Chapter 13 [Mary] Hupenyu hwakaoma veduwe!ndakanga ndakurarama ndiri bofu... Mamwe mazuva zvaimbooma kushaya chekudya chaicho... Asi ndaingo shingirira ndakadaro, kunyangwe vanhu vakanga vasinga ndibatsire zvavo... Nyoka ndiyo yaigaro ndinetsa uye ndaiona Queen zuva nezuva vachiti "nyoka iyoyo handiitore kusvika vaita zvairikuda uye inenzara chaizvo ukasakwanisa kuzviita pamwedzi mitatu irikutevera iyi uchaona zvaichakuita uye usandibvunza kuti why...Vamwe vako vakaripa kwasara iwe hauzi kuda kuripa saka hausati vatanga..." Pandakada kutaura vakavha enda ndikasara ndichifunga nezvazvo nokuti hupofu haubatsiri uhu saka ndinotofanirwa kutsvaka imwe nzira hangu ini ndaneta nezvo.. Ndakatanga kupinda mumabhazi ndichikumbira rubatsiro kune vanhu vamwe vaindinzwira tsitsi vamwe ndovaingo taura-taurawo... Uku mai vaPatrick vaigara vachindinetsa zuva nezuva ndakanga ndisisina rugare uye pose pandino tsvaka pekurara muMbare ndoona nyoka yangu iripo dzimwe dzenguva ndaitya kurumwa.. Rimwe zuva ndakapinda mune rimwe bhazi ndikaitwa kubhurutswa hanzii "uri kutsvaka chii muno?hatisi tisu takati uite bofu kasika kudzuruka zvako....." Ndakarwadziva asi chekuita pakanga pasina zvapo.... Ndakaswera zuva rose ndakagara musi vacho handina kana munhu mumwe zvake akandibatsira ndakarara nenzara ndichingo chema uku mudumbu muchirwadza nekushaya chekudya ndakazobatirwa nehope ndikaona Queen vaya vauya vakanditi "hauzi kuona zviri kuda nyoka yangu here? kasika kurara hako nenyoka yangu ini ndisati ndaku...." Havana kuzopedzisa vakanga vanzwa manzwi evanhu vaitaura sana.... [Fungai] zvaigaro ndirwadza ini kuti Mary anonyengerera chii panaPatrick achitadza kumupfudza hezvo nhasi uno ava kutambura nekuda kwake... Kana vatofunga zvebusiness votoita kwete zvekunyengerera kunge Mary,zvaindirwadza ini takazosvika pakumusiya akadaro tikaenda kuno kumbira rurengerero tikarengererwa zvinhu zvedu zvikatanga kufaya... Asi patakazodzokera takaudzwa kunzi "munofanirwa kunotsvaka Mary mouya naye nokuti mukomana uya arikumutsva uye akadzamara aenda ikoko moziva kuti hupenyu hedu hapachina nekuti mukomana uyu arikufunga zvekuti Mary ataure masecretly edu saka motomutsvaka..." Takapinda busy patakadzoka takazama kumutsvaka asi takamushaya tikazoudzwa kunzi endai pakati pakati asi musaenda masikati endai manheru.... Takaswera tichifara zuva rose zvedu kwakazoti kwava kumanheru tikaenda takasvika tikaona shasha iripo zvayo asi uummm vainzwa tsitsi chazvo,tava kuda kumutakura takavhata sanganidzana maziso na..... [Patrick] Eish aya ndoanonzi ma1 zvino ndinonotangira papi sezvo munhu uyu asiri kuoneka panzvimbo.... Ndakapinda paroad makuseni-seni Kuenda kwaMakoni kuno tsvaka munhu vangu zvinhu zvacho zvakanga zvindinetsa.... Hameno kuti ndikasamuwana zvinondifambira zvakanaka here... Ndakasvika paChikwanha ndikambo tanga kutenderera ndichitarisa nekubvunza asi hapana kana information yandakawana... Kwava kumapast3 ndakaenda paMakoni parank ndikatenderera asi handina kuona zvandai tarisira ndakagara kwechinguva ndikazoti regai ndibvunze wemakombi... Pandakabvunza vamwe Blaz vakanditi "munhu uyu akauya pano a chikumbira kunosiwa kuMbare asi handiziwe kana akazowana akamutakura..." Haaaa ma1 akanga atanga manje ndakatanga kugaya kuti kuMbare nenguva padzawa