CHAPTER 24 PATRICK Ndakaita kunge musoro vakutenderera... Kutadza kuziva zvandikuita chaizvo,kungoerekana ndapindura zvisiri izvo chokwadi... Ndakamboda kusazvibvuma zvandaiudzwa naPanashe uye ndaiona sekunge achiri kufambidzana namai vake... Zvainetsa kuti ungozvitambire zvinhu zvacho uye ndakazonyatsogutsikana nesms yakanga yatumirwa namai wake nezvekundiisira mushonga... Shuwa munhu ane hutsinye hwakadai hapinde denga... Hanzi "siyana nezvekushanda kubasa kwenyu..." Ndakambo tanga kugaya ndikaona zvakakodzera kuda kuona zvinhu zvandainzi ndipe chikafu zuva nezuva... Ndaitofanirwa kuronga maths dzangu ndega dzisina ani zvake anoziva.... Ndakamuka makuseni ndichiti ndakuenda kubasa uye ndozuva rangu rekupedzisira iri.. Mary akaita kufara nemashoko andakataura aya zvekuti akandijambira ndikamutakura, ndakazomusiya ndokurova rwendo rwangu... Ndakasvika paunitD ndokuona munhu amira negumbo rimwe chete. Akatanga kutaura zvakawanda ndakaramba ndakanyarara kusvika abuda ndokuenda ndikasara ndokunyatso ongorora zvose. Ndakazopinda Mumba mandaisa chikafu ndokuona Chino chimunhu chipfupi pfupi chine mazindebvu, ipapo ndakangonzwa kurohwa kugotsi ndikazomuka ndavakune imwe room ndakasungirirwa APA murume uyu achitoputa fodya yake achiti. kana akusvuta hutsi hwo uya kuface kwangu... Ndakarwadziva kushaya zvekuita uku achiti "ndozvavaida kuuraya zvinhu zvangu?kunyepedzera kunamata nhema iwe uchiziva zvauri zvako." Ndaita kudirwa mvura inotonhora ndichihohwa kusvika ndisisaziva zvekuita, ndakatanga kunzwa kupera simba zvishoma nezvishoma kusvika ndati rukutu, kusvika paku..... Panashe Zvaindirwadza mazuva ose zvaitwa namhamha,asi nekuda kwaMwari vakazopindira ndakanga ndakuita zvandisinga nzwisisi kungo tanga from noway zvinhu zvacho... Kana mhamha wangu zvaitova shamisa,asi ini ndakanga ndisati ndatanga zvangu.. Ndakaudza Patrick zvaitika haana kuda kunditerera, uye akaenda kubasa akarohwa ndokuno raswa kwatisingaziwe nanhasi tirikungo mutsvaka.. Asi ndinovimba tichamuona zvedu.. Mom's yaigarooneswa moto namudhara nekuuya ari mucoffin, zvekuti mhamha wangu vaita kunge vakutopenga chaiko kungo gara vakutoti "box iro" nekutotiza ... Ndakangoerekana ndasimuka pandakanga ndiri, ndikatanga kuenda kwandaisaziva kuzvisangokwandaingonzwa manzwe evanhu vaitaura....Mweya vakanga uri pandiri ndovanga vakatooma zvavo, zvekuti ndekupi kwandiri ndakatadza kuziva uye hwanga huri husiku.. Varume Ava pavakandiona vakasiya vaisa moto pane munhu airatidza kuti arikuda kutopiswa zvake.... Ndakatanga kufambisa ndichienda pane moto uyu, ndakasvikoona. Ko,zvaari..... (MARY) Pfungwa dzangu dzanga dzitori kuresa zvekutadza kana kuziva zvekuita chaiko... Ndakazotanga kubika sezvo nguva dzanga dzafamba,uye murume vangu aone kusvika achidya... Ndakatanga ndichati pamwe anonotswa kubudiswa kubasa kwake, ndikambo zorora ndakatorara pandakazopepuka ndakaona nguva zvadzava kuma past 10pm munhu asati auya zvino,ndakatora nhare yangu ndokufona asi foni yacho yairatidza Kuti yakadzimwa. Ndakatadza kugadzikana Mumba umu uku ndichishaya Kuti ndotangira kupi kumutsvaka.... Husiku