Chapter 9 MHUKAHURU HOUSEHOLD Lulue akapinda achiteverwa naBongani, Bongani akasvika achimhorosa "Gara pasi Bongani, usamhorosa usati wagara pasi mhani" Lulue akadaro achitendeka sofa kuti Bongani agare pasi "Oooh urisei asi uri mukomana wemupengo uyu?" Mhukahuru vakabvunza "Aewa handisi ndiri detective" Bongani akadaro Mhukahuru vakadonedza doro ravaiva vakabata bhodhoro richibva raputsika pasi "Haaa Arubheti unoona manje uri kutambisa chikafu changu zvino ndichariworera sei pasi zvarazara pasi kudai?" Lulue akabvunza achionekwa kuti zvaiva zvamubhowa "Sir muri kuvhundutswa neiko?" Bongani akabvunza "Aewa aewa bhodhoro iri ratsvedza" Mhukahuru vakadaro vachizvipukuta maziso "Zvino wauya kuzosecha chiyi nhai detective?" Mhukahuru vakabvunza "Luyanda ari worried nekushaikwa kwaNomusa saka akumbira kuti ndiuye ndizomutarisa. Saka ndinokumbira kubvunza mibvunzo kuti nei usina kuuya kuzoreport nyaya yekushaikwa kwake?" Bongani akabvunza "Nda-- nda ndaiti pamwe akaenda kunofurwa nemhepo" Mhukahuru vaitaura vachikakama "Wakaguma rinhi kumufonera?" Bongani akabvunza "Nhasi chaiye detective" Mhukahuru vakadaro vachinyepa zvavo "Ooh okay ndino kumbira kuona foni yenyu" Bongani akadaro "Nda- nda-- eish foni yangu pandaita accident yabva yatopwanyika ipapo" Mhukahuru vakadaro vachizvikwenya musoro "Oooh okay sir. Ndinokumbira mutipe rudzi rwemota nema number plates tiedze kutracker mota yake" Bongani akadaro "Asati apindura mubvunze kuti anga achirevei kwadoctor paati amuuraya" Lulue akadaro "Haaa Lulue ndakuudzai wani kuti kubva zvandaita njodzi pfungwa dzangu dzinoita kunge sedziri kurasika. Saka ndanga ndichifunga kuti Shorai pamwe ndamuuraya" Mhukahuru vakadaro "Ko iwe Lulue wacho chiiko newe unoda kusungisa mwana wangu nezvinhu zvisipo?" mai Tee vakabvunza "Iwewe nyarara iwe une zigotsi kunge porridge iri paper bag. " Lulue akadaro "Sir tipe manumber plates" Bongani akadaro "Itoyota JSC1235 iwe Bongani haa zuva zvarichavira Mhukahuru achingo ngwangwadza " "Haaa sir ndakamirira kuti imi mupindure asi munoonekwa kuti muri kukakama asi hamudi kuti mukadzi wenyu awanikwe, munoratidza kuti mune kakutya?" Bongani akabvunza "Haa kana detective ndakaita mistake yekumurova nembama asi ndakazviudza kuti achadzoka hake nekuti kurova kwangu kwaiva kutanga nekupedzisira" Mhukahuru vakadaro "Saka haana kumbosiya kana chii zvacho chinoratidza kuti achadzoka?" Bongani akabvunza "Aewa detective hapana chakakosha chaakasiya" vaMhukahuru vakadaro "Aaaaa saka ring yakazosvika sei pauri?" Lulue akabvunza achiisa doro rake pamusoro petable achitarisa Mhukahuru "Ring ringa yauri kutaura ndeipi wati ring yaita sei?" Mhukahuru vakabvunza vasingazive kuti vapindure vachiti vati kudii "Heee Mhukahuru usada kundiisa paplug wanzwa ring yaNomusa yaiva mubhachi mako maiva nemakey emota" Lulue akadaro achi chinja kumeso "Haaa Lulue dzora hasha mhani Nomusa akakandira ring iya pasi nehasha ndikasara ndichiinhonga" Mhukahuru vakadaro "Haaa sir saka ring haina kukosha here? Sezvo ndabvunza zvinhu zvakakosha zvaakasiya?" Bongani