Chapter 7 NARRATED Molly aiva achiri mupenyu asi situation yake ndiyo yaityisa tarisiro yekuti achararama yaiva isipo nekuti airatidza kuti aiva akakuvarira mukati uye zvairatidza kuti ava nenguva ari mumarwadzo Vakamupinza mu ambulance vachimuisa ma drip ne ma oxygen na Tom naiye akaiswa oxygen nekuti naiyewo aitaridza kuti anytime anogona kutisiya aiva akatsva muviri wese uku musoro wakakuvara akazara ropa muviri wese "Asi Lulue newewo chiiko? unoda kusungwa zve?" mupurisa akabvunza' "Aiwazve ko handiti this time ndinenge ndichisungirwa justice sa mother country anenge agadzira nyika" Lulue akadaro'' achiseka "Ayiii iwewe handingakusungi ndaneta newe Asi Siya zvinhu zvauri kuita" mupurisa akadaro "Ayi ndange ndave kutotiza manje wakanditarisa, unoziva tine problem Kumba uko madam vangu vakanyangarika zvino murume wavo akati vakabuda husiku mushure mekunge vanetsana asi manje ndave kuva worried nekuti nhasi izuva rechi 2 vasingauyi chero foni yavo haisi kuita" Lulue akadaro'' "Aizve murume wake iye auya here kumapurisa kuzovhura case yemunhu akarasira?" mupurisa akabvunza "Aewa haana haaa ibenzi riya Lulue akadaro'' "Tora number yangu kana akasvika manheru asina kuuya ndichauyako uchiri kugara kuya kwandakakusiya here paya pawakabuda kujeri?" mupurisa akabvunza "Yaa ipapo" Lulue akadaro achitora bepa raiva ne number dzemupurisa Zvichakadaro mai Tom vakabva vasvika vachimhanya vaiva vatonzwa kuti pamusha pemwana wavo pakazara mapurisa "Chii chirikuitika pano? mai Tom vakadaro vachifemera mudenga "Gara zviya unombomhanya here kana Molly achikuudza kuti arikushungurudzwa ne mwana wako" Lulue akabvunza "Haaaaa mwanangu ndiudze kuti chii chirikuitika? mai Tom vakabvunza vachiedza ku ignore mubvunzo wa Lulue "Nxaaaa unoona iwe musoro wako uyu ndiwo unoita kuti tiparadzane ne mweya ye vakadzi vakawanda nekuti kana muchiudzwa kuti vakadzi varikushungurudzwa imi muno ignore muchitemba kuzomhanyisa huro yenyu yakareba iyo kunge nyoka yamedza badza kana zvinhu zvaipa Lulue akadaro'' mupurisa aiva akanyarara "Unodheerera iwe mwana unorevei kana uchiti zvinhu zvaipa!" mai Tom vakabvunza "Ndirikureva kuti gudo rako rakashata kunge chibereko chezizi rave kunogara kujeri vagoriita mukadzi ikoko zvarakatsvuka kudai haaa vachange vachitoona Beyonce pachake. Tom angaachida kuuraya Molly Lulue akadaro''achiseka "Haaaaa dai ndakamuteerera Molly pamwe dai zvose izvi zvisipo" mai Tom vakadaro vachitanganga kuchema "Musanyebera kuchema mberi kwangu imi ndinokudhonorai ne mbama izvezvi Lulue akadaro'' achisaiza mai Tom ne mbama mupurisa akamutsiura "Munhu mukuru uyu Lulue mhani" mupurisa akadaro "Aaààaaa munhu mukuru pamuviri pfungwa hadzipo dzinoenzana neshanga ye rice siya ndimurove mhani iwe Bongani ndiye anokonzeresa kuurawa kwevakadzi ne varume uyu" Lulue akadaro''achinopinda mumota achidzokera kwa Mhukahuru Bongani akasara achitsanangurira mai Tom nyaya yose nekuti vana Tom varikuchipatara chipi Lulue akasvika kwa Mhukahuru akapinda mumba ne foshoro yake yaiva yakazara