"Zvauno buda usina kundipa makeys epa room yandataura wani, unoti inotsvairwa nani? kana usingade kusiya makey acho nhai babie....?" Akadaro Patrick. "Ndichadzoka ndichiitsvaira ndenga ini, musazvinetsa henyu daddy! mazvinzwa..." Aiva Mary aitaura achipindura Patrick. "Aaah! kana iwe vataura kudaro zvakanaka ufambe zvakanaka..." Ndaitobvunza musikana vangu nezve room yandaingoona yakalockwa ndaisa bvumidzwa kupindamo iye ndiye aipindamo nemashamwari ake achikadzi hapana kana zuva rimwe zvaro pandakambo muona anemunhu rume zvaito ndinetsa ini... ___________ PATRICK ndine makore 26 ekuberekwa uye musikana wangu ane 29 hatina kunyanyo siyana zvakanyanya hedu,munhu vacho akanga ane mari dzake asi ndandisinga nyatsoziva zvaiva zviri zvega here?kana kuti zvineropa mukati... Baba naAmai vangu vapenyu zvavo vari kwaMutoko.... Musikana uyu ndaigaro muchiva pandai muona pese apa ane kabody kano ratidza kunge mwana mudiki, zvekuti unogona kungodyira uchiti vaona kababie iwe usingazive kuti munhu adya makore. Ndizvo zvandakaita kuzopedzisira ndapinda murudo naye... Zvese aindiitira, asi chimwe chinhu chaakanga asingade kundiona ndichisvika pabasa pake paaishandira kana kuziva basa raiita akanga asingatode zvachose.... Ndaitadza kuziva kuti munhu uyu, nguva yose iyi akanga achishaya varume here. APA imba yacho ukaitarisa ungati munogara vanhu vakawanda, asi muno gara ini na iye. Handisati ndaona kana hama yake imwe zvayo ini... Ndaigaro netsekana ini apa aikuudza zvekusauya neshamwari pamba pake uye, kana ndichida kubuda ainditi unotanga vandifonera first then ondipa go ahead iye.... Ndikamubvunza kuti, "kuno ndekupi?" aiti "tiri kuchitungwiza" anenge atopedza mwana wemunhu... Kuseka kwacho aiseka apo neapo munhu vacho, andiremera ini kana rwuri rudo rwandakada. Zvirinani ndisiye zvangu zvekusa buda gadhi kudaro... One day ndakafunga kuda kumbo famba famba zvangu ndikatora makey ndichifunga kuti ndichavana epagadhi, asi handina kumawana kutsvaka pose pandai fungira asi handina kumaona ini makey acho... Ndakambo funga kutsvaka chekuvhurisa paroom yakanga isinga vhurwe ndakazoerekana ndasiyana nazvo... Munhu vacho ungati anoita nezvemushonga ndanda zvishaya ini kuti chaiva chiii.... Akazodzoka kuma past9pm ndikaona mota dzakasiyana-siyana dzichipinda mugedhi dziripo4,ndikaona muchiburuka vanhukadzi chete-chete. Ndakaramba ndakagara zvangu muimba yekutandarira vakapinda vakadzi ava tikamhoresana. Ndakazonzwa vakuita kazeve-zeve kandisina kunzwisisa, ndikaona mukadzi akanga aiva wechidiki pane wese akaenda kunotora zvakatora akauya akaisa muwaterglass akasvika pandaive aka ndipa ndikatanga kunwa. Asi yaita kunge jully yered ndakarinwa ndikatanga kunzwa zvimasound zviri funny kusvikira ndisisaziva zvinhu. _________ MARY "Yeah! apa ndipo pavakazoona chaiko Mary, usatombomurega achibuda gedhi kana kumusiira makey epasecret room tingaparara tose tikaenda kuMozambique tikasvika zvakachinja usatombo mutendera zvako...." "Asikana! ndoona baba vake vanenge vanoona zvose zvinenge zvichiitwa mwana vavo, hongu! handisati ndavaona. Asi zvando rota vanenge vachingonditi tanga yaunopedza iwe sakandodii.....?" Aiva Mary. "Zvidiki diki izvo, usatya zvako patikuenda next week zvinono gadziriswa usatya hanti"... Ndakabvumirana negirls rangu, tika pedzerana zvedu. Chakanga chasara pana Patrick uyu, vamwe ndovainditi anofanirwa kuurayiwa kana kuti vosarudza kusara uri umwe chete kudzinza kwenyu ..... Ndakaona zvakakodzera kusara ndega pane kuurairwa munhu vandinoda hazviiti izvi.. Takarongana kumugadzira Patrick, zvekuti pose paanosangana nemunhukadzi kana akada kumunyenga anotanga kutukwa kana kuti mushinhi hautoshande zvachose unongo shanda kwandiri chete .. Takapedza zvose zvataida munhu kuita akavhunduka kubva pane zvaiva zvaitika tikati nechemumoyo, "hausati vatanga iwe. Vatii-vatii zvako" PATRICK Ndakamuka ndichiratidza kushamisika asi hapana akandipindura pavanhu vose vakangavaripo... Nezvaiva