Chapter 6 Mhukahuru Household Mai Tee vakabva vabudikira vakasvika vachimhorosa mwana wavo vachigara pasi "Simbe rako riri kupi nekuti nguva dzaenda risati ramuka?" Mai Tee vakabvunza "Takarwa nezuro akabuda akaenda husiku" vaMhukahuru vakadaro "Haaa husiku manga muchirwirei?" mai Tee vakabvunza "Aaa zvabuda pachena kuti handizvare pandamubvunza abva atotsamwa achibva abuda ipapo" vaMhukahuru vakadaro "Ndakati kudii Arubheti ndakakuudza kuti riya ihure rine mapaper echihure ukandiita munhu akashata" mai Tee vakadaro "Unorizivira kupi hure iwe kana usiri hure?" Lulue akabvunza achiisa chikafu chaMhukahuru patafura "Uri kutaura sei namhamha iwe Lulue?" Mhukahuru vakabvunza "Chero nezuro akandirova necup mumusoro" mai Tee vakadaro "What Lulue?" vaMhukahuru vakabvunza vachisimuka vachitarisa Lulue "Saka uri kufunga kuitei Albert uyu ndamukaurisa nekumurova necup chero izvozvi ndinomupamha uripo kana ndikawana umwe mukana. Handiti anga achida kutema ini necup yacho akawana inini ndiri goalkeeper ndikaigama ndikamurova nayo. Kana achirwadziwa Ngaaende anorovera musoro padombo achapora" Lulue akadaro akatarisa mai Tee "Mhukahuru rova munhu uyu mhani usabvuma Kuti akutonge" mai Tee vakadaro "Tora zvinhu zvako Lulue ubude pamusha pangu handichakude pano basa rapera" vaMhukahuru vakadaro Lulue akaseka. "Izvo haufe wakazviona Albert iwewe ndiwe ungatoenda zve" Lulue akadaro achigara pasofa achipesanisa makumbo Zvichakadaro Shorai akadzika masteps akabata bag rake "And then iwe?" mai Tee vakabvunza "Hanty mamunzwa Nomusa ati ndimuke ndichienda haachandide pamusha pake" Shorai akadaro "Aaaa dzosera mabag ayo iwe Shorai" mai Tee vakadaro "Yaaa zvagara enda matsito arrg" Lulue akadaro "Ayy Mhukahuru wadii kumuti agare kwesvondo chete" mai Tee vakadaro vakatarisa Mhukahuru "It's fine ngaagare asi kana Nomusa auya ave kumudzinga ini musandipinza" vaMhukahuru vakadaro vachitanga kudya chikafu chavo "Nxaaa chikafu chacho hachitombonake" vaMhukahuru vakadaro "Nxaa" Lulue akadaro achino cleaner muimba "Nhai Mhukahuru vana vari kupi?" Lulue akabvunza "Vakarara" vaMhukahuru vakadaro vapedza kudya vachisimuka vachibuda vachinopinda mumota vachigara vakakotamisa musoro pasteering vachitanga kuchema WAKANDIRWADZISA vaMhukahuru vakanzwa izwi raitaura kuback seat. Vakasimudza musoro vachitendeuka vakaona ari Nomusa aichema "Haayi haayi wafa iwe" vaMhukahuru vakadaro vavhura maziso vakatarisa Nomusa Wakandirwadzisa Mhukahuru Nomusa akadaro achichema VaMhukahuru vakabuda mumota vari short vachinopinda mumba "Hezvo wadzoka Mhukahuru? ko kubasa hausi kuenda nhasi?" mai Tee vakabvunza "Ndaa-- ndaa-- ndamuona ndamuona" vaMhukahuru vakadaro vachikakama "Waona ani manje mwanangu?" mai Tee vakabvunza vachishamisika "Aaaa ummm ari kufunga mukadzi wake uyu" Shorai akadaro achichinja nyaya "Eeh-- ehe-- ndizvo ndanga ndichiti pamwe ndamuona achipinda mumba" vaMhukahuru vakadaro vachigara pasi "Apa foni yake haisi kupinda ndikare ndichiizama. Ummm izvi hazvina kuvafita madam tadii kufonera mapurisa" Lulue akadaro