CHAPTER 15 Mary Mweya yevanhu vandakauraya yakanga yavakunditevera,nekundinetsa zuva nezuva... Ndakademba chandai zviitira ini? handiziwe zvichapera rinhi kunetswa kwandiri kuitwa uku nevashakabvu ava... Hongu!ndainakirwa nehupenyu ndichipedza kuuraya vanhu sehuku, nhasi zvavakundidzokera.... Ndakafunga kuda kuzviuraya zvakaramba, uye ndikanzwa voice richinditi.... "Vakuona kukosha kwazvo nhasi? asi pavaitiuraya vaita kunge ukucheka huku? Manje kana ukafunga kuita zvakaita sei kana ukada kuzvipfuudza nenzira dzipiziva kuti hazvibudirire. Tanga vaita kuti isu vashakabvu tizorore uye mweya yedu irikuda kuzorora ukakwanisa kuita izvozvo chete..." Haaa ndadzidza! kana ndikanzii ndavakuona, izvi handichazviita hangu zviri kunditadzisa rugare uye nezororo ukuwo vanhu vandakauraya vari kundinetsa hanzii; mweya wedu unoda kuzorora saka ita kuti chiQueen chako chigadzirise zvinhu zvisati zvaoma... Ndinotanga ndichitii? uye ndakamira saani isu tirikunetsana nenyaya yekuti handichada kurara nenyoka yake ini... Zuva nezuva anondinetsera nyaya iyoyi handiziwe kuti ndichakuda here? uku akatuma vanhu vake apa arimashamwari angu ndikangobvuma kuenda nawo chete ndinonochekereswa. Ndopandakanzwa Patrick achitaura ndakanzwa moyo wangu kusununguka uye nekufara, hongu ndakamutadzira zvangu asina mhosva APA ndanga ndazvipira kudzokera kwaari uye kuti anokwanisa kundibatsirawo here...? Kana akanditi siya zvese zvandaiita ndosiya hangu, nekuti ndatambura hama dzangu ndopandakuona kuti mushonga hapana zvaunobatsira uye unoutora ungonakurwa nekudya mari dzeropa apa iwe usina mwana at the end zvozokudzokera zvikatanga kukutambudza uye vanhu vose vavakauraya vanenge vava kukunetsa sezvandakuitwa izvi,regai zvinzi mubairo wezviwi rufu... Ndakaona shasha dzichiridza tsamwa ndikaziva kuti dzakundwa uye Patrick akanditora akaenda nenindaifara zvisingaiti... Hameno zvakazoitika ndakaona ndavakudonzwa ndakaziva zvakanga zvichiitika uye ndopandakaziva kuti vanaFungai vatanga mabasa avo plus ndavakuzoenda. Ndakazonzwa vakutaura zvekutora Patrick ndakaita kupererwa uye nekuti dai vakasango mutora... Takapedza mazuva matatu tiriko mumwe musi ndakanzwa Patrick achiti ngatibude pano patakasvika pagate ndakamubvunza nezvemar?i akati haana akadzokera kunotarisa ini ndikasara ndichibuda gate nekusaona kwangu ndakasviko rowera papillar raiva kunze kwegate ndikatangakurova rova nestick kutsvaka pekuhwanda kuti ndisaonekwe ndakaona pamwe paita kunge panechiruva ndakazviwisira imomo. Ko, ndaingozivei hangu ndakatanga kunzwa kufambiwa mumiviri wangu ndakatoziva kuti inyoka iya chete yakatanga kuita kundimoneredza zvekuti payakada kuunza musoro vayo kune wangu ndakanzwa kunge munhu apinda mandakanga ndiri iyo ndokurega kwayakaita asi ndaingonzwa nenoise kuti iripo pandakanzwa kuti munhu apinda uyu ndiPatrick chete.. Pasina nguva ndakanzwa nyoka iyi yakuita kuzvongonyoka kuratidza kunge yakanga yabviswa mu.... {Patrick} Ndakamhanyira kuno zvikandira muchiruva muya ndakanga ndisingade kuonekwa neshasha idzi... Ndiri muchiruva ndakanzwa noise kutarisa kudai kuona Mary akatomoneredzwa nenyoka ndakanyatso dzikama zvangu ndichitsvaka something chekuiurayisa nyoka iyi sezvo avo wanga vapinda mukati.. Ndakaona chimwewo chaita kunge chibanga ndikachitora ndokuuya ndikasvikoona yabva pana Mary ndakazviudza kuti ndikuda kuiuraya chete ndakanyatso tsvaka kwayakaisa musoro