zvaitika izvi. Vanhu vakaenda kunorara ini ndikarara kuroom kwangu ndega ivo vakaenda kuno rara vose.... Ndaingonzwa kuda Mary zvakanyanya handiziwe kuti chiii? hameno kuti ... Ndokudyiswa here kana ndatova nedemoni chairo. Pakati pehusiku ndakatanga kungonzwa muroom umu kutanga kurema nekunzwa zvinhu zvakango siyana-siyana, ndakatanga kupondwa nekutya. Ko, chava chiizve chakuitika pano ndakamuka.kuno batidza light ndichingoti ndidzokere pabed ndakaona pane rino zinyoka. Ndaiti zvimwe ndikukanganisa kuona ndakapukuta maziso angu ndakaona kuti, ndakanga ndisina kukanganisa kuona ndakaona rino zinyoka riripamusoro pemagumbeze angu. ndakaridza mhere yakavharira imba yose nekufenda... Zvakazosara zvichiitika handiziwe kuti nyoka yacho yakanga yabva kupi, handitoziwe ini... Ndakazomuka ndichibva mukufenda ndakaona vakadzi ava vachitoseka ndakashaya kuziva nechavai seka ini. "Ko,muno seka musingaziwe kuti ndandafa here? nhai imi!" Ndakaita kunzwa mazihasha ndikasimuka kuda kuno varova asi ndakazongoona chadzimira ndikadzoka kuno gara pasi.. Asi chaindinetsa vanhu vacho vakanga vasinga tovhunduki zvavo... Haaa! kuda zvinhu kwangu kwazondiparira ini, ndaiti ndikafunga zinyoka randaiva ndaona ndainzwa kuzara mhepo muviri vangu. Vakazobuda vakadzi ava wese naMary vakasiya vasina kukey ndikanyahwaira kuda kunonzwa zvavaitaura muroom mavakanga vari, ndakasvika asi hapana chanda kanzwa kunze kwemasound enyoka chete. Ndakatii "asi vanhu vachinja kuita nyoka here kana kuti?" Ndakati regai ndivhure door ndione chaitora nzvimbo, pandakangoda kuvhura ndakanzwa inzwi raMary neche kumashure kwangu kundidana ndakatendeuka ndakaona zveshuwa zvaari ndiye nhai. Akangondipa sign yekunditi ndidzokere kuroom kwangu ndakaita saizvozvo..... Asi ndaingo netsekana nezvandaiva ndanzwa izvi zvekuti husiku uhu hwato ndiitira hurefu ndandakungoti dai kwachiedza zvako.... Ndakazobatwa nehope kunze kwakuda kunoyedza ndakatanga kuona Mary achiita kunge ari kusanduka kuita senyoka iye nemashamwari ake, vachiuya kwandakanga ndiri ndakatanga kutiza asi hapana kwandakasvika ndakanga ndatobatwa kare zvikanzi. "Ukuda kutiza chiii? hauzi kuziva kuti vato mumaoko edu here?pavaiti wavana bbie wakanga usati vanyatsoongorora here?manje toda kukudzidzisa chikoro chekuti usangoti ukaona munhu wese wese vatomuda nezuva rimwe, hona zvavawa nhasi.." Ndakavhunduka kubva kuhope uye, nekutya zveshuwa pose apa ndakanga ndakavharika manje ndoribuda here Jeri iri ini.. Ndakazonzwa ndakudanwa naMary ndakaramba ndakanyarara kunge ndisina chandanzwa, kusvika apinda muroom mangu apa akapfeka zvake kashort kaigumira makaka tangira akatanga kunditi "ndichadzoka ndiri kuperekedza shamwari dzangu.." Ndakaramba ndakamuyeva ini, uku ndavakunzwa kuti pano zvaipa manje ndakatoona kunge iye akanga atozviona akaswedera kwandanga ndiri ndakangoramba ndakasticker ini kusvika tatanga kupanana makiss zvekuti ndaita kunge hameno chimwe chinhu chiri kundinanzva, ndakaerekana ndamupushira kure kwakadaro iye akatozviona akango buda muroom mangu achisiya arovera door... Ndakatangakufunga zvino, chingava chiii? Ndomakiss acho ekuita kunge haaaa kana huri irwo rudo rwandakada ngarwugare zvaro.... Ndakazomuka ndikaita basa semunhu aichengetwa ndapedza ndikadzokera mumagumbeze ndikatanga kunzwa kunge mune nyoka asi hapana chandakaona ini ndakavhanda buda muroom ndikatiregai ndiende kuroom kwandakanzwa masound enyoka, ndakawana pakalocker. Saka zvikureva kuti maroom ose akavharwa ane zvinangwa..? Ndakabuda ndichienda kuno gara panze chaipo kuside rekugedhi ndaida kumbofurwa nemhepo sezvo mumba macho maito ndiremera handiziwe kuti kusajaira here kana pane zvaitoitika hazvo... Ndatovarairwa zvangu nekamwe karuva ndikasvika pakuenda pakaiva ndikatanga kukatarisa ndichitendera ndopandakaona gedhi kuvhurwa shasha ichipinda yakangosvika nekumisa mota nekuburuka yakaita kushatirwa ichiuya kwandiri, akangosvika nekundi.... End of chapter 1 Be blessed🙏