Chapter 19 MAGWAZA HOUSEHOLD Foni yaMagwaza yakarira aiva Mupurisa aimuudza kuti pasvika munhu akatora Bongani akaenda naye kuchipatara. Magwaza akaridza tsamwa akanzwa kunge achazvirovera pasi. Zvichakadaro akaona mukadzi wake achipinda nemota akaburuka mumota achiuya kwaari "Wauya chenge wangu ndanga ndichiziva kuti uchadzoka nazvino ndichiri kukumbira ruregerero" Magwaza akadaro "Ndinokuda iwe Magwaza wangu ndichazvigamuchira zvakaitika nekufamba kwenguva zvichapera handikusiye iwe" mai Magwaza vakadaro "Awww ngatipinde mumba mukadzi wangu" Magwaza akadaro achitendeuka kuti apinde mumba. Akanzwa nepfuti muchiuno "Wakamuurairei Fani wangu iwe?" mai Magwaza vakabvunza Vachimutorera pfuti yaiva muchiuno mavo vachiikandira kwakadaro vachibva vamukava nehigh hell yavo. Vakamutendeudza vachitarisa mudenga mai Magwaza vachimutarisa "Ndiregerere Chenge usandiuraya please ndiregerere" Magwaza akadaro Musango Mukanya vakavhunduka vachirasa bhavhu rekugamuchira ropa richinodonhera pasi. Pakabudikira nyoka yaiva tema yakakura hapana anoziva kuti yakabva nepi. Mukanya vakarasa banga varume vaiva vatotiza kare vapinda mutruck. Mukanya naivowo vakapinda mutruck pavakada kumutsa mota nyoka yaiva yatopinda mukati vakabuda vachimhanya "Hayi achimwene ndiregerere handaikuuraya ndanga ndichingo kuvhundutsa chete" Mukanya vakadaro vachibuda mumota. Nyoka yaingova kumashure kwavo "Oooh ndinotenda Mwari wangu mudhafu dhunda" Zachariah akadaro achibatanidza maoko Mukanya vakatiza vachitevera varume vaiva vatoenda "Eeh varume ndimirirei zvandichafa ndega" Mukanya vakadaro vachiona varume vatova kure Mukanya vakatora pfuti pavakaona nyoka isisipo vachinda kuna Zachariah aiva ave kutosimuka kuti aende kuna mai vaiva vatozvipeta vasisa kwanise chinhu vachibvunda. Zachariah akanzwa nepfuti ichimugumha mumusoro "Yaaa unofunga kuti ungandidii iwe gara pasi apo" Mukanya vakadaro MAGWAZA Magwaza aiva angobatanidza maoko achikumbira ruregerero "Fani ndiri kumunzwa achikumbira ruregerero mwana wangu asi hauna kumbo muregerera" mai Magwaza vakadaro vachiregedzera bara richienda kutsvimbo yaMagwaza "Uri kundikuvadza Chenge please usandiuraya uchasungwa vana vedu vagosara nani" "Iwewe uri kubvunza izvozvo here nekuti hauna basa nehupenyu hwemunhu tora apa" mai Magwaza vakadaro vachiisa bara pamabvi Magwaza akairidza mhere zvichakadaro Lulue akabva apinda nemota apo mai Magwaza vanga vatonangisa pfuti mumusoro "Hayi hayi usamuuraya ane zvaaofanirwa kutaura uyu" Lulue akadaro achidanidzira achiburuka mumota isati yatombomira mushe Akamhanya achienda kuna mai Magwaza "Nhai mwana sikana handikuzive hatizivane asi pari zvino enda unotora mupini webadza uunze nemvura inopisa" Lulue akadaro Zveshuwa mai Magwaza havana kumbobvunza zvakawanda vakaita sekutaura kwaLulue "Who tried to kill my small baby husband iwe?" Lulue akabvunza nehasha "Ndiregerere" Magwaza akadaro achitarisa Lulue Zvichakadaro mai Magwaza vakauya nezimupini zihombe Lulue akaritora achiri regedza pamabvi aMagwaza achibva aridza mhere "Where is the foreignic husband for me?" Lulue akabvunza "Handimuzivi munhu wauri kutaura