuru vakabvunza "Handina kusiya chikoro ini ndafonera kuchinzi mai vangu vashaya ndiko kwandanga mdichienda" "Asi wanzwikwa uchitaura pafoni uchiisa zita ra Munashe " Lulue akadaro akumunzwira tsitsi ."ndanga ndichitya kuenda ndega nekuti baba vaindirepa siku nesikati saka ndanga ndichida kukumbira munashe asi ndaona kuti haangabvumi" "The rape was happened to you?" Lulue akabvunza "Nxaa musavharwa nemwana imwi" Lydia akadaro achiburitsa fodya achisvuta "Sei Lee newevo unoona kuti mwana uyu arohwa sei. Dai anga achiziva unofunga anga achamirira kurohwa kudai. Ini i think better tiende kuna Felly tinobvunzisisa pamwe anoziva nyaya yose" Lulue akadaro Lydia akadzimi fodya yake achiswederavpana Rudo "Now ndiri kukubvunza kekupedzisira paunovhura muromo wako make sure uri kundiudza chokwadi". Ari kupi Munashe" "Handizivi in--" Rudo akatadza kupedza kutaura nekuti aichema. Lydia akaseka achimuisa bara papfudzi "Lydia!!!" Lulue screamed achishamisika lydia aiva asingachajairiki. Rudo akachema asi aingoramba kuti haazivi kuna Munashe. Lydia akaregedza rimwe bara pachidzva cha Rudo. "Hayi Lydia mwana mudiki uyu kuti angashingirira marwadzo aya. Dai pane zvaanoziva dai ataura. " Mhukahuru vakadaro vakumunzwira tsitsi. Lydia haana kuvapindura akaregedza rimwe bara mugumbo ra Rudo. Paaiva akupamha imwe Rudo akaridza mhere "Number yemunhu amutora inoti 0780080888 for now handizivi kuti ari kupi mutrekeyi ne number iyoyo chandoziva ndechekuti ari kugadzirita kumuendesa mhiri kwenyika anotengesa muviri" "Ndati kudii kwamuri? Manditi chii?" Lydia akadaro achiseka "Lulue tora foni yake mumota afonere mukomana wacho amubvunze kuti ari kupi?" "Haangadairi ma calls iye ndiye achandifonera akuda umwe musikana" Rudo akadaro vanhu vose vakapererwa vachitarisana. Zvichakadaro Nomusa akanudikira. Mhukahuru ndiye ega akamuona. Akashamisika achiona Nomusa nekuti akaguma kumupfukira paakasungwa. "Nomusa i have failed ypu. I have failed our lov---" "Albert ari kuendeswa ku airport yeku Harare kurumidzai neniwo ndichaita plan handikwanisi kubheura mota yavo nekuti mwana angakuvara" Nomusa akadaro "Airport yeku Harare Nomusa adaro" Mhukahuru vakadaro "Tigosvika rinhi ku Harare tadii tafonera mapurisa eku Harare" Lulue akadaro "Mapurisa haana zvaachakubatsirai nazvo anoshandidzana nemapurisa eko" Rudo akadaro "Thanks sweetheart " Lydia akadaro achiaregedza mabara achienda mumusoro ma Rudo achibva afira ipapo vachimhanya vachinopinda mumota. Mhukahuru pavaida kuchaira Lydia akamusunda "Ndini ndichachaira" Lydia akadaro achidhonza fodya yake achisvuta achibhururuka akananga ku Harare. Chero pama robot aiva asingamiri ***** "Nxaa chipoko ichi changa chichifunga kuti chingauraya ani?" Jonh akabvunza achiseka "Ndokumbira musandiuraya please" Munashe akadaro achiechema. Apo mumota aiva akqkomberedzwq nevarume vega "Haa iwe ndatopfuma newe papi pacho pandingakusiya" Jonh akadaro achiseka *shh nana mhamha vachaita plan " Nomusa akadaro achichema achiedza kupukuta mwana wake misodzi asi aitadza kumubata mota dza Jonh dzaiva nhatu dzakafamba dzichienda ku airport. Vari pakati perwendo muchairi akabva amira. "Ko wamirirei shar nguva yapera" Jonh akadaro achitarisa nguva "Shit!! Ngatipindei kune iyo iri kumberi" Jonh akadaro vachibuda vachinopinda kune iri kumberi "Ko muri kuenda kupi nekuti neniwo zvamandiona ndichimirq kudai ndiri kuda kuuya kwamuri mota iyi yangonyarara yega" "Hayi man iwe mota inogonyarara yega kuti zvaita sei? Zvakamboitikepi izvozvo?" John akadaro vachinopinda kumota iri kumashure Pavakangopinda mota yakanganduma moto vakabuda mumota vachipingirishana "Hayi boss this time taba mwana wemuroyi " umwe mukomana akadaro "Shut up maan your bast--" John haana kuzopedza kutaura foni yake yakarira "Brah Jonh uri kupi ndege yasarirwa ne 10 minutes kuti isimuke" "Eish ndiri munzira asi mota yangu yafa shaar asi ndiri kuedza kuita plan pano" Brah John akadaro achitura befu aionekwa kuti aiva apererwa "Tichafamba netsoka