ropa chero iye pachake aiva akazara ropa akawana vanhu vakagara mu sitting room Mai Tee pavakamuona akabata foshoro vakamhanya vachinohwanda kumashure kwa Mhukahuru Mhukahuru pavakaona Lulue akabata foshoro vakatanga kufunga Nomsa misodzi yakatanga kuyerera Zvichakadaro Lulue akasvika achivakandira ma key Mhukahuru vakatadza chero kumutuka "Zvino iwe ropa nderei Shorai?" akabvunza nekushamisika "Dai uchitoona kuti inini tsvina ndinoibisa mberi kwangu kana ropa richifanirwa kudeuka rinodeuka kwandiri uye ropa kwandiri imvura" Lulue akadaro Zveshuwa Lulue aitaura chokwadi nekuti mukomana wake waaidanana naye akamuuraya mushure mekunge ashungurudzwa kwemakore Rimwe zuva akapedzisira aneta zveshuwa achibva amubaya ne banga pachifuva kakawanda kunge arikuvhiya mbudzi ndizvo zvakaita kuti asungwe ndipo paakazivira Bongani kubva ipapo haadi kuona mukadzi anoshungurudzwa ne murume nekuti anoziva marwadzo Acho Kubva ipapo akatanga kuva munhu anozvinwira doro Lulue paakadaro Shorai akabva avuna Lulue akaenda kunogeza ku bathroom iripanze mai Tee vakasara vakanyarara kuti zii semunhu aiva arohwa ne mheni va Mhukahuru vakasimuka vachienda mu room mavo vakasvika vachivhara door vachitanga kuchema vakazembera pamusiwo vachidzika nawo kusvika vagara pasi I can't now ndirikutadza va Mhukahuru vakadaro vachichema Mai Tom Mai Tom vakasvika kuchipatara kunoona Tom vakamuwana aripamubhedha akaiswa drip aizama hake kutaura chero zvairema uye aiva akaiswa njema "Asi mwanangu wazviitirei izvozvo kuna Molly? hona manje wave kunoita bhanditi" mai Tom vakadaro vachichema "Asi hangu handizosungwi nguva yakareba" Tom akadaro "Haaaaa unozviziva sei uchasungwa iwe kwenguva yakareba shuwa ndichasara ndirichii uriwe wega mwana wangu" mai Tom vakadaro "Handimbosungwi kwenguva yakareba nekuti imi muchanditsvakira lawyer rinoziva basa rake handidi lawyer re hurumende" Tom akadaro "Hezvoooooo ini ndichaiwana kupi mari yekubhadhara lawyer nhai Tom?" mai Tom vakabvunza vachishamisika uku misodzi ichiyerera "Muchaona kuti muchaitora kupi kana mukatadza kuzviita ndichaimba kuti chii chakaitika pana baba" Tom akadaro akatarisa pa side pe bed Mai Tom vakashamisika vachisimuka vachibuda Lulue Lulue akapedza kugeza achibva atora vana achienda navo kuma shop achida kumbofurwa ne mhepo Vaifamba zvishoma ne zvishoma sezvo vana vaiva vachiri vadiki Zvichakadaro akaona mukomana aiva akamira mberi kwake "Ndeipi chiponda moyo changu?" Zacharia akadaro "Heyiii nhai mukoma ndiani ati ndinoda murume ini Lulue akadaro'' "Saka ini ndiite sei ndinota mukazi wewe chava mukazi wamina wakamira zhakanaka wakanaka wewe chakutora gara newe Marawi ndirikuzvionera neniwo kuti apa ndawana mukazi umwe wangu" Zacharia achinyemwerera "Siyana neni handiti urikuona kuti ndirikufamba ne vana handina nguva yako ini" Lulue akadaro Zacharia aiva akatakura ma bavhu ake achifamba achitengesa ne zvimwe zvinhu "Inini ndokuziwa unogara kupi handikusiyi wewe mukazi mira nditengese mabhavhu angu ndikutengere chipo chakanaka Zacharia