Chapter 26 Narrative Ndovimba kuti Shorai azochinja pfungwa zvinhu zvangu zvidzoke kuna baba ava" mai Tee vaitaura vachimhanya vachienda kumota. Door remota rakavhurika Lulue akabuda mumota. "Lu-- Lulue!! Uri mupenyu?" Mai Tee vakadaro vavhura maziso vakaisa maoko mumuromo "Ohh newevo musoro wakaondoroka waitova nedhiri racho? Saka handina kuita mistake ka nekuuya pano." Lulue akadaro achiseka "Ha-- hand-- handizivi chinhu ini " mai Tee vaiva vakukakama "Siya kundiitira ngano ini huya utore shamwari yako mumota". Mai tee vakamhanya vachivhura mota vakapera simba pavakaona akazara ropa asingakwanisi chero kupfakanyika chaiko " hayi Lulue ngaaende kuchipatara. Achafa zve munhu uyu" mai Tee vakadaro Lulue akaswedera pavari achiseka achivapa magwati emampama. Mai Tee vakadonhera pasi vachizvibata dama. "Ndokumbira mundiendesevo kuchipatara ndiri kurwadziwa" Shorai akadaro "Munhu uyu achafira pano tikasungwa ngatimuendese kuchipatara" mai Tee vakadaro "Hanti wanga uchifara paakuudza kuti andiuraya wanga uchipombonoka ka? Nazvino chipombonoka. Mutakure umupinze mumba" Lulue akadaro. Mai Tee vakamusimudza uku vachichema. "Imbomusiya ambotapirirwa nemarwadzo iwe enda unosuka ropa remuroora wako mumota" "Asi Lulue ungabva wandidaro nekuk--" "Shhh ndini boss pano iwe chako kunyarara woteerera zvandokuudza. So ita zvandareva" "Dai ndaiziva ndisina kubatana na Shorai hona manje zvaandiitira atadza kuuraya Lulue " Mai Tee vakadaro vachitaurira pasi izvo Lulue ari kumashure kwavo. Akavabata musoro achiuroverera mumota "Musoro wako uyu uchaita mudiki iwe chembere ine moyo wakashata" Lulue akadaro mai Tee vakachema zvaipisa tsitsi asi Lulue nehasha dzaaiva nadzo haana kumbodziona tsitsi dzacho. Mai Tee vakagezisa mota kusvika yachena "Chipinda mumba" Lulue akadaro mai Tee vakapinda mumba Lulue akavatevera kumashure. "Hawaingouraya Nomusa zvongopera zvakadaro. Ndazoiwana nzira yekuti uripe zvitadzo zvako" "Handina kumuuraya Nomusa ini ndiAlbert na Shor--" mai Tee havana kupedza kutaura Lulue akavarova nechibhakera "Muromo wako muhombe ndiwo wakakonzeresa zvese izvi. Albert ari kujeri ndiwe negodo rako iri. Uyu akarara apa ndiwe waida kuti zvishuviro zvako zvakaora zvizadzikiswe" "Ndinokumbira ruregerero Lulue ndaiva ndisingazivi kuti zvichazodai" "Hawaiziva zvagara, hanti wainakirwa nazvo here? Hauna kuguma ipapo makazosangana zve neuyu wekushata kunge nhunzi yakarukwa mabhanzi muchida kundiuraya nekuda kwemari." "Lulue ndiregerere ini ndaig--- "Shhh yapera nguva yekutaura takufanirwa kushanda manje ndofanirwa kudzokera kuchipatara ndatiza. Mupedzere muchembere simuka tione" "Ndiitei?" Mai Tee vakabvunza vasinganzwisisi "Iwe unoda kudii? Unoda kumudyisa chikafu here? Usada kundibhowa ini dzipa munhu uyu kusvika afa" Lulue akadaro "Hayi Lulue handingazvigoni ini ndichasung--" havana kupedza kutaura lulue akavarova nemampama "Ndati ndini ndiri kutaura iwe unoita zvandataura. Unofunga ndiri kutamba newe nhai ka? Dzipa munhu uyu ndisati ndanotora demo ndikakucheka cheka ma pieces ini" Lulue akadaro. Mai Tee vakavhura maziso "Iwe usanditambisira nguva yangu ini uraya munhu uyu!!" Lulue akadaro nehasha mai Tee vakasimuka vachigara pamsoro pa Shorai vachitanga kumudzipa vachibva vamusiya "Ndiri kutadza ini Lulue" "Ohk ndichakuita kuti ukwanise" Lulue akadaro achidhonza mai Tee achivarova achivakava. mai tee vakaridza mhere vachichema asi hapana aivanzwa nekuti Lulue aiva akavhurira music. Apedza kuvarova akabuda achinotora