CHAPTER 21 [PATRICK] Ndakango ramba ndakamira ndichingo tarisa zvainzi ndinofanirwa kunopa huku mukati umo... Ndaizvitongesa ndega....?Idzo huku dzacho dzakanyanya kumboita sei dzinodya chikafu chakanaka kudai... "I know kuti uku shamisika nezvanda kupa....Usaita hubenzi hwekuchirasa zvako chikafui chocho,uye ndinoda kuti uziwe chinhu hwani...." "Uku shamisika nezvandati huku dzangu dzinogara muroom manda kuratidza uye iwe hauna kudziona padziri saka ndodakukuudza nezvazvo..." Pose paitaura murume uyu ndakanga ndakanyatso vhura nzeve dzangu kuda kunyatsonzwa zvaida kutaura nezvazvo.... "Ndinoziva kuti unoenda kuchurch iwe...!Rega nditaure pachidimbu, Uchiona kusvika pandiri kudai uye iwe chandoda kuti uziwe ndechekuti usachiva chiro chemunhu!kunyangwe ane mari dzakaita sei usatombo dzichiva, nokuti vazhinji vacho vano shandisa mushonga sezvandakaita inini..." Apa hana yangu yakarova ndichiita kusimuka pa ndakanga ndakagara ndakatanga kufunga mazuva ana Mary ndikazoona zvakasiyana pakuti uyu aita kundiudza chokwadi kuti akaromba.... Ndakazogariswa pasi ndakatanga kuudzwa zvakawanda... Hanzi "ndakambo tsvaka mumwe munhu aishanda pano,asi akanga anemushonga zvekuti takatadza kunzwanana sezvamunongoziva kuti mishonga yedu yakanga yasangana ika pisana hapamire mushe...." Aka zondikurudzira kuramba ndichinamata kwete kuda zviri nyore kunge honye, uyu ava munhu wekutanga kunzwa nezvivi zvanazvo zvaandiudza zvekunamata zvakaoma hazvo... Akanditi "usatomboita mistake zvako yekuita zvisina basa muroom yehuku dzangu, uye dzandikuti huku hadzisi huku chaidzo zvidoma zvangu zvivanhu zvipfupihpfupi ndozvavakauya kuno kuzopa chikafu zuva rega-rega.." Ndakambo funga kuda kuzvirega asi ndakazorangarira handina rimwe basa plus handaifanirwa kuudza munhu zvake ndongo zviziwira ini ndega... Ndakazobva apa ndavakuenda kumba apa mumusoro mangu makanga muchingo netsekana nechitiko ichi? shuwa ndotoshinga kuriita basa Iri?Ko,mangwana hazvizondinetsa here ? Apa ndikuti hapana wandoudza kondikawana chisingaite ikoko vanhu vanozokwanisa kundii...... (MAI PANASHE) Ndaitoti mwana wangu ava kundiitira dzipi chaidzo.... Ndakambofunga kuti hachatore mushe pfungwa dzake. Zvakangooma hazvo shuwa munhu angati ndichimubvunza kuti uri kuitei okuudza zvekuti ndiri kutaura nadaddy vapi futi.... Chakandishamisa pandakada kumurova ndakangoona ndadonhedzwa pasi ndakaita kupererwa chaiko, Munhu akandiita izvi handina kumuona... Rimwe zuva mota yakabvuma kumuka ndikatoti zvangu zvaita regai ndinoone boyfriend yangu ku st Mary's... Ndaita kunzwa kuti apa ndine mufaro vakanyanyisa zvekuti pandakasvika pamba pemurume uyu akanditi"ndanga ndakakumirira kwenguva refu saka zvandakuona kudai zvatoita...." Takafara zvedu zuva iri kusvika taneta ndopandakaonekana nemumwe wangu ndava kuda kumhanyira kumba sezvo nguva dzanga dzaenda.... Ndakaita kubuda mumba nemurume uyu tichinakidzwa, tichingo buda ndakaonama shura chaivo... Mota pakanga pasisina aya ndoakanga ava ma1 chaiyo..... Ndakamboti yabiva asi umwe moyo vairamba.... Padzakati kumapast 8 ndipo pandakanzwa murume uyu achinditi "chingorara kuno then tomorrow woona kuti ungaite sei iwe fonera mwana wako umuti unouya Mangwana.... Ndakafonera Panashe ndichida kumuti ndouya mangwana apa ndakanga ndisingade kumuudza nezvekushaya kwandaita mota,asi zvakandishamisa kunzwa achinditi mota yato kuno.. Haaaaa ndopandakapererwa mota yacho yafamba yega here? Ndakamubvunza kuti "asvika nemota yacho ndiani,?" Ndakashamisika ndichinzwa achinditi.. Pa nguva yacho ndakavha ndangoti pasi dhiiii...... (MARY) hupenyu hwandakanga ndavakurarama hwainakidza asi nyaya yekuvhimwa ndoyaingo ndishungurudza nekuti ndaita kugara ndakazvivharira mumba. Zuva rakaenda Patrick kubasa paakadzoka akaita kuneta plus akanga asingade zvekutaura izvi zvakatondinetsa kuti