achionekwa kuti aiva ave worried "Usada kufarisa iwe mapurisa eyi pasati pakwana 24hours. Munhu uyu aenda kunofurwa nemhepo achadzoka" Shorai akadaro "Iwe usataura neni kunge ndiri shamwari yako ndinoku dhonora nembama Ini mazitama sechidhoma chakafunda mabhora" Lulue akadaro achitendeka Shorai "Ahh iwe usanditendeka handikutye zve ini" Shorai akadaro "Hmmm iwe haundizive iwe unongonzwa kuti kuna Lulue ndiri mother country ini ndinogadzira nyika usamdimisira matama kunge da**o redatya" Lulue akadaro achiswedera pana Shorai "Siyai zvamuri kuita imi chiiko nemwi" vaMhukahuru vakadaro "Pano panofanirwa kuenda munhu umwe chete pamuri aiwa handingazvigone" vaMhukahuru vakadaro "Shorai hakuna kwaari kuenda" Mai Tee vakadaro "Ini munhu achandidzinga pano ndeumwe chete akandiunza pano then umwe anoda kuti ndiende ngaaende anozvikandira pasi pebhazi richifamba" Lulue akadaro achinoita zvinhu zvaaiita Zvichakadaro Molly akapinda muromo wakazvimba akavamhorosa achibva ava darika. Lulue akamutevera VaMhukahuru vakazvipa chivindi vachibva vadzokera kumota vakawana Nomusa asisipo vakabva vamutsa mota vachienda kubasa "Nhai Molly zvatave kurarama panguva yecovid sei nhasi usina kuisa mask ivanze muromo wako uyo wakazvimba" Lulue akadaro "Anditorera mask ati anoda kuti varume vangu vandione" Molly akadaro "Varume vapi manje ivavo?" Lulue akabvunza "Nezuro kwakafona munin'ina wangu akandirova achiti varume vangu" Molly akadaro "Ahh Saka hamenho uchayemera ani madam havapo vaungayemera" Lulue akadaro "Varipi madam?" Molly akabvunza "Hamenho Mhukahuru vati aenda nezuro husiku mushure mekunge varwa" Lulue akadaro "Yoo wabva wandifungidza hope dzandarota. Ndarota Mhukahuru achivadzipa vachishandura maziso" Molly akadaro "Ahh usadaro iwe Mhukahuru vambomurova nembama nezuro kana zviri izvo Mhukahuru ndingamuuraya nemaoko angu ini strue ohh" Lulue akadaro achipesanida zvigunwe zviviri "Pamwe dzanga dzingori hope chete Lulue" Molly akadaro achisimuka achibuda. Lulue akamutevera "Unofanirwa kuudza bhinya rako kuti manheru wakuzorara kuno mazuva ano. Handingachemerwi nevana zve ini Mari yacho ichiuya kwauri" Lulue akadaro Mhukahuru Mhukahuru vaiva mu office mavo vari busy nema paper avaisayina Wakandirwadzisa Mhukahuru pavakasimudza Nomusa aiva akamira mberi kwavo huro yakazvimba achichema "Hayi ahh" Mhukahuru vakadaro vachisimuka "Hezvo headmaster chiiko?" Umwe musikana anonzi Cathy anoshanda pa reception akabvunza achipinda mu office ma Mhukahuru "Hap-- hap-- hapana" Mhukahuru vakadaro vachitarisa office yose. Nomusa aiva asisipo "Are you sure sir?' Cathy akabvunza "Ndati hapana Catherine!!!" Mhukahuru vakataura nehasha. Cathy akabva atobuda. Haana kuzotaura nezvaaiva afambira Mhukahuru vakasara vachizvigadzira tie vachigara pasi vachitanga kuchema. "Ndiregererevo mukadzi wangu" Mhukahuru vakadaro Zvichakadaro Cathy akagogodza "Sir muri kutaura?" Cathy akabvunza "Aewa Cathy " Mhukahuru vakataura nezwi raibvunda "Sir munenge muri kuchema wani?" Cathy aibvubza akamira pa door "Ahh Cathy ndichichemei