bcz ndikaibata kumutswe inondiruma saka ndaida kuidzipa poison yoshaya kweku enda... Ndakaona yasimudza musoro ndakaitaimira ndokuregedzera chipanga musoro uchibvisika asizvandakaona ipapo kubuda ropa kunge munhu ndakatanga kubvunda iyo ichingo zvongonyoka panguva iyoyo ndopandakagaya kuti tiripanguva yakaoma ndakabereka Mary ndikatanga kumhanya ndakamubereka... Hama dzangu kana uripanguva yakaoma hauzvitarisi kuti munhu uyu akaita sei uye ane weight yakadii.. Chandaingoda kubva apa Chete.. Ndakanobudira paroad, ndikatanga kuchifamba manje ndaita kunge benzi kufamba ndichicheuka kuti hapana mota dziri kuuya here ndakaona dzichiuya ndotora take cover... Ndavakuda kusvika pane road inoenda kuDz ndakaona mota yerudzi rwesilver yakada kufanana neyana Fungai ichiuya ndakamhanyira kupinda mukabridge kakanga karipo ndikaisa Mary imomo ini ndikateveravo imomo... Ndakabata Mary muromo kuti asakosora apa hana dzichiita kurova chaiko... Ndakanzwa kunge mota iye yamirapatainge tiri ndakarova kamunamato chinyararire uyu Mary kuda kukosora ndakaramba ndakamuvhara zvine simba... Ndakanzwa shasha dzakutaurirana... "Aah!Iwe Fungai vanhu vataona apa vakaberekana vaenda kupi..?" "Handiziwewo sha! pamwe vakanganisa kuona.." "Ndatoona ndizvo shaa asi handichavaone kuti vafamba sei kuda vatoenda, ngatimhanyise mota tinotarisa kuSanganai Inn uye nekugarirako vanopfura neko chete..." Ndakanzwa mota kumutswa, uye kutinhira ndikaziva kuti shasha dzakuenda ndakafamba zvinyore nyore ndikabudisa musoro kutarisa ndikaona haaa kwakuendwa nako handiko kwandikufunga kuendawo neko. Ndakadzoka ndikasimudza munhu wangu ndikabuda naye ndokurova pasi... Pandakanga ndasvika pakucross road ndakagaya kuti ndofamba sei manje kuti nditeedze road ndakananga kutown hazviiti, better kuenda nekuku ndinobudira muroad inoenda Bulawayo zvangu.... Ndakatanga kumhanya neshasha yangu iri kumusana akamboda kunetsa hanzii uri kundirwadzisa ndiburutse ndifambe asi handina kuzviterera izvozvo... Ndakazomuburutsa ndaona kuti pano ndaneta uye ndikakumbira vamwe mai vaigocha chibage... Kuti "Mhamha hamunga tibatsirewo nechikafu here?" Iwo Havana kuramba kuti batsira vakatipa uye nekutinzwira tsitsi uyu airohwa nezuva akapihwa hati ini ndainge ndisina bhutsu mugumbo vakasarudza kubvisa mapushe avo mugumbo vachitibatsira.. Ini ndakatanga ndichiramba asi ndakazobvuma ndikawatenda apa misodzi ichita kuyerera ndokubata kwaMwari uku; Dai Mwari vakangokwanisa kufamba nesu kusvika tisvike kwatiri kuenda.. Ndakaoneka Mhamha ava vakandibvunza kwandaienda ndakangoti "ndikuda kuenda paMachipisa" vakati "hamungasvika netsoka,vanangu! mirai ndikukumbirirei chiLori ichi kuti chikuenda nekupi..." Vakaenda vakataura nemunhu vacho vakadzoka ndokuti "chiendai ndataura navo" ndakavatenda mai ava nerudo rwavo urwu... Takapinda murori muya ndokugara zvedu mota yakazosimuka ndokurova pasi zvayo.... Tatifambei takaoma mota yaitevera kumashure kwedu kuti ndeyana Pretty chete.. Paya kasvika pedyo ndakaona vari iwo chaivo asi iwo vakatitadza nekuti Mary anga apfeka hati yekuti hauone face kuzoti ini wacho manje, ndakanga ndakaisa muromo vangu pane vaMary kuita kunge ndinoda kumupa kiss. Ndakazoona mota yava kuovertake lori redu ndikaona yaenda zvayo.. Ndakafara hongu ndanga ndabuda pachikamu ichi... Patakasvika pakuda kucross njanji ndakaona mota yanaFungai ichita kunge yakuti...... [Fungai] "Vazviona