akadaro achimutsonya achinopinda mushop achiuya nema stock sweets achipa Lulue nevana "Heeeee mashura angu nhasi" Lulue akadaro'' achibva atodzokera kumashure vana vaive vavekudya ma sweets avaiva vatengerwa na Zacharia Narrated Makuseni Shorai akamuka achiudza mai Tee kuti arikuda kumbopinda mu town zveshuwa akagadzira apedza achibva abuda After some minutes vaMhukahuru naivowo vakabuda vachiti varikuenda kubasa "Ko ndokumbirawo kubvunza sezvo Molly asiri kunzwa mushe zviri pachena ka kuti pay yake irikuuya kwandiri" Lulue akadaro "Shorai achavatarisa vana" Mhukahuru vakadaro vachitarisa nguva "Ayiiiii yooooo ndichavatarisa mahara shame Nomsa angawana vana vatofa vese haaaa" Lulue akadaro achibata vana achiva swededza kwaari "It's fine fine Lulue uchaihora mari yaMolly wafara ka?" Mhukahuru vakadaro vachibuda vachinopinda mumota vaiva vavhunduka pavanzwa Lulue achitaura ne zvekufa "Mhukahuru hauna kudya!!" mai Tee vakadaro vachidanidzira asi Mhukahuru vaiva vatoenda "Warambirei kuti Shorai atarise vana?" mai Tee vakabvunza "Uchiri kurangarira nezuro wave kupamha heeee usakanganwa kuti tiri 2 pano hapana achandibata?" Lulue akadaro'' "Hayi ndave kunogadzira chikafu ini" mai Tee vakadaro vachisimuka nekutya "Ndinokumbira mundiitirewo neni chikafu aya ma key e cupboard" Lulue akadaro achiseka achipa mai Tee ma key e cupboard Mhukahuru vakaenda kumashop vakatora Shorai vachibva vaenda kun'anga vachida kuedza kunovhara chipoko kuti chisava pfukira pavakatarisa Shorai vakabva vatozvionera Nomsa achichema "WAKANDIRWADZISA" Nomsa akadaro achichema "Hayi hayi wakafa iwe" Mhukahuru vakadaro vachiregedza mota ichimbeya mugwagwa wose mota dzaingoridza huta lucky yakazobuda hayo mumugwagwa isina mota yayabondera chero ivo hapana akakuvara ichibva yamira Shorai akarova Mhukahuru ne mbama ." unopenga here? unoda tife?" Shorai akabvunza nehasha "Ndamuona Nomsa" Mhukahuru vakadaro vachizvikwenya musoro "Nxaaaa munofamba muchingouraya vanhu apa muri magwara ibvapo ndichaire ini" Shorai akadaro Zveshuwa vakachinjana Shorai ndiye akachaira vachibva vaenda kun'anga vakasvika kun'anga vakatsanangura nyaya yavo yose "Okay zvinhu zvose zvatogadzirwa ndatopedza nazvo hapana achakunetsa zve" n'anga yakadaro ichivapa bepa raiva nemushonga "Tichabatsirika here?" Shorai akabvunza "Sezvandiri kukuudza torai mushonga uyu munoudira pamakamufutsira mugoisa ne mvura mudish mumudane ne zita rake mumuudze kuti ngaarege kukunetsai then imwe motora ivhu racho moisa mumvura mogeza makumbo enyu modzokera kumashure musacheuke"n'anga yakadaro "Mushonga hautendwe mukuru wangu" Shorai akadaro achitora mushonga Mhukahuru vaiva vakangovhura maziso vakatarisa panzvimbo imwe chete Shorai akavabata maoko vachisimuka vachienda "Ndini ndiri Kuchaira" Shorai akadaro "Haaaa ndeyanguka mota iyi" Mhukahuru vakadaro foni yavo ichibva ya ringer aiva doctor wavakaita ma DNA test evana "Doctor" Mhukahuru vakadaro vachidavira "Mushavi ndinokumbira kuti muuye kuzotora ma results enyu na Nomsa iye ndanguri