apa haaaa kana... Ndakafonera baba Panashe ndikavati "ndavakuenda kuMbare" asi vakanditi utange vanamata kuitira kuti ufambe zvakanaka... Ndakaita sezvakataurwa nababa mudiki wangu ndikakwira imwe kombi asi maingotaurwa nezvemumwe mukadzi akanga achinzi ndakambo takura bofu rakaita mashura muno asi handina kuzviisira mumusoro sezvo ndaitofunga dzangu.... Ndakasvika kuMbare ndikashaya kuziva matangiro asi ndainzwa kuti Mary arimuno hapana kwaenda zvake.... Ndakatanga kutenderera apa kana usingaziwe zvekuita unoita kunge benzi chairo hama dzangu! pfungwa dzinenge dzitori kure chaiko.... Ndakazoti ndaneta zvino ndavakunzwa kuti pano simba rekufamba handichina manje ndoita sei..? Ndakambo zorora ndichifunga mafambiro, kwakazoti kwatisvipei ndikatiregai ndiende kumakombi ndidzokere kumba hameno kuti simba ndakarivana kupi uye nenzira yandakaenda nayo ndaita kufamba zvishomanana ndakati ndavakuda kupedza kamwe kapassage ndikanzwa mavoice andaiziva achitaura ndakamira ndichida kunzwa ndakazoenda paya ndikasvikoona zveshuwa vanhu ava ndovandiri kuda uku Mary aizama kusimudzwa asi airamba pakasimudza Fungai musoro takasanganidzana maziso iye kutovhunduka achisiya Mary uya INI ndakatanga kufamba ndichida kuenda kuna Mary kuya, Fungai hameno zvakandikandira ndikati "Just" ndakaona team iyi yakuita kunge varikuda kuwira pasi... "Iwe unongo mukira kuuya pano ndiwe ani?unotitadzisa kuita zvinhu zvedu pano. chiii chauri kuda panaMary....?" Ndakaseka ndikati "zvinhu zvenyu zvatadza kushanda? munoti ndichiri ndakapusa uye ndauya kuzotora Mary uyu ndino murapisa" ipapo ndipo pakaita hondo manje... Uyu Mary akanga akango gara pasi achitadza kutaura apa kuzonzwisa Tsitsi zvake ndakazonzwa ava kuti..... {Fungai} Ndakanzwa hasha nemunhu uyu panguva yatinenge tavakuda kuita zvinhu zvedu iye ndipo pauno muwana... Ndakanga ndagumbuka ndakamutumira zvekuti azungaidzike totora munhu wedu toenda naye, asi ndakaona pamberi pakepamira mumwe mukadzi zvekuti ndakashaya kuziva nekwaakanga abva takatotsva kuita kunge tarohwa nechadzimira... Apa iye Mary kuzotodzikama kutadza kutaura kwakuti ndikuenda naPatrick, ipapo ndozvatakanga tisingade kunzwa zvachose... Takambo netsana kusvika shasha yatora munhu ikaenda kumakombi zvayo izvi zvose zvaiva mumaziso edu tikati hazvinetsi izvi ngatitevere kombi yacho bcz ndanga ndatofunga mweya wekuparadza chaiwo. Taitera tirinechekure hameno kuti drive ainyumwa sei akatanga kuimhanyisa kombi isu tikawedzerawo mafuta achisvika paRoundabout akamira kwechinguva... Tikati handei tinomirira nechekumberi sezvo numberplate tadziona zvedu... Zvese izvi zvaiitika kuma past 7 pm takanga tatofungamweya wekuparadza chaiwo.... Takazoona kombi iyo yakuuya asi yaimhanyiswa ichipfuura takatanga kuitewera kumashure kwayo asi iye akanga achifunga kuti vanhu vanga vachitewera varova pasi.... Takati tichangoti tavakuda kusvika pabridge rekuti tichida kuenda paturn off st Mary's takaita kuovertake pacave ipapo tikasviko Mira mberi kwekombi iyi paakaona kuti mota yamira mberi kwangu sezvo akanga arimuspeed akangoti budei muroad ndiye pa..... End of chapter 13 Life is about balance. Be kind,but don’t let people abuse you. Trust, but don’t be deceived. Be content, but never stop improving yourself good morning everyone Be blessed 🙏