Chapter 27 Petty Ndakaita kunzwa kupindwa nechando ndichiiona munhu anenge baba Panashe achitevera mumashure maMary. Ipapo ndakaita kupererwa kusvika pakugara pasi ndakatanga kukumbira ruregerero kwavari pamberi paiva pakazara vabhu.. Munongoziva zvinoita vanhu kuti vanoda zvinhu zvisingaiti vakangavazara vakuda kunzwa zvakawanda ipapo ndakatorwa ndokuiswa mumota naMary uye nemurume uya wekunge baba Panashe tikaenda naye kwandaisaziva... Takasvika pachimwe chisango akaparker Mota ndokutanga kubvunza zvake,ndikamuudza zvose... "Saka zvavakaona Kuti ndozviripo vakadii kundiudza kana uchiti vakanga uchimanikidzwa...?" "Ukuona Kuti uri kureva nhema?nokuti kudai vaindida.Why usina kudzoka uri wega kuzondiudza zviripo semunhu akagwarisa?" Haaa mibvunzo yacho yanga yakatooma zvayo hameno kana ndaipabuda APA sezvo airamba akaomesa musoro uye achiratidza kuti atori serious... Ndakanga ndabatwa kunyepa kwandaita hameno kumberi kwatikuenda Kuti kwaibuda chisvinu here.. Mary akasvika pane rimwe ziimba akangoudza murume uya Kuti ngatiburuke... Ipapo pfungwa dzangu dzakafunga kubvunza Kuti."Ko,zvavati unaFungai arikupi vandisiri kuona..?" Munoziva kutanga kungo bvunza munhu kunonetsa zvakangofanana nemukomana kana achida kunyenga musikana anoshaya matangiro Acho pedziriro yacho azozvishingisa kutaura zviri mumoyo make... Zvimwe chete neni ndirikutya kubvunza Mary kuti Fungai ari kupi sezvo ndakamboti ndiri kushandiswa naye... Ndakapinzwa mukati Ini ndakasungwa nemacable tire apa ndakatadza kuziva mhosva yandanga ndapara... Akapedza Mwana wemunhu ndokuti"yeah now vakuziva mhosva yako uye vamwe vako vari pano apa saka ndoda utaure mafambiro amaita uye maizvitirei zvose izvozvo...?" Hana yangu yakarovera nechekumashure chaiko..."Saka munhu uyu ari kuda kuzama kuita sei...?" Ndisati ndapedza ndakanzwa mbama kurira haaa ndakanga ndakunzwa Kuti pano ndikasataura ndofa chete... Ndakamuudza zvose zvataita uye kumutsvaka tichida kumuuraya. Ndichipedza ndakaendeswa kwakuna Fungai Uyo akanga asingatarisike face nekuzvimba APA ndopaunoona mumwe munhu achitoseka zvake sababa vatakangatinawo Ava... Hama dzangu kuromba kuno parira shuwa... Takanga tavakuona Moto zvoti zvinhu zvanga zvakunetsa uku Mary ari kutionesawo Moto zvekutadza kurara chaiko... Murume vatakanga tinaye,uuuummm airara achingochema husiku hwese...Taizorora kana kwachena kana ava manheru zvinhu zvaQueen zvaiti netsa... Kuchichena takaita zvekunwiswa tea hameno Kuti munhu Aitya kuti sunungura here or aitya Kuti totiza.. Achipedza takazoona ava kudzoka nemukomana vake, ipapo Fungai akavhunduka pamwe nemurume ataiwa naye zvakaita Kuti Mary ade kuziva zvizere.... Fungai akarohwa kusvika ataura zvose ndakamunzwira tsitsi ini akanga achingoti rukutu, zvoti face haitarisiki uku achingo gomera akasungwa nema cable tire airwadza aya... Ndakatanga kuchema zvainzwisa tsitsi uye kuchema kwacho hapana zvakwaibatsira nekuti Mary akanga atobuda zvake akaenda.... MARY "Iwe Patrick ukuziva Kuti zvinhu izvi ndikuitira iwewe,asi hauzi kuzviona..." Ndaiudza Patrick airatidza kubatikana zvake pandakasvika ari panze... Shuwa ungatoda kumiririra mhondi zvadzo dzaida kuti uraya here.. Ipapo Panashe akangoti "Ini handipindiri pane zvose zvikuitwa naMary uye arikuziva zvaari kuita..." Takazotaurirana kunotsvaka munhu akatumwa nechikafu chine mushonga Munhu uyu ndikamubata hapabudi chakanaka. Ipapo takapinda mumota tavakuno mutsvaka takatifambei fambei ndopatakaona pane vanhu vakanga vakazara vachiratidza kubatikana nezvanga zvaitika apa... Takaburuka tichienda kunoona zvaiva APA ndopataka svikoona Mai Panashe vakaita Ku..... Patrick Tsitsi dzandaiwanadzo dzakanyanya zvekuti handidi kuona panoitirwa mumwe munhu hutsinye hangu... Pandakabuda panze ndakatoona Kuti ndikaramba ndiri Mumba umu hazvizoiti zvakanaka uye nekurwadziva kwandaiita... Hameno zvandaito funga ndopandakanzwa kubatwa nemaoko akanga ari soft pandakatarira ndokuona ari Mary hake Uyo akatanga kundibvunza zvakawanda ndikashaya mhinduro yacho... Uye Panashe aitoti zvikuitwa naMary ndochaizvo Ini semunhu anezviri kundinetsa ndakatoramba ndakanyarara uye zvose zvavakaronga kusvika pakubuda ndaingoita kunge chizungairwa zvacho... Takaona paroad pakazara vanhu vamwe vaingotaura zvavanoda vamwe vachiti ndomubairo wezviwi uyu... Patakasvika padhuze ndakashamisika kuona Mai Panashe vakazvambarara Pasi zvavo uku coffin riri nechepaside.... Ipapo ndakafunga Kuti vafazve Ko, coffin nderei iri? Pandakazoona munhu achiratidza kuva mupenyu uye anenge akuvara chete pagumbo zvekutadza kufamba... Apa munhu arikunzi akuvara pasina mahours akawanda ava kutobuda honye kudai... Ndakada kunovabata asi Panashe akandirambidza hanzi "hauziwi kuti Mai iyi muroyi uye ngatange ataura zvakaita..." Ndakapererwa ndikasvika pakufone raMudhara ndichimuziwisa nechitiko ichi, asi ndaita kunge ndikutaura Ndenga sezvo mudhara aitoti ngavazvipedze ikoko uye havasati vatanga zvavo... Saka vanhu Vose havazikuona zvakaita Mainini here munhu kuora ari mupenyu kudai Iwo ndipo wotaura zvakadaro here... Ndakazongosiyana nazvo, Ini ndini ndingadii hangu sezvo ndakawandirwa nezvikundinetsa Ini... Uuuummm ndakaona Kuti mainini wangu paiva nezvavakaita shuwa,pakavhurwa coffin makaonekwa mune munhu pandakasvikawo pedyo ndakaona hezvo. Ko,zvavari baba mudiki wangu wani..? Ndakatanga kubudisa misodzi asi zvanga zvakangooma zvaitoreva kuti Mai Panashe ndovakauraya bamudiki wangu. Vakazonzi vaendeswe kuchipatara,Asi Mary naPanashe wakati kutopedza nguva kuenda kuclinic bcz chitiko Ichi chivanhu chaicho saka kutogona kuenda nawo Kumba then todeedza weukama... Pavakaiswa mumota vanhu vakuti "ko coffin raenda kupi..." Vanhu vakaita kushaya zvekuita ndopavakazoona riri paside namai Panashe... Tichisvika pavaigara takabvunza makey epagate asi havana kudaira uye tichiona gate richivhurwa asi munhu wacho hatina kumuona kusvika paku...... End of chapter 27