Chapter 09 [BabaPanashe] Zvimwe zvinhu ukazviteedzera hapana chino buda... Shuwa munhu anga ndiudza izvozvo zvinei naye ndiye ari kufamba here kana kuti ini ndini ndiri kufamba uye nekuzvipira kubatsira munhu... Handingatedzere kuda kwake ndichitadza kuita kuda kwangu.. Kutaura chokwadi zvakandirwadza zvakataurwa nemukadzi wangu, kusvika pakubuda ndisina kutaura kuti ndiri kuenda kupi sezvo ndaisada zvekupopotedzana nevanhu... Ndakafunga kumbo tenderera kwaChigowanyika.... Ndiri munzira kuenda ndakanzwa runhare rwangu kurira, ndakatarisa ndikaona ari mudhara vandaishandira.... Ndakamboti kwaitikei kwano ndifonera kudai?ndakaisiya kusvika yanyarara paakafona kechipiri ndipo pandakadaira ndikanzwa akutaura nezvebasa raida kuitwa asi aiti idiki-diki saka atirega ndikupe iwe..... Ndakafara apa ndakanga ndisati ndaziva kuti basa racho riri kupi.. Ndakazobvunza kwaida kuitwa basa racho vakanditi kuside kwaMaruza, Pavakataura nhamba yemba yacho ndakaita kunge ndisina kunyatsonzwa ndikabvunza zvakare asi vakandiudza house number imwe chete nepamba pemusikana uya... Ndakati Mwari zvavakanaka wani, ndaishaya kuziva ndosvika sei pamba apa? hezvo zvauya zvega.... Apa pavakutoda munamato chaiwo nokuti kumberi uko hakuna kumira mushe.. Ndakafunga zano rekuti ndingazoona mukomana uyu sei kana aripo... Ndakazofona back ndichinda number dzamunhu aida kuzoitirwa basa sezvo kuri iko kubasa kwedu kuplumbing nezvimwe zvakadaro daro.. Mudhara(Kelvin)haana kunonoka kundipa number dzacho sezvo ndaida kutaura naye kuti mangwana ndiendeko kunoona zvaidakuitwa kuitira quotation yangu uye apa ndotofanirwa kutaura mari yekupenga.... Ndakazotaura naye akanditi zvakanaka muno uya mangwana acho asi makuseni.... Ndakanzwa kufara ezvo zvinhu zvandaida kuzoronga zvaizobudirira.... Mangwana acho ndakatora kombi ndikaenda kunoona munhu uyu. Ndakasvika shasha isati yamuka ndikaona mukomana uya aripo ndakamutaudza asi hameno kamwe kamuitiro kaingoita mukomana uyu ndakaedza kuda kumurangaridza asi akanditi pamwe kufananidzira ndakango dzungudza musoro.... Shuwa munhu unga zungaidzwa nemushonga kusvika pakukanganwa munhu akakubatsira....? Ndakatoti apa pane basa chete zvisinei ndakazopinzwa mukati ndikaona shasha ichirohwa nehana asi ndakangomuti ndauya kuzoita zvebusiness madam,takazotaurirana zvedu asi mukomana uyu handina kumuona padhuze.... Akanditi ndokuisirai drink here? ndikati ndatouya ndadya plus achiri makuseni aya ndichazodya mumwe musi.... Chandakarambira kunwa drink mose hamuchiziwe, Ndakashamisika pamari yebasa yandakanga ndataura iye akati ndichakuwedzerai neimwe izvii ndikokutotanga kusangana nazvo izvi... Ndakazooneka akanditi toonana nefriday, ndakabuda ndikarova pasi ndichingobuda gate ndakasangana. "Iwe mfana hautaure zvekuti ndiri kufananidzira kaa? iwe ndakakuona paya usina bhutsu nhasi vava kutaura zvekuti vamakaona mumwe asiri ini....?" "Saka ndavakupenga manje ndozvauri kuzama kuda kutaura hanti....Manje