CHAPTER 13 LULUE Lulue akapinda ne tray yaiva ne tea "Aiwa ndanga ndisina kuzvitarisira izvi nekuti ini ndanga ndichida kutokudzosera kumashure nemvura inopisa" Lulue akadaro achiisa tea mberi kwa mai Tom "Ndinotenda zvakanyanya mwanangu" mai Tom vakadaro vachitora scones raiva risina mushonga vachidya vachimwisa ne tea "Chidyazve newewo scones rimwe uratidze kuti unogamuchira ruregerero rwangu" mai Tom vakadaro "Ndichangodya 1 chete handidi zvinhu zvichazondimhanyisa kutoilet" Lulue akadaro achitora scone paaive ave kuriisa mumuromo phone yake yakabva yarira paakatarisa number dzaiva dze ku chipatara akabva atoisa cake pasi achidaira mai Tom vakaridza tsamwa "What oooh ndinotenda zvakanyanya" Lulue akadaro misodzi ichiyerera "Hanzi kudii nhai dzinenge news dzinorwadza" mai Tom vakadaro "Eeeee dzinorwadza zvakanyanya asi iwe dzinogona kukufadza" Lulue akadaro misodzi yajenga kumeso "Taura ndakateerera" mai Tom vakadaro "Ndimirire pano ndinoda kunotarisa vana" Lulue akadaro achienda ku room kwake achinouya ne chamboko achichidira pamusoro pamai Tom "Dai usina kubvumira mwana wako achirova Molly dai nhasi Molly arimupenyu" Lulue akadaro achirova mai Tom nechamboko vagoti vane muviri muhombe vaiedza kusimuka asi zvairamba "Ooooooh Molly mwanangu muroora wangu" mai Tom vakadaro vachichema vachisimuka uku Lulue aiva rova ne chamboko pamwechete ne mambama pavakasimuka Lulue akavadira chamboko muchiuno nekumusana vachibva vadonhera pasi vakasimuka vachiedza kutiza asi Lulue aiva navo nechamboko kumashure vana mai Tee vaingotarisa chete vasingazivi kuti chii chirikuitika. Kubva zvavakagara padoor vaiva vasingazivi kuti Lulue achavavhurira rinhi Lulue akatora vana achinopinda mumota achibva atoenda kumba kwana Molly akasvika achiudza mai Molly kuti Molly ashaya "Uri kufaraka?" Lulue akabvunza "Awuuu mwana wangu adyiwa neiko" mai Molly vakadaro "Adyiwa nemombe dzaakaroorwa nadzo ndidzo dzamuuraya pemberera mwanasikana ndiri kuenda kuchipatara ini hande kana uchida" Lulue akadaro achitarisa mai Molly neziso reruvengo achinopinda mumota Mai molly vakamhanya vachinopinda mumota uku vachingochema "Chinzwa iwe nemuromo wako usandibhowa ini uchinyebera kuchema wanga usina basa naye nekuti chero paanga achikuudza kuti ari kurohwa wanga uchimu ignowa ini manje handitambe nevanhu vakaita sewe ndinokukwapaidza nembama ini vhara muromo wako uwoyo nekuti uchaunhonga pasi manje so wabuda ne pawindow" Lulue akadaro achiridza tsamwa ZACHARIAH Zachariah aiva auya kuzotora zvinhu zvake sezvo aiva adzingwa asingafungiri aiva asati atsvaka transport yekutakura zvinhu zvake "Mai Loyd murisei" Zacharia akadaro achivamhoresa "Yaa Zachariah ndingakubatsira nei"? mai Loyd vakabvunza "Ndauya kuzotora mubhedha wangu" Zachariah akadaro achinyemwerera "Nxaaaa mubhedha ndochii ichochiya ndimirire ndinotora ma key" mai Loyd vakadaro vachienda mu room mavo vachidzoka. "Hameno pamwe pane munhu avhura ma key handisi kuaona" mai Loyd vakadaro vachipfeka shangu "Arikupi Loyd?" Zachariah akabvunza "Nxaaa uyo ndofunga arikudyiwa nestress nekuti boyfriend yake yakashaya nezuro nhasi wese handisati ndambomuona" mai Loyd vakadaro vachienda muroom maigara Zachariah "Murume wake ashaya?" Zacharia akabvunza achishamisika achipisa tsitsi "Nxaaa handina basa nazvo ini uye handidi kutozvinetsa nazvo pamwe ndiko kuti asiyane nevarume anyenge vasikana" mai Loyd vakadaro vachivhura door "What no ways no no no" mai Loyd vakadaro vavhura maziso vachidzokera kumashure "Loyd waitirei zvinhu zvakadaro" Zacharia akadaro apererwa "Handiti urikuona mai Royd zvinhu zvawaita handichautori ne mubhedha wacho ndichatenga umwe" Zacharia akadaro "Asi