demo mumota achiuya . mai Tee pavakangoona Lulue nedemo vakamhanya vachikwira pamsoro pa Shorai vachimudzipa "Ndiregerere Shorai" mai Tee vakadaro vachidzipa Shorai. Shorai akakava kava, aiva asingakwanisi chero kuchema ma lips chete ndiwo aingopfakanyika chero simba rekuzvirwira raiva risipo. "Uraya munhu uyu iwe maan ndoda kuenda ini" Lulue akadaro achiswedera pana mai Tee achibatidza foni achivatora video. Mai Tee vakadzipa Shorai kusvika anyarara "Hona zvawandiitisa" mai Tee vakadaro vadikitira vachifemera mudenga "Newevo wakaitisa mhukahuru. Ari kupi manje?" Lulue akadaro "Tora foni yako ufonere mapurisa uwaudze kuti wauraya munhu" "Haa Lulue ndizvisungise here?" Ndichati ndamuurairei?" Mai tee vakabvunza vapererwa "Uchavaudza kuti anga achindinyima mari yemwana wangu" "Lulue ndiregerevo pazvinhu zvose zvandakakuita ndadzidza kubva nhasi nyaya dzevanhu hadzipindindirwi usandisungisa please" "Uri kundipedzera nguva yangu mai tee ndoda kuenda ini" "Shorai handina kumuuraya ini" "Saka afa here ? Ndiwe wamuuraya iyi evidence" Lulue akadaro achiratidza mai Tee video pavaidzipa Shorai Mai Tee vakaona kuti chero vakaramba havapabudi vakatora foni vachifonera mapurisa "Ndafi-- ndafirwa kuno ayy man ndauraya munhu" mai Tee vakadaro vachiyeredza misodzi "Haa wamuurairei? Uri kupi kwacho?" Mai Tee vakavaraira kumba kwavo. Lulue akafonera doctor kuti auye kuzomutora. After some minutes doctor akasvika. Lulue akapinda mumota vakaenda akasiya mota kwa mai tee. vana Lulue pavakangoenda mapurisa akabva asvika . vakawana mai Tee vachitsvaga chinhu chingavauraya asi vakachishaya. mapurisa akasvika Shora angova chando akarara pamsoro peropa "Uhhm munhu mukuru semwi ane hutsinye hwakadai. Muri kusungwa mhamha nemhosva yekuuraya munhu. Mune kodzero yekunyarara nekuti zvamuchataura zvichashandiswa ku court as evidence" mupurisa akadaro achiisa mai Tee njema achinovapinza mumota.mai Tee vaingochema hapana zvavaikwanisa kutaura. Chitunha cha Shorai chakatariswa vakawanikidza kuti adyiswa poison akarohwa akadzipwa. Mai Tee vakaedza kutsanangura kuti havasiri ndi Lulue mapurisa haana kuvateerera nekuti paiva pasina evidence vakaenda kuna Lulue vakamuwana ari kuchipatara Lulue naiyevo paakavaona akabva atova munhu anorwarira kufa. Lulue akazoratidza Brenda video ya mai Tee vachiuraya Shorai. Kuti asazokura ane pfungwa dzekuti akauraya munhu two weeks later Lulue akabuda muchipatara pamwe chete na Munashe chero hake achiri kufamba ne wheelchair asi ma doctor avimbisa kuti soon anenge ava right. Mai Tee vakapihwa mutongo we life in jail nekuuraya munhu nemavune. nhasi vaenda kunoona Mhukahuru. Mhukahuru pavavaona vafara zvakanyanya kuona vana vavo pamwe chete na Lulue. "Ndokumbira mundiregerere vanangu kut mweya wangu uwane runyararo chero ndichipfuura panyika ino ndizorore murugare. Mumazuva adarika ndanga ndichirwara ndipo pandazoenda kuchipatara ndikanzi ndine cancer saka mazuva angu panyika ava mashoma" Mhukahuru vakadaro vachichema months later Mazuva akafamba Munashe na Tinashe vanga vava kuita form 6 brenda ne munin'ina wake vari ku university. Mhukahuru vakabudiswa kujeri kuti vanofira kumba kwavo sezvo vane cancer hapana asingazivi kuti cancer inouraya Mhukahuru pavakabuda kujeri Lulue akamukumbira kuti ambogara kumba kwa Mai Tee achauya kumba kwake achishanya kusvika vana vamujaira. Nhasi ari kumba kwake auya kuzoshanya "Ndinofara vanangu kuva nemwi chishuviro changu dai ndakuonai chero husiku sezvo anytime