Chapter 17 [Mary] Ndiri muchipara ndainzwa manzwi evanhu wandaiziva asi ndaisakwanisa kuvaona. Apa hana yangu yakanga yakungorova zvisingaiti zvekuti ndakademba Patrick zuva racho ndichingoti. "Ko, hangabudikiri here? Sezvo vanhu ava vakuda kutondiita munhu wavo..." Hameno zvinhu zvavakandizora zvaitakutsvinya zvekuti ndakachema panguva yacho... Pavakabuda ndakanzwa kamhepo kachipinda asi ndakanga ndavakungotya nezvanga zvamboitika izvii... Patrick akazouya ndikamurondedzera zvose iye akatiwo hazvichaiti kuti usarepano uye doctor ava handisi kuvachenesa ... Takazobuda tikaenda kwainzibndokwandogara naPatrick ndopandakati dai ndaiona ndichionawo zviri kuitika izvi,asi zvakanga zvakangooma hazvo... Ndakazviparira ndega nekuda kwekupfuma uye handichatozivi kana pane chakasara kumba kwangu.... Apa vainzii ndiwo Mainini wangu naPatrick vakanga vasingaiti, shuwa vanoti kuita bofu kuda here...? Mai ava Havana tsitsi shuwa Patrick akatozviona hake akati ndogara naye ndega musame room imomo hazvindityisi izvii. Asi Mainini vake vairatidza kuda kuti Patrick andisiye Ivo vasingazive kwatakabva tiri tose... Hongu Patrick ndaimuda zvakanyanya asi ndakanga ndisingaziwe mumwe wangu kana achiri kundida plus zvaisaita kumutanga ini.. Ndakanga ndisina zororo usiku nesikati, ndaita kuoneswa moto mutsvuku chaivo uku mai Panashe vaitaimira kana Patrick aenda kubasa nemurume wavo wouya kuzondituka nekundirova apa vachitaura zvisina basa kune vanhu wepamba apa... Handina kubvira ndakamuudza Patrick zvaisara zvichitika izvi.... Rimwe dambudziko rainyanyo ndirwadza nderekuti ndainzwa kuda Patrick zvakanyanya sezvo nguva dzose takanga tisingaonane, ndakambo mubata manheru shasha ikatanga kupinda muchikwata kana yasvika nguva yemutambo mukuru ndaigona kungosha ndukakuita kunge zvaitondirwadza asi iye akangoti unoda kunamatirwa kuti mweya uripauri ubve tichaenda kuna madzibaba kuti zviite.... Chandaingoda kuti zvibve pandiri.... Mai Panashe hunhu hwavo hwaisaita hanzii "ukaramba kuita zvandataura uri kufa,uye ukango zviudza vanhu chete pakopapera....." Ndakamirira kuda kunzwa zvavaida asi pandakanzwa vachitaura zvekuda kuita ku..... (MaiPanashe) "Shuwa mungaite basa zvenyu kutsvakana nemunhu akazviparira ega...Kutadza kurara muchifunga munhu dai anga ariPanashe zvaiva nani pane kutsvaka Patrick kwamukuita...." "Usada kuti nditaure zvisirizvo iwe....Unoreva kuti kana uchitaurama shoko akadaro kwandiri uye Patrick hazi mwana wangu here....?" Murume wangu ndaitadza kuziva zvaishingirira kumira-mira zvaindisvota kutadza kuenda kubasa nekuda kwaPatrick manje tichapedzerana... Chinhu chaindibhohwa ndechekuti murume wangu aifarira kunamata asi ini handaida kutonamata zvangu nehutsinye hwandinahwo uhu... Mazuva akanga asingaonekwe mwana wemukoma vake ndaifara zvekuti, asi paakazouya nekapofu kake ako ndakanga ndakakamaka mushure mekunge karamba kuita zvandakakaudza.... Ndakatoona kuti pano ndikaita zvekutamba madeal angu anobatwa chete.... Murume