Chapter 10 [Mary] Murume aigadzira kumba kwangu ungati atumwa bcz kamuitiro kakanga achiita ndakanga ndisingakaonerwe mushe... Pandakazonzwa avakutaura nezvebible naPatrick ndakaita dzimwe hasha ndikamupa mari yake arove pasi aregezvake nekuita basa racho... Ndakasara ndikapopotera wangu uyu zvekuti ndakanga ndagumbuka, zvisinei hazvo takazoenda kumusha iri Sataurday asi Mhamha ndiwo vaindifarira baba hameno kamwe kamuitiro kavaingoita kuita kungevaiziva maths dzangu dzandanga ndafambira.... Ndakazoona baba vatorana nemwana vavo hameno kwavaienda ndikasara namhamha vachiita kufara kani apa vasingaziwe zvavo kuti muroora vavari kufarira imboko yemunhu zvayo... Apa vasingaziwe zvavo mamiriro andakaita zvangu... Ndakazoshamisika ndabatwa ruoko zvikanzi ngatirowe pasi uku Mhamha vakaratidza kubatikana but chokuita pakanga pasina.... Takasvika kumba ndikaona zvinhu hazvina kumira mushe.... Uye ndakazofara pandakanzwa kuti Mhamha hakuchina asi shasha yakaratidza kugumbuka ikaenda kuroom kwayo ndikasara ndichigadzirisa chivanhu... Ndakaona shasha yakarova mucheno ndikaibvunza yakangoti ndikuda kuenda kutown center handina kuda kumurambidza akaenda.... Ndakagarira shasha kusvika kuma7pm haanga uye ndikazoona..... [Patrick] Ndakarwadziva asi chekuita pakanga pasina hama dzangu kuda mari ndikokwakakonzeresa kufa kwamai wangu kunhamo kwacho ndakanzi unoenda papera3weeks... Ndakazoti zvirinani ndinosangana nemudhara baPanashe paChitown iye Mary haana kuramba zvake ndakaenda ndikasvika kuona shasha yakandimirira... Takatsvaka pekugara pakanaka vakatanga kundiudza nyaya dzakasiyana siyana asi pakuudzwa zvebible apo ndopandakanga ndisingade hangu... Uye hameno zvandaingonzwa kusvika anditi ndiperekedzewo pane munhu vandinoda kunoona ipapo handina kuramba uye kwataienda handiziwe kuti kwakamira sei... Ndakaona. Ko,zvatiri kuenda pane vanhu vakapfeka zvewhite hana yangu yakatanga kurova... Ndikanzwa ndakunzi bvisa bhutsu ndakaramba ndakamira baPanashe akauya kuzobvisa bhutsu dzangu pandakada kutiza ndakabatwa zvine simba ndikagariswa pasi zvikanzi........ "Baba mune mhepo iri mamuri inodakubviswa, uye makaputiridzwa nezvakawanda asi kana tichinge tazvibvisa moto simba Ku...." {BabaPanashe} Ndakatukwa asi ndakazviudza kuti ndotomira-mira kusvika zvanaka chete... Ndaigara ndichitaura naPatrick, asi munhu wacho vakanga usinga mugone ndakazotsanya ndikazomuti ndoda kukuona ipapo haana kuramba akauya ndikasangana naye asi zvaakandiudza hanzii mai vangu vakashaya nezuro mushure mekunge ndabvako ndakatoziva zvangu kuti mabasa ekamusikana kaya atanga manje.. Ndakamuti ndiperekedzewo pane munhu vandinoda kunoona haana kuramba... Apa atsano wangu vakanga vasingaziwe kuti ndavarongera kuenda nawo kumadzibaba paakasvika akamboda kutiza ndikamubata akagariswa pasi akatanga kurutsiswa zvimwe zvinhu zvekuti kana iwe ukazvifunga urikumba haudye sadza uye ndipo pandakaona kuti kune vamwe vanhu vane hutsinye mwana akachema zvake kunyanya pandakazomuti saka "ukuenda kunochema mai vako rinhi?"akaita kakuvhunduka uye semunhu akanga avakuziva zvaari haaaa ndabvuma zvangu iyoyi yedu yekungoda zvinhu tototi tavapano inoti parira iyi.... Zvimwe zvaakazoudzwa handina kuzozviziva asi madzibaba ava vakangoti mhepo yasimuka asi muchazokuda henyu... Ndakanzwa ava kunditi baba simbai kunamata bcz zvamaita izvi handifungi kuti nemunhu wacho ari kuzvifarira uye akatsamwa saka mhepo irikuuya kwamuri... Ndakapererwa ndakazoenda nemukomana kana ashanda ozotanga kugara pake ega... Ndakasvika kumba kuma6pm ndikaona mukadzi wangu aka...... [MARY] Aah munhu uyu amboita sei kunonoka kudzoka nhasi...? Patrick akanga anonokakudzoka kubva kwaakanga aenda ini ndainge ndakangomirira munhu... Ndakazama kufona asi foni yacho yaienda kuvoicemail ndakaita mudumbu ndakaudza shamwari dzangu dzikanditi, "munhu anengeatiza..." Ndakazonzwa zvimwe zvinhu ndikaenda kuno tarisa kuroom yangu yakanga isingapindwi newese wese