CHAPTER 12 (Mary) Kubva zvakauya Patrick zvinhu zvangu zvakanga zvakungoita zvisisa nzwisisiki.... Day raakauya ndakabuda ndichiti ndikuda kuenda kutown sezvo ndaizosiya girlz dzichiona nezvepamba pangu.... Ndakatobuda nemota yangu zvakanaka-naka ndichienda kutown ndakati ndakusvika pazororo yekuManyame ndikanzwa mota yangu kuti haisisiri mucondition chaiyo ndakaburuka ndikatarisa tarisa, asi hapana problem yandakaona ini.... Ndikatanga kufamba zvishoma neshoma hameno chakaitika kumberi kwangu kwakango darika chinhu chandisina kunzwisisa kuti chiii chaimhanya ipapo mota yangu yakatanga kuita zvimwe zvisisanzwisisiki ndikaparker paside neroad ndikanovhura kubhoneti ndichida kuona chaitora nzvimbo,asi ndakachishaya ndakadzokera kuno dakuti ndimutse mota ndakasvikoona madoors akarokwa apa mawindow andangandasiya akavhirika ndakawana avhariva.... Ndakambo tarisa kuti pamwe kune munhu auya akazviita asi chaindishamisa makey akanga arimo mukati.... Chitiko ichi chakandishamisa zvekuti ndakapererwa ndakazonzwa foni kurira sezvondakanga ndakaibata mumaoko... Ndakadaira Pretty aifona ndikanzwa achiti "kuno hakuna kumira zvakanaka! itouya izvezvi" ndakashamisika. Ko, kwaitikei kwandonzii dzoka uku...m Ndakamuudza kuti tora imwe mota uye unditore, haana kuramba zvake ndakamumirira kuti auye... Pakasvika vamwe varume vaviri vakandibvunza kuti mota yaita sei? ndakavaudza asi ndakazoshamisika kuona mota yavaku..... (BABAPanashe) Mwari vandinonamata mupenyu zveshuwa,ndakazviudza kuti handikundwe nevanhu ava vasingazive chinonzi kunamata!ndaingo namata asi hapana chaitika... Ndakazorova munamato musi vakauya Patrick uyo ndakanga ndati asauya ndozvipedza asi akaita nharo akauya... Nerimwe side ndakafara uye taizobatsirana kuti tikwanise kukuda mumatambudziko edu atakanga takatarisana nayo... Ndichipedza kunamata handina kuzivakwakaenda nyoka dzakanga dziri matatiri,handina kushamisika nazvo asi kwakanga kuri kubasa kwaMwari... Pakauya mumwe musikana achida kutipa chikafu, akati akusvika patiri akanga akatakura tirei ikawira pasi drink racho kuita kunge ropa chairo ndakango seka ndikati, "isu hatidyi zvakadai! zvirinani kufa nenzara pane kudya zvakadai" takazonzwa mhere kuimba yekutandarira takaenda kuno tarisa tikaona shasha dzichingo kwenya apa mumwe vacho akanga akaita kuti musoro vakanga uriwe munhu body yose kuita senyoka .... Ndakangosvika ndikati...... (Patrick) Haaaa ndakanga ndavakufara ini,zvinhu zvakanga zvakuita zvirinani asi handina kurega kunamata... Takazosiya shasha dzichiyuwira zvadzo tikatisarai isu taenda... Takabuda tikaenda tikasiyavana Mary varimo... Takasvika kumba kwababa Pana ndikati "ndavakuenda kumba" vakaramba kuti ndiende ndakazogara pasi vakatangakutaura nemukadzi vavo vachimuudza nezvehutsinye hwaakanga anahwo hanzi, "usaita kunge mwana vamaiguru vangu vandakati siyana nemabasa ako aya iye zvino ava kuzondiudza nezverufu rwemukadzi wake, asi pesi apa akanga asingade kutaura neni..." Vakandibvunza kwandaibva ndikavaudza, Iwo vakanditi "kwakaroorwa Maiguru vangu ikoko, vakazoshaya vakasiya mukoma vangu anonzi Timothy uye anemwana mukomana mumwe chete uyo anova mwana vavo chete..." Ipapo ndakarohwa nehana ndichinzwa izvii. Saka varikureva kuti vane hukama nababa vangu here? Zita ravataura ndoramudhara wangu zveee.... Handina kuda kumhanyira kuvaudza surname yangu uye nezita ramudhara wangu.... Vakazoti ndikuenda kwaMutoko kuno bata maoko mukoma vangu akafirwa nemukadzi vake, ini ndakangovati "hamudi kuperekedzwa here....?" Havana kuramba vakango nditi "tinoenda uye ndoda kuvhandaona vabereki vako" ndakangoti "OK" ini ndaida kunyatso bata chokwadi zvaindinetsa ini..... Ndakazoenda kumba kwandaigara ndakasvika