CHAPTER 22 PATRICK Ndakatozviseka zvangu nechemumoyo...Munhu kutadza kugarisika nekuda kwangu here.... Kushaya kuziva kuti onyatsoita sei chaizvo.... Ndakaramba ndakanyarara plus kurova face yebasa chaiyo ndichigaya mashoko emudhara wandoshandira... Munhu uyu anorevei kana achinditi usaita zvandakaita izvi? hazvibhadhare,idya cheziya rako uye ushinge kunamata mwanangu.., Mashoko ake ndaimanzwa asi kuti ndinyatsoziva point yacho zvaindinetsa... Ndakazongoti ndichamubvunza rimwe zuva zvangu.... Ndakamuka kuenda kubasa kwangu zvangu zvako kuti imbwa yepo zuva iri haina kuda kundijamukira nekuti yavakundiziva.... Ndakasvikoona mudhara uyu achiti "vasvika ndava kuda kubuda, zvinhu zvese ndagadzira asi ndokumbirisa utedzere zviripa time table iyo ukakwanisa kuita izvozvo neni tenge tawirirana..." Akabva abuda zvake mudhara INI ndakanga ndichitaimira nguva dzaanodzoka manje.. Ndakamirira nguva dzekunoisa chikafu ndakatanga kutenderera muyard make asi nechekuback kweimba yake handina kuzokusvika ndavakutya bcz ndakanzwa zvimwe zvinhu ndikaziva kuti hakutambirwe... Ndakazoenda kunoisa chikafu ndikamirira nguva dzekutora maplate... Padzakakwana ndakatora maplate aya ndonguva yakaknoker kugate ndikaendako ndakasvika kuona mumwe musikana wechidiki apa anga akanaka zvake....Akanditi hanzii "namadam wenyu ndipfure ndichikupai chikafu ichi",ipapo ndakango tambira chikafu nekutodzokera mukati... Ndakachiisa mufridge ndaizochiona tym-tym sezvo ndakanga ndine nzara.... Panguva yandakanga ndavakuda kudya ndonguva yakasvika murume uyu akangoti achisvika achipinda padoor akanditi, "usadya chikafu ichocho hachina kunaka" ndakangoti "mudhara ndotadza kudya chikafu chauya namadam wangu here....?" Ipapo haana kupindura kunze kwekutora lunch ndokubuda panze ini ndichitewera akasviko deedza imbwa yake ikauya ndokuipa chikafu chiya, the moment yayakadya nekutofa ipapo... "Vazviona kuti ndinokuda sei?,uye kuipa kwangu hazvirei kuti ndikusiye uchifa? tarira kuti mushonga wavaisirwa muchikafu ichi....Mukadzi wako ndiye auya nacho here kana kuti...?" Ipapo ndakatadza kupindura ndavakunzwa hasha uye nekuti pandodzoka kumba anondiona chete Mary.... Ndakazonzwa murume uyu ava kuti "I think pane zviri kuitika pauri", paakazotaura zvekuti..... MAI PANASHE (KUDZI) Ndakanga ndisisaziva zvirikuitika ini.. Hongu! Ndakachiva zvaita vamwe ndikajoiner chikwata uye hapana kana mwedzi mitatu ndapinda umu, first Mission yangu yaiva kuuraya baba Panashe sezvo akanga achinzi hafanirwe kudya mari yangu. Mwana aiva ari kwaMbuya vake akazouya zvake mazuva akanga adzingwa basa Patrick nemurume vangu. Zvino chandakaita chii? No handisati ndawana rugare nekuda kweizvi. Pandakamuka ndichitofara kuti ndakashandirwa zvandinoda kunzwa parere moyo ,uye nyama dzaiva dzafadzwa zvandakafarira zvakaitwa neboyfriend yangu,ndopandakasangana nemashura Ababa Panashe wakarara panext neni zvekuti... Hanzii uchazonda kupfeka ndezvimwe izvo ndakamhanya kuenda panze ndichingoti budei, ndakaona ndabatwa neboyfriend yangu. Ipapo ndakashaya kuziva chaiko asi ndakamubvunza kuti "manheru vakarara neni here?" asi akanditi handina haaaa... Saka zvikureva kuti ndakarara nechipoko?.,. Handina kuda kutora nguva yangu ndakaonekana naye akazondipa mari yekombi ndokurova pasi.... Ndavamukombi vanhu wose vaingovhara mhino vachiti pane munhu asina kugeza muno, ndopakazonzi nadriver "mati kuvadza muno nemweya hama dzangu..." Akamboshingirira asi zvakaramba kuita,takasvika paC junction akaburuka driver akazodzoka akabata perfume neroll on akasvika kunditi "amai mweya urikubuda pamuri hauzikuita batai makadai..." Haaa ndakanyara APA ini ndakanga ndisingazvinzwi pandakaita kungendoda kusimuka ndopandakanzwa kuti pano hapana kumira mushe.... Ndichisvika kumba ndakaenda kunogeza asi kunhengo yangu kwakanga kwavakubuda zvimwe zvimvura zvaisanzwisisika APA zvichinhuhwa zvekuti zvakaramba kupera... Mangwana acho ndakamukira kuenda kunoona Doctor bcz zvanga zvanyanya .... "Ndakanzi rarai zvenyu pamubed Doctor vari kuuya," zvekuti ndakaita kunge ndabatwa nehope ndikapeputswa nembama ndakamuka ndine hasha... Ndakarohwa nehana ndichiona Doctor vacho zvavari. Ndakazvitira weti kudzamara ndangoti kwakadaro dhii.... (MARY) ndakanga ndakatozvigarira hangu padoor rekupinda Mumba