ndikaona, kuti panechaitika some where ndakatoziva Patrick aita zvimwe.... Ndakaudza girlz dzikanditi "mangwana ngatiendei kwaQueen kuMozambique," handina kuramba ndakabvumirana nazvo asi nyaya yaPatrick ndiyo yaindinetsa chete..... Ndakazorara asi hope hadzina kuuya ndichifunga kuti ndinonotii kumukuru wedu.... Zvisinei hazvo team rangu rakauya tikaenda kuMozambique vamwe ndiwo vainditi kufunga kwako uku akaenda kupi...? "Ini ndiri kufungira mudhara akauya kuzoita basa pamba pangu chete ndiye ari kuziva kwaari chete. Mirai tingosvika kuMozambique...." Takaenda nekuborder rekuNyamapanda. Takasvika tikaudzwa zvakawanda hanzi, "ndakauraya munhu asinga urayiwe izvezvi arikunetsa pluz murume vacho anoita zvechivanhu saka pakaipa....." Ndakabvunza yaPatrick ndikanzii "uyo zvese zvamakamupa zvakarutsiswa, tarisai apo...." Ndakatarisa ndikaona aizveee? Ko, zvaari murume akauya kuzoità basa pamba pangu? saka ndakavabvunza kuti ndingaita sei kuti Patrick adzokere kwandiri... Vakanditi "unofanirwa kushandisa mushonga uyu, asi kudzoka kwake kuchanetsa unotofanirwa kuita kunge vakidnapper murume uyu iye achauya ega sekutaura kwandirikuita asi akadzoka unofanirwa kuita zvandenge ndakuudza ukasaita iwe neteam yako muno parara uye zvinhu zvichatanga kukuomerai mose." Ndakaita kuperererwa zvandakanga ndisingafungiri chaizvo.... Takazoita zvatanga tafambira tikadzokera kuHarare... Takasvika tikaita zvatanga taudzwa kuti tizoita ndikachitanga kuronga tsoro dzangu.. "Girl's!pane zvandafunga kuti tibate munhu uyu faster-faster...." ""Ndezvei zvavafunga Mary? kwete kuzoita zvako hapana chekumirira anofanirwa kuurayiwa..." "OK,ndazvinzwa saka chimbo tererai zvandoda kutaura...Ndikufunga kupa iwe Fungai number dzemurume uyu bcz ndikafona ndiri ini anozondiziva uye nekukasika kubata madeal acho saka ndikapa iwewe vomufonera umuti ndikuda kuitirwa basa harambi ndotozviziva..." Ndakadaro. "Apa vazofunga Mary chitotipa number dzacho titoita izvozvi tigaretaziva..." Shasha yakafonerwa ikadaira apa yakanga yakaiswa paloud akaudzwa nezvebasa akati ndosvikako mangwana chaiyo. Apa ndakanzwa pavaitaura pafoni voice ra..... [Patrick] Haaanda kanga ndavakunzwa fresh air kwete zvekuswera ndakavharirirwa zvandakanga ndakaitwa... Mwari mune simba ndipo pandakatanga kuziva kuti kunamata ndokupedza zvose muhupenyu hwangu, ndakanga ndisingazive kunamata asi kubva zvandakaponeswa ndavakuziva chinonzi kunamata hama dzangu... Ndakaudzwa zvakawanda uye nekunzii mhepo haisati yapera saka simba kunamata... Ndakazotenda baba Panashe vakanditi "hazvitendwe izvi, mangwana ndini saka zvatopfuura chandoda kukuudza ndechekuti namata hama yangu kuti ukwanise kukunda ukasa namata haukunde..." Ndakaona zvaitaurwa izvi zvichiita. Takazorara asi handina kurara nezvandairota ndakamuka ndikanamata ndikatora bible rangu ndokuriisa pasi pepillow yangu, haaaa kutokanganwa nezvekuti ndambo rota hope dzakashata. Mangwana makuseni ndakamuka ndikati kuna baba Panashe kuti ndirambe ndichigara pano hazviiti uye ndinenge ndava kukuremedzai saka ndafunga kuno tsvaka room nekamari kandinako aka.... Vakanditi tione mari yacho kuti inokwana here zveshuwa ndakatomhanyira kuno vhura muhomwe yekabag kandanga ndakaisa wallet nemari imomo ndakavhura kudai ndikatambirwa nehonye. Ndakashaya kuziva kwakanga kwaenda mari ndakaratidza baba Panashe vakanditi...... "Saka vazvipira kuno gara wega? ndokwanisa kukupa mari yacho uye unofanirwa kugara uchinamata zuva nezuva ukadaro unokunda..." "Apa vaona kuti mari yemushonga hapana zviripo? uri mumwe dzidza kubva pane zvavakasangana nazvo..." Vakadaro Mudhara uyu aidzidzisa zvake plus akanga akasiyana nevamwe, ari mumwe anokusiya uchiwira mugomba asi ava vakandinunura... Ndakazonzwa vakudaira foni vapedza vanditi "pane kwaita basa asi iwe uchiri kuda nguva yekuzorora." Ipapo ndakavati, "hazvingaite ndakazorara kare tinoenda tichinobatsirana basa racho... End of chapter 10 Be blessed 🙏