(FUNGAI) Ndakamuka ndichiona nzvimbo yandakanga ndiri yakanga isingaiti... Ndakambofunga kuti ndiri kurota asi ndakatoona zvandirikuona ndizvo chaizvo. Izvi zvakanga zvisisaiti, ndakazama kutsvaka mumwe wangu ndakamushaya.Ndakatanga kurangarira zvakanga zvaitika manheru acho.Pfungwa dzangu dzakanga dzisisina kugadzikana apa chokuita panga pasina kana wekuudza ndaiudza ani? veduwe.Zvanga zvakaoma. Imwe pfungwa yaindinetsa ndeye kuti mukadzi akanditakura handina kuziva kuti mumwe weva shakabvu here kana kuti....?? Zvinhu zvakanga zvava kuitika kwandiri handaimbo zvihwisisa ini .Ndakambo funga kuti pamwe kuda our Queen mother ndivo vakuita zvese izvi zviitike, nokuti pasuro dzavo takange tisati tasvitsa pachinenguva .Asika havaitumira mhepo dzavo kuzoti vhiringidza kudai isu tichishingira kuda kuvapa ropa raPatrick naMary vacho. Ndiri mudangariro dzangu ndakazoona kuti zvandainge ndiri pamakuva.Nzvimbo yandaive yairatidza sokunge ndiri kumusha chaiko. Ndakaita kupererwa nezvekuita .Kana kudeedzera rubatsiro pakadaro unodevedza uchiti? ipo paisatombo ratidza kana sound yemota yaifamba, nyangwe kufamba kwevanhu.Hameno kuti vanga vachiri vakarara here kana kuti ndozvaive zvakangoita nzvimbo iyi. Ndakambo chema asi ndakatoona kuti hakuna zvakuno batsira ndatofanirwa kuti ndiite chimwe chivindi nditsvage mumwe wangu.Kuchema kwangu pamwe kwaitozomutsa mufi anga ari paguva randakanga ndiri.Ndakatanga kubvunda ndakamira apa ndanzwa chinhu chakatii pfakanyi pfakanyi.Ndakatotii zvinhu zviya ndofunga zvanzwa kuti pane munhu .Ende nhasi ndoitwa kanyama-kanyama.Ko, handiti ndanga ndapinda muterritory yevafi here.? Apa kubvunda kwangu kwaive kwasangana nekuti ndichapatiza sei pano. Ndingadzokera sei kuHarare apa kwandiri uku handitokuziwe zvangu kuti ndofamba sei.Haa veduwee kaa? gona anagona wake shuwa. Ndakazodzikamisa hana yangu ndaona mumwe murume wechikuru achiuya kwandakanga ndiri zvekuti pakasvika ndakamboda kutiza nezvavakanga vari, ndaifunga kuti ndiPatrick sezvo vakanga vakafanana.Ndikatombo funga. Asi chii ghost here munhu uyu.Nokuti nguva yandamira pano yanga yareba pasina apfura .Zvaitove chishamiso mumaziso angu. Akasvika akandibvunza kuti. "Uri kutsvakei pamarinda(makuva) ???" Ndakaita kushaya nemhinduro chaiyo,kuita kunge muroyi ayedzerwa..Kana kuti aida kuzotii manje nhasi unoitwa kanyama kanyama wapinda pasinga pindwe here. Ndakatanga kukakama kuti ndipindure asi mazwii airamba kubuda panguva iyoyo.Ndanga ndisina mashuwa ekutii uyu munhu uyu haaroye here .Pamwe atouyawo kuzodya zvakarara apa. Haa ndakavhunduka veduwee.Imwe nyaya yaito nyanya kundivhundutsa inyaya yezvipeko .Murume uyu anga akapfeka Zikujacket dema neshangu dzeblack ne hat yeblack.Kumeso kwakanga kwakasviba kuti ndoo.Ndakanyatsotii varoyii ndivo vanowanzo pfeka zvinhu zvitema kaaa .Saka chingatadzise munhu uyu kuroya chii? iye achiuuya pamakuva akadai.Hazvaigona kuti nditii auya kuzoona guva rehama kana kuti shamwari yake yakafa nekutii ndanga ndisina kumbobvira ndatombonzwa kana chii zvacho choratidza kuti vanhu vanombo svika pano apa nguva nenguva. Ndiri pakundandama kudaro, murume uya akabva andibvunza zvakare asi izwii rake rakanga rochishanduka zvino.Izwii rake rakaita