ndamufonera haadaire foni" doctor akadaro "Okay ndichasvika nhasi chero mangwana" Mhukahuru vakadaro vachivhura maziso vachipinda mumota Shorai ndiye aichaira Varimumugwagwa kudaro Shorai akaona mombe dzakazara mumugwagwa akatadza kubata mota ichibva yabuda mumugwagwa Ichhikunguruka ichinorovera pane muti waiva wakakura ❤️❤️❤️❤️❤️ Lulue aiva akagara ne vana na mai Tee zvichakadaro vakanzwa munhu aigogidza pa gate mai Tee vakaenda kunovhura paiva ne mukomana aitengesa mabhavhu "Tinotenda asi isu tinotenga kumashop hatitengi mumugwagwa" mai Tee vakadaro vachiudza mukomana uya "Aiwa handitengesi ini ndinoda mukazi wakanaka musuku anogara pano" Zacharia akadaro achinyemwerera "Haaa ko Lulue anodanana nana Achimweni" mai Tee vakadaro vachiseka "Aiwa sandi Achimweni inini zita rangu Zacharia not Achimweni ndinokumbira mukazi uyu auye ndimire pagedi yena" Zacharia akadaro Mai Tee vakatendeuka vachinodana Lulue vachipera nekuseka "Pana Achimwene pane Ari kukuda" Mai Tee vakadaro vachiseka "Saka madii kumupinza?" Lulue akabvunza "Ko haasi munhu here? Achimwene imhino yako inenge shure kwenguruve" Lulue akadaro achidhonza Mai Tee mhino achibuda "Nxaa Lulue anodherera maan. Mhino yangu yakambofanana neshure kwenguruve here?" Mai Tee vakadaro vachizvibata mhino vachigara pasi. Lulue akasvika Kuna Zachariah "Ndeipi? Uri kudei pano?" Lulue akabvunza "Ndauya kuzoona iwe tsvatsvadenga" Zachariah akadaro achinyemwerera "Hauteereri iwe inga ndakuudza kuti handidi murume" Lulue akadaro "Inini mukazi ndomuta ndota iwewe mukazi wangu hona ndakuvigirei?" Zachariah akadaro achibudisa stock sweet muhomwe achipa Lulue "Thanks asi handidi murume ini" Lulue akadaro achidya stock sweet "Tora number undifonere ukangorega ndicharamba ndichiuya pano" Zachariah akadaro Lulue akatora bepa raiva rakanyorwa number dza Zachariah achivhara gedhi achidzokera mumba ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Vanhu vaiva vazara mumugwagwa waiva waitirwa njodzi na Mhukahuru na Shorai . Mhukahuru vaiva vangokuvara panzvimbo diki chete. Shorai iye ziso rimwe raiva rabudira panze uye airatidza kuti aiva akuvarira mukati nekuchema kwaaiita "Ko nei wabudisa mota mumugwagwa?" Mhukahuru vakabvunza vakatarisa Shorai aiva akarara huso hwakatatisa pasi "Iwe hauna kuona mombe dzanga dzakazara mumugwagwa?" Shorai aitaura nezwi rekumanikidza. Vakazovabisa mumota vachivaradzika nechekure nemota vakamirira ambulance. Pavakangovabisa mumota. Mota yakabva yabvira moto. Mhukahuru pavakaona moto uchibvira vakatanga kufunga Nomusa. Vakatanga kuchema vachibudisa izwi. Vanhu vakangozviudza kuti pamwe Mhukahuru varikuchemera njodzi yaiva yaitika. Shorai paakasimudza musoro vakavhunduka vachiona shorai ziso rakaputikira panze "Haa!!" Mhukahuru vakadaro vakadaro Shorai vachisuduruka paari "Chii manje?" Shorai akabvunza "Ziso rako rakabudira panze" Mhukahuru vakadaro. Shorai akatadza kupindura nemarwadzo aainzwa akangotarisa Mhukahuru chete. Ambulance yakazosvika ikavatora ikaenda navo kuchipatara End of chapter