CHAPTER 03 "Dai muchiziva ndinokudai sei, Musingaite zvauri kuita izvozvo. Chiri kukunetsai kuteedzera zvandakakuudzai chete Daddy?" "Chinga ndakakuudzai kuti ndinokudai nemoyo wangu vose wani,kana mukataura zvose zvamunoda ndinokuitirai daddy musatya kutaura zvenyu..." Aitaura zvake mwanasikana achiita kunge munhu kwaye iye atori nyoka zvayo.. "Oky! ndazvinzwa,asi handikwanise kukuudza nhasi zvandinoda kuti undiitire..." Akadaro Patrick. Ndaingoti ndikarangarira zvandaona ndaita kunzwa kumerera muviri vangu vose kunge ndiri kufambwa nesomething like snake, zvekuti ndakanga ndisinga garisike.... Munhu kutondipopotera zvake panzvimbo yekuti andinzwire Tsitsi kwakukoshesa zvimushonga zvake zvakangozara pose pose.... Ndakazoona shasha yakuenda nechekubedroom kwayo ndikati zvimwe ndasunuguka, izvoo kwani munhu akaita kuuya akaitakutsamwa ndakatadzakuziva chaakanga chapa shasha kuti itsamwe... "Mukuona zvamakukonzeresa nenyaya yekungoita zvisiri izvo, ndavakuzopinda pamuripo uye ndinouona kupi muripo vacho uri kudiwa? Ndikaushaya imi ndimi wandichaendesa kumuripo vacho because zvamaita zvichaurayisa Hama dzangu mukati umo.... Sei musinga nyatso terera daddy nemadiro andinokuita ihazvinga kodzere kukuendesai kumuripo uri kudiwa nekuti kuri kudiwa ropa ndikashaya hapana yekutamba..." Akadaro Mary Ndakatadza kuziva nezvaiti muripo ndeupi vacho kana zviri zvinoda ropa haaaaa aito tamba zvake nenguva mwana uyu. "Ndofunga ndikambo kuita something ungakwanisa kundinzwisisa chaiko nokuti ndikuona zvangu uri kuenderera pano haudi kunzwisisa chaiko manje ndichakugadzirira size yako ukaramba uchidai...." "Kana twekwangu twakakwidza handi nyengereri ini, ndakaendesa vanhu vakawanda saka iwe dzitori Tsitsi dzangu kukusiya apa ndipo vakuita zvaunoda last time vakatitadzisa mamissions edu uchitarisa zvako zvataiita apa vava kuenda kumuzinda vangu kwanda kurambidzai chiii nemi daddy? Mukuda kukura musisina mamwe maparts here?" "Mukaramba muchidai, ndichakudzidzisai lesson yekuti hamufe makakanganwa muhupenyu hwenyu hwese. Musazvifurira kutiza pano pamba ndikuona zvose zvamuri kufunga musazvifurira kutiza pano otherwise mukangodaro motoziva kuti penyu pakupererai uye zvamukuona pano ngazviperere pano kwete kufamba muchiudza vanhu nezvazvo..." Ndakaita kupererwa saka; zvirikureva kuti Mary atori kumberi kwangu kare? apa ava kutoziva maths dzandikutoronga zvese saka pano budika here apa..... Regai ndingoona zvinoitika zvacho handina basa nazvo ini, zvese zvaari kutaura ndezve kupenga izvo... Yakazoti nzara yava kubvunza mutupo manje, ndakashaya zvekuita ndakazongo zvishingisa kudya chikafu changa chirimo ndakatanga kurutsa kusvika mudumbu musisina kana chii zvacho uku Mary ari kutondiseka zvake hanziii "uchajaira zvako nekufamba kwenguva...." Aitondibhohwa munhu vacho. Ndakazorowera moyo padombo ndokutora chimwe chikafu chatakasiya manheru acho ungati maspagethi kana kutiii inyoka here, zvekuti ndaita kunge ndirikuona turi tunyoka tudiki-diki ndakango wisira plate kwakadaro uko akati atanga kupopota neplate yanga yaputsika ndakaudziridzwa musi uyu.. "Manje hausati vatanga, ucharutsa