CHAPTER 26 MARY Kuda kuzviedza muchenjeri usingaziwe kuti Ini ndakangwarisa kudarika iwe uye kunyarara kwandanga ndakaita makore ose ayo muchiita zvamunoda henyu maiti zvino ndifadza here.... Uye vamwe venyu vari kupi? Ipapo Fungai akaramba akanyarara achiona Mary zvari kutaura sedambe... Mary akango simuka paakanga akagara ndokusviko rova Fungai mbama yakaita Kuti aone nyenyedzi masikati machena uye murume uyu akadzoka otanga kutyawo... Pakarepo Fungai akatanga kusvipa ropa rega rega. Mary akatoseka achitoti "handisati ndatanga zvangu Basa rangu..." Akachitanga kubvunza nezvemunhu akarova Patrick, ipapo ndopaunoona murume mukuru achitadza kugarisika zvake Hana yakurowera kumashure chaiko nekutya.. Paakanga akuda kutaura ndopakaita call pafoni yaMary akabuda kuno idairira panze apo akanga afonerwa naPanashe achimuudza kuti svika kwaMakoni pachipatara izvozvi haana, Kuda kutora nguva semunhu aiziva rurwere rune murume vake; akapinda mumota yemudhara akavharirwa uyu ndokusanganidzana nefoni yaFungai ichifonwa naPettya kamuti huya paMakoni paOk. Kunyepa zvakunoita so,uye hameno kuti Mary mweya uyu Anga auwana kupi uye kurwadziva nezvakaitwa murume vake.. Akasvikoona Panashe akagara zvake naPatrick vachiita nyaya, akanombundikra murume vake ndokutanga kuchema kusvika azonyararidzwa ndokukuru-kura zvavo... Mary akabvunza murume vake nezvemunhu akamurova kana achimuziva iye akangoti ndinomuziva... Mary ndokuti kana mapora muzondiratidze... Patrick achinzwa izvi akangoti "hazviti tinonofa ikoko saka zviri nani kusiyana nazvo izvi.." Mary semunhu aiziva zvaari akangobvumira zvake sezvo Aida kuzomutora chinyararire achinomuratidza Kuti ndiye here munhu wacho... Ipapo Panashe akangosimuka ndokubvunzwa kunzii "vakuenda kupi?" akangoti "my enemies is around here" ipapo munhu wese akaratidza kuvhunduka uye Patrick akanzi tirikudzoka ipapo Mary akaenda kunopinda mumota ndokuenda paOk apo akanosvikoona Shasha ichiburuka iye ndokuburukawo achienda Kuna Petty... Panashe achibuda nekune rimwe side ipapo, Petty achiona Panashe akavhunduka uye kuona chiso chacho kunge baba Panashe akatanga kupfugama zvakashamisa Mary akatanga Ku..... PATRICK Ndakarohwa ndikatadza kuziva zvaitika... Ndakazomukira kuchipatara ndichiona ndakaiswa zvitambo zvakawanda ndakatadza kuziva Kuti ndezvei izvozvo... Misodzi yangu yakatanga kubuda pandakaudzwa zvanga zvaitika uye ndandazvipira kusashanda zvamuchose,kuenda kuno gara kumusha kutori nani pane Kuno uku... Ndakabvunza Panashe nezvaMary akangonditi pane kwaenda asi anodzoka zvake. Takatanga kutaura nyaya nemwana vabamudiki wangu tichiudzana zvataikanganisa nekuonesana.... Ndopakasvika Mary akuda kutanga kundibvunza nezvemurume akandirova plus ndakanga ndisingade kumuudza zvingazoti netsa mangwana... Panashe akango simuka achiti zvinhu hazvina kumira mushe... Ipapo Mary akavhaendawo ndikasara ndine mumbvunzo zvangu. Asi ndaivimba vachadzoka vanhu Ava ndakasara ndega pfungwa dzangu dzaitova kure zvadzo... Mangwana Acho makuseni ndakabudiswa sezvo ndakanga ndakuita zviri nani ndakauya ndikatorwa naMary akaenda neni kwadaisaziva..... Ndakazoona tasvika pane rimwe ziimba, asi kurineche kumamisha emuTown ndakatadza kuziva muridzi weimba iyi... Ndakapinzwa mukati ndikaitirwa zvose ndaguta ndakuti ndichirara ndopandakanzi nditewere Kuno ndakangomutewera kumashure kwake achinopinda mune imwe room umo ndakasanganidzana nemurume wekundirova kusiya kufa Ndakaramba ndakamutarisa zvangu.... Ndakatadza kuziva Mary kwakawana vanhu Ava uye chinangwa chake chekuvharira vanhu Ava ndechei?Ko, vamwe vaifambidzana nawo vaitasei ipapo mumwe musikana akanga akazvimba kumeso kwese pakandiona akaratidza kuvhunduka zvakandishamisa ipapo ndakanzwa Mary achiti.... "Ndakubata ndobasa rako,now tell me..." Musikana uyu akada kunyepera kuzungaira asi akazvonzwa mbama kurira paari yakaita Kuti ataure zvose zvakaitika nekuti ndiye akatuma munhu Kuno ndipachikafu chaiva nemushonga... "Ndoda madetails evanhu ivavo uye nemafoni number avo vanongara kupi....?" Musikana akamboda kuramba-ramba akatanga kurohwa kusvika ati "Mira nditaura..." Ini ndakanzwa tsitsi ndikati "nhai Mary hauone Kuti munhu ataura chokwadi chose here zvaukuda zvabuda pachena wani.?" "Shaa chaukuda kurerera mhondi idzi,chiii unoziva Kuti ndodzikutitadzisa kuita mufaro iwe wotaura zvakadaro." Ndakatoona Kuti munhu akanga apfeka face yebasa ndakabuda ndikano Mira nechepadoor zvangu ndichida kunzwa zvichasara zvichiitika... Ndakanzwa murume uya ava kutaurawo zvose mushure mekunge arohwa, Mary akanga akanyarara nhema uye arikuziva mapenzi ake ndakabuda ndokuno gara zvangu panze... Ndakaona munhu ava kuuya kwandiri akasvika achinditi.... Mai Panashe Ndaiti ndazvigona kukiya door ndisingaziwe zviri kumberi ini... Ndakarohwa mbama ndikadonha Pasi zvekuti ndakasimuka ndakananga kubedroom kunorara sezvo zvinhu zvakanga zvakundikuda vamwe vangu vaitondibhohwa nekusapindura kwavo. Ndichipinda Mumba ndakaenda mubathroom kuno zvigezesa mavanga angu ndapedza ndakatarisa pamubed ndikaona hapana munhu ndakano kiya door ndokudzoka pandakasvika pedyo nebed ndakaona baba Panashe vakarara pandaida kurara APA vakapfeka kaboxshort. Apa vachibuda furu pamuromo,haaaa ndanga ndatoona moto... Chandakazvitira chiii?nhasi ndakutadza kugarisika nekuda kwezvandakaita.. Ndakavhura door ndokubuda ndichimhanya zvekunzi kun'anga kwandai enda kure maito nyepa.... Ndakasvikoona sekuru vaya varipo ndikavati "shuwa kundipa mushonga wenhema henyu..." Sekuru wakashamisika,uye kuramba Kuti handina kukupa mushonga Ini vakauya pano rinhi? Ipapo n'anga yakavhaya rohwa mbama, ikatanga kushaya kuziva zvekuita... Mai Panashe zvaiva mumaziso Kuti vatize hazvaikwanisika vakangofenda varipo kusvika pa..... End of chapter 26 Be blessed 🙏