CHAPTER 04 Patrick Ndakaona rino zinyoka rakazviunganidza kuseri kwedoor ndikatanga kurohwa nehana apa raita sound yekuti ndaitakunzwa bvudzi rangu,kuti pano hapana kumira mushe. Ndakatanga ndichiti pamwe ndirikurota,asi zvaiitika palive chaipo kwete zvekunzi ndiri kuzvionera mutv. Ayewa iroro rakanga risinga iti, raiita kubudisa rurimi rwayo ichiuya kwandainge ndiri ndakambo funga kuda kupinda mumvura yakanga iri mutabu. Asi nekuda kwekuti yakanga ine ropa maisapindika zvachose.... Nhasi ndoitwa party nezinyoka iri ndikazvirega, hana yangu yaita kurovera padenga chaipo uku zinyoka riri kuuya ndakabuda kubuda panze ndichivhara door ndachimira mupassage ndakagara pasi pamatiles... "Sakaa riri mumvura iri rabva kupi?" Izvi ndizvo zvainyanyo ndinetsa zveropa riri mumvura ndakatambura... Nyoka dzavakuda kuzondijairira manje... Ndakadzoka mubath room zvekugeza ndandatoti zvirinani ndiregekugeza ndakatora towel ndokuenda kunotora cup yemvura ndikanyorowesa towel rangu ndokuzvipukuta pukuta kuitira mweya weweti yandanga ndazviitira ‍ kake chitwo ndichizvitira nekuda kwenyoka.. Ndakazora mafuta zvakanaka kunge ndageza ndokudzokera kudining, ndichisvika ndakatangakunzwa nzara apa chikafu chachirimo chaisandiitira zvachose ndakagaya yangu plan yataimboita tichiri vafana paruzevha ndakabika kasadza kangu bhobho ndikati ndoridya neimanje? ndakatora pani ndokuisa mafuta aboira ndakaisa Onion yangu, ndikaisa salt zvangu zvakanga zvabhadhara ndakaridya sadza kusvika ndanzwa kuti pano ndavabhoo... Ndakasuka mapoto ndikamarongedza sezvaari ndikachimirira shasha kuuya kwadzo manje... Ndakabuda ndikanogara pagate chaipo ndichitarisa pamba apa, ndipo pandakazonzwa gate kuvhurwa ndikaona vana vevanhu vachipinda nemota dzavo3. Mary haana kundiona kuti ndiri kugate asi vamwe vacho vakandiona... Vakasiyagate rakashama uku vachitopinda mumba ndipo pandakanzwa mumwemuskana ava kuti Mary vhara gate, akatinya remote rikatanga kufamba ndakanyatso mirira. Parakanga rakuno pedza ndakango simuka ndini uyo panze ndikaona ravhara ndakamhanya ndichienda kwandakanga ndisingaziwe kuita chadzimira chaicho... Hameno kuti vakada kunditsvaka vano ndiona kupi....? Ndaita kufambisa zvekuti vanhu vandaisangana nawo vaitoti zvimwe mupengo uyu, apa ndakanga ndisina bhutsu handina kuzvitsvaka izvozvo ndaifamba nemakahwanda ndisingade kuona mota... Haaaa ndakanga ndazobudirira rwendo rwuno ndandashungurudzika apa nzvimbo yacho ndakanga ndisingatoiziwe zvachose... Ndakazvobudira kwakanga kune makuva handiziwe kuti kunonzi kuchiii asi ndaizivakuti kuChitungwiza.... Ndakabvunza vamwe mai vakanditi kuno kunonzi kuL mukwasha vakada kundibvunza kwandabva,asi nekuda kwekungoti vangu mose makafanana ndakaramba kutaura ini ndopandakatanga kuzororera ipapo.... Ndavakunyatso gaya kuti ndini here ndatiza uyu? Ko, akanditsvaka akandiwana kutourayiwaka uku... Hameno tinenge tichingoona zvinenge zviripo zvacho. Ndaiita kuseka ndega ndichizvitarisa mutsoka ndikaona ndakanga ndisina kupfeka bhutsu ndakatanga kurangarira pandakanga ndadzisiya ndichiti sezvo pasina kwandiri kuenda saka bhutsu ndodzida dzei...? Ndakatanga kufamba mugumbo musina bhutsu ndakasvika pane vamwe varume vaita zveconstruction ndikawati "ndinotsvakawo basa," mumwe vacho akatanga kunditarisa kubva kutsoka kusvika mumusoro akatanga kuzunguza musoro ndakatoshaya nechaizunguzira musoro... "Muridzi webasa haapo, unodzoka mangwana makuseni anenge auya muridzi webasa..." Ndakatoziva zvangu kuti kunyangwe ndikadzoka mangwana acho basa handairiwana ini.... Dzakanga dzava kuma 6 pm ndakatanga kutsvaka pekurara asi vanhu vane dzimba dzavo vairamba ndakasvika pakutsvaka macard box akawanda ndikaona pakanga pane chimwe chimusika ndakati ndipo pandiri kurara nhasi pano apa... Ndakatanga kugadzira macard box angu zvakanaka-naka ndokurara, apa kwainge kune chando asi semunhu akanga asina yekutamba handina kuzvitsvaka izvozvo... Ndakatanga kudziirwa nemabox andakanga ndakaita magumbeze kutokanganwa kuziva kuti munhu akafuka mabox.. Ndakatanga kunzwa kunge chinhu chaifamba ndakambo shingirira asi zvakaramba zvichienderera mberi