bhera rinorira" Mhukahuru vakadaro "Baba madii kudzokera zve kuchipatara pane vangawana solution?" Tinashe akadaro "Ndinotenda mwanangu nekundifungira zvino ini handina kana cent mari ndakasiya yose kwamuri nekuti ndaiti pamwe ndichafira kujeri" "Mhamha Lulue vanokupai baba" "Hee asi ndakagurwa rurimi handichakwanisi kuzvitaurira?" Lulue akadaro "I trust you mhamha regai ndinoona Munashe ini" Tinashe akadaro achisimuka achienda mu room ma Munashe akasvika achipinda asina kugogodza. Munashe akavhunduka achiisa foni pasi pe pillow "Uri kuvigei iwe Munashe? Wakuita zvevakomana?" "Nxaa usada kundinzwa iwe Tinashe ndanga ndichi gugula zvinhu zvechikoro" "Baba vauya huya uvamhorose" Tinashe akadaro achibuda achidzokera kuna baba vake. Munashe akadzosera foni munzeve "Rudo ndasara padiki kubatwa toonana mangwana" "Ohk chomie dress to kill " Rudo shamwari ya Munashe akadaro vachionekana achibva aenda kuvabereki vake. "Iwe wanga uchiitei mu room mako?" Lulue akabvunza "Anga ari busy nefoni mhamha" Tinashe akadaro "Munashe usada hako kundinzwa. Kungonzwa chete kuti wava nemukomana ndopauchaona kuipa kwako uri kundinzwa?" Lulue "Ndanga ndichigugula zvinhu zvechikoro ini mhamha chero Tinashe ndamuudza wani" Munashe akadaro "Munashe teerera mhamha vako vakasangana nezvinhu zvakawanda mukukura kwavo" Mhukahuru vakadaro apa vachikura kwacho ndaiva ndisipo ndakufira nhamo dzevamwe. Haiwavo ndorega kufara nekuti mhamha vakasangana na jonh na peter Munashe aitaura mumoyo make -------------- makuseni Lulue na Mhukahuru vakamuka vachienda kwa doctor. Vaifamba havo vachitaura nyaya "Lulue ndinotenda zvakanyanya nekundichengetera vana kubva vane gore rimwe kusvika pavava manje. Sezvo ndasarirwa nemazuva mashoma ndiri panyika ndokumbiravo kuzogara nemwi ndifire pamusha pevana vangu" "Mhukahuru usanditenda ini Nomusa akandibatsira kudarika zvandakaita pavana. Kumba huya hako usakumbira nekuti vana Munashe vanoratidza kuti vakukugamuchira" "Ndinotenda zvakanyanya Lulue" "Mhukahuru usanditenda ndichakudzosera mari yako yose ini ndichatora imba iya yawakandipa then ndoitengesa ndonovakira kure nenzvimbo ino" "Haa Lulue handina kumboti undidzorere mari ini. Infact nei wakuda kubva panzvimbo ino" "Uri mubereki wavo Albert hanti wadzoka neniwo ndakufanirwa kunotanga my new life" "Hayi Lulue ini ndiri munzira yekufa anytime pito inorira" "Vakura vana ava Albert vakukwanisa kuziva chinhu chakanaka nechakashata. Ndipe black mumakumbo ndimbotonhodza huro" "Haa Lulue ini handidi kuti uende please ndokumbira usandisiya i love y---" "Hey hey brika wakuenda kupi chikara chesango" "I love you Lulue ndinotoda kuti ugare nesu as a family uite mai vevana vedu ini ndiite baba vevana" "Ndisiye zvangu ini Mhukahuru wozondisiisa black yangu. Ndichiri kuda zvepanyika ini black yangu ndoisiya nani" "Ndakaita mistake Lulue ini handisi mhondi" Mhukahuru vakadaro misodzi yajenga kumeso kwavo "Sorry nekukudzosera kumashure Albert. Ndokumbira tisiye nyaya iyoyo nekuti ini handifungi kuti zvichabuda mupfungwa zvangu zvinhu zvawakaita" Lulue akadaro achimisa mota kwa doctor vachipinda mukati. 