ukazvirega zvako ndochikafu chemuno ichocho ukasatodya zvako hameno hako dear.....Uri kutoputsa plate yangu unoziva here kuti yakaita marii? uye yakabva kupi?" Munhu anokoshesa plate kudarika munhu! vanhu vane mushonga ndozvavanonetsera.... Ndakatanga kuchema handaiziva kuti munhu uyu achazochinja kudai. Dai ndakazviziva ndisina kumuda hangu.... Shuwa mungati munhu here kana kuti muroyi chaiye anosvika pakuuraya family yake yose nekuda kwemari kana ndimiwo.. "Daddy ndichabhobuda, asi ndiri kudzo izvezvi nemashamwari angu musare zvakanaka musazoitawo kuti nditsamwe plz because ndikatsamwa munoziva hunhu hwangu saka ndokumbirisawo musaenda futi kunzvimbo dzandaka taura..." Mary aitondipengera ini, kutonditi daddy zvekuda kundifadza nenhema izvo! daddy vako vakauraya kare... Ndanga ndakangomaka Zita rekunzi daddy nemuroyi mukuru uyu... Zvisinei hazvo shasha yakabuda kuendakuruwa ndikasara ndokuenda kuno rara zvangu masikati iyayo ndakangobatwa nehope dzakatanga dzichinakidza asi ndakazopedzisira ndakuita kurota ndichidzingiriswa nevanhu vandanga ndisingaziwe vakatadza kundibata vanhu vacho ndakazorora... Ndakazopepuka kubva kuhope apa hana yangu ichita kurova chaiko ndakabuda ndikaenda kunogeza kubathroom ndirimo ndakanzwa kuvhurwa kwedoor ndakabuda kunotarisa kuti ndiani, asi hapana vandakaona ndakadzokera kunogeza ndikanzwa same-same hana yakatanga kurova. Ko,minana iyi ndeipi yakuitika iyi.? ndaifunga kuti Mary adzoka, asi akanga asina kudzoka ndakabuda ndakamonerera towel ndichifamba nepassage. Ndakasvika kuroom iya isingavhurwi zvekumhanya ndikanzwa mucelling kunge muri kufamba munhu.. Ndakadzokera kuno pedzisa mutambo wangu ndichingo vhura door repabathroom ndakaona mutabu makaita kuzara ropa ndakashaya kuziva kwarabva ndakadakuvhara door ndikasanganidzana maziso ne..... [MARY] "Hazvite zvamurikutaura kudaro, imi kana mavakungoda kuti ndikupei taurai kwete zvekundiuraira murume wangu izvo handitodi kuzvinzwa zvachose.." "Mary!chinga takanga takawirirana wani kuenda nemurume vako kuMozambique uko anogadzirwa ikoko, asi iwewe ukuramba zvako manje soon uchaona zvako nekamurume kako ikako.." "Ukuziva here kuti kamurume kako ndikokari kutitadzisa zvatinoda kuita? tarisa hakade kunyanyodya chikafu chako pluz kutsvinya chaiko pamusoro pedrink redu....?Chimbotipa tikapinze munzira kwayo kwete zvaurikuita izvi zvati parira anoita zvaanoda kutambira pazvinhu zvedu zvose tengetichizviona hedu asi tichinyarara..." Ndaipikisana neshamwari dzangu dzaindiudza zvekuti tiuraye Patrick ini ndakanga ndisingatode kuti auraiwe zvake. Nokuti ndaida kuti angoita murume vangu zvose zvandaifunga kumushandisa ndomushandisa... Ndakambo shanduka kuita cobra mwana akafenda day racho ndakaedza zvakawanda, asi ndakaona kuti hapana zvazvino batsira... Ndini Mary vacho vamuri kungonzwa nembiri yekushanduka kuita nyoka... Ndakambo zama kuramba asi nekuda kwemari ndakazobvuma kutora mushonga uyo unogara muroom yangu isinga vhurwe pose pose mune nyoka dzangu 3dzakasiyana siyana dzandinotuma manheru ega ega kunoita zvandenge ndichida.. Ndini ndakakonzeresa rufu rwehanzvadzi dzangu 2 nadaddy namhamha