Loyd shuwa wapindwa neiko" Zacharia akadaro "Ndaiti ndiri kukugadzirira ramangwana rako mwanangu ungabva wandirwadzisa kudaro here" mai Loyd vakadaro vachitarisa mwana wavo aiva akavhura maziso akaburitsa rurimi akaremberera mumba manga muchigara Zacharia pasi paine bepa raiva rakanyorwa kuti MAKANDIRWADZISA MAMA "Aiwa mwanangu wandirwadzisa wandiuraya ndiri mupenyu" mai Loyd vakadaro vachichema Zacharia naiyewo aiva akagara pasi misodzi ichiyerera airwadziwa zvakanyanya nekushaya kwa Loyd Pasina nguva vanhu vaiva vatozara kwa mai Loyd. Mai Loyd vaingoridza mhere zvichakadaro pakabudikira umwe wemuvakidzani anofarira nyaya stereki achibva atora bepa riya achiriverenga "Aaaa ndiwe wauraya mwana iwe mai Loyd uyu anyora apa anyora" mai vaya vakadaro "Nei achikushora zvakadaro?" mai vaya vakabvunza Zvichakadaro pakabudikira mapurisa muvakidzani uya akatora bepa riya achiripa Bongani. Bongani akaverenga achibva atarisa mai Loyd "Ndinoziva kuti muri mumarwadzo asi ndinokumbira mupindure mubvunzo uyu ko nei mukomana uyu achikushorai?" Bongani akabvunza "Handizivi neniwo mukoma pamwe kungonditsamwira chete" mai Loyd vakadaro "Achikutsamwirai kuti maitasei?" Bongani akabvunza "Nekumutuka kwandakamuita pandakanzwa kuti anga achidanana ne umwe murume akafanana naiye" mai Loyd vakadaro vachichema zvaiva pachena kuti vaisada kubvunzwa mibvunzo iyi "Ndiri kukunzwai mama asi nyaya iyi tinofanirwa kuitorera mamwe matanho saka kana tave kuenda muchaenda nesu tinokubvunzai mibvunzo" Bongani akadaro "Nekuda kwei handina zvandinoziva ini" mai Loyd vakadaro vavhunduka "Saka murikuvhundukei?" Bongani akabvunza achivasiya ipapo achitora bepa riya achienda kumota yezvitunha achisunungura Loyd achidonhera pasi Panguva iyoyo Tony aiuya kumba kwavo paaiva ave pedo nekusvika kumba akaona mota ye mapurisa yakamira pa gate akabva atodzokera kumashure pasina ambomuona achifungira kuti pamwe vauya kwaari akananga straight kumba kwa Luyani achimhanya akasvika achipinda mumba asina kumbogogodza achifemera mudenga "Ko handiti ndakakupa mari yako here zvino mapurisa arikudei kumba kwedu" Tonny akabvunza achifemera mudenga Luyani akaseka "haaaa iwe uchindibhadhara zvakanaka kudai papi pacho pandinga kusungisa ko iwe hauna kunzwa here kuti munin'ina wako azvisungirira" Luyani akadaro "Whaat, wati chii?" Tonny akabvunza achishamisika misodzi ichipisa kumeso kwake Tonny ndiye aichengeta Loyd achimuitira zvose chero kuchikoro mushure mekunge kwashaya mbuya vavo. Mai vavo vakaenda vakavasiya vari vadiki vakazodzoka vakura Tony akabva atooneka achienda kumba kwavo akawana Loyd atotorwa akachema zvakanyanya achitarisa mai vake ne ziso rakazara ruvengo achibva abuda gate "Zachariah dzoka iwe" mai Loyd vakadaro vachidanidzira asi ruvengo rwaiva rwava pana Tony rwaisatsanangurika "Sisi handei tinokubvunzai mibvunzo ku station" Bongani akadaro vachinopinda mumota vachienda ku station Zvichakadaro foni yamai Loyd yakarira pavakadaira vakaita mistake vachibva vaisa phone pa loud speaker "Sisi ndinokumbira kukufonera manje ndichiri busy" mai Loyd vakadaro "Haaa ndikare uchingodaro munhu uya wawakati ndimuuraye ndakamuuraya ko mari yangu irikuuya rinhi?" munhu uya akabvunza Mai Loyd vakazama kuvhara foni asi Bongani aive atonzwa zvese "Ndeupi munhu wamakauraya?" Bongani akabvunza "Aiwa aiwa ndofunga kuti afonera number isiri iyo mukadzi uyu" mai Loyd vakadaro vave kukakama "Aaaaaa okay saka foni iyo hunza kuno nekuti wave kutonovharirwa iwe uchaburitsa chokwadi chose" Bongani akadaro achitora foni "Unongomuona nekushata uyu kuti ane moyo wakashata" umwe mupurisa akadaro achiridza tsamwa BABA BRIGHT Baba Bright vaigadzirira kuenda