🤔vakatanga ku tester Mhukahuru. Munashe Munashe akabuda kumba semunhu ari kuenda kuchikoro izvo iye ne shamwari yake vari kuenda ku part "Uhhm kuri kufaya wena" Munashe akadaro achinyemwerera "Haa kana uneni zvinhu zvose bhoo" Rudo akadaro "Waiwana kupi Rudo mari yekupinda munzvimbo dzakadai hona nzvimbo yacho inoratidza ndeye mbinga" "Semunhu akangwara. Gara pasi chete iwe ndinotenga zvimwiwa" Rudo akadaro achienda pa counter paiva nemukomana aiva ati kure. Akasvika achiswedera paari achitaurira pasi "Hanti wamuona? Ndeuyo wandiri kufamba naye? Unomuona kuti akanaka sei?" Rudo akadaro "Uhh ndamuona ari hot semhiripiri. Ndomutora uyo ari bhoo" "Saka uchaphadhara marii?" "Name your price young girl" "USD40K" "No chero hako wadhura asi ndichakupa" "Kana wabhadhara unomutora. Haudi here kuzogara nesu mutangire ipapo?" Rudo akadaro achitora doro rake achidzokera kuna Munashe "Ko wauya nedoro rega wani? Handimwi doro ini" "Haridhaki iri Nashe uchangomwa zvishoma" "Haa mhamha vangandiuraya yowee" "Vachikuuraya kupi ivo vachirarama ne black label. Vakangoda kuti wee wee unoti like mother like daughter" "Iwe unoda ndife nechamboko"" imwa maan Nashe haungadhakwi ne Bernin. Mai vako vanomwirei kana doro rakashata? Vanenge vachivhara iwe chete kuti usanzwa kunaka kwariri kuita" "You know what Rudo doro ngarirohwe zva mhamha tichazviona panguva yacho" "Yess morgil doro after part" Rudo 🙄vachitanga kumwa zvichakadaro murume anga achitaura na Rudo akaswedera pavari "Hey girls" "Hello tingakubatsira nei?" Rudo akadaro. Munashe haana kumbodaira "Ndaona tsvarakadenga dzevasikana dzakagara dzega ndikati hazviiti rega ndinonzwa problem iri papi. So ma girls munomwei?" Murume uyu akabvunza achiburitsa wallet yaiva yakazara mari "Hezvo nhai imwi baba zvamunoenzana na baba vangu wani. Madii kuenda ku size dzenyu" "Haa dont mind her ane stress Uyu ini ndonwa brutal iye anorova Bernin" Rudo akadaro achitora mari "Rudo usada kun--" Rudo akaita seasingamunzwi achibva anotenga brutal chete "Dont worry chomi try this one ndopaunoona kuti ini ndiri chimhamha Lulue & Mhukahuru Its been hours now Lulue na Mhukahuru vakamirira ma results vakutobva nekunodya. Doctor atozoita zvekuvadana ne foni. Vakapinda vakagara pasi "Ma result abuda asi aya andinawo anoti you were wrongfully diagnosed abou--" "Huhh!!" Mhukahuru vakadaro vachizvibata muromo "Whoo whoo guys mati diana aita sei? Doctor tsanangura neshona. Uri kuenda kupi nechirungu uchitaura nezvi gobvu kunge musoro wa mai va Mhukahuru" Lulue akadaro "Sir havana cancer i think vaka swiper ma test nekuti pano ma results anoti sir vane h-- eish sisi ndokumbira kutaura na Mhukahuru ega" "Unonya chete nekuti hakuna kwandoenda" Lulue akadaro achimwa black yake "Its fine doctor taura" "No sir its about your secret life" "Nxaa ndatozviona kare ini. Unoda kumuudza kuti ane edzi haiwavo mupe mapiritsi ake tiende isu" Lulue akadaro what? Lulue anozondibvuma here zvandava nechirwere Mhukahuru vaitaura nechomumoyo vachitarisa pasi "Ichokwadi Mhukahuru une chirwere che shuramatongo" Mhukahuru havana kupindura vakasimuka vachida kubuda Lulue akavabata ruoko "Unofunga kuti uri kuenda kupi zigotsi kunge mhanza yema postori. Unoda kunofira ani gara pasi upihwe magwadya ako" Lulue akadaro "Zvinondibatsirei Lulue ini ndatofa already. Ndiani angazondida nechirwere ichi?" Mhukahuru vakadaro nezwi raipisa tsitsi "No sir gara pasi titaure" doctor akadaro "Zvagara uchafa kana uchifa. Unondiona ini ndiri chivhindikiti asi mapiritsi ndinoarova out and ini. Munhu achakuda achakuda wakadaro. Albert ini ndakadiwa na mambo chero pandakamuudza kuti raped was happened to me. Akandida chero pandakamuudza kuti hiv have coming to me. Usada kutinzwa iwe Albert gara pasi utitorere magwadya unokanga kumba" Lulue akadaro Mhukahuru vakavhunduka vakatarisa Lulue end of chapter