ndikati regai ndione chiri kudaro, ndakasimudza musoro ndikasanga ne... __________________ "Nhai! asikana pane amboonawo Patrick here? handizi kumuona ini...."akadaro Mary. "Aaah!pavapinda pagate vanga vakatarisa kupi? usina kuona Patrick..." "Anga arikugate uko ndokwandamuona ari.." Akadaro Pretty. Ndakatanga kurohwa nehan, ndakabuda kuno mutarisa asi kwakanga kusina munhu ndikatarisa kwese kwaimbo tambira ndikaona ziro ziro ndikauya ndikaudza girlz dzikati "pamwe abuda time yanga yakavhurika gate..." "Aaah! ma1 atanga, ngatinomutsvakei totoenda pakasiyana-siyana ndoziva kuti hapana kwaenda kure achiri muno chete..." Ndakadaro. "Mirai ndimbono tarisa paglass." "aaah iwe Mary zvauri kutaura ndezve mumusoro vako wega, uneshuwa kuti munhu vandaona pagate apo asina bhutsu angavha enda kupi kana ndimiwo... Ita zvako or vatomutizisa zvako nekuda kwekuenda naye Mozambique? manje anopinda busy ndiwe isu zvedu zvakarongeka iwe ndiwe uchavacha hako ukasamuona Patrick iyeye..." Ndakaita kupindwa nechando, ndakanga ndisinga zvibvumi kuti Patrick atiza ndakaudziridzwa zvakawanda nemashamwari angu. Apa vakanga vava kuona kunge ini ndiri kuvanyepera. "Nhai!girlz?saka mukuti ndamuisa kupi munhu vacho?ndaedza kumutsvaka pose pandinofungira kuti angava ari ikoko. Asi ndamushaya ini saka ndikutogaya kuno mutarisa paglass rangu ndikasamuona ndototumira vakomana vangu vasinganoneke zvavo zvitori nani kumuita bofu asaone ndoziva kuti ndikadaro zvangu zvinenge zvabhadhara...." "Mary!chitiudza zvauri kuronga tinzwe kuti tingaita sei munhu asati aenda kure plus hapana kwaanoziva..." Akadaro Pretty nevamwe vake. "Oky!girlz,chinzwai mumwe ngaenda neroad inoenda kwaMakoni uko unomutsvaka kwese nekunana Town centre...." "Mumwe oenda nekuside kusurface uchibatanidzira nekwese kunana Zengeza uko then ini ndichaenda nekuN.O.P nekunana M,L uko anenge anzwa kuti akaonekwa unokasika kutiudza girlz...." Kwakanga kwachena tikarongana ne girlz rangu kunotsvaka Patrick ndaitoziva kuti taimuwana chete, nokuti ndakanga ndafuridzira kuti aite bofu.... Ini naPretty takapinda mumota tiri vaviri tichidrive mota kuenda nekunana n.o.p hapana kana munhu vatakanzwa kuti akambo muona. Ndakarova mota ndakananga kuM nekuL kuno tarisa ikoko, ndai famba nespeed iri limit kuitira kufamba tichitarisa ndasvika pano tengeswa zvirimwa ndakabvunza vaitengesa pazvimusika apa. Vakanditi "tamuona pano makuseni asi hatina kuziva kwaenda nako anenge akarara pano.." Ndakatoziva kuti hapana kure kwaenda munhu uyu pluz aneshuwa kutiza kumba oonekwa avakurara muzvimusika zvevanhu kudai? manje ndikadzamara ndamuona handifungi kuti anogara panze zvakare ndenge ndakusiya ndakamuvharirira mumba ndosiya ndakiya madoors.... Ndakazivisa rimwe girlz rangu rikatoti vava kuuya kuzonyatso mutsvaka kuside kuno toziva kuti hapana kwaachakwanisa kuenda asingaone..... Takapinda mumota ndokuendane chekuside remakuva ekuL ndaifamba ndichinyatso tarisa uku Pretty achifambisa mota zvishoma-shoma kuitira kunyatsoona zvinenge zvichiitika.... "Mary kufunga kwako unoti munhu uyu atoita bofu here?" "Aaah!anogotadza nei?nhai asikana isu tatopedza madeal acho kare..." Ndakadaro. "Saka angavha famba kuenda kupi plus dai tiri kumuona tadiitasiya mota pano tambo famba netsoka bcz handifungi kuti tingamuwana achifamba arimuzasi meroad muno umu...." "Yeah!apa vanyatso taura chaizvo Pee ngatipark mota timbofamba netsoka..." Takaita sekudaro tikatanga kufamba tichimutarisa but takashaya kuziva kuti munhu uyu anga achifambira kupi chaizvo-izvo... Ndakabvunza Tari kuti vakanga wava kupi vakati vakutoda kusvika kwatakanga tiri apa isu takanga taneta zvino takungoita kuzvuva makumbo takambomira takamira kudaro takaona pakanga pakaungana vanhu hameno, kuti simba rekufamba takariona kupi tikafamba tichienda tavakuda kusvika pedyo nevanhu vainge vakaungana.... Takaterera zvaitaurwa nevanhu tikanzwa zvichinzii "munhu angomukira kuti handichaone apa tatatoramba kumupinza basa...." Pandakanzwa izvi ndakaziva kuti hakuna mumwe munhu kunze kwaPatrick,ndichisvika pakanga pane vanhu ndakaona. Koz,vaari..... End of Chapter 04 Be blessed 🙏