CHAPTER 23 FUNGAI "Iwe Petty chiii chauri kuti itira ipapo kasika zvako kumuka apo....?" "Aaah hauzi kundinzwa here iwe? uye ukunakirwa nei pasina munhu apa...?" Ndakaita kunonzi kupera Simba panguva yandakapinda muroom mairara Petty, uye kushamisika ndichiona achitoratidza zvake Kuti atori mugear rerudo nemunhu wandakanga ndisingaone. Uumku achiita kuchemerera ndikaziva kuti ma1 Aya atanga manje. Zvichibvira nekubvuma kwatakaita Kudzi uyu nekuda kwekuti taiti zvimwe zvaanozivana naPatrick tikabatana tinomuwisa nekukasika. Ndichiona Petty. Ndakangomukira kubuda muroom make ndokudzokera kuimba yekutandarira ndakasvikotora mvura yakanga iri muchi2liter mufridge ndikaenda nayo kubed room kwandanga ndaona Hama yangu... Ndakasvikoona yavanzvimbo chete ndakatadza kuziva Kuti vanhu vanga vabuda nguvai,uye vari kupi? ndakatarisa tarisa pose pandaifungira asi hapana chandakawana. Ndakanga ndavakushaya zvekuita apa ndakagara pabed ndopandakanzwa inzwi raitaura seraQueen richiti... "Uku ona zvaurikuita ukuti? zvinondifadza here kukanganisa kwavaita uku... Ndatoti regai ndikure rutsirei sezvo makatadza kuita mamission angu... Ndosaka ndati murare nenyoka dzangu asi munenge musingadzione." Ndakashaya zvekuita kutadza kunzwisisa chaiko... Ndakapererwa ndikasvika pakuti saka mission iri kutaurwa yatisina kupedza ndeipi Ini ndakaisira Patrick mushonga muchikafu saka zvoreva Kuti haana kufa NHAI...? Ndiri mukushushi kana ndakaona Petty achipinda padoor akaita kupusa kuface kwake, pandakada kusimuka ndakaona kumashure kwake kuine...... BABA PATRICK Ndakagara ndazviona ini... Mafiro akaita Mwana wamainini wangu haazi ega, hezvo ndakasangana nemunhu kumakuva pasina mazuva abv akuchengetedzwa... Ndakamubvunza kwakutaura zvake nhema anofungidzira Kuti ndakapusa Kusvika pakutadza kuziva zvaitika here..... Ndakazoenderera mberi nerwendo rwangu sezvo ndaida Kuti munhu akamuuraya aonemoto uye asavana zororo kusvika adudza ega pachena.... Ndakasviko udzwa zvakawanda uye kunzii Mwana wenyu akasangwarira anogona kungo kusiyai sezvo vanhu vacho vari kumurongera hondo chaiyo.. Ndakatanga kufunga zvekuita ndikati, "hazvinetse ndofanirwa ku......" PATRICK Ndakaita kupererwa nechikafu chandakanga ndaunzirwa zvekuti ndakanzwa hasha dzisingaiti... Nekuda kwemurume uyu akandidzora,Mary angadai akuimwe nyika... Mashoko emurume uyu akandityisa zvisingaiti handaiziva Kuti angataura kudai munhu uyu.... Nguva dzekupedza basa dzakakwana ndikafamba netsoka ndichienda Kumba,Ndiri munzira ndakaona munhu akafanana naPanashe... Izvi zvakandishamisa uye nditi ari kutsvakei Kuno Ndakazongoti kufanana kwevanhu ndakaenderera mberi nerwendo rwangu kusvika ndasvika Kumba. Ndopandakaona Shasha yakatogara zvayo padoor handina kumutaudza sezvo ndaida kuona mamovement Ake... Ndakapinda Mumba iye ndokuteverawo, akasvika nekundibvunza chaitora nzvimbo asi ndakazoona zvakakodzera kumubvunza akanditi hapana munhu wandambo tuma... Ndakapererwa nazvo asi hazvaindityisa sezvo ndaiziva mabasa evavengi wangu zvangu... Patakanga tavakuronga zvekuenda kunoona Kuti akaita izvozvon diani ndopakavha paita knock padoor... Munoziva ndakanga ndaita kupererwa kushaya zvekuita ndozvandanga ndaita... Ndakaona ari Panashe zvichireva anga achinditevera kumashure kwangu achiona mamovement angu ose kusvika kwandaita pano... Ndakabuda ndikatanga