wangu akango tanga kubudirira zvaisa nzwisisika zvekuti ndakanga ndisisade kuona hama dzake uye nekuti arambe achishanda naPatrick ndaitoona achito waste mari.. Ndakazama kumbovaonesa asi vakaramba zvakasvikapa kundibhohwa ndikafunga zvekuenda kuno tsvaka mushonga pamwe zvingabatsira.... "Baba Panashe!hamuone here kuti Patrick wenyu iyeye ndiye arikutadzisa basa renyu kufamba? madii kumumisa zvenyu..." Ndamadaro "Chimbori chii chaunoda kuita iwe? uye zvapinda papi izvozvo....?" Ndakaseka zvangu "ndosaka musinga budirire imi mungadai matovane mota mbiri pane kuswero tambisa Mari kwamuri kuita uku...." Ndakazoona shasha ichiti"mota iripo asi haisati yavamuno uye vakazobvuma kumisa Patrick basa kana achinge abva kumusha kunogadzirisa nyaya dzake... Ndakaedza kufurira Mary asi zvakaramba ndakanga ndafunga kumupfuudza Patrick wacho asi aiuya kumba achiramba kudya zvaitondisvota zvangu... Ndakafara paakanzi Patrick wakura saka vava kufanirwa kuchizvionera ini handichakwanisa kuramba ndichishanda newe, uye matambudziko ako awandisa saka count me out munyaya dzako uye.... Ndakaita kufara iye akanga ava kuchema akangosimuka nekuto......... (Patrick) Kamuitiro kakanga kakuitwa naMai Panashe nemurume wavo zvakandiratidza imwe pikicha yandisinga kanganwe muhupenyu hwangu.... Uye ndakanga ndavakungo enda kubasa,asi moyo wangu wairamba chaiko.... Ndakanga ndisisa vimba nemunhu nekuda kwekuchinja maitiro ababa Panashe nemukadzi wavo hameno kuti vaidàro nekuda kwekuti ndavakugara naMary here.? Mazuva acho ndaigona kunzi nhasi hakuna basa ndoswera ndichitandara naMary sezvo zvekuita pakanga pasina... Pandakawana mari inokwana zvandaida kuita ndakaenda kunoudza baba Panashe nezvekuenda kumusha kunogadzirisa nyaya dzangu.... Vakanditi "ufarise mukoma,uye handizi kukwanisa kukuperekedza". Izvi ndakanga ndisina basa nazvo zvachose chandaingoda kubviswa pamatambudziko aya chete.... Ndakatorana na Mary tichienda kunotora mabhazi kuMbare ekuenda kumusha sezvo ndaingoda kuno gara zvemazuva maviri chete.. "Nhai Patrick! hauna kundipindura zvakandigutsa iwe,nezvandaka kubvunza zuva riya...?" Akadaro Mary achiratidza kuti pane zviri kumunetsa asi ndakazomuudza zvese nekumusimbisa... Akandiudza zvakandishamisa ndipo pandakaona kusadiwa kwangu naMai Panashe, shuwa vangaudza Mary kuti andipfuudze kundiuraya ndavatadzirei hangu ini... Ndakanga ndiri panguva yangu ndega ini. Takafamba zvakanaka uye nekutambirwa nemufaro nababa vangu zvekuti handina kuramba ndichiita nyaya ndakavarondedzera zvose uye nekukumbira ruregerero pane zvose zvandakaita,ipapo vakanzwisisa nekuti ndakuregererai kubva nhasi musazvipamhe futi.... Takazoendeswa kumwe kwandisingaziwe tikaitwa zvatakaitwa ndipo pandakazoudzwa zvekunzi "uchidzokera kuHarare usadya anything chinobva pamba pababa munin'ina vako, nekuti pane zvavakakuseterai asi zvichapera hazvo...." "Kubva nhasi mukadzi wako ava kuona,asi muende mose kune hama dzake uko muno kumbira ruregerero