ku n'anga vachinogadzira nyaya yezvekuuraiwa kwe mwana wavo "Asi baba madii mamirira kuti mwana atange avigwa mai Bright vakadaro "Aiwa kana mukadzi wangu ndinoitira kuti kana kuchinzi ndimugadzire asati avigwa ndiite sekudaro" baba Bright vakadaro vachisimuka vachinopinda mumota mavo vachiimutsa vachienda kun'anga. Vakasvika kun'anga vakaitsanangurira nyaya yose "Saka munhu aita izvi unoda kuti mutongi wake ukure sei nekuti munhu wacho aiva asiri ega" n'anga yakadaro "Ndinoda kuti vaore vari vapenyu vabude honye vauye kwandiri kuzobvuma mhosva yavo yekuuraya mwanawangu ndinoda kuti vafambe vachidanidzira mumigwagwa kuti ndivo vakamuuraya uye vataure kuti vaimuurayirei ainge avatadzira chii zvekusvika pakumupfuudza panyika ndinoda kuti kumagumo azvo vatadze kana kufamba chero kurara vave vanhu vanongofamba uku vachibuda honye kusvika vafa" baba Bright vakadaro N'anga yakasimuka Ichitora mishonga yayo ichiisanganisa ichiseka. "Zvinhu zvichaita sekudaro mukuru wangu" n'anga yakadaro Baba Bright vakanyemwerera vachibudisa Mari vachiisa pasi vachibuda vachienda Munzira mota yaimhanya zvakanyanya vachida kunogadzirira sezvo mangwana riri zuva rekuvigwa kwaBright Ndinoziva kuti n'anga yangu haiiti mistake mai Bright vakandida ndanzwa nekushunguridzika nekuvanyenga vachiramba asi pandakangoenda ku n'anga yangu avo ndirikugara navo saka ndinovimba nayo zvakanyanya munhu akaita izvi achaona hapwa dze nyoka chete baba Bright vaitaura nechemumoyo vachienda kumba KUCHITOKISI Mujeri revasikana maiva makasungwa Shorai maiva ne umwe musikana ainzi Dudzai akatarisa Shorai achiseka "Iwe ririkupi rimwe ziso?" Dudzai akabvunza "Rakasara munjodzi yemota" Shorai akadaro achitarisa pasi "Saka urikutsvakei muno mujeri?" Dudzai akabvunza "Ndakasungirwa kuviga evidence yemunhu akaita zvinhu zvakaipa" Shorai akadaro "Mmm yaaaa wakasangana nazvo zvino pano wauya chaipo chaipo stick with me zvinhu zvose zvichaendeka" Dudzai akadaro achiburitsa phone yake "Ndini ndinobvunza iwe haundibvunzi chinhu" Dudzai akadaro achimurova nembama achiisa phone pasi "Yaaaa vhedheri ndamuwana munhu achapusha sandesi iya and ndinoziva hangandibhaizisi" Dudzai akadaro achikata phone "Mbatya yei manje ooooo mwari wangu?" Shorai akadaro achibvunza Dudzai akamurovazve ne mbama ne zvibhakera Shorai akachema Dudzai akatarisa vamwe vasungwa achibva ati va rove Shorai "Ndati kudii kwauri ndati haundibvunzi chinhu saka kurohwa kwauri kuita ndiri kuku trainer wanzwa nhaika handidi munhu asingateereri" Dudzai akadaro achitarisa Shorai aiva azara ropa ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Vana Lulue vakasvika kuchipatara namai Molly vakanosaina mapepa mai Molly vaingochema "Asi Molly naiyewo nekusateerera chero paaiudzwa ne zva Tom wake" Lulue aidaro achichema "Iiiiii mwanawangu anga ari right shame" mai Molly vakadaro "Pfutsek nyarara iwe urikuchema nhema apo" Lulue akadaro achitsika mai Molly gumbo vachidonhera pasi "Aaaaaa ko chii manje chiri kuitika pano?" nurse akabvunza achibata mai Molly vaiva vadonha achinovagarisa pasi "Eyi handizivi neniwo kuti mama vadonha sei pamwe I skirt iyi yakarebesa pamwe vaitsika vachibva vadonha" Lulue akadaro achibhabhadzira mai Molly mumusoro "Rega ndinovatarisira mapiritsi ema rwadzo" nurse akadaro "Oooooo ndinotenda une moyo wakanaka shame asi arimo mapanado mu bag umu ngatisapedzera vamwe varwere mapiritsi isu tinawo iwewe tipe mvura chete kana black label unayo hunza" Lulue akadaro apa aitonyeba zvake hapana mapiritsi aivapo Nurse paakangoenda kunotora mvura Lulue akasara achirova mai Molly mumusoro "Molly ashaya nekuda kwako iwe chimumumu chemuromo" Lulue akadaro End of chapter