kutarisa kuona sezvo ndakanga ndisinga mutrust uye anogona kunge atumwa namhamha wake. "Haaaa mukoma makutorwara chete...Muno tarisa chii, asi hamuzi kundionerwa mushe here.. Kuuya kwandaita ndafambira Kuti ndikuudzei nezvekuiswa mushonga muchikafu,imi mavakuti mukadzi wenyu ndiye aisa? handizvo mhandu dzenyu ndidzo dziri kukurondai ngwarirai pakufamba kwenyu mukoma..." Ndakapererwa nemashoko Aya kutadza kunzwisisa zvaida kuzama kureva Panashe,uye Angaazviona kupi? "Asi wanga uchinditevera kani nhai iwe?" "Mukoma Ini zvandikukuudzai ndizvozvo uye handina kukuteverai asi ndikuzviona zvichitoitika. Chimwe chinhu chamunofanirwa kungwarira pamuri kushanda hapasi safe zvachose munhu iyeyo ndaona akukuita zvimwe zvinozokonzeresa kuromba kwako saka uri mumwe namata..." "Ukapikisa mashoko angu hameno hako kana ukasaterera ndezvako Ini ndakuudza..." Haaaa ndakatadza kuziva Kuti Panashe ndiye ari kutaura here kana pane munhu ari paari...? Panguva yacho ndakanzwa kupinda kwemassage mufoni mangu, ndakati regai ndione kuti angava ani chaizvo. Ndakaona makanyorwa mashura chaivo! ndikaziva kuti zvanga zvichitaurwa ndezvechokwadi... Ndakatanga kuiverenga ndikaona zvaari ...... FUNGAI "Aaah! Petty munhu ari kumashure kwako uku muona here..?" Petty akanga atori murima zvake pamusoro pazvo achitorwadziwa nekushandwa kwanga aitwa nechinhu chasingaziwe. Kuda zvakapfawa kuno parira chokwadi!munhu kusvika pakutadza kuziva zvaari. Apa Fungai akazama-azama asi Petty aingoti hapana chandiri kuona ini... Munoziva ndakaita kupererwa kuona vari Queen zvavo vachiita masign ekuti ukangoita any mistake uri kuvhaya... Ndichinzwa izvi ndakaita kunge ndichazviitira chaiko.... Ndakazongonzwa kudzirwa ndikaziva kuti zvatanga manje apa weti yanga yatozara pasi.... Paka dispear Queen ndakasara ndichiita kushaya zvekuita kusvika pakurangarira zvekusapedza zvatanga takaudzwa.. Ndaiti zvimwe zvava muvhu hazvisisina basa, asi zvakaramba kusvika pakuuya kwaQueen.. Takaita kuswera tisina mufaro plus hapana munhu aitaura nemumwe. Nguva yekurara takashungurudzika zvekuti vainzwa knock padoor ukano tarisa unoona pasina chinhu...Uchingovhara usativati step,unonzwa knock zvakare.. Haaaa ndakavhura zvine hasha ndichida kurova munhu ari kuknocker, asi ndakatangirwa nemunhu wacho... Akandirova mbama ndikatadza kuziva zvirikuitika zvekuti ndakango simuka ndichimhanya kuno pinda mumablanket... Apa Petty Anga atopinda mubath room kuno geza zvake, zvekuti ndakanga ndarohwa ndandato zvikanganwa... Ndakatanga kudzirwa, uye kunzwa kufambwa nechinhu chandanga ndisingaone. Panguva iyi ndakafugura musoro ndokutarisa ndakapererwa kuona iri ino nyoka isingaoneke musoro vayo,pandakada kutiza ndakangonzwa ndanzi.... MAI PANASHE "Ndakarwadziva nesms yakanga yaenda kumunhu asiri iye... Zvino akafona ndodaira ndichitii chaizvo ... Ndakasvika pakuswera ndakadzima foni yangu uku maDoctor aingoti, "mweya uri kubuda panhengo yenyu isu tautadza, uye tashandisa mishonga yatino fungira kuti ingapedza dambudziko iri asi yose yashaya basa saka hameno kwamuri kuti mukuda zvipi..." Ndakanzwa kurwadziva zvese nekupererwa kushaya zvekupindura chaizvo... Pakazouya mumwe Doctor akandibvunza mafambiro azvakaita ndikamutsanagurira zvose zvakaitika.... Ndepapi pauchazotaura kuti vakarara nechipoko zvee,zvinotomakisa kuzvitaura kumunhu. Ndakatanga