akabvunza "Hoyoo hoyoo" vaMhukahuru vakadaro "Hoyo ani Albert wave kupenga here?" Lulue akabvunza akatarisa Mhukahuru Mhukahuru vaiva vave kuona Nomusa pana detective "Aewa ndanga ndichiimba song holly 10 iya inonzi hoyo hoyo chiiko" Mhukahuru vakadaro vachinyepera kuseka "Nxaaa mupengo saka from nowhere ungabva watoimba kudaro isu tichataura zvinhu zvakakosha" Lulue akadaro "Saka unoimba uchibvunda here zvinoita izvozvo?" Detective vakabvunza "Dont mind me detective" vaMhukahuru vakadaro vachinyepera kuseka "Okay tiri kukunzwa. Mhamha sekuona kwenyu muroora wenyu angafa here mumaoko emwana wenyu?" Detective vakabvunza mai Tee "aiwa mwana wangu haakwanise kuuraya chero nhunzi zvayo" mai Tee vakadaro "Zvagara ungati kudii newewo face inenge washeni yema pitikoti" Lulue akadaro "Haa Lulue uri kupikisa nazvo here?" Bongani akabvunza "Ndaimbozvifungira here kuti anga mumura madam nembama asi hoyo uyo akazviita chero kuuraya anga zviita uyu" Lulue akadaro achimwa hake doro rake "Haaa Lulue unoreva kuti ndakauraya mukadzi wangu?" vaMhukahuru vakabvunza "Ndiani ati wamuuraya asi afa?" Lulue akabvunza "Aewa handisi kureva izvozvo ndinga uraya mukadzi wangu here?" Mhukahuru vakadaro vachikakama "Ndatenda ndave kuenda Lulue ndiperekedze ndifambe ndichikuudza nezve situation yaMolly" Bongani akadaro achisimuka vachibuda panze "Yaa ari sei Molly?" Lulue akabvunza "Nxaaa imbomira nezvaMolly iwe ndakuudza wani kuti ari pacomma ndinoda kukuudza kuti Mhukahuru uyu umutarise pose paanofamba nekuti anoratidza kuti ane zvihombe zvaanoziva naNomusa pamwe akatomuuraya kutaura kudai. Hanty wamunzwa achiti hoyo hoyo pamwe ari kumupfukira asi nzira yaari kuita nayo yandiratidza kuti ane zvihombe zvaanoziva isu zvatisingazive" Bongani akadaro "Haa iwe unofunga kuti angauraya munhu here?" Lulue akabvunza "Wataura wani kuti anga zviita" Bongani akadaro vachionekana Lulue akadzokera mumba "Bongani ati nditarise Mhukahuru pese paanofamba zvinoreva kuti anomufungira kaa" Lulue akadaro achipinda mumba "Eyi kubva manyarara kudaro kwakanaka here?" Lulue akabvunza achidhonza doro rake achigara pasi "Iwe benzi remwana unoda kusungisa mwana wangu asina zvaaita here" mai Tee vakadaro "Yaaa iwewe musoro wakaondoroka usada kundinzwa huro inenge garikuni ramedza duzvi zvose zviri kuitika ndiwe. Wakasvika pano tiri family tichifara iwe ukasvika nezimusoro rako iri ukakanganisa zvinhu" Lulue akadaro achivatarisa vari vaviri "Iko muri kutaura nezvekufa asi pane zviri kuvanziwa?" Lulue akabvunza achitarisa Mhukahuru mumaziso. Mhukahuru Vakatarisa pasi vave kubwaira bwaira havana zvavakapindura "Iwe rova doro iwe Lulue" Mhukahuru vakadaro vachidira doro muglass vachimupa vachizvidirira ravo. Pavaiva vave kuda kumwa vakadisturbiwa naLulue "Kana pane zvakaitika pana Nomusa zvichikonzerwa nemunhu munhu wacho iyeye ndicha mumedza sedoro iri randiri kumedza" Lulue akadaro. Mhukahuru vakabva vakasora Zachariah Zachariah aiva akagara naLlyod mwana waLandlord vake "Unoziva Lloyd pane mukazi wandiri kuda zvakanyanya" Zachariah