hwese, I didn't sleep well nekufunga Patrick. Asina kuuya kumba manheru uye ari kupi??? Ndakazoona Panashe achiuya achifambisa,akasviko nditi "mainini zvinhu hazvina kumira mushe, uye panguva yatava yakaoma pavakuda kushandisa munamato chaiko kuchema kwamuri kuita uku hapana zvakuno batsira. Ito nyararai zvenyu bcz Patrick ari parumana nzombe kutaura kuno" ndatadza kuziva Kuti ndoita sei... "Asi ndichaita plan handipererwe, uye akamborohwa ndokuti adzidze kunzwa zvotaurwa nevamwe kwete kupikisa..." Ipapo ndakatadza kunzwisisa zvaitaurwa naPanashe, uye Kuti Patrick angadai abatwa nanaFungai bcz ndaitoziva kuti akapinda mumaoko evanhu ava kutofa chaiko... Panashe akangoti ndiri kudzoka akabuda zuva rowira zvekuti ndakasara ndine mubvunzo yakawanda. Ndakazonzwa foni kurira ndikaitarisa ndakaona ari Panashe akanditi "svikai kuno kwaMakoni kuChipatara." Hana yangu yakatanga kurovera mudenga chamo, kwaitikei uku... Zvisinei ndakaita zvandakanga ndaudzwa mucombi ndaita kunge munhu asisiri kuziva zvaari kuita.. Ndakasvikoonana naPanashe akanditi nditewerei kuno, ndakamutewera tichinopinda padoor ndakaona munhu akanga akaita kuzara ropa face yose uye rimwe side reruoko rwakatswa half way pandakazoona ari Patrick ndakachema kusvika ndabudiswa panze chaipo, ndakanga ndisingafungiri izvi.Shuwa kune vanhu vane hutsinye pasi pano, manje zvikaramba zvakadai ndichaona zvekuita ndotoitawo revenge yacho ndoigona chaizvo... Haaa ndaingochema ndiri panze ini,shuwa murume wangu akuda kuurayiwa asati aonawo Mwana wake here....? Panashe akango uya pandakanga ndiri ndokusvikoti....... Mai Panashe Ndakatozviseka zvangu ini APA ndakanga ndazvitira tsvina zvese neweti nekutya coffin.... Ndakaenda kunogeza mubath room ndakatora almost 3 hours ndirimo. KO,maimboitwa chisvinu here kuri kutya kubuda chete... Ndakambo edza kufonera vanaFungai, asi #dzacho dzairamba ndakazosvika pakueadza dzaPetty dzikapinda asi ndakanzwa mashura chaivo dzichidairwa nenzwi rechirume APA raita kunge rababa Panashe,foni ndakaiputsira pasi ndokupinda muimba yangu yekurara... Ndakazorangarira kamushonga kandakanzii kana ava kunetsa unomudzikamisa nekamushonga aka uchidaidza zita rake... Mai Panashe vachifunga izvi vaitoona vatopaimwe level ravo wega zvavo,zvekuti vakano katora zvavo... Vakatanga kutenderera uye nekumake sure kuti all doors are locked, kana vakuda kuita zvinhu zvavo vasavhiringidzwa... Vakatanga kushedzera Zita remurume vavo,vakangonzwa vairidzwa mbama yakavharira imba yose. Pakandaro unotoona munhu achienderera mberi panzvimbo yekuti amire... Vakarohwa mamwe mambama vakafunga kuenda kumurume vakamupa mushonga... Zvavaifunga hazvisirizvo, Mota yakabvuma kumuka zvavo asi kumberi kwavari kuenda ndoma1. Vakasvika ndokuudza murume uyu zvose zvaida kuitwa akapuhwa mushonga wekuti asaone chipoko ichi.. Paakanga akusimuka Akazonyatso tarisa face ndokuona mashura zvavari baba Panashe.... Akafamba kubva panzvimbo iyi,uye kufarira kamushonga kapihwa asingaziwe kuti murume vake ndiye amupa mushonga wekutoti awedzerwe kunetswa uye neku.... End of chapter 24 Be blessed 🙏