ini" Magwaza akadaro nekuti vaiva vasina kunzwisisa chirungu chaLulue "Uchamuziva nhasi, eeeh sisi muswededze kwandiri tione" Lulue akadaro Mai Magwaza vakaita sekutaura kwaLulue. Lulue akauregedza mupini pakati pemaoko aMagwaza. Magwaza akabowa vachifunga kuti Lulue achavaregerera asi Lulue haana kumbozviteerera akaramba achingovarova mumaoko nemabvi nemuviri wose "Ari kwaMukanya. Murume uyu wema business akapfuma zvakanyanya ari kunoita sacrifice naye. I think kutaura kudai vari musango" Magwaza vakadaro muviri wese wazara ropa "Uri kureva imbwa iya! Aaah sisi murume uya anoonekwa chero achifamba kuti uyu muurayi chaiye" mai Magwaza vakadaro "Eeh sisi enda unotora mvura inoboiler timugezese huso uhu" Lulue akadaro akatarisa mai Magwaza Mai Magwaza vakaenda vakauya nemvura Lulue akatora high heel yamai Magwaza achirova nayo Magwaza mumusoro nekumeso. Magwaza aiva asisakwanise chero kusimuka chero kupfakanyidza ruoko. Mai Magwaza vakauya Lulue akatora mvura akavadira mumusoro ichidzika ichiuya kumeso nemuviri. Magwaza akachema asi izwi raiva risingaende kure aiva asisakwanise chinhu "Haaa iwe sisi uchaita shamwari yangu chaiyo nekuti tinowirirana mu tune. Iwe Magwaza tora foni yako tione undiratidze number yaMukanya usati wafa" Lulue akadaro "Haa siya imbwa iyi ife ndinayo number yake ini" mai Magwaza vakadaro vachimupa foni Lulue akabva atonopinda mumota achienda nekuti foni yake yaiva yemari yaimuratidza kwaiva naMukanya. Mai Magwaza vakasara vachifonera mapurisa akadaira mai Magwaza vakatanga kuridza mhere "Tibatsireiwo tapindirwa nematso........mai Magwaza havana kupedza kutaura vakaregedza bara mumusoro maMagwaza uchibva watsakatika Mapurisa akavhunduka pavakanzwa noise yepfuti vakabva vasimuka vachinopinda mumota vachinangisa kwaMagwaza MUKANYA Mukanya vaiva vakatendeka Zachariah nepfuti nyoka iya yakabva yabudikira Mukanya vakaregedza bara pana Zacharia asi vakashamisika vachiona pfuti ichibuda mvura "Haaa" Mukanya vakadaro nekushamisika maoko achibvunda Zachariah akasimuka achisunga Mukanya achibva asunungura mai vaya varume vaya vanga vatodzoka nekuti pavanga vachimhanya nyoka iya yakabudikira mberi kwavo vachibva vadzoka kumashure "Wanga uchifunga kuti uchauraya ani iwe?" Zachariah akabvunza achiseka achitora pfuti yaMukanya achivatendeka nayo "Ndiregerere achimwene" Mukanya vakadaro vachibvunda Zvichakadaro mota yaLulue yakabva yakasvika ichimhanya "Warwa Zech Zech usamuuraya afe achiziva kuti iri sei yakatoastewa" Lulue akadaro achimisa mota achibuda achienda kuna Zachariah akasvika achitora pfuti achipfura varume vose vaMukanya "Aaah wasvika chipaupete wandiwana sei" Zachariah akadaro achinyemwerera anga asingafungire kuti Lulue achasvika Lulue akahaga Zachariah "Ndanga ndichiti handichafe ndakakuona zve Zech" Lulue akadaro achimukisa padama "Ummmm neniwo ndanga ndichichema kuti mukadzi wangu ndamuruza ndokuda zve ini" Zachariah akadaro akatarisa Lulue Zvichakadaro vakadisturbwa namai vanga vachida kuuraiwa pamwe chete naZacharia "Ndinokutendai zvakanyanya vana vangu ndanga ndatoona kuti uku ndiko kupera kwehupenyu hwangu" mai vaya