kundivhundutsa nokuti akataura nezwii gobvu rune zvihasha mukati.Ndakabvanda tora mavhu anga ari pasi ndokumumwaya kumeso kuti asaona ndokutanga kumhanya ndichitiza. "Iwe mira ipapo iwe.Ndodakukubatsira.Kwauri kuenda hakuendwe" Paakataura izvii ndipo pandakabvandamira ndokucheuka wanei akanga akamira kumashure kwangu.Kuti ndizive kuti anga asvika nguvai pandanga ndakamira handizive .Kana kuti ndini ndakamhanya zvisina speed mukatii here.? "Ko, unonditizirei nhai.." Akadaro murume uya "Matii moda kundibatsira.Hindava..??" Kana iwo mubvunzo wacho ndaitoushaya kuti uri kubva nekupi.Apa mumwe wandaibvunza wanga usina nebasa rese. "Ndiri kuona kuti washunguridzika kwazvo.Ndakuona ndiri kumhiri ukooo (achinonge dzerarimwe divi raiita sokunge kune karoad nezvimisha misha zvaiveko.)Saka ndatii. Ko,ndiyani auya pamakuva anoera ayo .Kuno kwakapedzisira kuuya vanhu kare. Handizive kuti pakagadzirwa sei.Saka ngatifambe tichienda ndonokutsanangurira mamiriro azvakaita." Takafamba hedu takanyarara.Hapana aitaura nemumwe nekuti ndaitotya kutaura.Ko, ndikataura zvisingadikanwe panzvimbo yacho. Ndenge ndatozviparira zvee. Tave kusvika kumhiri kavainongedza ndopavakazotaura kuti "hapadi kutaurwa taurwa zvisina musoro uye nekusvora-svora nzvimbo yacho.Ukadaro unozongoyerekana vashaika panzvimbo iyoyo .Ndosaka ndisina kutaura zvakawanda." Ndaida kubvunza kuti. Ko, sei nzvimbo iyi yaiera ipo pachivigwa vafi.hama dzevafi vacho vanombo vaviga sei uye kuuya kuzoona marinda avo...Asi ndakazongotii regai zvimwe zvindipfure chero ndawana rubatsiro. Vakazondiudza kwaino kwirirwa mabhazi ndakaenda ndikasvikako ndikaudzwa zvekuti munotomirira bhazi ramangwana bcz kuno uya bhazi rimwe chete kuno..? Ndakabata musoro wangu kuratidza kupererwa chaiko.Apa nguva dziri kufamba kaa Queen mother vari kuda pasuro dzavo.Ukuwoo Petty handizivewoo kuti akusangana nedzipikwaari ikoko. Ndainge ndongogaya zvandaizoswera ndichidya nokuti handina wandainge ndinaye wekutii anonditaudza . Mari yacho handina; phone yekufonera mumwe wangu handina zvakare.Ndakatombogaya kudzokera kweMurume uya kuti haanga nditsvagirowoo zvekudya here zvaakangaasina kutaura nguva inosvika bhazi.Hinoo ndinopararama here apa kana kuti ndofaintera munzira chaimo. Zvinhu zvacho ndaitadza kuziva zvazvaida kureva. Mumusoro mangu manga mangozara confusion yoga yoga, uye nekutadza kuziva mukadzi akanditakura. Zuva Iri raita kundirwadza zvekuti zuva rakapinda munamai waro pfungwa nendangariro zviri kure, handina kuzviona apa nzara yakanga yakubvunza mutopo mudumbu yakundionesa moto zvekuti ndakasvika paenda kuno kumbira sadza pane umwe musha vakanga uri pedyo nemashops ndikapuhwa sadza nemuriwo usina mafuta. Haaa ndakatadza kuzvidya ini ndakasvika pakuoneka ndokudzokera paveranda reimwe shop ndikararapo.Ko, ndaigodiii ini hangu ndisina kana chondivaraidza .Kutorara kwaitozopedza stress yandakanga ndave nayo,uye nzara. Ndakangotii dzave kuda bata ndopandakanzwa kutinhira kwebhazi ndikamuka ndokuona ko zvaratosvika nhai. Ndakapinda mukati ndisinga zviratidze kuti pano mari handina, zvemari ndaizozviona mberi kana vaizobvunza nezvayo. Apa mukati ranga rakatozara kare bhazi racho asi chaindinetsa manga mune kadarkness kaive