hangu?" Mhukahuru vakadaro vachizvipukuta misodzi "Are you sure Sir?" Cathy akabvunza "Yoo Cathy you so annoying ndati ndiri right" Mhukahuru vakadaro Cathy akanogara pasi. Mhukahuru vakasimuka vachibuda vachienda kuchimbuzi. Wakandirwadzisa!!! Wakandirwadzisa!!! Wakandirwadzisa!! Aiva mazwi aiita maungira munzeve dza Mhukahuru. Mhukahuru vakamhanya chimbuzi chose ne door vasingacharioni. Pavakazoona door vaiva vakufemera mudenga apa trouse raiva rakanyorova vazviitira wiwi. Vachimhanya kudaro vakabondera pana teacher Gambiza vaitoenda kuchimbuzi "Chii Mhukahuru?" Sir Gambiza vakabvunza vachishamisika ."nda-- nda-- eish" Mhukahuru Havana kuzopedza vakadarika teacher Gambiza vachimhanya vachinopinda mu office mavo "Sir honai" Cathy akadaro achitendeka trouser ra Mhukahuru raiva rakanyorova "Nda-- ndip-- eish" Mhukahuru vaiva vakukakama vasingazivi kuti vati kudii Narrated Manheru vamhukahuru vakapinda munhu wese arimo mumba. Molly aiva akagara nevana paakaona vaMhukahuru akavhunduka achitavarisa achiita kunge pane zvinhu zvaairi kuona pana Mhukahuru. Pfungwa dzakazodzaka achibva aita busy nevana "Molly uri right?" Lulue akabvunza "Ehe ndiri right Lulue" Molly akadaro achisimuka achinotora bag rake achisimuka asina kuoneka asina chero kumhorosa vaMhukahuru "Zvinotanga manje izvi" Lulue akadaro achitarisa Molly achienda. Akabva atora vana achinovagezesa "Ko nhai Mhukahuru sei musikana uyu akutarisa nenzira iyi?" mai Tee vakabvunza "Anditarisa sei mhamha?" vaMhukahuru vakabvunza vachida kuignore zvinhu zvaiva zvabvunzwa namai Tee Vakabva vasimuka vachienda muroom mavo pavakango vhura door Nomusa aiva akagara pamubhedha Wakandirwadzisa Nomusa akadaro achichema "Nooooo!!!!" vaMhukahuru vakadaro vachibuda vachimhanya vachidzika masteps "Ko chii nhai Mhukahuru?" mai Tee vakabvunza nekushamisika "Aripo ndamuona ndamuona" vaMhukahuru vakadaro vachifemera mudenga "Waona ani zve haa newewo?" mai Tee vakabvunza "I think ari kureva munhu waanga achiti achanditsvagira basa" Shorai akadaro "Aaaa Shorai zvino angabva afemera mudenga kudai' mai Tee vakadaro vachishamisika "Ehe ndizvo mhamha ndamuona ndamuona" vaMhukahuru vakadaro vachifemera mudenga MOLLY Molly akanopinda kumba kwake paakasvika pagedhi akamhoroswa ne umwe murume aionekwa kuti mutsva panzvimbo iyi. Aibvunza any shop yaiva pedo zvose izvi pazvaitika Tom aiva akagara panze Paakapedza kuraira murume uya akabva apinda mukati. "Tom urisei" Molly akadaro achimhorosa achipinda mumba Tom akamutevera "Uri kutaura nevarume vako mberi kwemusha wangu" Tom akadaro akamira padoor Molly akabva atoona kuti apa anouraiwa zvechokwadi akabva atora foni yake achidhaira number yaLulue achibva aikandira pamubhedha achitarisa Tom "Haaa Tom anga achindibvunza nzvi...... Molly haana kuzopedza kutaura Tom akamudhonza zvairwadza achimurova nembama "Handina zvandaita Tom" Molly akadaro achichema "Unondijairira iwe" Tom akadaro achitanga kurova Molly nezvibhakera. Achitora tsvimbo yaiva kuseri kwe door achimurova nayo. Molly akatanga achi screamer asi akapedzisira