vakadaro vachichema "Eish mhamha munondikanganisa mhani ndakamirira kukiswa mumuromo imi mave kutaura Chipaupete abva atomira kundikisa munoona manje" Zachariah akadaro akasunga kumeso achionekwa kuti aiva atsamwa "Mhamha hapana zvamati maona imwi mirai muone" Lulue akadaro achienda mumota achinotora paraffin nekapoto kadiki kaaiva auya nako nechinangwa chekuda kuzotoasta tsvimbo yaMukanya "Chipaupete Chipaupete unoda kuitoasta?" Zachariah akabvunza achiseka Mukanya vaiva voridza mhere. Lulue akaseka achidhonza banga raMukanya achitora foni yavo achifonera mukadzi waMukanya "Udza mukadzi wako kuti uri kufa nhasi ndekekupedzisira kutaura naye" Lulue akadaro kuna Mukanya Zveshuwa Mukanya vakabata foni "Mukadzi wangu nhasi ndekekupedzisira kundiona pfuma yandaiva nayo ndeyeropa. Ndave nemakore ndichiuraya vanhu nhasi zvandiomera" Mukanya vakadaro "Haaaa uri mhondi ifa mhondi yemunhu dai vachikuuraya vachiita zvekukuvhiya semombe ndabva ndashuvira kuti dai ndiri ipapo ndiuye kuzovabatsira" mai Mukanya vakadaro vachiridza tsamwa "Hawu mukadzi wangu shuwa ungabva wadaro here ini ndaiitira iwe kuti tirarame hupenyu hwepamusoro" Mukanya vakadaro vachichema "Pfutsek mhani iwe uri mhondi iwe hupenyu hwepamusoro nekutora hupenyu hweumwe munhu. Ndiri kutsvaga location yeikoko ndikaiwana chete ndinouya nemapurisa uye hapana achasungwa. Ndanga ndichishuvira kuti dai wauraiwa neni mapurisa akatarisa" mai Mukanya vakadaro "Aaaaa dai vanhu vose vane chokwadi semi mhamha dai nyika yedu iri right. Location ndoisenda manje pawhatsapp" Lulue akadaro achishamisika nekuti anga akatarisira kuti mukadzi waMukanya achachema "Unofa nhasi iwe" Lulue akadaro akatarisa Mukanya vaingochema "Lulue ngatitoaste nhai ndinoda kuiona kuti irisei yakatoastwa yoooh nhasi ndichaonerera zvangu ini" Zachariah akadaro achionekwa kuti aiva atononokerwa "Dont worry imbomirai mhamha nekuchema unganidzai zvihuni apo mubatidze moto matches ndinayo" Lulue akadaro achikandira mai vaya matches achidambura trouse nepant raMukanya nebanga achitarisa tsvimbo yaMukanya achivhura maziso "Haaa ko idiki so ayy kana shem, chidiki diki kudero kunge mupant musina chinhu eyi mukadzi wako anga achifa nenzara yooh" Zachariah akadaro Lulue akapera nekuseka. Mai vaya vaiva vatopedza kuvesa moto. Lulue akatora banga achicheka tsvimbo yaMukanya vachibva varidza mhere ropa richibuda. Lulue akatora tsvimbo yamukanya achiiisa mupoto, nzvimbo yacho yaiva yakazara mabonzo yaionekwa kuti vanhu vakawanda vakauraiwa ipapo Zachariah akadhonza rimwe bonzo achirova naro Mukanya, Mukanya akaedza kuridza mhere asi Zachariah akaramba achimurova achimuudza kuti anyarare Mukanya vaiva vobuda ropa "Uri kuuraya vanhu iwe mhuka" Zachariah akadaro Zvichakadaro mapurisa akabudikira nemota achibva atendeka Lulue nepfuti "Musiyei zvakwana manje" Mupurisa akadaro "Ndiani adaro hazvisati zvakwana" mai Mukanya vakadaro Mai Mukanya mukuru wemasoja kwavanoshanda vakabva vaburuka vakapfeka hembe dzechisoja vakananga straight kuna Mukanya mapurisa akaedza kuvatsiura asi vaitorakidza kuti vanga vasinga zviterere zvemapurisa "Ndiregerere