akadaro "Iwewe wave kuona ona manje?" Lloyd akabvunza achiseka "Hey ini zve handina musikana" Zachariah akadaro "Saka musikana wacho mushona here kana kuti ndewe kwenyu ikoko?" Lloyd akabvunza "Yoooh chishaupete chemushona musikana akanaka uya" Zachariah akadaro Zvichakadaro foni yaLlyod yakarira akadaira "Bright babe" Lloyd akadaro "Ndinokumbira kukuona please babe wangu" Bright akadaro "Okay dont worry ndicharara ikoko nhasi" Lloyd akadaro achinyemwerera vachitaura nyaya dzakasiyana. Kusvika vaonekana "Wave kurara maout manje mhamha vako vachati kudii iwe mupfanha?" Zachariah akabvunza "Iwewe unenge wava kuvaudzirei kuti handina kurara mumba?" Lloyd akabvunza "Ayyy ini handizvifarire zvinhu zvako zvema secret iko vanoziva here kuti unodanana neumwe mukomana?" Zachariah akabvunza "Yoooh vanga ndiuraya mhamha. Please ndinokumbira usato mbovaudza hako" Lloyd akadaro achienda kumba kwavo achinozvivharira muroom make Husiku akamuka achienda kwana Bright kumukomana wake. Zachariah akasara ari ega muroom make. Zvichakadaro Tonny mukoma waLloyd akapinda Zachariah akabva asimuka achivhunduka achisimudza maoko "Handina mari nhasi mukoma" Zachariah akadaro achidzokera kumashure kusvika asvika pamadziro "Oooh hauna mari nhasi iwe achimwene?" Tonny akabvunza achiswedera pana Zachariah achimurova nechibhakera achidonhera pasi "Ko ini ndakakuitei mukoma?" Zachariah akabvunza ave kuchema Tonny akamukava achibva abuda achienda. Mari yacho yaidiwa naTonny haisitombori yerent asi ari kumubhadharisa nekuti haasi wemuZimbabwe "Ndichanoona sei chipaupete changu ndakadai" Zachariah aitaura achizvibata bata kumeso kwaiva kwazvimba Zachariah anomutya Tonny nekuti anogara achimutyisa kuti achamuuraya. Uye akamuudza kuti asamboedza hake kunotsvaga imwe nzvimbo nekuti achamutsvaga kusvika amuwana ❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Lulue naMhukahuru vaingomwa doro zvichakadaro foni yaMhukahuru yakarira Mhukahuru vakaidaira "Hello" Mhukahuru vakadaro "Ndini Shorai ndiri kubuda kuswera mangwana pachipatara vandibudisa ziso varibisa" Shorai akadaro "Yoooh saka wave one eye kana uchida kuona rimwe side unotondeuka" Mhukahuru vakadaro vachipera nekuseka ko hanti vaiva vakadhakwa "Nxaaa chii chinosetsa ipapa?" Shorai akabvunza achishamisika nekuti Mhukahuru haasi munhu wekungotaura "Chero ukaseka sei uchandiroora ndakadaro" Shorai akadaro achiridza tsamwa "Haaa handina kukunzwa?" Mhukahuru vakabvunza "Wandinzwa" Shorai akadaro achikata foni "Nhai Mhukahuru foni waitora kupi?" Lulue akabvunza achishamisika "Nxaaa wadhakwa nedoro kaiwe gara zviya watanga rinhi kusaziva foni yangu iwe" Mhukahuru vakadaro vachiseka "Ko haina kutsemuka pawaita njodzi here?" Lulue akabvunza "No no no haina iyi handiti unoona kuti ini handina kukuvara saka yanga iri muhomwe mangu ndosaka yapona" Mhukahuru vakadaro vakadhakwa zvavo. Vaiva vatokangwana kuti vaudza Bongani kuti foni yatsva nemoto "Ko kuna Bongani wati yatsva nemoto mumota wani?" Lulue akabvunza "Ayyy ndave kuno rara ini" Mhukahuru vakadaro vachi