Chapter 14 {Fungai} Ndakaita kufara ndichiona kombi ichinorovera pamuti.... Takaburuka mumota tikaenda kwakanga kune kombi kuya ndikasvikoona vamwe vakuvara vamwe Havana kukuvara ndakatora Mary ndikanomuisa mumota sezvo akanga asina kunyanyo kuvara zvake... Takatanga kupikisana ini ndaida kutora wese tiende nawo, asi pretty airamba kudzamara azobvuma Pretty takadzokera tikanosimudza Patrick tikamuisa kuback seat kwakanga kuna Mary. Apa akanga asina kukuvara asi ainge angorohwa neshock chete... Takarova mota kudzokera kwatabva nako kuside rekuRoundabout tisati tasvikako takambomira tikatsvaka tambo kwakusunga Patrick maoko nemakumbo tikatanga kuenderera mberi nerwendo rwedu..... Munzira mose uyu ndiye aingochema nekurwadziva tikati hausati vatanga Mary wanga uchida kuzviita muchenjeri kudakutiza nekakomana kako, manje uchaona kuti masamba asiyana zvataimbova mashamwari zvakadarika izvo tikusvika kumba... Mary ndaito muona sasisi wangu asi akaratidza chimboko mwana uyu....Shuwa kudakutiza nechikomana chake chaakatanga kuona manje manje ichi manje tiri kuda kuchigadzirira good size this tym uye nekumudzidzisa kuti isu tasiyana naMary aikunyengerera uyu.. Takasvika kumba kwangu kuMadokero ipapo shasha yakanga yamuka ichiratidza kushamisika uye kutovhunza hanzi "ndasvika sei kuno?" tikati hausati vatii dai uri mumwe vatonyarara zvako iwe.... Kuda kutitadzisa kuita zvinhu zvedu manje tazozviita uye hatisati tatanga kuzviita uchaona moto zvako.. Takavaburutsa tikanoisa uyu muroom make tikatanga kutsvaka mazano nokuti takambozama zvose zvikaramba... "Fungai! ngatitsvake mhiri-phiri toisa mumvura tomupaogeza kumeso kwake totoziva kuti tavane mapofu maviri pano hameno kana zvichiita...." "Yeah!apa vataura point chaiyo ngatidzokere kuMbare tinotsvaka mhiri-phiri ikoko..." Takasiya Mary naPatrick vari mumba tikasiya tisina kukey madoor gate takasiya kadiki kakavhurika kasina kukiyiwa tikaenda.. [PATRICK] Pandakatora Mary ndakafara kuti zvangu zvazoita manje.. Takanokwira makombi tikarova pasi asi ndakaona mota yaitevera mumashure medu kubva kuMbare kusvika pakubuda kwakaita kombi muroad ichinorowera ipapo ndakarohwa neshock ndikatadza kuziva zvakanga zvichitika... Ndakazoona ndiri mumota apa kunze kwakangakwaedza andika tanga kubvunza asi vasikana ava vakatanga kutaura zvakawanda kusanganisira nezvamMary ndipo pandakaona kuti Mary akamira arimumwe zvake uye arikutorwiswa... Ndakapinzwa muroom imweso Ivo vakabuda hameno kwavakaenda... Papera chinguva ndakanzwa mafoot step emunhu airatidza kufamba achiuya kwandakanga ndiri, paakasvika padoor ndakaona ari Mary akasvika muroom muya akandiudza kuti "usadya kana chii pano bcz zvauri kurongerwa zvakaoma shaa..." Ndipo pandakaona kuti munhu uyu anemwoyo uribho,asi hanzii usavimba nemunhu..... Takatanga kuronga zvekuti tobuda sei pano... Iye akati ndichaona kuti tingaite sei ipapo ndakamuti huya undibvise tambo dzandakasungwa nadzo muno,ngozivavo kuti kana munhu asingaone hapana chinozikanwa vanaFungai vakasvika pakupinda pasina zvaitwa apa vakauya nemvura mukabucket vakasvikonditi geza kumeso kwako kuri kusemesa... Ndakango bata mvura iya ndikati regai ndigeze, asi yaita kunhuhwa mhiri-phiri chaiyo ndakanyepedzera kungendageza ini ndisina. Ndikatanga kuti "my eye" Iwo vakatanga kuseka vachii "yeah!, mukadzi nemurume hamuchaona saka makuzoona moto..." Ndakada kuseka asi ndakatadza ndikanamata nechemumoyo mangu uye nekunyepedzera kunge ndiribofu ini ndisiri zvangu... Pretty akauya akandibvisa tambo yakanga yakandimoneredza mumakumbo uye neyakanga irimumaoko angu