Chapter 28 Fungai Ndaitoona sedambe zvangu ndisingaziwe Kuti munhu uyu akatondiplanira zvihombe zvake ndichitofara ndichimuudza zvakawanda... Ipapo ndaida kumuudza Kuti ndini ndakaurayisa mukomana wako asi zvakakona hazvo mhosva ikasara yava yangu, zvekuti ndaingo demba chandakazvitira uyu Petty ari ko zvake hameno akazoonekwa ikoko... Ndakatanga kuona zvakasiyana-siyana uye murume wandaiva naye muroom imwe chete akatanga kundiudza zvekuti ndirare naye, asi Ini ndaisada zvakafumuka kudaro zvekuti aindimanikidza husiku hwega hwega handiziwe chaimupa kudaro.... Ndakafunga kuudza Mary nezvazvo, asi ndaishaya matangiro chaiyo uye kudai asina kusungwa murume uyu angadai akandiita zvino gara zvakadaro... Ndakanga ndanzwa nekurohwa naMary zuva nezuva kusvika face yangu isisatarisiki uye ndakazvipira kumuudza zvose zvakaitika ndichipedza kumuudza ndakaona mukomana vake achipinda APA ndakavhunduka pamwe chete nemurume uyu Vose vakazviona asi Petty hapana chakaona zvake... Petty ndakamubvunza Kuti "why akakubata uye akuona kupi?zvikanzi "akangonditi ndinaFungai pano unokwanisa kuuya uchimutora uye akataura zvakawanda hake." Ndakachema ndikatanga kumuudzawo zvandakasangana nazvo uye kuudza zvekuda kuitwa mukadzi naBaba Ava... Kubva zvakauya Petty mumba matairara makanga musisaita nekuda kwezvivi zvedu uye murume uyu akatanga kungorohwa mambama akatanga kuita kunge mad man zvake achingo taura ega uku kuside kwedu ndokwakanga kune ma1 chaiyo... Ndakazoudza Petty andiudzirewo Mary kana zvichibvira andiendesewo kuchipatara sezvo zvinhu zvacho zvandiomera hangu uye maziso azvimba zvisingaite nekurohwa,uye kugara kwanga kwakutondinetsa Ini hameno Kuti chiii chaizvo... Mary akazodzoka ndokuudzwa nyaya yanga iripo akangoti iribho ndokundibvisa macable tire ipapo murume aiva matatiri akangomukira Ku...... MAI PANASHE ndakangowira Pasi ndikazomuka ndavamuzasi meroad ndakaunganirwa nevanhu wakawanda, zvekuti ndakashaya zvekuita ndakada kusimuka Kuti nditize ndipo pandakanzwa gumbo rangu kurwadza pandakatarisa ndakaona. Ko,, zvandatoora ndiri mupenyu NHAI? kusvika vanhu vakuti nhai "madam ko,coffin iri nderani...?" Ndakapererwa ndichiona box rakaenda naBaba Panashe ndakarwadziva kutaura chokwadi kusvika pakubatirwa nehope zvekuti ndakazomutswa nanaPanashe avo ndakatadza kuziva kwavabva nako... "Aaah munhu uyu akazvita achida hake uye achaona Moto hasati akatanga, uye Kuti zvipere anofanirwa kuudza Hama dzangu dzose ari iye kana asingade kududzira pachena hasati atanga zvake..." Mashoko aitaurwa nemwana wangu aitorwadza chaiko,shuwa ndakanga ndisingaziwe Kuti anemoyo vakaoma kudai... Ndakazonzwa zvavakunzi tofanirwa Ku..... PATRICK zvinhu zvakanga zvazooma chaizvo,haaaa.Dai pasina Mary hapana munhu aibvuma Kuti ndini ndakauraya munhu sezvakaitwa naMai Panashe wakazobvuma mhosva dzawo dzose dzawakaita kusvika pakuuraya murume nekuda kwekunyeperwa kunzi heeee tosara tichiidya Mari manje zvakakona n'nga murape achida hapana