kuti zvatanga takaronga zvaita..." Ndaitaura neshamwari yangu Pretty mushure mekunge tasiya mhuka dzedu dzisingaone kumba uko....Taitoziva kuti hapana kwavanoenda nehupofu hwavo... Takaenda kunotsvaka mushonga wekuti munhu akadya hanonoke kufa zvekuti a second anenge atowa kunyika yake. Izvi taida kuzviitira kuti Mary asa budisa mabasa edu bcz akango mabudisa chete etaizoona moto chete, saka takanga tafunga kumupfuudza nekamukomana kake kaida kuita masimba asina basa... Takadzoka tichinyatsonzwa kuti zvinhu zviya zvava kuzoita asi takanga tisingazive kuti takatorongerwavo nevamwe.. Takasvika kuona Mumba musina kana munhu ndakaita kunge ndirikutadza kuona ndakatenderera ndichitsvaka asi makanga musisina vanhu... Haaa apa ndopatanga taona moto manje...Uyu Pretty akanga aenda kuno tarisa kugate ndakanzwa ava kundidanha... Ndakaenda ndichimhanya ndkasvikoona panze pegate pachiruva pane nyoka ndakaibata kudai, kuona haina musoro apa ichibuda ropa kunge munhu kuratidza kuti zvaitika manje manje izvi ndakaita kunzwa hasha ndakaenda kunotora banga rangu... Ndokuriisa parakakodzera kuti ndiriise ndikati "Pee ngatisatamba nenguva ngatitsvake vanhu ava vasati vaenda kure...." Takapinda mumota ndokufamba slow slow tichitarisa mhuka dzedu dzakanga dzatiza.... Ndakanzwa Pretty achinditi "havazi avo here vakaberekana?" ndakatarisa asi taive kure chazvo pandakavhura speed kuti tikasike kusvika ndakaona vanhu hapachina.... Ndakashaya kuziva kuti pane munhu vavaifamba naye here sezvo vakanga varimapofu ose.... Takaenda kunogarira kumaShops epaSanganai asi hapana chatakaona takabvunza vamwe vakati tavaona vachi cross road uko.. Ndichinzwa izvi ndakaita kunzwa manyemwe ndokurova mota ndakananga ikko ndakasviko ipark nekuburuka ndichisiya ndisina kuvhara madoors ndakabvunza vamwe ndovaiti hatina kuvaona isu,vamwe vachiti vakwira mota yanga ichienda neside iri.... Ndakadzokera mumota ndokurova mota zvemufilm tasvika pakanga pane chimusikoro sikoro chaitotinonotsva zvacho chisinga mhanyi takachipfuura tikaenda.... Patakasvika pakanga pane roadblock takanyepera kuti pane hama dzedu dzatiri kutsvaka saka tokumbirawo mumise mota dzose tichisearch nekutarisa, mapurisa haana kuramba uye nekamari katanga tavapa aka vaizviita chete.... Vakaita basa ravo asi hapana chatakaona takati taneta nekugara ndipo pandakaona zikuLori rekutadza kumhanya richiuya ndakangonzwa kufizuka ndikati musamisa zimota iro hapana zviripo apa raita kundisvota chaiko.... Ndakazonzwa Pee akuti ndiri kuuya ndikuda Ku...... [Mary] Ndakaita kunzwa kupera simba pandakanzwa kuti nyoka ndaiuraya kana simba rekuti ndikwanise kufamba ndakarishayiva ini.... Ndakazoitwa kuberekwa asi zvakanga zvakangooma hazvo, hongu ndaida kubva mumaokoemondi idzi... Patakakwira chimota ndakazonzwa Patrick akunditi "ita kurara pamberi apo hapana kumira zvakanaka vanaFungai ndopavari...." Ndakazonyatso sununguka tabvapo asi moyo wangu vairemerwa nemaungira andaingonzwa.... Haaa ndakanga ndaona moto zvino hanzii usati vazvigona kuuraya nyoka yangu manje watanga zvimwe ndavakudzi tumira dzakawanda ndakuona kwauno svika kwacho..... Zvakandiremera kuti ndiudze Patrick ndaishaya matangiro chaiyo..... Pandakanga ndavakuda Kumuudza ndakanzwa achiti panemota irikuflash malight,asi ndeyana Pretty ndakarohwa nehana ndichinzwa mota kumira ndakazonzwa Patrick akuti....... End of chapter 15 Be blessed 🙏