ndikuuya kuswera mangwana zvichapera zvose izvozvo zvauri kutaura kunge vakadyiswa mushonga kudaro..." "Imi mudhara ndozvamafambira kubva kwese uko kuuya kuzotaura zvisina basa pano? akuudzai kuti ndiri kuda help yenyu ndiyani....? Zivai zvebasa zvamafambira musaita kunge chimwana chidiki imi kana kuti muri kutodawo mukadzi vangu mava kutonyepera kuda kundibatsira..." Haaa ndakatoona kuti shasha iyi iri murima chaimo hapana zvaaitoziva akanga akaputirirwa chaiko ndazomuti ndazvinzwa zvavataura ndavakuenda toonana kuswera mangwana,asi ndisati ndaenda ndokumbirawo kunamata newe zvekanguva kadiki-diki.... Handina kuziva kuti ndakanga ndatamba nezvisinga tambwe nazvo shasha yakatangakupopota ndikaziva kuti mabasa emushonga aya ndiyo ari kumupa kudai pandakanga ndavakuda kunamata ndakanzwa gate kuvhurwa ndikacheuka ndokusanganidzana maziso nemukadzi vacho haana kutaura asi ziso raakandipa rakanga rine zvaraireva chete ndakangobva ipapo chinyararire zvangu... Ndaiziva kuti ndikada kuitanga izvezvi ndaizoshaya mukana saka ndodakutanga ndaita basa first ndozoita izvi... Apa panotoda munamato vakasimba chete ukasasimba haukundepakadai nezvandaona izvi, pane nyaya uye panotoda kufast zvakasimba kuti ukunde... Ndangoti ndikafunga izvi ndiri mukombi kuenda kumba ndaingoti ndinokunda chete nezita raJeso... Ndakasvika kumba shasha handina kuipira nyaya iyi bcz ndaiziva kuti zvaizo nditadzisa zvinhu zvangu saka takangotaura dzimwe nyaya dzisiri dzemukomana uyu... Hama dzangu ndakatadza kurara nekurota zvaityisa shuwa kurota ndiri mugomo rakakura ndichitadza kudzika apa ndakatenderedzwa nenyoka ndichitindikada kuenda kudiwi rimwe ndosangana nadzo pamusoro pazvo ndikatanga kunzwa munhu aitoseka zvake asi voice racho ndakatadza kuziva kuti nderani...? Ndakapepuka panguva iyoyo ndakavhandatanga kunamata zvakasimba ndikadzokera mumagumbeze handina kuzosangana nezviroto zvaityisa... Ndakaswera ndichirova munamato nekufast nokuti ndaiziva hondo iri kumberi kwandiri kuenda zvaitoda mushingi pakunamata hama dzangu... Zuva randakanga ndakamirira rasvika vakanga vava musiwe Friday ndakanyatsorova munamato wangu zvakasimba ndikarova pasi kuenda kubasa rangu... Ndakasvika shasha yamuka uku ichiratidza kusafara zvayo nechemumoyo ndakangoti zvavakatuma manheru zvakashaya basaka manje hausati vatii zvako... Akandiunzira tea ndikairamba asi iye haana kufara nekuiramba kwandakaita.....Shasha ndakanga ndisingaione kuti ndiziwe kwayaiva ndakatadza kuziva. Ndakatanga kurova basa rangu ndipopandakatanga kuona shasha ichipinda mandakanga ndiri ndikatoti ndivouno mukana wekutaura naye apa ndaingoda foni number dzake chete zvizhinji taizo taura kwatinenge tasangana.... Hameno kuti chii chakandipa chiwindi ndikatanga kutaura nezve bible ndikazoona mubath room mandakanga ndiri mazara vanhu kadzi ndakatadza kuziva kwavakanga vabva umwe vacho ndiye akanditi "tanga zvaunopedza iwe" ndakacheuka ndichida kuona kwaibva voice iri