chavaka wana ... Ndakarwadziwa nemafiro akaita Fungai moyo wangu rwadziva hongu akanga akatitadzira, asi kwete pakusvika kuzviuraya ega nekuda kwenyaya dzake .... Apa zvoti Anga apera kunge nenguva diki diki iyi kunge hameno... Zvoda isu zvaitoenderera mberi uye takazoenda Kuno kumbira ruregerero kuhama dzababa vaMary uye tikazoroora ipapo Rudo rwakanga rwakutapira zvemhando yepamusoro kana Petty akanga akunzwawo Kuda. Zvisinei mudhara akazvigamuchira akati"Hama dzaMai Panashe dzaifanirwa kubvisa mombe 7 Kuti nyaya ipere uye munhu aonekuzorora... Havana kuda kuramba waitoita kunge manonoka kutaura kwacho... But Mai Panashe wakanga wava kungorwara zvimwe zviya kuzvimba makumbo kusvika pakutadza kufamba chaiko... Uyu Mary akanga achizotakurawo pamuviri, asi ndaingo namata kuti dai akangouya arimwana komana zvake... Ndinoda kutenda iye musiki akakwanisa kumira neni panguva yakaoma uye kundichengetedza kwavai ndiita... Handaiziwa Kuti nhasi ndingasvika pandiriapa,zvose zvichibvira nekubata kwesimba raMwari. Uye ndisingakanganwe mukadzi wangu Mary akazomira neni zvakare panguva yakaoma kusvika pari nhasi. Ndokutendai mose kusanganisira nadaddy wangu ndinoti Mwari akuitirei nyasha pamusoro pedzamuinadzo idzodzo.... naPanashe takanga tisisasiyane zvachose kamweya kamudhara wake.Kakanga kazobuda zvachose.. "Aaah ndakafara Mary pakaita Mwana mukomana, uuuummm shuwa ndavakutonzi baba pano panyika? zvandakanga ndisinga tarisiri mulife mangu..... MARY Ndakapererwa pandakamhanyisa FUNGAI kuchipatara akasviko rapwa asi ainzianoita zvakanaka hake.. APA ndakanga ndavakumhanyira kuno ronga tsoro dzangu sezvo varidzi wemusha vakanga wakudzoka... Ndakasvikonzwa.Kuti Patrick aenda kunoona hama dzaMai Pana dzaiuya kuzoripa... Mazuva akafamba sezvo takanga tavakuwirirana naPetty ndipo patakatambira nhare yekuti FUNGAI angomuka akazvibaya akafa... Uuuummm ini ndakanga ndisingade Kuti afe chandaida ndaida kumuonesa Moto chete Kuti azive zvakashata nezvakanaka... Takaenda kunomuona tikaona hezvo.Ko,zvakaurayiwa nenyoka wani...? Ipapo ndakakurumidza kufunga ndikati"Petty nguva yatiri yakaoma mangwana unofanirwa kuno dzosera zvinhu kuMozambique, asi Dai Ini ndanga ndisingaende kumusha Kuno gadzirisa chivanhu changu ndakuperekedza.." Shasha yakabvuma zvayo zuva iri takaparadzana zvakanaka munhu achienda rwendo rwake sezvo taizoonana mangwana.. Ndakafara pandakanzi ndakakurengerera Kare uye vava kukwanisa kutiitira muzukuru sezvo ndaiva ndakasungwa.... Zvinhu zvose zvakazopera mungwara rakanaka uye ndikazobatsirwa Mwanamukomana, zvakaita kuunzwa mufaro mulife mangu zvekuti taiva takasiyana pamakore zvaitova zvimwe as long tichipana Respect uye kuziva murume ndiye samusha nekusati ndiri muhombe nokuti Rudo haruna mukuru, chandaingoda kuvana wekugara naye chete... Petty akanga avakuda kutambira Kuna Patrick wangu ndakazama kumurambidza asi ndakasvika pakuneta kusvika azoita mukadzi wechipiri waPatrick.... End of chapter 28 Be blessed 🙏