ignore mashoko aLulue vachisimuka vachikwira masteps Pavaiva vati fambe fambe vakanzwa kunge pane munhu ari kuvasunda vakaedza kurwisa asi vakatadza vakadonha vachikunguruka vachidzika pasi "Albert!!" Lulue akadaro achivhunduka achisimuka achitatarika achienda kwavari achivasimudza "Unofanirwa kuenda kuchipatara" Lulue akadaro "Nxaaa handina kukuvara ini, ndikaenda kuchipatara kwacho ndichasungwa nekuchaira ndakadhakwa" Mhukahuru vakadaro "Hezvo uchichaira chii manje Albert?" Lulue akabvunza nemaune "Ndichi chaira makumbo ako hanty mutemo unoti don't drink and drive" Mhukahuru vakadaro vachitendeka doro raLulue Lulue akavapa vachibva vamwa vachibva vabatana vachikwira upstairs Mhukahuru vakapinda muroom mavo vachirara Lulue naiyevo akaenda muroom make achinorara Makuseni Mhukahuru vaiva vasingakwanise chinhu musoro waiva remera vakatanga kurangarira Shorai ati ari kubuda muchipatara ati anoda kuroorwa naMhukahuru "Chero ndika ignore nyaya iyi asi kujeri ndinoenda chero ndisina kubatwa asi ndichapedzesira ndazviendesa ini pachangu. Nomusa hazvimufaniri izvi zvose zvandakamuita ndakamuuraira zvinhu zvisipo manje haachakwanise kuona vana vake vachikura handizive ndichakwanisa kurarama nemarwadzo aya Nenyaya iyi iri kundidya zve, ndakamuuraya mudiwa wangu mhamha makandirwadzisa" Mhukahuru vakadaro vachichema "Better ndimuke makuseni ndiende kuLawyer rangu ndinogadzira nyaya dzangu. Vana vangu chero ndakavanyima mukana wekuva namai vavo asi nyima mukana wekuti vararame hupenyu huri nani. weeee ndakabvumira satan uyu anozviti mai Tee achikanganisa hupenyu hwangu hwaiva wakanaka hune mufaro" Mhukahuru vakadaro vachiyeredza misodzi Lulue akabva amira padoor "Nhai Mhukahuru wave kuda kuti zuva ripinde ikoko here, wakapfeka ndipinde ?" Lulue akabvunza ari padoor "Pinda mhani iwe eish musoro wangu uri kundiremera I think ndofanirwa kuenda kwadoctor" Mhukahuru vakadaro "Hoyoo hoyoo" Lulue akadaro achiimba achipinda "Eish eish noise mhani Lulue" Mhukahuru vakadaro "Haudi doctor iwewe unofanirwa kumwa one glass uchava right" Lulue akadaro achivhura macurtain Mhukahuru vakavhara maziso vachitarisa pasi "Muka unogeza uchazvirega zvekudya zvinhu zvevanhu vakuru. Doro harienzani newe Mhukahuru" Lulue akadaro achiseka Mhukahuru vakamuka vachipinda mushower vachinogeza "Lulue ndivigirewo tauro" Mhukahuru vakadaro vachidanidzira "Unopenga unoda kuti ndione bhusuman wako here buda uuye kuzozvitorera ndiri kuno kutorera one beer. Pauno pedza kugeza urove one" Lulue akadaro "Nxaaa aka kanopenga" Mhukahuru vakadaro vachibuda mushower vachinotsvaga tauro asi vakarishaya Zvichakadaro Lulue akabva apinda nebhodhoro redoro "Haaa Arubheti yose iyo here?" Lulue akabvunza achishamisika achitendeuka "Nda ndaa, tsvaga tauro uriunze mhani" Mhukahuru vakadaro vachidzokera kumashure vachinopinda mushower "Eyi but Nomusa ari kunakirwa huchi chaihwo pana Mhukahuru" Lulue akadaro achiseka achitarisa tauro "Pfutsek mhani iwe hunza tauro usiye doro rangu ipapo" Mhukahuru vakadaro vachidanidzira vari mushower End of chapter