CHAPTER 02 Patrick Munhu kutouya akafutisa face yake kwandiri hanzii, "ukuitei paruva rangu ipapo? ndiani akuti uende ipapo.." Ndakanyatsoramba ndakanyarara. Ko,ndaingo tarisa chete iro ruva racho ranyanya kukosha chiii pakusvika kurambidzwa kudai....? Haaa zvipano handicha zviziva ini, zvoreva kuti hapana chandichabata zvose zvorambidzwa.Ndikangobata anything munhu ototanga kupopota zvake.. Gore rino ndinochiona chete ini. Takapinda mumba akati iye ndiye arikubika nhasi, handina kuramba zvangu shasha yakaenda kuno bika ikasiya yandipa drink rekufano dzikisira ndakamirira food ndichiona tv.... Chimwe chinhu chandakanga ndisinga nzwisisi mumba umu, kubva zvandakatanga kugaramo maingonwiva drink rerudzi hwered ndakamboda kubvunza;Asi ndakazonyarara... Pamba pacho kuzotoita kunzii nyama inodyiwa nemadays haingodyiwa pose pose ini.Aah! "nemhaka yei" ndichito shamisika .. Haaaa ndakatadza kudya chikafu chacho, kungodai vakunzwa kuda kurutsa chaiko ungati urikudya makonye zvayo iwe uchidya rice... "Ko,daddy!Zvamunenge muri kurutsa asi hazvisi kukuitirai here?" Ndakanyara kupindura ndakazotambidzwa drink ndokurinwa ndanga ndatori jaira... Ndichipedza ndakavhanda enda kuno rara nguva dzanga dziri kuma past 4pm ndakarara, asi hapana chakaitika... Mary akazouya akanditi ,"nhasi hatizi kubika tombo rara tisina kudya" handinakurambazvangu shasha yakatanga kundibata muviri vangu. Ndikatanga kunzwa zvisiri izvo iye akazviona zvekuti chese chaaindibvunza ndaingo bvumira padenga handiziwe kuti zvaikonzereswa neye zvese izvi, ndaiti ndikamutarisa mumaziso chaimo ndaiona kunge maziso enyoka, zvaita hana yangu yovha yatanga kurova nekutya zvakanga zvaitika lastnyt... Ndakabatwa pose zvekuti kana pane pakasara kubatwa ndingareva nhema ini kusvika ndati rukutu ndega pabed ndakaona ndamira kubatwa ndikati regai ndisvinure, pandakango svinura ndakaona hamuchina munhu kuno tarisa door kuona rakakiiva nemukati.. "Saka munhu uyu aenda kupi chaizvo-izvo?" ndakazvongoti hameno ikoko... Ndakarara ndisingatombo gaya ndakatanga kunzwa kufambwa nechinhu ndikaona, aahh! ko, zvachiri kutofamba chichienda kumushinhi kwangu? pandaka tarisa kudai kuona rino ziNyoka . Kutya kwese kwakapera ndakanyatsoona zvaraida kuita zinyoka iri... Haaaa zvandai sangana nazvo zvaiva zvakaoma handiziwe chaiva chii.... Pandakamuka kuma7pm ndakaona shasha yakarara paside neni ichitorova ratidza hope dziri kunaka, ndakati zvangu zvaita ndinoda kutsvaka makeys eparoom iya... Ndakavhura handbag yake hapana chandakawana ndikafunga kuenda kuroom ndakasvika zvakanaka ndikatanga kuvhura zvishoma nezvishoma pandakanga ndakunoti ndichipinda ndakarohwa mbama yandisina kuziva kuti yabva nekupi apa munhu akandirova handina kumuona. Ndakaramba ndichida kupinda, pandakangonzwa izwi raMary ndakarohwa nehana ndikati. "Munhu anga akafa nehope azomuka nguvai..?" "Mukuda kutsvakei imomo muchitadza kurara?uye ndakakutii maroom ano gara aka locker, siyanai nawo mukaramba muchiita zvamukuita izvi muchazviwana zvamuri kutsvaka.." Ndakavhura maziso nemashoko aya. Ko,imomo mumbori nechiii muno rambidzwa kupinda kudai? manje achabuda zvake ndichamupinda chete..... Ndakamuka ndichinyatsonzwa nyama dzangu kurwadza zvekuti ndakango zvimanikidza zvangu asi anga atori mazino. Ndakamuka ndikaenda kuno geza apa mushinhi vangu vaita kurwadza handiziwe zvakakonzereswa nei kuti zvidai. Ndakanga ndiri panguva yangu ndega kana ari mujeri anenge ari nani zvake.... Ndaita kufamba kunge munhu ari kudzidzira kufamba zvekuti ndakatora nguva ndiri mubathroom ndichinyatsofunga kubva zvandakatanga kuona munhu uyu, kusvika nhasi. Zvinhu zvacho zvikaramba zvichidai ndichatiza, asi ndotiza sei gedhi rogara rakalocker...? Ndakapedza