CHAPTER 05 Patrick Ndakanyatsomuka zvisina hasha mukati,nokuti ndaiziva mabasa aMary atanga ekutumira tunhu twake kwandiri. Ndakaona nyoka, asi yairatidza seya ndakamboona kumba kwaMary ndakatanga kupindwa nechando uku ichiita kuburitsa rurimi rwayo ichiuya nekwandakanga ndakamira ichiita mazisound mamwe aityisa zvekuti ndakatanga kudzokera kumashure uku ndakaitarisa ndichiita kufambisa apa hana yangu yaita kurovera padenga chaipo... Zvino ndino papona here pano nhasi nezikunyoka iri...? Pandakaona ndave kure nayo ndakangotendeuka nekutomhanya nehupenyu hwangu hapana munhu anoda kugurisirwa hupenyu hwake hama dzangu,zvandaitindatiza mumatambudziko ava kunditewera nemusango macho here...? Ndakazomirira kure chaiko ndopandakatanga kunzwa chando chichinyatso ndirova munzeve umu apazvoti muzibani fty ndakazoita rombo rakanaka ndikawana mudhara aita kunge ari kubva kubasa rechisecurity ndikamukumbira machisi akanditi wesa moto vako undipe machisi yangu ndiyo yose iyoyo kana ndakuda kubhema fodya yangu... Ndakanzwa kuti pano ndava paribho manje,ndikatanga kudziya moto kudzamara ndabatwa nehope ndikazoita zvekumutswa nemuridzi achiti "mapenzi anonetsa anodakuuya kuzorara matinotengesera ononokakumuka" pamusoro pazvo ndichinzwa izvi handina kuda kuzviratidza kuti handipenge ndakango buda paya ndini uyo kwandakaudzwa zvebasa kuya... Ndaingoti dai zvikaita zvebasa ndionewo mari yekudzokera kumusha zvangu ini ndaneta... Ndakaona pakamira mota ndikaziva kuti muridzi wecompay aripo ndakasvika ndikataura chichemo changu akamboda kutaura zvakawanda hanzi "saka ukuda basa usina kana bhutsu yekushandisa unoshanda sei....?" Akazondipa bhutsu dzake nehembe dzacho dzaaishandisa iye ndichipedza kupfeka iye akaenda ndikasara ndichinzi tora bhara utakure mabricks, ndakatanga kuita basa rangu zvakanaka naka ndakanzwa kadzungu ndikawira pasi pandakazomuka ndakanga ndisisaone uye voice rakuramba kubuda vamwe vaiti "kusada kushanda uku,munoti mari inongouya nyore here?" ndipo pakadzoka inzwi rangu ndikavaudza zvaitika uye nekunditi handizi kuda kushanda ini ndiri kutodawo... Pandakanga ndichitsvakirwa mota inondiendesa kuchipatara ndakanzwa voice remunhu vandinoziva akasvikoti, "musazvinetsa henyu ndomurapisa ini hangu bcz ndandichimutsvaka murume wangu uyu...?" Ndakapererwa munhu anongoerekana asvika aziva sei kuti ndiri kuno. Mumwe mudhara akanga aripo akaramba akati, "hazviiti pluz kana muchienda kuchipatara kwacho tinokupai two boys dzedu nekuti kune vanhu vari kuchekeresa vamwe vanhu saka imi hatiku trust..." Ndakabvunzwa kunzi "unomuziva here ?"ndakadakubudisa voice rika rambira mukati ndakazoerekana ndagutsurira musoro. Ndakazoendwa neni neboys dzatakapuhwa,kuenda kuchipatara Mary aingoti "saka munofunga kuti ndingamuitei murume wangu? manje imi boys ndimi manzi muri maguard ake manje mirai mungoona zvenyu..". Takasvika ndikatanga kurapwa ndakazoshamisika ndakunzwa doctor vachiti . "Ko,munhu uyu zvarikuona wani?"ndakashamisika nemashoko aya, ndaiziva kuti hapana chandirikuona ini ndikazonzwa zvakunzi...... Mary] Ndakabhowe kana nezimudhara raiswera kundibvunza zvakawanda ini ndichimuudza kuti ndikuda murume wangu iye akundiudza zveproof zvinei naiye?ndipo pandakaona. Patrick ava kuda kutaura ndikatoti neche mumoyo "tsano vharai muromo hapana chamoziva" ndichiziva