(BABA PATRICK) Hameno zvandaingonzwa kunge kuri kuda kuitika something same where... Pandakazonzwa zvekufa kwemwana vamainini wangu, ndakarwadziwa asi chekuita pakanga pasina.. Asi ndaizviramba ini munhu anga ngofa asina kurwara here? kana kuti mukadzi wake haana kuda kutiudza nezveurwere rwacho... Handina kuita nharo nokuti ndaizviziva kuti zvichabuda pachena hazvo kana akaita zvekuurayiwa... Pandakasvika takambo taura sefamily tichida kunzwa chakanga chaitika asi hapana chakataurwa naMai Panashe wacho, zvakapa kuti ndisare ndine mibvunzo... Ndakangoti ndichazvibata chete zvangu.... Ndakazonzwa mwana wavo pakauya achiti mota hameno aimutsa uye iri kuitira vanhu vari panze noise huyai muidzime... Mukadzi mukuru akashaya zvekuita paakasvika pamota achiiona zvaita mota zvacho apa makey akanga arimukati asi chaindishamisa makanga musina munhu zvake apa madoor akakiwa... Pane zvimwe zvinhu zvisingade kukakavadzana chete,hongu! akanga aka joiner funeral policy zvake asi aifanirwa kutakurwa nemota dzake asi mukadzi wake kuoma musoro zvake takazongo svika pakumuti itai zvamafunga sezvo ari murume vake... Pakazoita kakunetsa kakazoita kuti vanhu vakati ngatishandisei mota dzemufi kutakura mutumbi sezvo izvi zvanetsa.. Zuva rekuchengetedzwa kwemufi ndakarwadziva kuti shuwa baba Panashe akatofa zvechokwadi! asina kubvira arwara zvake izvi zvakaita kuti ndirwadziwe mukati memoyo wangu, uyu kuda kuziva chakaita kuti akafa asina kurwara ndaizoona kuti ndingatore chinzvimbo chipi chekuti ndibate zvakaitika izvi... Ndaiti ndikangotarisa coffin uye Patrick aingochema nerimwe side zvakapa kuti ndiwedzere kufunga... Mai Panashe pavakasvika pacoffin hameno kakuvhunduka kavakaita kandisina kunzwisisa ndopanda kaona kuti vane chekuita nekufa kwemurume vavo uyu.. Uye hameno chavakaisa paguva remurume vavo kumusoro sezvo ndakanga ndakavatarisa mamovement avo. Iwo vakanga vachizviita vachiti hapana anondiona... Pakapedza kuchengetedzwa mufi zvakandishamisa izvi shuwa ndiwe unemurume afa pamusoro pazvo vakutoti ndavakudzokera vanhu vachakawanda panhamo kudai? chandoziva iwe vafirwa ndiwe unopedzisira asi ndakatoona kuti apa ndiri kutaura ndega... Mukadzi mukuru akatorana nemwana wake ndokuenda kuHarare zvavo vanhu vakasara vachibvunzurudza asi hapana akapa mhinduro yakazara sezvo takanga tisirikuziva chamupa kuti aite izvi...... (FUNGAI) "Apa zvataita hazviiti Fungai,tingadai tqngosiya zvakadero pane kuda kumurwadzisa kudai..x "Petty tichiri tose here kana kuti vatokuside rako wega....?" "Tiri tese Fungi, asi zvinondirwadza kutengesa kwavaita imba yemunhu kudai....Pafunge kuti dai uriiwe unonzwa sei nazvo?" Petty aitoratidzwa kurwadziva asingaziwe kuti chiQueen chedu chiri kutonetsera kuti tiende nemusoro vaMary apa ndopaasiri kubatika uye patoenda pamba pacho tongoona murume chete... Ndakazonzwa patakanzi ndakupai mavhiki mana ekuti muuye nemusoro yevanhu vaviri ivavo bcz vakutondinetsa manje... Takafunga kuti kuenda masikati hakubatsiri saka kuenda manheru ndochaizvo paanongo buda chete totomuisa banga topinda kunotora mumwe vacho... Izvi takazviitira kuti vanhu vasationa husiku... "Saka anotangakucheka anenge atanga kubuda ndiani?" "Ndiwe Petty ini ndikaknocker iwe unenge vakamira paside panenge asingakuone hanty...." Takabvumirana tikatora kanguva takamira panze pasina anoka tichidakunzwa kuti mune vanhu vangani asi hapana chatakanzwa tikaenderera mberi nemission yedu zvekuti pakabuda Patrick, hana yangu yakarova uye Petty akango simudza banga. Chakandishamisa rakango donha rega nekuona munhu akanga amira pamberi paPatrick zvekuti ndakanzwa kunge weti yavakuda kubuda handina kuona kuti ndakamhanya sei kusvika pakupfurira mota yataiva tauya nayo... Takadzoka pakanga pane mota tikapinda mumota hapana aitaura nemumwe yaingova fungira mumoyo rwendo rwembwa, zvekuti mota yakadriver zvemufilm takusvika pakanangana neHopely ndakatarisa paView mirror ndikaona murume vatakamboona kumba kwaPatrick uya akanditarisa pandakanyatso cheuka ndakamuona ariiye handina kuziva kuti ndakamisa mota nguvai uye nekuzoona ndatobuda panze. Pandakatsvaka Petty ndakamuona ari mumota achitoratidza kuti hapana chaari kutoziva zvake pandakamupa sign yekuti atarise kumashure ndakaona munhu akuita Ku..... (MAI PANASHE) Ndaiti ndazvigona kuuraya murume ndisingaziwe zviri kumberi... Ndaiti ndakatarisa coffin remurume vangu hameno kamwe kafeelings kaiuya mukati menyama dzangu... Handina