kugeza ndikati regai ndichidzokera kuroom kwangu, ndokuona shasha iri busy. Kubva mukuzvarwa kwangu nehupenyu hwese, ndakanga ndisati ndakamboona mashura akadai idzo nyoka dzataingoonera pamatv kana mumasango kumamisha nekufamba kwainenge ichiita yakakurisa... Ndaiti pamwe zvinongoperera mumatv nemusango chete ndisingaziwe kuti pano pamba pakatozara nyoka dzinopota dzichishanduka kuita vanhu pakutanga ndaita kunge ndiri kurota, asi zvaitoitika palive chaipo richinyatso budisa sound isingaiti apa yakaita kusimudza musoro zvimwe zvese zvakazvambarara pabed,musoro vacho uchiita kunge uri kuuya kwandiri. Ndakaita kunge ndichazviitira ini ndavakuita kugwagwadza kunge munhu arohwa nechando iko kuri kutya nyoka yerudzi rwecobra,,,,,ndakanyatsotsinzinira kuti ndisaona kumover kwaya kanga ichiita ndainyatsonzwa kuti yakamira neni ichiita kutarisa mumusoro mangu panhowa ndakazongonzwa kudziya mutrouse randakanga ndakapfeka.... Ndakazonzwa kuti pano nyoka iyi inenge yaenda pandakavhura maziso ndakaona chikatambirwa neweti yakanga yakazara pamatiles..... Ndakamboda kuchema asi ndakazvishingisa semurume,ndakatarisa kubed ndikaona shasha iri kutotambisa makumbo zvayo... Asi kumakumbo kwacho vaitakunge musweel wenyoka apa kumusoro arimunhu zvake atori busy kuseka achibaya baya foni yake... Manje kana vava kungo chinja pose pose zvinozonaka here, ndakatanga kugaya kudzokera kuno geza kuti ndirege kugeza zvaisaita ndakungobuda kasmell kasi kunaka.... Ndakadzokera kunogeza ndikarova chopu-chopu ndini uyo kuno chinja ndapedza ndakadecide kuno kunogara panze. Ndapedza kuzvipfekedza ndakatanga kufamba ndichienda nechekudoor ndaida kuenda panze ndakanzwa ndakubvunzwa, ndikati "ndikuda kubho rohwa nezuva panze apo" akangonditi "iribho, asi usatambira paruva rangu.' Ko,ruva racho rakambo mira sei?ndichazvibata zvangu nekufamba kwenguva... Ndakati ndamudining ndikafunga kutora drink rekuno mwira ndiri pazuva. ndakaenda kufridge ndikavhura ndikaona kune chidrink chandakamaka zvisingaiti ndakatanga Kungotaura imwe iya iya ndichiti ndiri ndega, ndakazonzwa munhu ava kudairira kumasofa. Pandakatarisa ndakaona shasha yakatogara zvayo pamutefe-tefe wesofa ndakashaya kuziva anoita kumbururuka here munhu uyu...? "Ko,zvaunongonyukanhaiMary?" Ndakadaro "Ndozvanditori izvozvo, kutanga nhasi and don't call me Mary, shaaa kukuunza mumba muno kureva ndiwe baba wemuno. So ndishedzewo nezita ririnani....Chimwe chinhu ndechekuti muno hamungonwiwa drink rose rose kunze kwerauri kuona iroro tirikunzisisana here?" Haaa kutaura chokwadi zvirikutaurwa izvihanditozvikwanise ini kudedza munhu uyu kuti mukadzi vangu? iye achishanduka kuita nyoka kudai,what more akati ndinoda kuona vabereki vangu anosvika akachinja zvee,ipapo ndirengererei zvenyu hama.. Ndakangomuti "ndazvinzwa" ndikabuda kuenda kuno gara panze.. Ndakatotyora zvangu ndakaona shasha yakabata kaplate nebanana nekacup hameno kuti kanga kanei achienda nechekuseri kwemba uko kwandakanga ndisati ndambosvika ndakatevera ndichiita zvekunyangira. Ndikazomira ndokuona shasha ichiisa zvinhu izvi pasi pechiruva chakanaka kwazvo ndakanyatso buda pachena ndakaona zvose zvaakanga achiita hameno kuti ndakavarairwa nei kusvika pakuonekwa ndakaudzwa mashoko. Apedza kundiudza akanditi "handidi kukuona uri kuno uku uku zvinzwa here" ndakangobvumira nhema achipiragotsi ndakanyahwaira kuenda ndikasvikoona paneka dori kasekuru kaiva kachisekerera zvinhu zvacho zvaisemesa zvekuti hauzode kudya sadza nenyama ukangofunga izvozvo ndakaramba ndakayeva mabanana nekacup nekasadza nenyama ndakaona banana hapachina.... Ndakavhura speed yandisingaziwe kuita ndichinopinda mumba ndikavhanda svikorowerapa..... End of chapter 2 Be blessed 🙏