nekuda kwemari ndakavaendesa kunyika yavo wega.. Ndikasara ndiri mumwe chete ndichidya mari yangu.... Ndaiti pataienda kuMozambique kumamission edu ndaigaro sangana nekamukomana kandakazotora kukaita murume wangu, ndiri kukashandisira mushonga. Asi kudzinza kwavo kuno ratidza kuti kwakakora... Ndakasvika pakuzokabvuma iko kakanditi kanoda kundiroora ndikakati "handidi,asi zvandakuona uri pano uchitengesa mazai ndokwanisa kukutora ndoendakunogara newex haana kuramba plus kaitofara kuti ndavana chibbie kasingaziwe zvandiri ndaingoti nechemumoyo uchaziva hako rimwe side rangu... Asi ndaingotorwa moyo plus kuti ndimhanyire munhu kumuti ndokuda zvakangooma. Asi ndakazomutora kumuita vangu.. Kurara naye ndinoda, asi pandenge ndavakuda kurara naye ndinoshanduka kuita nyoka. Zvinozvopa kuti Patrick anyanyotya plus ndinorara nenyoka dzangu kaviri pavhiki... Vanhu vanouya mumba mangu nndinovapa drink rered Ivo vanenge vachiona sedrink, asi isu tenge tichiona seropa ratinenge tauya naro kubva kuMozambique... Ndikozve kunobva chikafu chedu chizhinji chatinodya nechinodyiwa naPatrick achirutsa.. "Saka zvavamusiya vati urikudzoka nguvai?" Ndaibvunzwa nemashamwari angu ndikango mati "ndamuti manje-manje..." Vakanditi Mira timutumira zvinhu zvekumutest apo takanga tichimuona zvedu achigeza, asi kungoti pandaida kurara naye ndaichinja kuita nyoka .. Takatanga kuona shasha ichiita kutya ichi famba mupassage kusvika pasecret room yangu ndikaona shasha yadzokera mubath ichiratidza kutya.. Haaaa ndipo pandakaona kutya kwerume iri manje hasati atanga. "Nhai girlz! mukuzviitirei? mukuda kuuraya murume wangu here?" "Dai utori mumwe vato nyarara zvako nokuti ukuziva chitenderano chedu....Unofanirwa kuenda naye kuMozambique uko anonyatso gadzirwa Zvekuti kana akada kuita sei zvake hapana zvaanokwanisa. Uye nekumuita kuti kana ukada kumuti akuitire chiii!anokuitira.." Ndakaona zvaitaurwa nevamwe vangu zviri izvo nokuti ndikada kuita tsitsi munhu vacho handizomugone, aida kunyanyo onesa zvisi zvake... Takaona shasha ichiita kubvunda paya kaona mubath room maaida kupinda mutabu makazara ropa achishamisika kuti rabva kupi akada kuvhara door ndokusangana nenyoka yakanga yatumirwa naPretty akatanga kuita kunge munhu arohwa nemagetsi uku weti ichibuda, ndakamunyarira.. "So guys! make sure kana tavakuenda naye kuMozambique hafanirwe kuona zvinenge zvichiitika ikoko anofanirwa kuenda asingaone(blind)saka hameno kuti zvinoita here?" "Yeah!zvinoita chatisirikuda kuti aone ndezvinenge zvichiitwa ikoko uye nekuona nzira dzedu anozotinetsa kuti tiri kuenda kupi...." "Iwe Mary wototipa zuva rekuenda kwaqueen wedu...." "!Haaaa guyz! zuva handisati ndavanaro,hanty tirikuenda kunorara kumba kwangu nhasi tichibhofara saka ndipopandichakuudzai musi vatinoenda naye kuMozambique kwacho.." Takabvumirana negirls dzese tikarova pasi kuenda kuchitungwiza kumba kwangu... Muroad maitaurwa nyaya dzainakidza nekusimbisa business redu sezvo zvinhu zvakanga zvava kuda kunetsa saka pakanga pavakubho diwatunoita kuti zvisanyanyonetsa, nyoka dzakanga dzavanenzara saka taifanirwa Ku...... End of chapter 3 Be blessed🙏🏿