kuda kuzogara nguva hombe kumusha ndakanga ndavakumhanyira kuno ronga maths dzangu sezvondaitoona ndatobudirira nenguva diki-diki... Pandakasvika kuHarare ndakaenda kunogeza ndichipedza ndakabika sadza ndokudeedza mwana wangu Panashe akauya.... Ndakatanga kunzwa mashura aakanga achitaura ... Zvekuti ndakasvika pakumurova asi ndakazotoona kuti hapana zvandiri kuita... "Mhamha kana mukandirova zvenyu asi zvandataura ndizvozvo, ndati handizi kuda kugara nemi ndoda kuenda kuna mukoma Patrick ini...." Ndakatoona kuti kamwana aka kachanditadzisa madeal angu zvirinani kukaendesa kwakaenda baba vake,asi hazviiti kuti ndingo zviita ini ndabva mukuuraya baba vacho... Ndakazofunga kuenda kune imwen'anga pamwe ingandibatsira... Ndakatora makey emota ndikabuda asi ndakasiya ndamuti ndiri kudzoka iko kuzoramba kusara manje kunge kano fembera... Ko,kungotyei zvangu kutyaira mota ndiri ini ndavapa nyanga.. "Manje zvamandisiya kudai mota haimuke uye ndikuziva zvose," akadaro Panashe achidaidzira kuna mai wake asi.Ivo Havana kuda kuzviisa mumusoro kana kuda kunzwa zvataurwa nemwana wavo... Ndakasvikopinda mumota ndikabairira makey kuda kuita on,asi mota yairamba izvi zvakatanga kundinetsa kuti chii.. Ndakafonera makanika kuti auye kuzogadzira mota iyi akanditi ndosvikako izvezvi... Ndakagara ndagara munhu hanga uye zvake.... Pandakanga ndaora moyo ndopakazosvika akatanga kugadzira-gadzira akati mota haina kufa iyi madam!asi kungoti pane zviri kungoitika... Pandanga ndavakuda kumubvunza chiri kuitika ndopakauya Panashe achimhanyira murume uyu achiti "daddy vangu vadzoka" ndakamboti asi mwana wangu ava kupenga here...? Akazondishamisa achipfurira murume uyu achinomirira nechekuseri kwemota zvakandishamisa aita kunge ari kutaura nemunhu kwaari ikoko.. Ndakamubvunza kuti "kuti ukumbo taura naniko ikoko" asi akanditi "ndiri kutaura ndega..." Haaaa zvakanga zvakoma izvi mota yacho ikuramba kumuka kuti ndiende netsoka hazviiti... "Mhamha musazvinetsa henyu, Hanzii mota haina kufa iyo asi iriku...." Haana kuzokwanisa kupedzisa kutaura sezvo ndakanga ndavakuda kuziva nezvaitihanzii nani....? Ndakafamba ndichienda kwaakanga ari ndichida kuno murova ndakanga ndashatirwa., Ndakasimudza ruoko kuti ndimurove,ndakaona ndabatwa asi munhu vacho handina kumuona ndakazonyatso tarisa Panashe ndikaona zvaari... (FUNGAI) "Aah!iwe shaa,tadi kungosiya mota pairi ipapo toenda zvedu pane kuti toramba tiri pano apa hauone kuti murume uyu habude mumota medu zvekumhanya." "Shaa enda unomutarise kuti achirimo here..." "Hoo ini ndini vaunoda kutuma asi iwewe usingade kuenda kaà....? Manje neni handizi kuendawo kusvika taenda tose.." Takaona kuti hapana chaibuda takaenda tose kunotarisa asi takasvikoona musina munhu mumota umu.. "Petty ngatipinde tiende fast fast zvinhu hazvina kumira zvakanaka pano.." Vasikana vakapinda mumota vasingaziwe zvirimukati pavakango mutsa mota nekutsika mafuta kuti achitange kuenda ndipo pavakanzwa kunge mumota mune munhu,ndokutarisa vakaona chiso chemunhu wava kamboona asi chaivanetsa ndechekuti. Why aiuya achitakunge ghost kudai...? Ipapo vana vanya munhu vakaita kubuda pamadoor emota vachiratidza kutya vachisiya mota Iri on.. Ndokunomirira nechekure APA vakanga vavakunzwa hope chekuita pakanga pasisina... Vakango tsvaka pekuti wanga kwanisa kuzorora, nenguva diki diki vaingevabatirwa nehope.. Fungai akatanga kunzwa kubatwa-batwa,akambofunga kuti mumwe vake ava kumubata akaramba akashinga asi akazoona kuti munhu uyu azonyanya akamuka kubva kuhope achinotarisana nemurume uyu zvekuti haana kukwanisa kuwana mukana wekuda kumutsa Petty akango mhanya achienda kwavakanga vasiya mota akasvikoona iri nzvimbo chete mota pasina apa hwakanga huri husiku kuti afambe zvaisaita... Akatanga kumisa mota kusvika pazomira imwe yaityairwa nemukadzi akamubvunza kwaienda akangoti, "ndikakwanisa kuno wana pekurara chete ndoona zvekuzoita mangwana..." Mukadzi uyu akamutora akaenda naye kumba kwake,uye Fungai mumoyo aitofara kuti zvake zvamuitira asingaziwe zviri mberi... Akasvika akaratidzwa paaizorara, akarara mwanasikana mangwanani akamutswa nekamhepo kaifefetera akambo ita semunhu ari kubva kuhope... Hope dzakazopera manje ndopakazoona mashura chaivo, uye asinga nzwisise zvakaitika kuti auye panzvimbo iyi apa angaakatogara zvake pamusoro perinda(guva). Zvakamushamisa kutotadzakuziva kuti arikupi chaizvo? uye chiii chakaitika kuti zvizodai.....? End of chapter 19 Be blessed 🙏