kuti ndasota munhu kuti asabudisa voice. Apa vanhu vaingotitarisa nedressing yatakanga takarova zvekuti takakasika kusvika, dai takanonoka takavana yava nzvimbo chete.. "Imi amai!Munoti murume wenyu sei?"Musada kubatirira vanhu muchino vachekeresa imi siyanai naye mukomana uyu...." Ndakasvotwa nezvaitaura baba iyi ndakavhanda ridza tsamwa bcz ndaiziva kuti ndikaridza tsamwa chete munhu kana vanga uchiita tunharo twako zvinopera chete ndizvo zvandakaita pana baba ava apa utarise mazikubhurungwa avanga vakapfeka ndakamboda kuseka asi ndakanyarara zvangu.... Takazonzii munofanirwa kuenda netwo boys idzi bcz hatizi kukuonerwai mushe imi... Murume uyu akandibvunza address ndikamupa bcz ndaiziva hangu kuti pamba pangu hapasvikike zvekudaro kunze kwekunge uchinamata, yeah apondinongona kungo kanganisika.... Takaenda zvedu kuchipatara waingoendavo zvezita kuclinic kwacho,nokuti kurwapwa kwacho ndini ndaimukwanisa chete kwete vamwe vose ava hapana chavaiona.. Ndaito nzwira tsitsi hangu team yandakanzi haizi type yekupuhwa vanhu wekuenda nawo... Takasvika kuchipatara ndakanga ndatosota munhu vangu bhobho ndakamuita zvekuti Chiremba vakapinda vaiona kunge munhu ari kuona uye vakamutarisa vakati "everything is fine, hapana chandiri kuona chisipo" apa ndanga ndanyatso sota masettings angu. Nyaya yakazouya pakuti vakomana ava vachidzokere kubasa kwavo,asi vairamba hanzi "tirikuda kuenda nemukomana iyeyu uyu." Ndakavati xhainetse chisarai muroom muno naPatrick wenyu, asi muchabuda chete" ndakabuda ndikaudza girlz rangu nezve vakomana ava vakati "hazvinetse ngatitumirai mukomana wedu mumwe chete. Vano buda vachimhanya." Takaita saizvozvo tikaona vanhu vari kubuda vachimhanya zvakashamisa vanhu Havana kuzomira panzvimbo hameno kwavakavha vaenda tikasara ndokutora munhu wedu tikaenda naye kumba kwangu.... "Saka nhai Patrick! unofungidzira kuti unoenda kupi iwe? kana ukaenda kupi zvako ndinokuwana chete dear,manje apa yavatanga ihombe ndozvausiri kuziva hako..." Takasvika kumba Hondo yakanga yavapakuda kumubvisa pahupofu apa girlz rese raiti "ngatimbo mupinzai musecretly room zvemahours ano buda ava munhu kwaye kana apindamo tomubvisa pahupofu...." Apa ndakaona zvichiita,nokuti kunzwira munhu tsitsi kwandaiita paya zvakavharana ... Takamubvisa hembe dzose tikasiya ane underwear chete tikamuisa muroom umu ndokukiya door zvedu tikamusota kuti achione manje patakadzoka kudining takanzwa knock kugate ndakaenda kunotarisa kugate ndikasviko shamisika ndichiona zvaari mapurisa neteam rekumhanya apa kamudhara kekutaurisa kakanga kari pamberi hanzi, "tiri kumuda mukomana iyeye" ndakaedza kuvaudza asi vakaramba vachiita nharo kuzopedzisira ndavati vapinde. Pavaka pinda mukati muyard yangu ndakati mirai pano ndikuda kudaidza vamwe vangu, asi vakaramba kuterera zvavo vakatanga ku nditewera kumashure hanzii urikuda kuno muhwandisak.. Ndakapinda mudining ndikaona girlz dziri kutoshamisika. Nevanhu ava vakatanga kunetsera kudakutarisa maroom ose handina kuvarambidza vakapinda dzose dzakangadzisina kuvharwa vakazoti kwasara ayo maroom vakati vari kuda kutarisa imomo ndakatanga nekuvapa makey ekune nyoka diki matakanga takaisa Patrick pavakavhura vakango tambirwa ne.... End of chapter 5 Be blessed 🙏 FOR MORE BOOK'S, LIKE MY FACEBOOK PAGE @PATRICK STORIES@.....