anyarara kuti zii. Tom aiita kunge ari kurova donkey Lulue akatora foni yake achiidaira "Hello Molly" Lulue akadaro Molly haana kutaura asi akanzwa Molly achichema achitaura naTom "Demmet" Lulue akadaro achinotora foshoro (shovel) achinanga musitting room akawana vanhu vachiona TV haana munhu wakataura naye Akatora makey emota yaMhukahuru achibuda achimhanya "Iwe matsito utarise vana" Lulue akadaro achidanidzira achinopinda mumota achiimutsa "Mota yangu Lulue!!" vaMhukahuru vakadaro vachidanidzira Apo Lulue aiva atove kutobuda gedhi. VaMhukahuru vakasara vakangomira pavakaona mota yavo ichienda. Lulue akachaira mota akananga kumba kwaMolly "Rega ndifonere ambulance nekuti ndinoziva kuti Molly paari apa haakwanise chinhu" Lulue aitaura uku achimhanyisa mota akatarisa foshoro yake yaiva padivi pake Paakapedza kufonera ambulance akafonera mapurisa achibva asvika kumba kwaMolly akaburuka mumota achimhanya chero mota haana kuyi kiya akamhanya achinokava door richivhurika Akaona Tom ari pamusoro paMolly uku achimurova nezvibhakera uku akazara ropa. Molly izwi raiva risisabude Lulue akaona foshoro ichimutorera nguva akadzokera kumashure achinhonga zidombo achitema naro Tom mumusoro achidonhera pasi. Akaswedera pana Tom akabata foshoro, Tom akavhunduka "Am sorry my sister usandiuraya please" Tom akadaro "Iwe unomuregerera here Molly kana achikumbira ruregerero?" Lulue akabvunza achimurova nekumashure kwefoshoro mumusoro nemumuvuri wose "Ndichakurega kana mapurisa asvika rega ndinoboilisa mvura" Lulue akadaro achinoboilisa mvura Paaiboilisa mvura akaona chamboko kuseri kwedoor achibva achitora achinomurova nechamboko. Tom akaridza mhere muviri wese waiva watozara ropa. Lulue aimurova nechamboko ombomurova nekuseri kwefoshoro Zvichakadaro Lulue akanotora mvura inopisa achiuya achimudira mumuviri Tom akaridza mhere. Lulue aiva asingazvinzwe akagara pamusoro pake achimurova akadaro Molly aiva angoti rabada akarara pasi uku aiva asisapfakanyike ropa raiva razara paari. Mapurisa akasvika Lulue ari pamusoro paTom achingomurova Mupurisa akabisa Lulue pamusoro pake "Lulue iwe unopenga here? iwe haufe wakachinja sure" Mupurisa akadaro achiudza Lulue kuti abude panze ambulance iri kuuya Molly aiva akangorara pamusoro peropa mupurisa akaisa ruoko rwake muhuro achida kunzwa kuti achiri mupenyu here kana Kuti afa. Mhukahuru Household Mhukahuru ndinokumbira uuye kuzondibatsira nevana" Shorai akadaro achienda kuroom yevana Zveshuwa vaMhukahuru vakatevera kumashure "Nhaiwe boora ngoma unoda kuti tibatwe here?" Shorai akabvunza "Hezvo sei nekuti Nomusa ndiye ari kundimukira chipoko handinga tadze kuvhunduka ndichiona chipoko zvinotyisa izvi Shorai" Mhukahuru vakadaro "Ini handingaende kujeri nekuda kwako Mhukahuru never" Shorai akadaro "Neniwo handina kukumbira kaa kuti Nomusa andivinge " vaMhukahuru vakadaro "Pane munhu achakubatsira saka tinofanirwa kuenda mangwana. Ini ndichatanga kubuda semunhu ari kuenda kutown saka unofanirwa kunditevera uchanditorera kumashop uko" Shorai akadaro End of chapter