nguva ichiripo asi mukufamba kwenyu mufambe makangwarira musafunga kuti makunda ayewa hamusati makunda zvenyu...." Chinhu chandakafarira ndechekuti Mary akanga ava kuona manje uye ndiri kumusha ndakarara naye muimba imwe chete apa ndaitya kuti. Ko, akaita zvake zviya zvekuchinja... Zuva iri haana kutombo ita zvakadaro, ndopandakanzwavo kuti ndavamurumepanevamwevarume iye akatofara zvakanyanya.... Takazodzokera kuHarare ndakasvika nekumbozorodza nyama dzangu ndozononzwa kuti zvakamira sei... Ndakaenda Kuna bamudiki ndikasvika ndichiona zvinhu zvachinja uye nekunzi "hapachisina basa rako Patrick...." Mashoko aya haana kundirwadza sezvo ndakagara ndaudzwa kare uye akatondisimbisa... Ndichingobuda bamudiki vakanditevera ndipo pandakawana mukana wekuvaudza kuti mutambe makachenjera mukadzi wenyu achakunyudzai uye kukuparadzanisai nehama... Ndakaerekana ndarohwa nembama nababa Panashe zvekuti ndakabvapo ndisina kutaura.... Ndichisvika kumba ndakapinda mumagumbeze ndaisada zvekutaura uye bamudiki wanga wanga vandiratidza zvimwe.... Mary akamboda kundibvunzurudza, asi ndakangotsika tsika ndakanga ndisichande kuudza munhu maplans angu..... Mai wepandaigara wakanga vakundinetsa nekuda mari yavo ini ndakanga ndisina kana mari zvayo zvekut indakatambura.... Asi ndaivimba kuti ndichaiona chete uye ndakanga ndisisade kuno kwereta.... Ndakanzwa kutaura kwevanhu panze ndikati regai nditarise ndikaona landlord vangu anevamwe mai achivaratidza muimba yandogara zvinova zvakandishamisa, saka zvikureva kuti handichatodiwe panokaaa....? Vakazouya kwandiri vakanditi..... (BabaPanashe) Zvinhu zvose zvaifamba mune zvakanaka asi dambudziko rakazouya pakutaurisa kwemukadzi wangu ndakambo tanga ndichimushora asi ndakazoona zvakakodzera kuteverera mhuri yangu kwete zvekunze... Rimwe zuva ndakabva kubasa ndikasviko udzwa zvakandirwadza uye nekutotanga kunzwa kuvenga Patrick kusvika pekupedzisira zvekuti pose pandaienda kubasa naye ndaimboti ndomubvunza here....? Kubva zvaakabva kumusha akauya kunonzwa nezvebasa asi ndakamuti hapana basa rako uye handichashande newe tsvaka rimwe basa.... Akangosimuka nekubuda ipapo ndakambosara ndiri mumba asi moyo wangu vairwadza chaizvo nezvandakanga ndaita mweya rudzii vandipinda ndakangosimuka nekuendà panze ndakasvikoona Patrick achichema ndopakatanga kutaura zvinova zvakandishamisa kuti anozama kuda kutii? ndakamurova nembama akavhaenda asina kutaura ndakangosara ndakabata muromo... Mazuva aifamba zvekuti ndakanga ndatokanganwa nezva Patrick uye akanga asisagare kustMary's hameno kwaakanga aenda uye ndakakwanisa kutenga mota nezvimwe... Hupenyu hwangu hwakazotanga kungo ndiomera mushure mekunge ndatenga imwe mota yechipiri ndakatanga kungorwara rwara zvaisanzwisisika uyu mai Panashe aingooneka apo neapo.... Ndakasvika pakurangarira zvandakaitira mwana vamukoma wangu hutsinye... Ipapo ndopakauya mukadzi wangu achinditi "tavakuda kubva pano ngatiende kunogara Ku......" End of chapter 17 Be blessed 🙏