kufunga kuti kubva zvakafa murume wangu hapana chinhu kwacho chandakaita kusvika nhasi uno,pamusaka wezviwi zvangu izvi...Uku Panashe handitoziwe kwaenda zvake.. Ndakazoita on foni kuma past6pm asi zvandaitarisira handina kuzviona ini.... Ndakatanga kuzvidya Moyo, "so munhu uyu haana kuona sms yangu nhai....?" Ndakasvika pakubatirwa nehope ndikarara apa hope dzaita kuna kidza zvisingaiti.... Dambudziko rakazouya pakurara apa... Ndaita kurota ndichiita mutambo wevanhu vakuru tichifara zvedu, achinditi "ndozvavaida kaaa izvi?" ipapo ndaivhanda sekerera apa ndisingaone face yemunhu vacho zvaindinetsa... Ndakazoita kuvhunduka pandakamutswa, ndopanda karangarira kuti ndandichirota.. Pandakanodai kutarisa kusikavanhu kwangu, ndakaona mvura yega yega nezvimwe kuratidza ndarara ndichishandwa nemunhu vandisingaone .... Apa muviri vangu vakanga vakangorukutika kunge munhu ari kurwara zvake... Ndakazonzi endai zvenyu Kumba asi kana zvazoramba zvichidaro munodzoka...Ipapo ndaingofara zvangu. Ko, ndaiziwei kuti zviri mberi zvakamira sei? ndaitoronga horror dzangu... Ndakasvika Kumba ndikaona Panashe hatoripo zvake zvakandinetsa izvii.. "Saka kamwana aka hakadi kunditerera? manje ndichamuendesa kwakaenda baba vake hangu..." Panguva iyoyo ndakatadza kunzwisisa zvaitika apa.... Kunge mune munhu arimo Mumba umu, ndakatanga kuita kunge munhu avakuda kupenga chaiko. Panguva yacho ndakazongoona padoor pane coffin, haaaa ndakazviitira weti nguva iyoyo kuno bata kumashure kwangu kudai vanike zvandato zvi......... MARY Moyo wangu vakazonyatso gadzikana pakauya Panashe achitaura nezvekuiswa mushonga uye akanditi "imi mukasano kumbira ruregerero kuhama dzababa wenyu or kwamai wenyu Kuti vafi wavane kuzorora sezvo mweya vavo uri kutenderera nekuda kwenyu.... Zvichazo kupinzwai mumatambudziko zvakare, uye ndosaka munyama isiri kupera pamuri kushanda...." Ipapo ndakangovhura maziso ndiPanashe here angakwanise kutaura mashoko akadai aya..? Takango tarisana naPatrick zviya zvekupererwa chaiko kusvika iye aoneka husiku ihwohwo hanzii "pane basa randoda kuita nekukasika zvisati zvaoma..." Haaaa! Ini ndaiona Kuti munhu ari kutaura pana Panashe hasiriye uyu nematauriro aita nezvaakutaura izvi zvakatosiyana kure chaiko... "Ini pane zvataurwa zvose izvi ndopokana nepekuti ndirengedze basa apo, unopaonawo sei ipapo...?" Anodaro Patrick achibvunza mukadzi wake Mary. Uyo ainonoka kubata pamuviri nekuda kwezvivi zvake... Apa murume ndopaiti anoda Mwana asi kuna Mary rakanga ritori dambudziko chairo. Zvisinei Patrick akaudzwa nezvekumbo terera zvataurwa naPanashe.... Munhu wacho akanga asingabvumi zvekungo daro zvake,akazotobvuma pavapaya asi anenharo dzisingaiti zvake.. Hanzii."Ko, basa ndozodi"hanti basa unotsvaka rimwe.. Zvisinei akazobvuma kuregedza Basa asi aiti,"ndoda kuno munyepera,uye nekuona zvipuka zvandaichengeteswa apa zvazvakaita..." Mangwanani mangwanani akamukira kuenda kubasa semazuva ose muridzi ndokubuda achiwaya-waya.... Munongoziva kana zvinhu zvichida kuitika pane kamwe kafeeling kaunonzwa so. Ndozvakaita pana Patrick... Akaendesa chikafu ndokuchisiyamo akabuda ndokusvikomira padoor akarivhara... Akazovhura door Riya ndokusanganidzana maziso nechino chiii...... End of chapter 23. Be blessed 🙏 Plz handipe munhu book kubox pinda mugroup kana uchida kubva parakatangira kusvika kwarinoperera.