ndikaona kamusikana kekumbouya kachindidana karipo,, ndakanga ndisingazive kuti kano gara pano?ndikati "sisi chimbomirai izvozvo takasiya kare izvo....." Ndakamhoresa vanhu vose kusanganisira iye,ndikaenderera mberi nerwendo rwangu... Ndakapinda mumba ndikarara, ipapo ndakabatirwa nehope ndikatanga kurota kunge ndiri kurwisana nemunhu tikasvika pakurowana ndikaona akundikurira ndakamudzipa, pandakanga ndakamudzipa ndakazoona achinja kuita nyoka. [Mary] "Iwe Mary! urikuona zvavakuitika nezvava katanga, zvinhu zvedu zvavakuparara nekuda kwako takakuudza kuti pfuudza munhu uyu ukaramba hezvo nhasi arikupi zvinhu zvaparara..." Uyu aiva Fungai aingotaura mashoko anorwadza, aingoda kuti ndiite sei ini...? Zvinhu zvakanga zvakundiomera nyoka dzangu mbiri dzakamuka dzisimo, ndakataura naQueen wedu akanditi"hamuna kuita zvandakataura! saka hamusati matanga uye zvipedzei ikoko..." Ndakapererwa, zvino ndoita sei manje...? Uku ndakanga ndisina zororo ndavakungoona hama dzangu dzose dzandaka uraya vachiita kunditambudza zvekuti ndakanga ndapera nemazuva mashoma iwaya... Rimwe zuva ndakamuka ndichita kunge munhu akabatwa pahuro ne..... [Mary] Ndakaona nhamo plus handina kurara nekunetswa nevanhu vandakauraya... Vachiti hanzi "hatisati tatanga uchachiona zvako... Shuwa ungatiuraya nekuda kwemari?manje nhasi unochiona chete.." Ndakaita kuvhunduka apa ndaitorota zvangu... Kwakazochena ndikabuda mumba ndichingoti mupassage ndakatambirwa nenyoka dzandakatadza kudz iverenga dzakafa ndakamhanya kuno tarisa kusecretly room ndikasvikoona mungori nehwani chete, apa yaitoratidza kuti inehasha nokuti yakamhanya kuuya kwandakanga ndiri ini. Pandakaona kuti masamba asiyana ndakavhara door ndokutobuda ndichimhanya ndaingonzwa noise ichirowera padoor... Ndavapanze ndakatambirwa nehonye dzakaitakuzara ndakashaya kuziva zvekuita... Ndanga ndazoona moto chaivo ndakambo fonera vamwe vangu,asi vakanga vasinga bate mafoni avo ndakaita kunge benzi chairo.... Pandakada kudzokera mumba ndakaona mumba kunge manga mava nemoto. Ndakamhanya ‍ kunoda kubudisa zvinhu zvangu! ndichingoti padoor ndakaita kunge ndapindwa nezvinhu mumaziso angu ndikatadza kuona kwandai enda, ndakachema asi maziso angu akanga asisaone zvachose.... [Baba Panashe] Ndakaenda kuno bata maoko mwana wamaiguru vangu.. Ndakazoenda naPatrick achiti anoda kundiperekedza, asi ndaingonyumwa. Takasvika zvakanaka,, chakandishamisa ndakaona Timothy achiti, "uyu anotsvakei pano? ngadzokere kune kamukadzi kake kasina kukwana kuita basa rekundiurayira mukadzi wangu..." Ndakarohwa nehana. Ko, zvaari mwana vangu zvee....? NdakazonyaradzaTimothy uye nekumuti "ngati gare pasi tinyatso taura..." Akabvuma kunzwisisa zvake ndikamurondedzera zvakanga zvaitika ipapo. Mukoma vangu haana kuramba asi akatanga kuchema uyuwo Patrick akatanga kukumbira rurengerero asi mudhara vacho akati handikwanise kukurengerera endaunotora mumwe vako muuye mose ndokuti ndikurengererei... Ndakamboedza kumudzora asi zvakashaya basa kusvika ndazoti kuna Patrick "nofunga vazvinzwira uye handizive kwauchamuona Mary vako uyu..." Ndakazozvipira kumubatsira ndakaudza Mukoma vangu kuti "ndiri kudzoka ndikuda kumuperekedza". Havana kuramba... Mangwana acho takamukira kuno bata bus kuti tiende kuHarare asi bus harina kuuya musi vacho, takazotokwira zvimwe zvimota tikanosiva paMutoko ndokubata makombi... Ndaingonamata kuti dai akangobvuma chete mwana vangu aonekusunungurwa uyu... Takasvika muTown zvekuma2pm tikatora makombi aiti Makoni direct nenguva diki-diki takanga tasvika tikafamba kuenda kumba kwaMary, tavakuda kuno svika ndakaita kunge ndiri kutadza kuona. Ndakapukuta maziso angu ndakaona imba yakaita kuparara... End of chapter 12 Be blessed 🙏