mubhazi umu uye musina kubatidzwa malight zvekuti hana yangu yakatanga kurova zvandisina kunzwisisa...Ndakazongotii hameno pamwe kumira, kwarakaita asi pamwe kana rave kufamba ndipo pavano matungidza malight acho. Takasvika pane imwe nzvimbo rikamira nguva refu asi patakanga tavakusimuka ndakaona mutyairi akanga achinja akangara uku rikutyairwa nemunhu kadzi... Handina kuda kuzviisira mumusoro chandaingoda kusvika uyevnekusabvunzwa mari.. Ndakashamisika ndichinzwa kunzi "tasvika chiburukai..." Ndakafara zvisingaiti asi ndakagurisirwa mufaro nemukadzi mumwe chete vandakaona uyu. Pandakada kumubata kuti nditaure naye ndakavhandaona hapachisina apa ndangosara ndakabata kamuti ndakaita kunge ndarohwa nechadzimira ndikangodonha pasi... Pandakamuka dakashamisika ndichiona ndiri panzvimbo imwe chete yandakanga nda... (PATRICK) Takazobva kunhamo zvedu asi ndakanga ndisinga tendi kuti baba Panashe wakatisiya. Zvisinei ndakazoenda kwandakanga ndavana basa ndichida ndivaziwise kuti ndadzoka asi zvandakasvika ndichiudzwa handizvo zvandaitarisira hama dzangu. Ndakaita kushaya kuziva kuti chiii chiri kupakudai? ndakambo funga kuti pamwe ndiMary arikundipa munyama uyu. Zvisinei ndakatanga kudzokera kumba ndichishaya kuziva kuti ndosvika ndichinotangira pai chaipo..? Ndakavhandasangana nemumwe murume akanditi ndiri kutsvaka munhu anogona kuchengeta huku dzangu uye achidzipa chikafu zuva nezuva... Ndichinzwa izvi ndakanzwa kusununguka mukati memoyo wangu uye nekuti ndawana rimwe basa plus mari yataurwa apa yakawandisa... Akanditi unofanirwa kutotanga izvozvi ndikati hapana chakaipa... Murume uyu anogara kuChitungwiza paside paTown Center zvekuti hatina kutora nguva yakareba takanga tatosvika akandiratidza maiti ndomuno dyira huku dzake nechikafu chikafu. Hanzii izvezvi hadzimo asi iwe unongoisa chikafu chete nekuzotora maplate after1hour dzinenge dzapedza. Zvakare ndinoda munhu anehana pano, nekufamba kwenguva ndichakuratidza zvimwe zvinhu zvaunofanirwa kuziva. Ndakangobvumira woo asi pane kaa that feeling kaingodi taurira kuti nzvimbo iyii inengeisina kumira mushe. Chimwe chakandipa kudaro ndechekuti munhu uyu aigotii ndinoda munhu ane hana sei..?? arikuzama kurewei chaizvo.?Ndaida kubvunza asindakazongotii ndozonzii ndine dzungu pabasa.Ndichangotanga kudai,ndototanga nekumwaya mibvunzo here. Pamusoro pazvo huku dzaari kutaura kuti ndinofanirwa kufeedwa dzandisiri kuona here.? Ndiri kuzvitongesa ndakanzwa kubatwa bendekete rangu izwi richitevera mumashure richinditi "usaitezvemafunnies pano.Ndiri kuona mutarisiro wauri kuita pano,uye ndikuona kuti unemubvunzo kwazvo asi kaa chitimbo dzikamisa hana yako." "Chiuya ndonokuratidza kuno gara chikafu chehuku chacho." Ndakangotevera asi heyii panga pakaoma.Ndakazotaridzwa pachopainzi pane chikafu.Haaaa muchiimba imomo manga mune zvinhu zvaisatombonzwisisikahazvoo. Ndakatanga kuona zvikari zvakaputirwa nejira re red zvimwe nejira dema .Pasi pacho pakanga pasinga tariseke.Paita kunge pane ropa kunge chii,handizive asi zvinhu zvacho zvaive zvered neblack. Ndakazopuhwa chikafu chacho chehuku ndokuona zvaive mukati hazvaitaridzika kuti chikafu chehuku hazvo.Asi kuti chaive chikafu chee... End of chapter 20 Be blessed 🙏