{Patrick} Ndakaita kupererwa, uye nekushaya mashoko nezvandaiona pamba APA... Chete munhu kana afunga kuita zvaada,sezvo Iri imba yake haunga kwanise kumurambidza iwe uchirent.... Ndakazongo bvumirana nawo vakanditi "ndikukupa mazuva matatu ekubuda mumba imamo...." Ndakambozama kuti wandiwedzere mamwe mazuva asi zvakashaya basa kudzamara ndadzokera ndikasviko pinda mumablanket... Pasina nguva ndakanzwa knock padoor ndakapa sign kuna Mary ndichimuti usanovhura ndiri kuenda ndenga ikoko... Ndakaenda pawindow ndokuvhura keteni zvishoma ndichida kuona vanhu vaiknoker.... Ndakashamisika kuona vanaFungi naPetty vakamira padoor,ndakadzokera mumagumbeze ndokurara ndakazonzwa vavakuti "tichadzoka kumanheru tichivatarisa...." Pavakaenda ndakavhanda shandisa ivo mukana kuti ndibude asi ndakati kuna Mary "usavhuriri munhu zvake anouya pano bcz hupenyu hwedu huri panguva yakaoma..." Ndakabuda mumba ndisina kana cent rekuti ndingazokwirawo mota kana kombi muroad umu, uye kwandai enda ndaisakuziva.... Ndakapfuura nepamba pababa Panashe ndichida kumhoresa vamwe asi ndakaona pasina vanhu ndakangoti pamwe hameno kwavaenda zvavo.... Ndakafamba netsoka ndichitsvaka basa asi zvinhu zvanga zvakangooma hazvo, zvekuti handina kuona kuti ndakasvika nguvai kwachiKwanha uko ndakazowanawo kamwe kabasa kuti ndikarambe zvaisaita ndakango bvumirana nemuridzi wepo akanditi unofanirwa kuita gaurd pano kubva makuseni kusvika na5pm manheru.... Ndakafara sezvo ndanga ndawanawo basa,changa chasara kutsvaka kwekugara manje.... Ndakazodzokera kumba zvekuma past6 urimufaro chete chete....Ndakatiregai ndipfuure ndichisweresa vamwe, zvandakaudzwa nevanogarapo zvakandishamisa! uye kuti sei vakabva apa vasina kuudzawo vamwe pane zvakavanzika chete apa.... Pandakasvika nekuda kuvhura door ndikaona harisi kuvhurika apa ndakatanga kugaya team yambouya makuseni pano... Ndakangogara kudaro ndipopandakaona Mary achisvika ndakada kumubvunza asi ndakati ndomubvunza ava mumba... Akazorondedzera kuti ndanga ndaenda kuno tsvaka madzibaba vangandibatsira,uye nekunoona kumba kwangu asi ndasvika pane vanhu vachiti takatengeserwa imba nevamwe vasikana.... Ndakanzwa Tsitsi ndikamunyaradza uye nekumuudzawo kuwana kwandaita basa ndakambonyarara ndopandakanzwa foni kupinda sms, ndakamhanyira kuivhura ndikaverenga ndakapera simba nezvaivamo mumassage iyi. Shuwa munhu haana kana kutaura nezvekurwara kwavo.... Zvakanditorera nguva kuzvingamuchira asi zvekuita pakanga pasina... Ndakadzokera kumashure mazuva andaivaudza baba mudiki vangu, asi vaiona kunge ndiri kutamba asi nhasi ndovatisiya..... Ndakaudza mukadzi wangu Mary nechitiko ichii, akangoti "ndimainini chete vazvikonzeresa" asati apedza kutaura padoor pakagogodzwa pandakanovhura door ndakasanganidzana maziso na... (Patrick) Ndakashaya zvekuita, ndichinzwa zvaitaurwa naMary zvaitoreva mainini wangu vane chekuita chete nezvekufa kwaba Panashe.... Ndakazogurisirwa neknock padoor munhu vacho kugogodza kwacho ungati mupurisa zvekuti ndakabuda ndine hasha, pandakasvika padoor ndakapererwa ndichiona vari vanaFUNGAI nechavaida ndakachishaya ini.. "Iwe Patrick! hatizi kuda kutaura newe zvakawanda, tauya kuzotora munhu wedu kana usingade naye tiri kukutorai mose toenda nemi..." Akataura mashoko aya FUNGAI achifungidzira kuti ndichavhunduka,asi handizvo zvakaitika zuva racho.... "Aahh! asi muno ndishurira? makazotanga kuita munhu riinhi?kuti mavaMwari here. Kana mashaya zvekutaura better kugara maenda zvichakanaka bcz zvemunhu