ndakafara,asi ndaizozvigona here kuita kunge ndisingaone manje?.. Shasha dzaita kufara hanzii tavagona vasingaziwe zviri mberi ini ndini ndakanga ndakavagadzirira size..... [BabaPanashe] Ndakaudza mukadzi wangu nezvaitaura madays akapfuura achiti munongobatsira munhu vamusina ukama naye,hezvo nhasi ndiye aita kuti ndidzokerane namukoma wangu wandanga ndatokanganwa nezvavo.. Ndakamuti mukomana uyu mwana vamukoma wangu! mwana vamai guru vakashaya...Ndati ugare uchiziva kwete kungo mhanyira kutaura zvisina basa... Kubva zvatakabva kumusha ndakanga ndisinga nyatsoona zvakanaka ini, plus Patrick kutsvaka kwaiita Mary anofanirwa kunamata zvakasimba kuti asasangana nezvakaipa kunze uko. Uye nzira yachafamba nayo iwe yakanaka. Mumwe musi ndakamufonera akati arikuMbare kunotsvaka Mary ndakatoti anomuwana kupi nemuwandiro unenge vakaita vanhu mutown.... Kuma past7 ndopaakaisa massage achiti "ndamuwana, asi zvinhu hazvina kumira mushe ndokumbira mundinamatirewo kuti ndikwanise kufamba naye zvakanaka..." Ndakafarira kuti akanga avana munhu vake uye zvinhu zvake zvavakuzomuitira... Ndakazoona nguva dzavakuma past12am hapana kana munhu akauya ndakafona-foni yacho yaingo ringer asi hapana akadaira ndakanga ndavakurohwa nehana, manje zvino ndoita sei...? Ndakabuda ndikanotarisa kumba kwaanogara ndaiti pamwe anenge asvika,asi ndakaona pasina munhu ndakafona zvakare.. Ndikanzwa foni yacho yakudairwa nemumwe munhu achiti foni taiona mukombi yarowera pano tavakuda kuturn kuendakwaChingowanyika..." "Asi pane vaendeswa kuchipatara vakuvara zvakanyanyisa...." Ndakarohwa nehana,saka zvirikureva kuti Patrick aita tsaona here? Ndakanamata kuti dai ndikasvika arimupenyu kana akuvara.... Ndakamuka kuma4 am ndichida kuenda kuchipatara kunomutarisa, asi ndakatanga ndafona panumber dzake dzakanga dzisisaita bcz ndaida kuziva kuclinic kwava endeswa.... [Patrick] Ndakatambidzwa chimuti chekufamba nacho, ndakatanga kuita kunge munhu asina dzakakwana ndichitenderera mupassage imomo kusvika ndabatwa ruoko ndichinzii "hande unodya kudining." Chakandinetsa ndechekuti why ini ndainzi ndidye naMary apa ivo vaipanana masign ekuti ngativaisirei poison muchikafu vachivha vatanga kuseka zvese izvi ndaizviona apa ndainyepedzera kunge ndisingaone ini ndakanga ndichiona.. Ndakatanga kufamba kunge mupengo ndichienda nekwakanga kwakagara Mary pacarpet Painge pane chikafu. Pretty akanga akagara paside ari pasofa ndakati ndavakusvika pedyo ndakaita kunge ndavakuda kuwira pasi ndikatsika plate yakanga ine rice netumwewo ndikano wira pamakumbo aPretty akatanga kupopota achindirova.... ndakatirova hako asi zvamanga makaronga zvaenda musango ... Ndakanzwa shasha dzakuridza tsamwa dzichigadzirisa pavakapedza vakaudzana kuti "hande tinotenga chimwe chikafu" nemasign zvakare... Apa ndipo pandakaona uriiwo mukana wekutora Mary tichibuda... Shasha dzakabuda dzichisiya dzisina kukiya ndakati Mwari makanaka.... Ndakaudza Mary zviripo haana kuita nharo ndakamutora ndikafamba naye tichienda kunobuda, takasvika pagate akanditi "unemari yekuti tikwire here?" ndikati "handina" akanditi enda unotarisa mumba unogona kuiwana... Ndakadzokera mumba kunotsvaka mari asi ndakaishayiwa ndakati regai ndinobvunza kuti inogara pai sezvo ndakanga ndasiya Mary pagate... Ndakabuda mumba ndichimhanya ndakasvika pagate ndikabuda ndikatarisa Mary handina kumuona pandakada kutevedza road ndakaona mota yana Fungai ichiuya ndikaenda pakanga pane zimuti raiva muzasi meroad zvekuti kana urimo haumboone chinhu ndakakwira muya ndikavhandaona mu..... End of chapter 14 Be blessed 🙏