Chapter 06 [Patrick] Ndakaita kushaya zvekuita nekunzwadoctor vachitaura mashura akadai, shuwa munhu anganditi hapana chandiri kuona ini ndichinyatsoziva kuti handizi kuona... Ndopandakarangarira Mary achinditi rimwe zuva "kana ukaenda kupi zvako ndinokuvana chete even ukarwara ndinokurapa ndini! hauna kumwe kwauno rapwa kunze kwepano..." Ndopandakabata kuti saka kutiza kwandanga ndaita ndiye anenge akonzeresa kuita hubofu kwangu? uyu munhu netuhama twake tusinga simbe vanoita basa rekuswetwa ropa nezvikwambo zvavo zvavakatora zvichivatadzisa kuita varume nekuda kwemari... Ndakazonzwa vakomana vava kuridza mhere vachibuda panze hameno kuti vakanga vaona chiii, kusvika pakubuda vachimhanya. Ndakasara ndakagara ndichinyatso funga kuti zvino Mai naBaba vangu vanenge vachiti mwana ari paribho? Ivo vasingaziwe kuti ndatovabofu ini... Ndakazonzwa team yapinda ikanditora kuenda neni kumba, asi ndakanga ndine kakutya pamwe ndogona kusviko uraiwa sezvo aka taura nezvekuti vana vake vava nenzara saka pavakudiwa ropa rekuti ape vana vake.. Mumota ndainge ndakango nyarara ndichifunga nhamo yandaizoona kumberi. Uyu Mary ndiye aitaura nekashamwari kake nekunditi "hauzi kuziva kuti yavatanga ihombe ndaikuona semurume vangu manje apa varatidza rimwe side rauri, rega uzoona zvako zvandiri..." Pandakanzwa mashoko aya ndakaita kunge ndisisaziwe zvandiri hameno kuti ndaipa buda here pahondo yandanga ndatarisana nayo iyi...? Ndakasvika kumba ndikaburuka ndikabatwa ruoko nemumwe musikana APA ainhuhwirira imwe perfume yaikachidza zvekuti kana usati vaijaira unogona kungo fendanm nayo... Ndakatanga kuudzwa nekunzi "nhasi unochiona chete! ndiwe uchaudza vamwe kuti ini ndinonzani" ndakabviswa hembe kusara nekashort kemukati ndikapinzwa mune imwe room ndikakiirirwa imomo ndakatanga kungotenderera muya pasina nguva ndakanzwa kuti muno mumba pane zvirikuitika ndakazoona maziso angu avakuona ndichinoti baa...... Pasi! ndakasanganidzana nenyoka dzakasiyana siyana, asi dzakanga dzisiri hombe kufanana nedzandaisangana nadzo ndakada kuridza mhere asi voice rakaramba kubuda nyoka dziya dzaingo ndifamba muviri vangu vose kudzamara ndaita kugara pasi chaipo ndikatsinzina kuti ndisaona zviri kuitika apa imwe yakandimoneredza nebody yangu ikasiya musoro yakatanga kutambisa rurimi Rwayo pamberi pemhino yangu.ndakamboda kuibata mutsipa but ndaita kutya muviri vangu vakatanga kumerera uku imwe ichisa rurimi mukati memuromo wangu ndakaibata kuti ibudise asi dzaiva wedzera hasha ndakanzwa imwe yapinzwa musoro vayo mukashort kandanga ndakapfeka ikatanga kufamba ndakafenda handiziwe zvakazoitika ndakazomuka ndichiona ndakarara muroom yandaisirara ndakatanga kurangarira chakapa kuti ndifende.... Ndakamuka ndikamhanya kudoor ndikaona rakakiyiva ndakatsvaka chekuda kurivhurisa,asi ndakachishaya ndakadzokera kunogara pabed ndakanzwa kuombera maoko kwevanhu ndakashaya kuziva kuti vandinzwa here ndichiedza kuvhura door...? Vakapinda vakatanga kundiudza zvekuuya kwemapurisa pano nekudzokera achimhanya vakatanga kundipa chikafu chaisemesa chisinga dyiki uyu Mary akanga abuda mandakanga ndiri machisara mazi shamwari ake, aita kundimanikidza kana ndichinge ndakusvipa kudzamara ndamedza. Ndainyatsonzwa kuti zvandadya izvi hazvisi normal ndakadakurutsa, asi zvakaramba kubuda vapedza kudaro vakatanga kunditi... "Unofanirwa kurara nesu tose tiri 5" ndakatanga kugaya kuti ndinopona here pano apa nevanhu ava plus ndinenge ndisingarare nevanhu ndenge ndichiita kunge ndiri kurara nezvimwe zvinhu. Ndakatanga kuyeredza