wamuri kutaura handizviziwe ini..." Vakatanga kutaurirana munzeve ini ndakadzokera mumba ndikabuda ndakabata simbi, zvekuti pavakaiona vakaita kumhanya vachienda nekwandaisaziva sezvo kwakanga kune karima... Vanhu vanoda kundinzwa hanti? manje vanondiguta chete... Kunze kuchiyedza ndakatanga kugaya kuti ndoenda kuno chema baba mudiki here kana kuenda kuno tanga basa....m Ndakaona zvakakodzera kuenda kunhamo sezvo ndakanzi namudhara fana kuenda ndirikuuya ikoko... Pandakasvika kumba kwainzi kwaigarababa Panashe uye pari ipo pavari kuchemerwa ndakapererwa ndichiona zveshuwa vanhu vakatoungana kuratidza kuti munhu hakuchina.... Pandakada kuziva nezvekurwara kwavo asi hapana akakwanisa kutaura zvake,uyu mudhara akanga ati akutosvika.. Chakandishamisa day rakanotorwa mufi Havana kuenda kuno mutora nemota dzake, asi akauya nemota yeDoves achingoiswa mumba weukama vose vakapinda kusiya kwangu nevamwe,ndopandakanzwa mota kunge iri kudhururuma zvakandishamisa kuti ndiani aimutsa? pakanodeedzwa mai Panashe vakatoshamisika nechitiko ichi.. Mudhara ndiye akangoti isiyei yakadaro ichadzima yega, asi INI zvakandiratidza imwe pikicha yeku..... (Mai Panashe) Ndakanga ndabudirira tsoro dzangu,hameno kana pane inenge yazosarawo zvayo.. Ndakaudza hama dzababa Panashe nezverufu rwemurume vangu, ndaifunga pamwe pane vachada kunetsa asi hapana akada kusimudza musoro sezvandaida kuona... Ndakashamisika ndichiuya kuno bvunzwa nezvemota yakanga ichinzi iri kudhururuma hatiziwe kuti pane aimutsa here? haaaa ndakaita kunonzi kupererwa uye nekuda kuzvionera ndega... "Aah!Tirikufunga kuti ndimimai mutsazve..?" "Ndongoimutsa sei, imi murikuona mamiriro akaita pano kuti hazvisi zvakutoshura here izvim honai mukati hamuna munhu asi makey aripo kuratidza kuti pane aimutsa...." Vanhu vakashamisika nechitiko ichi.... Vakada kuzama kuvhura asi madoors airamba kuvhurika chaiko.... Yakazonyarara yega zvakaita kuti vanhu vakanga vari panhamo apa zvivashamise,uye nekutya kuti iyi yava ipi futi... Nyaya yakazondibhohwa ndeyekunzi mufi anofanirwa kuenda kumusha,uko kwatichanoita chivanhu chedu ... Haaa apa ndakatoona kuti ndikaita zvekupusa handaibuda nyaya yachoo... "Nhai bamukuru?hamuziwe kuti mumwe wenyu aiita zvechitendero kwete zvechivanhu zvamakutiudza izvimizvabva nekupi?." Murume mukuru akambo nyarara achizheya mashoko ekutaura asi akamashaya kusvika azoti, " tazvinzwa! mochiita zvechitendero chenyu" zvakaita kuti mai Panashe vafare vasingaziwe zviri kumberi.. Nyaya yakazonetsa vanhu pakanga pavakutakurwa mufi kuti apinzwe mumota yeDoves, pakaitika mashura chaivo shuwa vanhu vabuda vakatakura coffin zvakanaka-naka apa vakuti hatizi kukwanisa kuri simudza. Vanhu vakawanda vakazama kuno simudza asi zvakaramba kusvika bamukuru vakubvunza.... "Tadii tatora mota yake imwe chete tamuisamo, nokuti izvi zviri kuratidza kuti anenge ari kuda kutakurwa neyake mota." Mai Panashe wakanga vasingade kunzwa nezvazvo asi chekuita pakanga pasina... Mashura chaiyo,saka zvoreva kuti munhu uyu anga achida kuiswa mune yake mota.... Zvese zvakazoita vakapinda munzira kuenda kumusha... Wakanga vaapaduze nekuno svika kumusha kwababa Panashe, uyu Panashe ndiye akatanga kuchema zvaisa nzwisisika ukuwo amai wake hameno zvavaingoona uye nekunzwa zvinhu zvakasiyana-siyana munzeve dzavo.... Pavakasimudza musoro sezvo wakanga vakatsiki tsira vakamboita kunge vari kutadza kuona, asi vakazoona zviri izvo. Munhu wavakanga vaona akanga ari mu...... End of chapter 18 Be blessed 🙏