Chapter 11 (Patrick) Izvi handizivi kuti baba Panashe vaizvitirei kuti ndisaenda kuno shanda kwavakanga vawana basa ini ndaitoda zvekushanda kuti ndivane mari yekuno kumbira ruregerero kuna baba... Ndakazobatsirwa nemari yekubhadhara rent asi ndainge ndanzii unodya kuno usatya zvako ndakatoti APA vanenge vandibatsira chaizvo.... Mangwana acho makuseni baba Panashe vakanditi ndavakuenda kuno sangana nemunhu arikuda kuwakirwa imba yake kuMadokero uko, ndakangoti okay kana zvaita toendawo tose vakatoseka zvavo vachibuda kuenda kwavakanga vachienda.... Ini ndakabuda ndokutenderera ndichiona nzvimbo zvangu sezvo ndakanga ndisati ndaijaira... Ndakazoti ndaneta ndika dzokera kumba ndakasvika mai Oana vasipo ndakaenda kumba kwandai bhadhara rent ndikapinda ndikazvivharira hangu mukati... Ndikatanga kuimba ndichibaya baya foni yangu... Mwari nditungamirirei Jehovah, Mwari mune masimba mambo Jehovah Mwari titungamirirei Jehovah Ndakazogurisirwa song yangu panzira neknock padoor ndakashaya kuziva akanga achiknocker kuti ndiani.... Ndakatanga ndaita a short prayer ndikazoenda kuno vhura door ndikasangana nemumwe musikana akanga akanaka zvekuti ndakambo torwa moyo nerunako rwake .. Iye anenge akazviona kuti ndakamutarisa aka zonditi "ndaidiwa naMai Panashe" ndikango muti ndikuuya izvezvi.... Ndakadzokera mumba ndikatanga kugaya kuti pfungwa yanga yandipinda apa ndeipi manje...? Ndizvo zvakazondipinza pama1 izvi kugara ndabvisa pfungwa inoda vanhu kadzi zvaive zvakanaka. Ndakazoenda kwandakanga ndadaidzwa ndikasvika kuna mai Pana vakatanga kunditi "baba Pana havasati vauya plus foni yavo haizi kuita?ndambo edza kuifona..." Ndakatanga kurohwa nehana manje! "zvino toita sei regai ndingozomirira kusvika na10dzemanheru tozoona kuti Havana kuuya here...." Ndakadzokera kumba ndikati ndaizodzoka kuno tarisa kuti Havana kuuya here baba Pana vacho..... Pakachaya10pm ndakanga ndatokuna Mai Pana asi murume vavo haana kudzoka takatanga kufunga manje... Izvi zvinhu zviri kunzi zvatanga kuitika nhasi? Mazuva ose vaisikasika kusvika saka ini ndini ndakonzeresa zveapa .... Ndakazonzwa foni yamai Panashe kurira ndikati pamwe ndibaba Panashe asi vakanga vasiri ndakazonzwa zvakunziii...... (BabaPanashe) Ndainge ndichitofara kuti ndavanawo basa... Ndakamukira kuenda kuMadokero kwandakanga ndashedzwa ikoko ndakasvika paSanganai Ini ndikamufonera kuti auye kuzonditora.... Akanditi ndosvikapo izvezvi ndikati paribho ndiri kutofara zvangu pakasvika rimwe bango remota ndakapinzwamo asi munhu vacho aiti ndamuona saka huyai munyatso muratidza zvinoda kuitwa ipapo hana yangu yakatanga kurova ndikangoti kungorovavo hapana zvinoitika apa..... Takasvika ndikapinzwa mukati ndikanzi "garai pano Mhamha varikuuya manje manje kuzokuratidzai zvinoda kuitwa...". Ndakanyatso gara zvangu ndisinga tombozive kuti kunze kunei ndakagara nguva refu kusvika kuma5 ndikamuti "asi havauye kani mai vako?" akanditi "vakutosvika musatya zvenyu..." Apa ini ndakanga ndatoora moyo ndavakuda kutoenda ini... Pandakati ndichisimuka ndakanzwa door kuvhurwa ndikaona vanhu kadzi 3vakapindapo vakarova face dzebasa ndakashaya kuziva kuti vaigo gumbukira ini kuti ndadiii? pakazopinda munhu wechi4 uyo vandakaona sa..... [MARY] Zvandakanga ndakaronga zvakanga zvazobudirira, chakanga chasara kuziva kwakanga kuna Patrick sezvo ivo baba ava wanga vati kubva zvandakabva kumba kwenyu handina kubvira ndakamuona INI.... Apa vaifunga kuti vari kutaura nevana vadiki vasingaziwe zvinhu vasingaziwe kuti zvose tiri kuzviziva.... Hatina kuda kutambisa nguva yedu navo takaenda naye kumba kwangu takanga tichida kuno muvharira muroom matakambo isa Patrick kusvika ataura chokwadi... Fungai ndiye akazoti tingaswera kunetsana nemunhu uyu anefoni kaa uyu saka ngatitorei foni yake tifonere mukadzi vake anotiudza chokwadi kuna Patrick.... Takaona zvaitaura izvi zvakakodzera chaizvo.... Akatorerwa foni tikasearcher tikaona #dzemukadzi vake tikamufonera husiku ihwohwo akati "munhu vamuri kuda ari pano plz musandiurairawo murume vangu...." Takavati mukasauya naye munhu iyeye murume wenyu hamumuone zvachose kana muchida kutaura naye regai timupefoni.... Akanziii taura nemukadzi vako shaa