medu.... Apo ndainyatso gaya nhamo dzangu zvangu sezvo hupenyu hwanga hwakandiomera zvakanyanya.... Ndakazobviswa mundangariro nemurume wangu Patrick pakabva kubasa... KO,ndaingoziwei zvangu kuti munhu ndozvatori kungosvika nekunditi.... "Heeee kunyepera kundida nhema iwe uri nyoka zvayo unosiya mabasa ako erima gore ripi..." Kutaura chokwadi ndakanga ndisinga nzwisisi zvaitaurwa nemurume wangu Patrick.... Handisi kutoziva Kuti mashoko arikutaura akamawana kupi.... Izvo ndaiti ndavana zororo asi zvakanga zvakatondiomera uye ndakasvika pakuchema nemashoko akataurwa naPatrick... "chiii chauno chema ipapa? iwe uchiziva kuti urikuda kundiuraya zvako....Vaona Kuti vazvitadza saka vakupretender kuchema zvenhema. Manje zvavakaita zvakakwana usazvinyepera zvako this Tym Kuti unondiuraya unonyepa iwe..." "Chiii chandakutadzirai daddy? Chinga ndiri kuzama zvese zvamunoda wani..... Kana pane zvandakuitirai zvisina kunaka ndiudzei ndigadzirise pane kundituka kwamuri kuita uku pasina chandaita Ini...." "Nyarara zvako nhema idzo,unofunga ndiri chimwana chitoko here chinobvuma kunyengererwa nesweat....?" "Shuwa kutuma munhu nelunchbox inechikafu chine mushonga Kuti ndigodya ndofirapo ndozvavanga uchidaka...." "aaah! handizi kunzwisisa zvamuri kutaura nezvazvo Ini...." "Ndati munhu wavanga vatuma kuzondipa chikafu Kuti ndife enda unomuudza Kuti ndiri mupenyu...." "Aaah daddy kutaura chokwadi hangu,zvamukutaura zvekuti ndatuma munhu kuzokupai chikafu kubasa ndinga kunyeperai zvangu... Plus handitoziwe Kuti muno shandira kupi ini.... Pamwe munhu iyeyo Anga atotumwa nevamwewo,zivai kuti tiri pakutsvakwa parumana nzombe Daddy..." "Ini hapana chandoziva kana muchiti ndini ngatifambei tinobvunzira Kumapositori munyatsobata chokwadi..." Ipapo Patrick anorangarira Kuti mhandu dzedu dzakawanda uye dziri Kuti ronda zvekuti togona kugurisirwa hupenyu panzira.... Aiti akatarisa mukadzi wake aiona ariryt asi nechemumoyo akazviudza Kuti handimuchenese Mary, uye Kuti azvitambire zvaimunetsa zvake Mwana wemunhu.... Mary akanga avakungogara asina mufaro zvekuti Patrick akazosvika pakubvunza mukadzi wake.... Zvekuti Mary ndiye akanga akutonamata mazuva ose achiita kunzwisa tsitsi, dzimwe nguva aisvika pakuchema chaipo akagara ega kudai. Moyo wake vsirwadziva nezvakanga akuitwa nemunhu vaida nemoyo wese.....Wedu uyu Patrick akanga akukurirwa nekwaainge ava kushanda... Zvekuti mukadzi akasvika pakuti...... MAI PANASHE(KUDZI) Nhamo haibvi pane imwe nhamo chokwadi... Zvinhu zvakango tanga kuchinja zvisinganzwisisiki....Ungazo funga Kuti ndini wekubvuma kufurirwa kunzi ingatiuraye murume tidye Mari... Asi ndaifunga Kuti hazvindidzokere, zvanga zvakangooma.... Ndakangofenda pandakaona aizviti Doctor vacho ariBaba panashe zvavo zvekuti pandakamuka ndakaona Panashe akagara pacorner yebed yandakanga ndiri akabata Shaya zvake... Takazonetsana paakati "ndikuda kuenda kunogara namukoma Patrick uye ndokumbirawo muvafonere vauye vanditore...." Izvi ndozvandakanga ndisingade kunzwa nezvazvo ndakabvanda fungaku fonera Shamwari dzangu Kuti dziite plan Pana Patrick bcz ndiye munhu aidakunyanyo netsa chete.... Ndakafara pandakanzwa Fungai achiti "ndakaona paanoshanda saka ndichatsvaka munhu vandingapa lunchbox inechikafu chandasota ndozokuudzai...." Ndakafara zvangu asi masimukiro akaita Panashe handina kumanzwisisa kutaura chokwadi.... Ndakarohwa mbama yakavharira room yose, zvekuti ndakada kuchema asi pakanga pasina wekuchemera zvapo... Pandakarohwa yepiri haaaa ndakaita kunge munhu ava kutopenga chaiko apa nurse akauya akamira padoor akati "imi Mai makanyatso kwana here? mungauya kuchipatara Musina kugeza munoti ndiani anofarira kubata munhu anehutsvina sezvamakaita izvi....?" Kubva zvakangoitika pana Mai Panashe kahwema kakanga koramba kubuda pavari zvekuti Iwo vaizama kutsvaka munhu anovafadza nyama dzavo asi nekuda kwemweya vaibuda pavari varume Vose vaingoona zvisingaiti.... Vakazofunga kuisira Shamwariyavo sms Vachida kubvunza madeal... Vakangorova faster-faster ndokutumira massage yavo payakati delivery.... Vakarohwa nehana uye kupindwa nechando vakanga vaendesa sms kusiriiko nenguva isipi vakaona sms yavo yapindurwa zvakavarwadza apa akanga Ari..... End of chapter 22 Be blessed ๐Ÿ™ Plz view your comments and likes๐Ÿ™