misodzi. "Ukutochema zvako? hausati vatanga party uchatochema kudarika zvauri kuita izvi nokuti ukaramba kurara nesu ma1 ako. Nekuti vana wedu varikunzwa kuda ropa rako saka ita plan shaaa tikadzoka uchatanga kurara naPretty wozotevera naMary,Tadi,Fungi, vozopedzisira neni zvangu...." "Asi panofanirwa kubuda ropa ratinozopa vana wedu, saka vosarudza zvauri kuda kufane kurara nesu tose takupa5mins dzekuchoose..." Ndakarwadziva nemashoko aya kushaya zvekuita chaiko ndakaona zviri nani kurara nawo pane kuurairwa vabereki vangu vozoita nhamo kunditsvaka ndisati ndanyatsopedza kufunga wakapinda vose ndokuchinja kuita nyoka kusiya kwemunhu vandakanga ndanzi ndaitanga naye zvekuti ndikada kutiza hapana kwandaienda. Akatanga kuuya pandakada Ku..... __________ "Aaaaaa! vakomana vakasvika kudai ndimi mungatya nyoka? Madii kudzi uraya nyoka dzacho izvozvi matosiya mukomana uya muchipatara akaenda zvake netusikana tuya....?" Ndaitoti ndaendesa vanhu kwavo ndisingaziwe kuti hapana nezviripo.. Nokuti ndakaona something pane vasikana ava handina kuvachenesa ini, ndakazoudza mudhara muridzi wecompany akati "Zvauri kutaura ndamboda kuzvitaurawo. Asi ndaona kunge ndinenge ndamhanya saka ngatisanganei kuchipatara kwacho..." Ini baba Panashe ( Petros)ndainzwa kushungurudzika pandakaona mukomana uyu mazuva aakauya achiti ari kutsvaka basa ndakamboda kuti basa hapana, asi nekuda kwaMwari ndakamuti auye mangwana acho. Achienda pane zvandakasangana nazvo... Takaenda kuchipatara tikasvikoona nzvimbo yega yega, tikati toita sei manje asi hazvina kundinetsa ndakati sezvo andipa Address yekwaano gara. Ndakaenda paMapurisa epamakoni akati "tokupai vanhu two wekuenda nawo" Takaenda pamba apa uuummm, pamba pacho handitaure hangu house number. Asi imi chingozivai kuti muchitungwiza unit 'A' zvapanga pakaita ndakapererwa takaknocker akauya musikana vatakaona uya akabvunzwa akati "ini handinga kwanisa kukuudzai, asi pindai mutarise zvenyu...." Ini neboys dzangu takasara takamira panze pegedhi. Mapurisa ndoakapinda mumba kunotarisa isu tikasara panze but muyard umu hameno zvandaingonzwa kuti pano pakatakura panotoda munamati plus pakanga pakatondiremera. Hongu! pakawakwa zvapo uuummm zvanga zvakanyanya.... Ndakazoona shasha dzichiita kubuda dziri speed dzakatedzana dzakasvika patakanga tiri vakatipa sign yekuti ngatiendei ini ndakamboda kuramba asi ndakazongoteera vaimhanya takazoti tava kure ndikabvunza, asi vakomana vakati "hapana chataona tapinda mune imwe room tikatambirwa nenyoka dzatisina kuziva kuti ingani dzanga dzavakuda kuti ruma saka tabuda tichimhanya kana muchiti tiri kukunyeperai endai munoona isu zvekufa hatisati tavakuda . Tichiri kuda kuchengeta vana wedu kana ndichino dzigwa basa racho ngari pere zvaro pane kufira mahara...." Haaaa ndakati nemapurisawo anongotya zvemahara aya, shuwa varume vakasvika kudai kutiza nyoka? ndakaseka zvangu plus ndakanga ndisinga zvibvumi ini... Ndakambosara ndokudzokera kuno mira pagate apa ndikanzwa vasikana vaya vachitaura vachibuda vachitoseka zvavo. Ndakanyatsoti handiende ndirikuda kunzwa zvaitaurwa apa asi hapana zvandakanyanya kunzwa kunze kwekunzii "vanofunga kuti kupusa kupinzwa muroom ine nyoka" ndopandakaziva kuti vanoshandisa mushonga nhai? manje ndichazvipedza.... Moyo wangu vairamba kuti ndisiye munhu uyu ari padambudziko serakaita seiri zvaindirambira.... Ndakazomhanya kunobata vamwe asi handina kuvabata ndakazoita zveku....... End of chapter 06 [FOR MORE BOOK'S, LIKE AND FOLLOWER MY PAGE @PATRICK STORIES] BE BLESSED 🙏