akatanga kutaura mashoko anorwadza hameno chaitemba murume uyu takangoti kana varwadziva uchataura zvako wega.... Takanomuisa makanga mune nyoka akambo garamo anoita munhu kwaye chaizvo.... Takamuisa tikaenda zvedu kuno tandara tikatanga kuronga nezvekuti tingakwanisa kuenda sei kumba kwemurume uyu pluz mukadzi vacho akaramba kutipa address yeko... "Takati hazvinetse sezvo tine munhu wedu pano...." Ndakatanga kunzwa zvinhu zvakasiyana siyana uye nekusatoziva zvandiri chaizvo kuti chii chiri kuitika pana apa.... Ndakaenda kusecretly room kuya ndikasvikoona kuti zvinhu zvachinja ndakaona nyoka dzakazara imomo ndakashaya kuziva mabviro adzanga dzaita muroom matakaisa baba ava... Ndakabuda ndichida kuno tarisa mudhara uyu ndakasvika ndikaona ari busy kunamata ipapo ndakatanga kunzwa Ku.... [PATRICK] Ndakamboti zvimwe inhema idzi asi ndakazotenda ndanzwa inzwi rababa Panashe kutaura... Ndakanzwa Tsitsi asi pakanga pasina chekuita kunze kwekunamata chete... Uku mai Oana vaingo ndituka hanzii "ndiwe uri kukonzeresa zvese izvi, dai usipo pasina izvi manje murume vangu akafa unochiona chete gore rino.." Ndakaramba ndakanyarara zvangu chandaiziva ndechekuti ndinokunda chete nezita rajeso uyu, ndichadzokera ikoko sekutaura kwavakaita.... One week yakapera vanhu vachingoita ngoma ndiyo ndiyo apa ini ndakanga ndisisa tarisana naMai Panashe nenyaya iyoyi ndakazovati "ndokumbirawo mufoni panumber dzemunhu uya mumuudze kuti hanzii naPatrick ndiri kuuya ikko budisai munhu iyeye haana mhosva..." Vakaitasa izvozvo vakanditi, "saka uri kuenda rinhi?" Ipapo ndakanga ndisingade kuti vaziwe zuva randino endako ndaizvizivira ini zvangu... Mwari ndokumbira simba kubva kwamuri; ndimi makaita kuti ndinamate, ndinoziva hamundisiye ndichiwira mune zvakaipa ndokumbira simba guru kubva kwamurii..... Makaita zvenhu Mwari baba..... Makaita kuti ndinamate.....makaita zvenyu Mwari baba.... Ndakaita kunzwa kuti pano ndava paribho, ndaizoenda mangwana kune maenemies angu... Ndoziva kuti Mwari havambondirega uye ndakanga ndazvipira kudzokera kunoparadza rudzi urwu... Ndakamukira mangwanani ndichiitira kuno bata nguva dzangu dzandaizo svika.. Ndaingoti ndikarangarira chitiko chekutanga apo ndakanga ndisati ndavakuziva shoko raMwari asi iyezvino ndavakunzwa kuti pano shoko raMwari ndavakuriziva... Vanhu ava vanofunga kuti ndakapusa asi iyezvino ndagwariswa neshoko raMwari,uye ndazvipira kuenda kuno onana neshasha idzi uye nekudziratidza kuti simba raMwari rakakosha kudarika zvose izviii.... Ndakasvika pagate paMary apa ndakanga ndakatobata bible rangu zvangu, pandakamuona akanga akaita kuchinja face zvekuti paakasvika akatora bible rangu ndokuriti kwakadaro uko... Ndakangoti nechemumoyo hauzi kuziva zvandakakurongera rwendo uno. Unofunga kuti ndichiri ndakapusa sepaya nhai.... Ndakapinda ndikaona shasha dzichifara zvadzo ndakangoti farai zvenyu kekupedzisira zvamakadya zvakakwana,iye zvino yavanguva yedu yenyu yapfuura... Ndakangovati "zvandauya ndokumbirawo musiye munhu asina mhosva aendezvake ini ndauya muridzi wenyaya sezvamakataura pafoni...". Ndakanzwa mumwe achiti "hapana kwanoenda mose zvamava pano zvatonaka...." Ndakaseka mashoko aitaurwa aya apa vakanga vachifunga zvakare vasingazive kuti zvasiyana.... Ndakaendwa neni kuna baba Panashe ndikaiswamo vakavhara door.... Ndakatanga kunzii "ndakakutii musauya vauya kunoitei?" ndikavati "mudhara izvo siyanai nazvo,ngatichitorwisai kuti tikunde uye nekunamata nesimba chairo..." Ndakabvimirana naBaba Panashe vakatanga kurova kamunamato..... ndidzorere mbiri kwamuri nekuti baba mati rangarira muzuva ra nhasi chivai nemhuri yenyu nekuti baba isu tiri vana venyu tipeiwo zvekudya nezvekufuka izvo zvinoringana mumwe namumwe wedu baba ndinoziva kuti baba makaratidza rudo rwenyu nekutuma mwanakomana wenyu mumwe chete ega kuti azofira isu pakutadza kwedu; zvino ndinoraira mweya yevafi nenhorondo dzevafi dzingasimudzwa munguva ino yezororo! ndinoziva Mwari hamungatisiye munguva yakaoma kudai, ndati nyaradzai kuchema kwedu kudakwenyu ngakuitwe pasi sekudenga. muzita raJesu Ameeen.. Kana ini ndakanyatsonzwa kuti apa baba Pana vanamata..... Takazonzwa... End of chapter 11 Be blessed 🙏