no plan" brah John akadaro "Tigosvika rinhi?" "Hazvisirizvo zvandinokubhadharirai kuti mundibvunze mibvunzo. Ndinokubhadharirai kuti muite zvandinokuudzai" "Inj boss i think better tisiye mwana wemuroyi uyu vakawanda vana vatingawana uyu angakomzeresa" umwe guard akadaro "Timusiye aende kupi usada kundimamira iwe" John akadaro achibudisa pfuti achipfura guard chibva afa sametime "Handei. Kana pane anoda kumutevera ngaataure now" Hapana akapindura vakatanga kufamba netsoka. Zvichakadaro vakaona mota yaibhururuka yakananga straight kwavari. "Ndambozvitaura ini boss hona manje. Mugwagwa uyu haufambi munhu" umwe guard akadaro "Argg man gwara iri. Pamwe i patner yangu yauya kuzonditora coz ndamuudza kuti ndafirwa nemota" John akadaro mota yakauya straight ikamira mberi kwavo. Lydia akabuda ari bara achienda kuna John "Pastor!!! Vanhu vakakumirira ku church uri kudei pano?" Lydia akabvunza achiona munhu anoremekedzwa nevanhu waanoti murume wake akamubvisira pfuma. vakawanda akabata pfuti apa aiva atondeka nayo Munashe uyo aichema achikumbira ruregerero "Uchandiregerera mukadzi wangu church iya ndakaivhura ndichivhara kuti vasaona mabasa angu ndiro basa rangu iri musaswedera henyu pandiri angoswdera Munashe ndinomuuraya. Isai pfuti pasi" John akadaro "Ndichakupa chero chii chaunoda ndokumbira usiye mwana wangu" Mhukahuru akadaro Misodzi ichiyerera achiedza kunyengerera John "Ndati pfuti pasi" John akadaro achitarisa Lydia "Newe Lydia pfuti pasi" John akadaro "Fine guys ngatiisiyei pfuti pasi " Lydia akadaro vachiisa pfuti pasi zvishoma nezvishoma achibva atarisa John "Good Wifey" John akadaro achitendeka lydia nepfuti. Paakavhuta triger izvo Lydia aiva neimwe pfuti kumashure akainangisa pachipfuva chaipo John achidonhera pasi. "John handisi shamwari yako ini" Lydia akadaro achiswedera pana John aiva adonhera pasi pfuti ikanowira kwakadaro "Wandipfura Lydia?" John akabvunza achizvibata paaiva apfurwa. Munashe akamhanya achinohaga Lulue "Ndanga ndichiti handichakuoni zve" Lulue akadaro "Wadzoka mwanangu?/nemwiwo vana dzidzai kuteerera kana muchiudzwa maan" Mhukahuru akadaro achihaga Munashe "Enda mumota mumu" Lulue akadaro "Makamirirei imwi pfurai imbwa idzi" John akadaro nehasha "Team ra John parakada kupfura pfuti dzakapfungaira hutsi " asi boss ndazvitaura ini kuti ngatimusiyei mwana uyu ndewemuroyi hona manje ndakuzofa ndisati ndatombowana pay yangu yekutanga" umwe guard akadaro achichema vana Lulue vakaaregedza mabara kuma guards. Vamwe vakafa vamwe vakapoya vakatiza "" iwe mufundisi wemat***vi ndoda kuti ufe rufu runorwadza chero uru kumakuva ukafunga nezvangu upfire mate" Lydia akadaro achiaregedza. Mabara ose aiva mupfuti yake pagumbp ra John "Uchagara pano kusvika wafa hapana achakubatsira" Lydia akadaro achitora madson yake achisvuta. Zvichakadaro Nomusa akabudikira kuna Mhukahuru "Ndinotenda nekuponesa mwana wangu" Nomusa akadaro ",ndiregererevo nezvandakaita" "Shh ndakakuregerera kare. Moyo wangu wakunozorora manje unditendere kuna Lulue nekundichengetera vana vangu zvakanaka" Nomusa akadaro achinyangarika "Ohh my sweetheart thank you so much" Mhukahuru akadaro achichema "Lulue ko member dzinobata dzichitiza here?" Lydia akabvunza akatarisa Mhukahuru "Aewa ari kutaura na madam" Lulue akadaro zvichakadaro pfuti yakarira kaviri "Im sorry wife" John akadaro achizviisa pfuti mumusoro achizvipfura . Vana Lulue pavanga vakatarisa Mhukahuru achitaura na Nomusa John akwanisa kutora pfuti yake. "Noooooo!!!!" Mhukahuru akadaro achi screamer achimhanya achienda kuna Lulue na Lydia. Lulue aiva akarara pasi Lydia ari pamsoro pake ropa richiyerera pasi "Lulue!!!! Lydia!!!!" Mhukahuru vakadanidzira "Lulue!!!! Lulue!!!! Mhukahuru vakadaro vachimhanya vachienda kumota vachida kuiswededza panana Lulue kuti vavaendese kuchipatara. Pavakasvika kumota vakavhura maziso misodzi ichiyerera. " hayi hayi ko ndatadzei kunani ini nooooo!!! Munashe!!!!!! Mhukahuru vakachema vasinga believe zvavaiona end of Chapter