mukadzi wangu ndinokumbira usandiuraya" Mukanya vakadaro vachichema "Vangani vakakumbira ruregerero kwauri hona mabonzo akawanda sei pano hona munhu uyo wawakasungirara pamuti uri imbwa iwe Mukanya. Neniwo handikuregerere" mai Mukanya vakadaro vachiburitsa zibanga zihombe vachimubaya pachipfuva Mukanya vakaridza mhere vachikumbira rubatsiro kumapurisa asi mapurisa akangotarisa pasi. Mai Mukanya vakapinza ruoko mukati vachibuda nemoyo "Hanty naivowo waivatora maparts vari vapenyu" mai Mukanya vakadaro vachisimuka vachirova Mukanya kumeso nebanga vachibva vadonhera pasi vachibva vatonyarara ipapo Mai Mukanya vakadira mukanya paraffin "Hapana munhu achapfeka mbatya dzekuchema kupfekera imbwa iyi" mai Mukanya vakadaro Vanhu vose vakashamisika chero mapurisa aiva confused. Lulue naZacharia vakabva vatoenda mapurisa aiva aingazive kuti vasunge ani vasiye ani. Nzvimbo yavaiva vari yaiva yakachena kuti mbuu nemabonzo evanhu KUCHIPATARA Lulue naZacharia pavakabuda vakananga straight kuchipatara vakazara ropa. Situation yaBongani yaiva isina kumira mushe "Zvandaona nhasi iiii zvinomhanyisa ropa ndinobvuma mukadzi uya musoja chaiye. Soja rine moyo wakashata yoooh" Zachariah akadaro "Eyi taura hako neniwo mukadzi waMagwaza andiitira mashura" Lulue akadaro vachipinda muward yaBongani Bongani aifema nemuchina achidya nemapipe "Eish asi Bongani hautombo pfakanyike chero padiki zvapo" Lulue akadaro achichema "Ko chii chaitika paari eyi moyo wangu unorwadza kumuona akadai" Zachariah akadaro Zvichakadaro pakaita muchina wakarira doctor nemanurse vakapinda vachimhanya vakabudisa vana Lulue panze "Bongani usatomboedzahako usada kundinzwa" Lulue akadaro achichema "Zachariah akamuhaga. "Achararama Bongani" Zachariah akadaro chimunyaradza After some minutes doctor akauya kwavari "Bongani anoda kuwedzerwa ropa nekuti akasawedzerwa eyi pangaitika zvimwe. Zvino isu pachipatara hatina. rata order richatora nguva yakareba kuti risvike" doctor vakadaro vachitura befu vachitarisa pasi "Hamukwanise here kubatsira shamwari yenyu titarise kuti ropa renyu rinoenderana here nerake?" Doctor akabvunza "Ini handina problem" Lulue akadaro "Okay that's good sisi tinotenda" doctor vakadaro achienda Lulue akamutevera kumashure vachinomutarisa ropa. After some minutes Lulue akauya achizvidhonza "Chii manje Chipaupete?" Zachariah akabvunza "Ropa redu harienderane ndatadza Zech kumubatsira" Lulue akadaro misodzi yajenga kumeso "Shhh mupurisa uyo achapora. Saka ari kupi madoctors acho neniwo ndinozama?" Zachariah akabvunza "Woow Zech thank you huya huya ndikuratidze" Lulue akadaro achibata Zachariah ruoko vachinopinda muoffice madoctor Vakaudza doctor kuti Zachariah aida kutestwa ropa. Doctor vakamutesta ropa Lulue akabva abuda Zechariah akamutevera vachinogara pamabhenji pakapera maminutes doctor vakabudikira kwavari "Huya mukoma ropa renyu rinoenderana ndinokumbira tikurumidze kumupa ropa" Doctor vakadaro "Zech thank you so much ndiwe uchaita bamukuru iwe then Bongani achaita bamunini" Lulue akadaro "Bamukuru?" Zachariah akabvunza ari confused achienda kwadoctor End of chapter*Wakandirwadzisa*