daddy waitwa sei... Hongu! ndoziva hanyanyo taura nevanhu uye zino rake kuti urione zvinonetsa chaiko apa ndakashaya kana matangiro andingamuita.. Ndakazofunga imwe plan yekupinda nayo pana Patrick... "Aah!daddy zvamakazongo nyarara nezvekuenda kwana Sekuru kuti ndinovaudza zviripo?" "Oky,ndazvinzwa uye ndichakuudza kana ndavakunzwa zvirinani asi kana zvichiita unokwanisa kuenda sezvo ini ndiri busy nebasa mazuvano...." Apa ndakatonzwa musiyano nezvanga zviripo,asi ndakanga ndisingade kuenda ndega kumusha sezvo tairondwa nemhuka dzedu.... Ndakambo muzama asi vakaramba kubuda pachena uye nekusanzwisisa... Chandakaona pana Daddy vakangavasati vavakunyatso gutsikana kuti ndakatendeuka vaifunga kuti ndichiri kuita hunhu hwakare vasingaziwe zviri pakati pemoyo wangu... Hongu! ndakazviita zvikapera asi apa ndavakungonamata zvangu kuti Mwari vakwanise kundipawo nechipo chemwana ndiwedzerewo mufaro wangu.... (FUNGAI) Zvinorwadza kuti unoendeswa kunzvimbo yausinga kwanise kuziva kuti uri kupi... Ndakazofara ndadzoswa panzvimbo yandakatorerwa asi zvaindinetsa mukadzi aidriver uyu akanga akafanana neakambonditakura husiku hwacho... Pandakasiva pambudzi roud about ndakakumbira vamwe mai foni ndikafonera Petty kuti auye anditore... Chaindinetsa vanhu vaipfuura apa vaingo nditarisa,uye nekuseka ndaishaya kuziva chainyanyo sekwa pandiri... Pakazouya mumwe murume wechikuru akazondiudza nemadimikira ndikazoona kuti kumashure kwangu kwakanga kusingatarisike nekuonesa zvemukati apa jean ranga raita ma1 ... Petty paakasvika akada kutaura zvakawanda uye zvisina musoro ndakaramba ndakanyarara kusvika tasvika kumba... Ndikanyatsotora nguva yangu ndiri mubath room ndichigeza kusvika ndizobude zvangu.... Zvekuti pandakabuda ndakanyatsonzwa kafresh air kari nani,zvanga zvasiyana nezvandanga ndiri.... Ndakaenda kuno gara muimba yekutandarira makanga muna Petty ndokutanga kumubvunza... "Ini sekuona kwangu havasi Queen vari kuzviita,asi kuti murume uyu ndewa Kudzi ukaziva izvi....Bcz mumba muno hamuzi kurarika shaa nekuda kwemurume vaKudzi(Mai Panashe). I still remember last night zvakaitika ndaifunga kuti ndiwe ndakazorangarira kuti iwe vakanga usipo ndipopandakaona akarara paside pangu achitodzirova zvake dzehumambo hope zvakaita ndipindwe nekutya." Haaa pandakaudzwa naPetty izvi,ndakaita kupererwa chaiko uye ndaiziva kuti Queen vane chekuita chete neizvi. Ipapo handina kuda kumuudza zvekunosiva kumakuva ndakatya kusekwa.... Ndakaenda kuroom yedu ndichida kuti nditaure naQueen sezvo mazuva akanga afamba... Ndakaona hapana zvaita ndakasvika pakufona asi nhare yakadairwa nemumwe akanditi Queen vaurikuda kutaura navo vakangoonekwa vakafa mumba hatizi kuziva kuti chiii chakaitika,asi vatoradzikwa nhasi... Haaa ndakaita kunzwa kupera simba uye kusatozvitambira... Queen hakuchina? haaaa ndoma1 manje asi ndakazviudza kuti Patrick naMary tichavashandisira imwe method yekuvauraya nayo chete.... Ndakazokurukura naPetty tavakuonesana,uye nekuti tiudze Kudzi(mai Panashe)zvaivapo.... Ndakafona kuna kudai ndakanzwa achichema chema hanzii "kuno ndokusiri kugarika..." Hanzii "ndakaenda kuboyfriend yangu nemota ndikaishaya ndakazorarako asi ndakamuka makuseni ndichiona boyfriend yangu hamuna paside pangu pakanga pakarara baba Panashe,zvekuti ndamuka nekutiza kuenda panze ndakapfeka night dress..." Ndakatombo museka pairondedzera, uye kutokanganwa kuti ndiri pama1 zveee... "Usandiseka zvako shaaa.... Pandakabuda panze ndakarohwa nehana ndichiona boyfriend yangu ichindibata zvekuti ndakavhiringika kutadza kuziva zvaitika, uye kuti ndakanga ndarara nani manheru aya pahuviri hwavo..." Ndakamunzwira tsika, asi chekuita pakanga pasina nekuti takauraya vanhu vasinga urayike... Ndakaenda kuroom yekurara kwaiva kuna Petty, ndakazviko rohwa nehana ndichiona.... End of chapter 21 Be blessed 🙏