ndakavhanda sanganidzana ne..... [Patrick] Shuwa munhu angandiudza zvekuti akambondiona zviri zvenhema izvo... Kunyepera kuuya kumba kwangu ikokuri kuda kutaimira mukadzi vangu... Mdhara uyu aitondibhohwa chaiko uye kutonzwa kusemeswa naye zvangu handiziwe kuti chiii.... Hanzii ngatinamate ini manje kuita zvakapusa kudaro ndizvo zvaanobvira kumba kwake kuuya kuzonyangadza kuno. Ndakazosara ndikaoneswa moto hanzii "mamuchitaura nezvei pagate pamanga makamira apo" uye ini handina kuda kumunyepera ndakamuudza zvose ndikaona agumbuka mwana wemunhu.... Nyaya yaindinetsa ndeye kuti munhu ainditi zvinhu zvangu zvanenzara saka ngatiite plan yekuti zvione chikafu ndaitoti zvinoda chero ini apa ndisingaziwe kuti ari kutaura nezvekuda kuuraya munhu... Paakanditi tinofanirwa kuuraya kumba kwedu ndakamboda kuramba, asi hapana zvazvakabatsira.... Mdhara paakauya kunogadzira kumba ndakazomupa number dzangu,saka takanga takugara tichitaura everyday but matauriro aita ndoandakanga ndisingade. Akanditi kana urifree huya tisangane paMakoni ndakamuudza kuti tosangana kana ndadzo kakubva kumusha mudhara.... Bcz ndaienda nemukadzi wangu Mary kuno muratidza vabereki wangu... Vamwe vake vakamboda kuti hanzi tikuda kuendawo,asi ndakaramba kuenda nawo... Mota yaifambiswa zvekupenga sezvo taitoda kudzoka same day.... Takambozorora paMutoko Center ndokuzosimudzira rwendo rwedu takanhanga Chisehwe patakasvika ndakaona Mudhara angomira akatarisa Mary neziso rino taura,asi Mhamha vakanga vachitoratidza kufara zvavo... Pandakazovaudza kuti ndiye mukadzi wangu Mhamha, ndiwo vakafara asi Mudhara haana kufarira Mary ndakangoti kana mukasamufarira hanti mune mukadzi wenyu here? saka uyu ndewangu zvee... Ndakazosiya Mary naMhamha ini ndikabuda panze naBaba vakatanga kuti "heeee type yemusikana vako haisi bho plus...." Ndakavagurisira ndikavati "kana musingade kuona mukadzi wangu or musingamudi,mapedzisira kuona tsoka yangu nhasi uno pano nokuti ini ndakaita choice yangu ndega plus imi hamuna kusarudzirwa nhasi makuditi mukadzi wangu hasi type yangu...." Handina kuda kuzomirira zvavaitaura ndakadzokera Mumba ndikati "Mary ngatirove pasi bcz pano hapachagarika..." Mom's vakamboda kubvunza chainge chaitika ndakangovati tichataura pafoni sezvo ndakavasira number dzangu... Takadzokera kuHarare uyu ndiye ainge angotsamwa nemashoko ababa vangu. Ndakazviudza kuti kana zvikadii handidzokeko ini bcz mudhara hangandidaro kaaa... Takasvika kumba zvakanaka zvedu ndipopandakanzwa foni yangu kurira ndikaona vari mhamha ndikapa Mary kuti daire anzwe zvavari kuda kutaura ndakanzwa Mary akunditi "zvazoita manje hanzii mom's vashaya" ini "ahhh! Mary ndiwe vaita zvinhu izvika?" ndakatukwa zvikanzi pandazviita hanti takabvumirana?"veduwe ndakarwadziva zvangu asi chekuita pakanga pasina ndakamuti saka toita sei akanditi hati....... End of chapter 09 Last book for 2023 Richatanga kuuya November Richange richinzi. "SHUNGU DZEMOYO" BE BLESSED 🙏